Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kufara Muna Mwari Woruponeso Rwedu

Kufara Muna Mwari Woruponeso Rwedu

Kufara Muna Mwari Woruponeso Rwedu

“Ndichafara kwazvo muna Jehovha, ndichava nomufaro muna Mwari woruponeso rwangu.”—HABHAKUKI 3:18.

1. Dhanieri akaratidzwa nezvechii Bhabhironi risati rakundwa muna 539 B.C.E.?

ANOPFUURA makore gumi Bhabhironi risati rakundwa muna 539 B.C.E., muprofita Dhanieri mukweguru akaratidzwa zvinhu zvinofadza. Zvakafanotaura zviitiko zvenyika zvinotungamirira zvakananga kuhondo yokupedzisira pakati pevavengi vaJehovha naMambo wake akagadzwa, Jesu Kristu. Dhanieri akaita sei? Akati: “Ndakapera simba . . . ndikashamiswa nezvandakaratidzwa.”—Dhanieri 8:27.

2. Ihondo ipi yakaonekwa naDhanieri mune zvaakaratidzwa, uye unonzwa sei nezvokuva pedyo kwayo?

2 Zvakadini nesu? Nguva yatiri kurarama yafamba zvikuru kubva panguva iyeyo! Tinoita sei patinoziva kuti hondo yakaonekwa naDhanieri mune zvaakaratidzwa—hondo yaMwari yeAmagedhoni—yava pedyo zvikuru? Tinoita sei patinonzwisisa kuti uipi hwakafumurwa muuprofita hwaHabhakuki hwakapararira kwazvo zvokuti kuparadzwa kwevavengi vaMwari hakudzivisiki? Zvimwe manzwire atinoita akafanana neaHabhakuki pachake, sezvakatsanangurwa muchitsauko chechitatu chebhuku rake rouprofita.

Habhakuki Anonyengeterera Ngoni dzaMwari

3. Habhakuki akanyengeterera ani, uye mashoko ake angatitapura sei?

3 Habhakuki chitsauko 3 munyengetero. Maererano nendima 1, wakaratidzwa munziyo dzamariro, nziyo dzenhamo kana kuti dzokuchema. Munyengetero womuprofita wacho unopiwa sokunge waiva wake pachake. Zvisinei, chaizvoizvo, Habhakuki ari kutaura nokuda kworudzi rwakasarudzwa rwaMwari. Nhasi, munyengetero wake unoreva zvakawanda nokuda kwevanhu vaMwari, vari kuita basa rokuparidza Umambo. Patinorava Habhakuki chitsauko 3 tichifunga izvi, mashoko acho haangotizadzi nokutya asiwo nomufaro. Munyengetero waHabhakuki, kana kuti rwiyo rwemariro, unotipa chikonzero chakasimba chokufara muna Jehovha, Mwari woruponeso rwedu.

4. Nei Habhakuki akatya, uye Mwari anoshandisa simba ripi ratingava nechokwadi naro?

4 Sezvatakacherechedza munyaya mbiri dzatangira ino, mamiriro ezvinhu akanga akaipa zvikuru munyika yeJudha muzuva raHabhakuki. Asi Mwari akanga asingabvumiri mamiriro ezvinhu aya kupfuurira. Jehovha aizoita chiito, sezvaakaita munguva yakapfuura. Hazvishamisi kuti muprofita wacho akadanidzira kuti: “Haiwa, Jehovha, ndakanzwa mashoko enyu, ndikatya; haiwa, Jehovha, . . . [nezve]basa renyu”! Akarevei? ‘Mashoko pamusoro paJehovha’ akanga ari nhau yakanyorwa yemabasa makuru aMwari, akadai seepaGungwa Dzvuku, murenje, uye kuJeriko. Mabasa aya ainyatsozivikanwa naHabhakuki, uye akamuita kuti atye nokuti aiziva kuti Jehovha aizoshandisazve simba rake guru pavavengi vake. Patinoona uipi hwavanhu nhasi, tinozivawo kuti Jehovha achaita sezvaakaita munguva yekare. Izvi zvinotiita kuti titye here? Chokwadi! Kunyange zvakadaro, tinonyengetera sezvakaita Habhakuki kuti: “Mutsai . . . pakati pamakore; rizivisei pakati pamakore; pakutsamwa kwenyu rangarirai nyasha.” (Habhakuki 3:2) Munguva yaMwari yakafanira, “pakati pamakore,” ngaaratidze simba rake rinoshamisa. Uye panguva iyoyo, ngaarangarire kuva nengoni navaya vanomuda!

