Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubudirira Nokutsungirira

Kubudirira Nokutsungirira

Kubudirira Nokutsungirira

KUTSUNGIRIRA kwazova chinhu chinokosha chisingawanzowaniki munguva dzino. Vanhu vakawanda vanofunga kuti kubudirira kunotsamira pakuva panzvimbo yakakodzera panguva yakakodzera pane kukonzerwa nokutsungirira. Ndiani angavapa mhosva? Zvinobudisa nhau zvakazara nemashoko okushambadzira anopa pfungwa yokuti chinhu chose chaunoda unogona kuchiwana nenhamburiko shomanana uye nemari yakati. Mapepanhau anoramba achibudisa nyaya dzakawanda dzevanhu vanongoerekana vabudirira uye vanamuzvinabhizimisi vechiduku vanoita mamiriyoni emari nokukurumidza vachangopedza chikoro.

Leonard Pitts munyori wepepanhau anochema-chema achiti: “Munzanga inosimbisa uzivi, zvinoita sezviri nyore kwazvo. . . . Zvinoita sokunge kuti munhu wose anogona kuzviita kana akangonzwisisa nzira yacho chete, ane mano acho, kana kuti abatsirwa naMwari.”

Kutsungirira Chii?

Kutsungirira kunoreva ‘kubatisisa uye kuramba uchiita chinangwa chakati, chinhu, kana kuti zvirongwa zvako pasinei nezvinetso kana zvibingamupinyi.’ Kunoreva kupfuurira noushingi pakunangana nedambudziko, kuva anoshivirira, kwete kurega. Bhaibheri rinoratidza kukosha kwako. Somuenzaniso, Shoko raMwari rinotipa zano rokuti: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo,” “rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa,” “rambai muchinyengetera,” uye “batisisai zvinhu zvakanaka kwazvo.”—Mateu 6:33; Ruka 11:9; VaRoma 12:12; 1 VaTesaronika 5:21.

Chinhu chinokosha pakutsungirira kubata nezvibingamupinyi zvisingadzivisiki. Zvirevo 24:16 inoti: “Munhu wakarurama ungawa kanomwe, achisimukazve.” Pane kuti ‘arege’ paanosangana nedambudziko kana kuti chinokundikanisa, munhu anotsungirira ‘anosimuka,’ ‘anopfuurira,’ oedzazve.

Zvisinei, vakawanda havana kugadzirira zvinetso nokukundikana zvavangasangana nazvo. Zvavasina kukudziridza simba rokutsungirira, vanorega nyore nyore. “Vanhu vakawanda kwazvo vanoita zvinokuvadza pavanokundikana,” anodaro munyori Morley Callaghan. “Vanozvinzwira tsitsi, vanopa mhosva munhu wose, vanotsamwa . . . vorega.”

Zvinosuruvarisa. “Tinokanganwa,” anodaro Pitts, “kuti pane chikonzero chokumbotambudzika, pane zvakanaka zvinowanwa mukutambudzika.” Zvakanaka zvacho zvii? Anogumisa kuti: “[Munhu] anodzidza kuti kukundikana hakuurayi, kana kuti hakusi kukundwa nokusingaperi. Munhu anowana nzwisiso. Munhu anova akagadzirira.” Bhaibheri rinozvitaura zviri nyore richiti: “Kubata kwose kune batsiro.”—Zvirevo 14:23.

Zvechokwadi, kurongazve pashure pechibingamupinyi hakusi nyore nguva dzose. Dzimwe nguva tinotarisana nezvinetso zvingaita sezvinoda kuvhiringidza nhamburiko dzedu dzose dzokuti tizvikunde. Pane kuti zvatinoda zvive pedyo, zvingaita sezvinongoramba zvichidzokera shure kusvikira zvatsakatika. Tinganzwa takundwa, tisingachagoni, uye tapera simba, kunyange kuora mwoyo. (Zvirevo 24:10) Asi, Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Tisarega kuita zvakanaka kwazvo, nokuti mumwaka wakafanira tichakohwa kana tisinganeti.”VaGaratiya 6:9.

