Kubatsira Vanhu Vemarudzi Ose muNetherlands
Mushumo Wavazivisi voUmambo
Kubatsira Vanhu Vemarudzi Ose muNetherlands
ABRAHAMU aiva murume ane kutenda kukuru kwazvo. “Paakadanwa,” akadaro muapostora Pauro, Abrahamu akateerera inzwi raMwari uye “akabuda, kunyange akanga asingazivi kwaakanga achienda.” Atamisa mhuri yake yose, Abrahamu “akagara somunhu wokune imwe nyika munyika yechipikirwa” kwezana remakore rakanga rasara roupenyu hwake.—VaHebheru 11:8, 9.
Nhasiwo, Zvapupu zvaJehovha zvakabvuma kudiwa kwokutamira kune imwe nyika kuti zvishande kunodiwa vaparidzi zvikuru. Vamwe vakadzidzira mumwe mutauro kuti vapupurire vanhu vanobva kune dzimwe nyika vanenge vatamira munyika yavo. Sezvinoratidzwa nemienzaniso inotevera, pfungwa iyi yakanaka yazarura “musuo muhombe webasa” muNetherlands, umo miriyoni imwe pavagari vayo vanosvika mamiriyoni 15 inobva kune dzimwe nyika.—1 VaKorinde 16:9.
□ Bahram, aichimbova murayiridzi weKung Fu, akabva kunyika yokuMiddle East. Akawana kopi yeBhaibheri nemamwe mabhuku eWatch Tower. Mwedzi usati wapera, Bahram akaziva kuti akanga awana chokwadi. Iye nemudzimai wake vakatanga kuitiswa fundo, asi pakava nechinetso—mudzidzisi wavo weBhaibheri akanga asingatauri mutauro wavo. Vaitaura nomutauro wezviratidzo, vachitaura “nemaoko nemakumbo,” semayeukire avanoita. Nokufamba kwenguva, Bahram nemudzimai wake vakakwanisa kuwana ungano yaitaura rurimi rwavo, uye zvadaro vakafambira mberi nokukurumidza. Bahram zvino Chapupu chakabhabhatidzwa.
□ Vaviri vakaroorana vanotaura chiDutch vakasvika pane mumwe murume anotaura chiIndonesia akanga akamira pamberi pesupamaketi. Akafara uye akashamiswa vaviri vacho pavakataura naye nomutauro wake. Gadziriro dzakabva dzaitwa dzokumushanyira kumba kwake. Vakaziva kuti akanga agara muRussia kwemakore anopfuura 20, munguva iyoyo akava chiremba anoona nezvehosha dzevakadzi. Aiti haaidavira kuvapo kwaMwari, asi akabvuma kuti nguva yose paaibatsira paisunungukwa mwana, hapana zvaaigona kuita asi kungoshamiswa, “Muviri womunhu wakakwana sei! Chishamiso chakadini!” Akabvuma kudzidza Bhaibheri uye nokukurumidza akasvika pakudavira kuti kune Musiki ane hanya nevanhu. (1 Petro 5:6, 7) Zvino ihama yakabhabhatidzwa uye ari kushumira neungano inotaura chiIndonesia iri muAmsterdam.
□ MuRotterdam, chimwe chezviteshi zvikuru zvengarava munyika yose, boka remapiyona razova nyanzvi mukuparidza kumapoka emitauro yakasiyana-siyana anouya pamhenderekedzo yegungwa zuva roga roga. Somugumisiro webasa iri reboka revaparidzi vanoshingaira, varume vakawanda vanoshanda muzvikepe, kubatanidza mutungamiriri wechikepe, mukuru mukuru anoona nezvekufamba kwezvikepe, neaichimbova murindiri, vakagamuchira chokwadi. Zvino ivo vanobatsirawo kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika yose.—Mateu 24:14.
Kungofanana nomune dzimwe nyika munyika yose, Zvapupu zvaJehovha zviri muNetherlands zvakatsunga kuita basa razvo rokuzivisa mashoko akanaka asingaperi kumarudzi ose, madzinza, ndimi dzose, nevanhu vose.—Zvakazarurwa 14:6.