Jehovha Anofamba!

5. ‘Mwari akauya sei achibva Temani,’ uye izvi zvinoratidzei maererano neAmagedhoni?

5 Chii chichaitika Jehovha paanonzwa munyengetero wedu wengoni? Tinowana mhinduro yacho pana Habhakuki 3:3, 4. Kutanga, muprofita wacho anoti: “Mwari anouya achibva Temani, naiye Mutsvene achibva pagomo reParani.” Kare muzuva romuprofita Mosesi, Temani neParani zvaiva panzira yaIsraeri paakafamba murenje akananga kuKanani. Sezvo rudzi rukuru rwaIsraeri rwakapfuurira nerwendo rwarwo, Jehovha pachake akaratidzika kuva aifamba, uye hapana chaigona kumumisa. Nguva duku Mosesi asati afa, akati: “Jehovha akabva Sinai, akavabudira achibva Seiri; akapenya ari pagomo reParani, akauya achibva pazviuru zvine gumi zvavatsvene [zvengirozi].” (Dheuteronomio 33:2) Jehovha paachavinga vavengi vake paAmagedhoni, pachava nokuratidzwa kwakafanana kwesimba rake risingadzivisiki.

6. Kuwedzera kumbiri yaMwari, vaKristu vanonzwisisa vanoonei?

6 Habhakuki anotiwo: “Umambo hwake [Jehovha] hunofukidza denga rose, nyika izere nokurumbidzwa kwake. Kupenya kuripo kwakafanana nechiedza.” Chiitiko chakaisvonaka zvakadini! Chokwadi, vanhu havagoni kutarira Jehovha Mwari ndokurarama. (Eksodho 33:20) Zvisinei, nokuda kwevashumiri vaMwari vakatendeka, maziso emwoyo yavo anopenyerwa pavanofungisisa runako rwake. (VaEfeso 1:18) Uye vaKristu vanonzwisisa vanoona kuti chimwe chinhu chiri kuwedzera pambiri yaJehovha. Habhakuki 3:4 inogumisa ichiti: “Hwerazuva unobuda paruoko rwake, simba rake rinovandapo.” Hungu, tinoona kuti Jehovha akagadzirira kuita chiito, achishandisa ruoko rwake rworudyi rwemano nesimba.

7. Kufamba kwokukunda kwaMwari kunorevei nokuda kwevaya vanomupandukira?

7 Kufamba kwokukunda kwaMwari kunoreva nhamo nokuda kwevaya vanomupandukira. Habhakuki 3:5 inoti: “Hosha yakaipa inomutungamirira, mazimbe omoto anobuda patsoka dzake.” VaIsraeri pavakanga vodokusvika kumiganhu yeNyika Yakapikirwa muna 1473 B.C.E., vakawanda vavo vakapanduka, vachiita unzenza nokunamata zvidhori. Somugumisiro, vanopfuura 20 000 vakafa nehosha yakatumwa naMwari. (Numeri 25:1-9) Munguva pfupi iri kutevera, Jehovha paanofamba achienda “kuhondo yezuva guru raMwari Wemasimba Ose,” vaya vanomupandukira vachatambura saizvozvowo nokuda kwezvivi zvavo. Vamwe vangatofa nehosha chaiyo.—Zvakazarurwa 16:14, 16.

8. Maererano naHabhakuki 3:6, chii chakachengeterwa vavengi vaMwari?

8 Zvino inzwa kutsanangurwa kwakajeka kwaJehovha wehondo achiita chiito kunoitwa nomuprofita. Pana Habhakuki 3:6, tinorava kuti: “Anomira [Jehovha Mwari] achiyera nyika; anotarira, ndokuparadza marudzi avanhu; makomo asingaperi anopararira; zvikomo zvisingaperi zvinokotama; nzira dzake ndedzekare-kare.” Kutanga, Jehovha ‘anoramba akamira,’ somutungamiriri wemauto ari kuongorora nhandare yehondo. Vavengi vake vanobvunda nokutya. Vanoona kuti wavanorwisana naye ndiani uye vanoshamiswa, vachisvetuka nokutya. Jesu akafanotaura nezvenguva apo “madzinza ose apasi achazvirova achichema.” (Mateu 24:30) Anyanyononoka achaziva kuti hapana anogona kumirisana naJehovha. Masangano evanhu—kunyange aya anoratidzika kuva echigarire se“makomo asingaperi” uye “zvikomo zvisingaperi”—achakoromoka. Ipapo zvichava se‘nzira dzaMwari dzekare-kare,’ sezvaakaita munguva dzekare.