Chii Chingatibatsira Kutsungirira?

Nhano yokutanga yokutsungirira pane zvinenge zvasarudzwa ndeyokusarudza zvinhu zvakakodzera uye zvinogoneka. Zviri pachena kuti muapostora Pauro ainzwisisa izvozvi. Akati kuvaKorinde: “Mamhanyire andiri kuita haasi asina chokwadi; makandire andiri kuita zvibhakera ndookuti ndisarove mhepo.” Pauro aiziva kuti dai aida kuti nhamburiko dzake dzibudirire, aizoda zvinhu zvakajeka, somumhanyi anoita kuti pfungwa dzake dzirambe dzakatarira kumagumo chaiko kwenhangemutange. “Hamuzivi here kuti vamhanyi munhangemutange vanomhanya vose, asi mumwe bedzi anogamuchira mubayiro? Mhanyai nenzira yokuti muuwane,” akavakurudzira kudaro. (1 VaKorinde 9:24, 26) Tingazviita sei?

“Wakangwara unongwarira mafambiro ake,” inodaro Zvirevo 14:15. Kuchenjera kuongororazve nzira dzatinoshandisa muupenyu nguva nenguva, tichizvibvunza kuti tiri kuenda kupi uye kana kugadzirisa kuchidiwa. Zvinokosha kuti tijekerwe mupfungwa nechatinenge tichida kuita chacho uye kuti nei. Hatizoregi kana tikaramba tichiona zvakasimba kwatiri kuenda chaiko mupfungwa dzedu. “Meso ako ngaarurame pakutarira,” chinokurudzira kudaro chirevo chakafuridzirwa, kuitira kuti “nzira dzako dzose [dzigo]simba.”—Zvirevo 4:25, 26.

Waziva zvaunoda, nhano inotevera ndeyokuongorora kuti ungazviita sei. Jesu akati: “Ndiani wenyu anoti kana achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi overenga zvinodiwa, kuti aone kana ane zvakakwana zvokuipedza nayo?” (Ruka 14:28) Maererano nenheyo iyi, imwe nyanzvi yepfungwa yakati: “Chimwe chinhu chandakacherechedza nezvevanhu vanobudirira ndechokuti vanonyatsonzwisisa ukama hwemagumisiro nechinopedzwa chacho muupenyu hwavo. Vanhu vanobudirira vanonzwisisa kuti kana vachida chimwe chinhu, vanofanira kuita zvinhu zvose zvinodiwa kuti vachiwane.” Kunyatsonzwisisa nhano dzose dzinodiwa dzatinofanira kutora kuita zvatinoda zvichatibatsira kuramba takatarira mberi. Zvichavawo nyore kwatiri kurongazve kana tasangana nechibingamupinyi. Kuongorora kwakadaro kwakanga kuchikosha kuti Orville naWilbur Wright vabudirire.

Naizvozvo, zvibingamupinyi pazvinovapo, ita zvose zvaunogona kuzviona nemaonero akanaka uye sezvinokudzidzisa. Ongorora mamiriro acho ezvinhu, nzwisisa pawakakanganisa, uye gadzirisa kukanganisa kwacho kana kuti gadzirisa paunoperevedza. Zvinobatsira kutaura nevamwe, “Mano anobva pakurangana.” (Zvirevo 20:18) Sezvingatarisirwa, nhamburiko dzose dzaunoita, dzinokuwedzera unyanzvi, uye pakupedzisira hunokubatsira kubudirira.