9, 10. Habhakuki 3:7-11 inotiyeuchidza nezvechii?

9 ‘Hasha dzaJehovha dzapisa’ pamusoro pevavengi vake. Asi zvombo zvipi zvaachashandisa muhondo yake huru? Teerera sezvo muprofita wacho anozvitsanangura, achiti: “Uta hwenyu hwakafukurwa kwazvo; shamhu dzakapikirwa neshoko renyu. Makaparura nyika nenzizi. Makomo akakuonai akatya, kudira kwemvura kwakapfuura; pakadzika pakabudisa inzwi rapo, pakasimudzira maoko apo kumusoro. Zuva nomwedzi zvakamira paugaro hwazvo, zvichiona chiedza chemiseve yenyu ichipfuura, zvichiona kupenya kwepfumo renyu rinobwinya.”—Habhakuki 3:7-11.

10 Mumazuva aJoshua, Jehovha akaita kuti zuva nomwedzi zvimire mukuratidza simba kunoshamisa. (Joshua 10:12-14) Uprofita hwaHabhakuki hunotiyeuchidza kuti iri simba rakafanana richashandiswa naJehovha paAmagedhoni. Muna 1513 B.C.E., Jehovha akaratidza ukuru hwake pamusoro pepakadzika pemvura paakashandisa Gungwa Dzvuku kuparadza hondo yaFarao. Makore makumi mana gare gare, rwizi rweJodhani rwakazara haruna kukanganisa kufamba kwokunokunda kwaIsraeri muNyika Yakapikirwa. (Joshua 3:15-17) Mumazuva omuprofitakadzi Dhebhora, dzvotsvotsvo remvura rakayeredza ngoro dzomuvengi waIsraeri Sisera. (Vatongi 5:21) Simba rakafanana ramafashamo, dzvotsvotsvo remvura, uye pakadzika pemvura zvinogona kushandiswa naJehovha paAmagedhoni. Kutinhira nemheni zviriwo mumaoko ake, sepfumo kana kuti goba rizere nemiseve.

11. Chii chichaitika Jehovha paanosunungura simba rake guru?

11 Chokwadi, zvichatyisa Jehovha paachasunungura simba rake guru. Mashoko aHabhakuki anoti usiku huchachinja kuva masikati uye masikati achajeka kupfuura zvaangamboitiswa nezuva. Kunyange kutsanangura uku kwouprofita kwakafuridzirwa kweAmagedhoni kuri chaiko kana kuti kwokufananidzira, chinhu chimwe ndechechokwadi—Jehovha achakurira, asingabvumiri muvengi chero upi kupukunyuka.

Ruponeso Ndorwechokwadi Nokuda Kwevanhu vaMwari!

12. Mwari achaitirei vavengi vake, asi ndiani achaponeswa?

12 Muprofita wacho anopfuurira kutsanangura mabasa aJehovha mukuparadza vavengi Vake. Pana Habhakuki 3:12, tinorava kuti: “Makatsika nyika makatsamwa, makapura ndudzi mune hasha.” Zvisinei, Jehovha haazoparadzi zvachero. Vamwe vanhu vachaponeswa. “Makabuda kuzoponesa vanhu venyu, kuzoponesa muzodziwa wenyu,” inodaro Habhakuki 3:13. Hungu, Jehovha achaponesa vashumiri vake vakatendeka vakazodzwa. Kuparadzwa kweBhabhironi Guru, umambo hwenyika hwezvitendero zvenhema, kunenge kwapera. Zvisinei, nhasi marudzi ari kuedza kuparadza kunamata kwakachena. Nokukurumidza, vashumiri vaJehovha vacharwiswa nemasimba aGogi weMagogi. (Ezekieri 38:1–39:13; Zvakazarurwa 17:1-5, 16-18) Kurwisa ikoko kwaSatani kuchabudirira here? Kwete! Ipapo Jehovha nehasha achapura vavengi vake, achavatsika-tsika pasi petsoka sezviyo zviri paburiro. Asi achaponesa vaya vanomunamata nomudzimu nechokwadi.—Johani 4:24.

13. Habhakuki 3:13 ichazadzika sei?

13 Kunyatsoparadzwa kwevakaipa kunofanotaurwa mumashoko aya okuti: “[Imi Jehovha] makakuvadza musoro weimba yowakaipa, muchifukura nheyo kusvikira kumutsipa wayo.” (Habhakuki 3:13) “Imba” iyi igadziriro yakaipa yakatangwa nokupesvedzera kwaSatani Dhiyabhorosi. Ichaparadzwa. “Musoro,” kana kuti vatungamiriri vasingadi Mwari, vachaparadzwa. Zvose zvichakoromorwa, kusvika panheyo yazvo. Hazvichazovipozve. Kuchava kusunungurwa kunoshamisa zvakadini!

14-16. Maererano naHabhakuki 3:14, 15, chii chichaitika kuvanhu vaJehovha uye kuvavengi vavo?

14 PaAmagedhoni, vaya vari kuedza kuparadza “muzodziwa” waJehovha vachanyonganiswa. Maererano naHabhakuki 3:14, 15, muprofita wacho anotaura kuna Mwari, achiti: “Makabvoora misoro yavarwi vake namapfumo ake; vakauya sechamupupuri kundiparadza; kufara kwavo kwakaita sekwavanopedza varombo pakavanda. Makatsika gungwa namabhiza enyu, iwo murwi wemvura zhinji.”

15 Habhakuki paanoti “varwi . . . vakauya sechamupupuri kundiparadza,” muprofita wacho anotaura achimirira vashumiri vaJehovha vakazodzwa. Samatsotsi akavandira, marudzi achasvetukira vanamati vaJehovha kuti avaparadze. Ava vavengi vaMwari nevevanhu vake vacha“fara,” vane chivimbo chokubudirira. VaKristu vakatendeka vachaita sevasina simba, se“varombo.” Asi mauto anovenga Mwari paanotanga kurwisa, Jehovha achavaita kuti varwisane nezvombo zvavo pachavo. Vachashandisa zvombo zvavo, kana kuti “mapfumo,” pavarwi vavo pachavo.

16 Asi kune zvakawanda zvava pedyo. Jehovha achashandisa masimba anopfuura evanhu kupedzisa kuparadza vavengi vake. Nema“bhiza” emauto ake okudenga achidzorwa naJesu Kristu, achapfuura achikunda nomu“gungwa” uye “murwi wemvura zhinji,” ndiko kuti, gurumwandira revanhu vari vavengi. (Zvakazarurwa 19:11-21) Zvadaro vakaipa vachabviswa panyika. Kuratidzirwa kwesimba nokururamisira kwaMwari kwakadini!

Zuva raJehovha Riri Kuuya!

17. (a) Nei tingava nechivimbo chokuzadzika kwemashoko aHabhakuki? (b) Tingava sei saHabhakuki zvatinomirira zuva guru raJehovha?

17 Tinogona kuva nechokwadi chokuti mashoko aHabhakuki achakurumidza kuzadzika. Haangaiti nguva huru. Unoita sei nokufanoziva uku? Yeuka kuti Habhakuki ainyora achifuridzirwa naMwari. Jehovha achaita chiito, uye pachava nemhirizhonga pasi pano izvozvo pazvinoitika. Hazvishamisi kuti muprofita wacho akanyora kuti: “Ndakanzwa, muviri wangu ukadedera, miromo yangu yakadedera ndichinzwa inzwi; kuora kwakapinda mumapfupa angu, ndikadedera pandakanga ndiri, nokuti ndinofanira kumirira zuva renjodzi ndinyerere, kana iye, unozorwa navanhu, achivawira.” (Habhakuki 3:16) Habhakuki akadedera zvikuru—uye zvinonzwisisika. Asi kutenda kwake kwakazununguswa here? Zvechokwadi kwete! Aida kumirira akanyarara zuva guru raJehovha. (2 Petro 3:11, 12) Handizvo zvatingadawo here? Zvechokwadi ndizvo! Tinotenda zvakazara kuti uprofita hwaHabhakuki huchazadzika. Zvisinei, kusvikira zvaitika, tichamirira nokushivirira.