Chinhu chechitatu chinokosha pakutsungirira kusachinja. Muapostora Pauro anotikurudzira kuti: “kusvikira patasvika, ngatirambei tichifamba zvakanaka nomuitiro iwoyu.” (VaFiripi 3:16) Semataurirwe azvakaitwa nomumwe mudzidzisi kuti, “kuva nemwero nokusachinja kwenguva yakati kunobudisa migumisiro yakanaka.” Izvi zvinonyatsoenzaniswa neimwe nyaya yengano yaAesop inotaura nezvekamba netsuro. Kamba yakakunda nhangemutange yacho, kunyange zvazvo yakanga ichinonoka pane tsuro. Nei? Nemhaka yokuti kamba yaifamba zvakadzikama, isingachinji. Haina kurega asi yakasarudza mafambire ayaigona kuramba ichiita, uye yakaramba ichidaro kusvikira kumugumo. Sezvo munhu akarongeka, akadzikama achifambira mberi asingachinji, anoramba achida kuita saka haawanzoregi kana kuti kubudiswa munhangemutange yacho. Hungu, ‘mhanya nenzira yokuti’ uchasvika pane zvaunoda.

Kusarudza Zvaunoda Zvakakodzera

Zvechokwadi, kuti kutsungirira kuve kunokosha munzira chero ipi zvayo, tinofanira kuva nezvatinoda zvakakodzera. Vanhu vakawanda vanozvipira chaizvo kuzvinhu zvisingaunzi mufaro. Asi Bhaibheri rinojekesa kuti: “Iye anotarisisa mutemo wakakwana worusununguko uye anorambira mauri . . . achafara pakuuita kwake.” (Jakobho 1:25) Hungu, kudzidza kuti unzwisise mutemo waMwari uri muBhaibheri chinhu chakanaka kwazvo. Nei? Zvinokosha nokuti mutemo waMwari wakavakirwa panheyo dzake dzakakwana, dzakarurama. Somusiki, anoziva zvinonakira zvisikwa zvake. Saka kana tikapfuurira kudzidza mirayiridzo yaMwari ndokuishandisa muupenyu hwedu, kupfuurira kwadaro kuchatiunzira mufaro zvechokwadi. “Vimba naJehovha nemwoyo wako wose . . . Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose,” inovimbisa kudaro Zvirevo 3:5, 6.

Uyezve, kupinza zivo yaMwari neyaJesu “zvinoreva upenyu husingaperi,” anodaro Jesu. (Johani 17:3) Uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” egadziriro ino yezvinhu. (2 Timoti 3:1-5; Mateu 24:3-13) Nokukurumidza Umambo hwaMwari, hurumende yake yakarurama, huchaunza kutonga kwayo pavagari vepasi. (Dhanieri 2:44; Mateu 6:10) Hurumende iyi ichaunza nguva yorugare, kubudirira, uye kugarika, noutano hwakanaka kuvanhu vose vanoteerera. (Mapisarema 37:10, 11; Zvakazarurwa 21:4) “Mwari haasaruri,” panodaro pana Mabasa 10:34. Hungu, munhu wose anokokwa kuti awanewo zvakanaka izvi!

Bhaibheri ibhuku rekare rakazara neuchenjeri uye rine chinangwa. Kurinzwisisa, kunotora nguva nenhamburiko. Asi nokubatsira kwaMwari—tikapfuurira kutsvaka zivo yarinaro—richava bhuku risina kuoma. (Zvirevo 2:4, 5, Jakobho 1:5) Zvinobvumwa kuti, kushandisa zvatinodzidza kunganetsa. Tingada kugadzirisa mafungiro kana kuti zviito zvedu. Shamwari dzakanaka kana kuti nhengo dzemhuri yedu vangashora kudzidza kwedu Bhaibheri. Saka kupfuurira kunokosha. Muapostora Pauro anotiyeuchidza kuti Mwari achapa upenyu husingaperi kune vaya vanoratidza “kutsungirira mubasa rakanaka.” (VaRoma 2:7) Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kuti uwane vavariro yako.

Iva nechokwadi chokuti uchabudirira kana ukatsungirira kudzidza zvaMwari nokuda kwake uye kana uchipfuurira kushandisa zvaunodzidza.—Pisarema 1:1-3.

[Mufananidzo uri papeji 6]

Uchabudirira kana ukatsungirira kudzidza zvaMwari nokuda kwake

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]

Culver Pictures