18. Kunyange zvazvo Habhakuki aitarisira nhamo, aiona zvinhu sei?

18 Hondo inogarounza nhamo, kunyange kuvanozova vakundi. Zvokudya zvingaita zvishoma. Zvinhu zvingaparadzwa. Nzira yokurarama nayo ingaderera. Kana izvi zvikaitika kwatiri, tichaita sei? Habhakuki aiona zvinhu nenzira yakanaka, nokuti akati: “Nokuti kunyange muonde ukasatunga maruva, nemizambiringa ikashayiwa zvibereko, kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona, neminda ikasabereka zvokudya; kunyange makwai akapera muchirugu, nemombe dzikashayikwa mumatanga, kunyange zvakadaro ndichafara kwazvo muna Jehovha, ndichava nomufaro muna Mwari woruponeso rwangu.” (Habhakuki 3:17, 18) Chaizvoizvo Habhakuki aitarisira nhamo, zvichida nzara. Zvisinei, haana kumboshayiwa mufaro wake muna Jehovha, kwaibva ruponeso rwake.

19. Inhamoi dziripo pavaKristu vakawanda, asi tingava nechokwadi chei kana tikaisa Jehovha pakutanga muupenyu hwedu?

19 Nhasi, kunyange hondo yaJehovha isati yatanga pane vakaipa, vakawanda vanotambura kurwadziwa kwakanyanya. Jesu akafanotaura kuti hondo, nzara, kudengenyeka kwapasi, uye nhenda zvaizova zvimwe zve‘zviratidzo zvokuvapo kwake’ musimba roumambo. (Mateu 24:3-14; Ruka 21:10, 11) Vakawanda vevatinonamata navo vanogara munyika dzinotambudzwa zvakanyanya nokuzadzika kwemashoko aJesu, uye vanotambura nhamo huru somugumisiro. Vamwe vaKristu vangatapurwa zvakafanana munguva yemberi. Nokuda kwevakawanda vedu, zvinogona kuitika kuti ‘muonde ungasatunga maruva’ mugumo usati wasvika. Zvisinei, tinoziva kuti nei zvinhu izvi zviri kuitika uye izvozvo zvinotipa simba. Kupfuura izvozvo, tiri kutsigirwa. Jesu akavimbisa kuti: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateu 6:33) Izvozvo hazvivimbisi upenyu husina zvinetso, asi zvinovimbisa kuti kana tikaisa Jehovha pakutanga muupenyu hwedu, achatitarisira.—Pisarema 37:25.

20. Pasinei zvapo nenhamo yenguva pfupi, tinofanira kuva takatsunga kuitei?

20 Pasinei nenhamo ipi neipi yenguva pfupi yatinofanira kutarisana nayo, hatizorasikirwi nokutenda musimba rinoponesa raJehovha. Dzakawanda dzehama nehanzvadzi dzedu muAfrica, Eastern Europe, uye dzimwe nzvimbo dzinofanira kutarisana nenhamo yakanyanya, asi dzinoramba ‘dzichifara muna Jehovha.’ Saidzo, ngatisamborege kuita izvozvo. Yeuka kuti Changamire Ishe Jehovha Ndiye “simba” redu. (Habhakuki 3:19) Haazombokundikani. Amagedhoni ichauya zvechokwadi, uye nyika itsva yaMwari yakapikirwa ichatevera zvechokwadi. (2 Petro 3:13) Zvadaro “nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, mvura sezvainofukidza pasi pegungwa.” (Habhakuki 2:14) Kusvikira panguva iyoyo inoshamisa, ngatitevedzerei muenzaniso wakanaka waHabhakuki. Nguva dzose ngati‘farei muna Jehovha uye ngative nomufaro muna Mwari woruponeso rwedu.’

Unoyeuka Here?

• Munyengetero waHabhakuki ungatitapura sei?

• Nei Jehovha achifamba?

• Uprofita hwaHabhakuki hunotii nezvoruponeso?

• Tinofanira kumirira zuva guru raJehovha tine pfungwa dzakadii?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Unoziva here simba richashandiswa naMwari pavakaipa paAmagedhoni?