Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakaipa Vachavapo Kusvika Rini?

Vakaipa Vachavapo Kusvika Rini?

Vakaipa Vachavapo Kusvika Rini?

“[Nei] muchinyarara [Jehovha] kana wakashata achimedza wakamupfuura nokururama?”—HABHAKUKI 1:13.

1. Pasi richanyatsozadzwa rini nezivo yokubwinya kwaJehovha?

MWARI achazomboparadza vakaipa here? Kana zvakadaro, tinofanira kumirira kusvika rini? Mibvunzo yakadaro inobvunzwa nevanhu pasi pose. Tingawana kupi mhinduro dzacho? Tinogona kudziwana mumashoko ouprofita akafuridzirwa naMwari pamusoro penguva yake yakagadzwa. Anotivimbisa kuti Jehovha achakurumidza kutonga vakaipa vose. Ipapo bedzi ndipo apo pasi richava chose chose ra“zadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, mvura sezvainofukidza pasi pegungwa.” Ndicho chipikirwa chouprofita chiri muShoko raMwari Dzvene pana Habhakuki 2:14.

2. Bhuku raHabhakuki rine kutonga kupi kutatu kwaMwari kwokuuraya?

2 Bhuku raHabhakuki rakanyorwa munenge muna 628 B.C.E., rine kutonga kutatu kunotevedzana kwaJehovha Mwari kwokuuraya. Kutonga kuviri kwakatoitwa. Kwokutanga kwaiva kutonga kwaJehovha pamusoro porudzi rwakatsauka rweJudha yekare. Zvakadini nekwechipiri? Kwaiva kutonga kwaMwari paBhabhironi raidzvinyirira. Ipapo, zvechokwadi tine chikonzero chiri chose chokuvimba kuti kutonga kwechitatu kwaMwari kuchaitwa. Chokwadi, tinogona kutarisira kuzadzika kwakwo nokukurumidza. Mwari achaparadza vanhu vose vakaipa, nokuda kwevakarurama mumazuva ano okupedzisira. Wokupedzisira wavo achafa mu“hondo yezuva guru raMwari Wemasimba Ose” iri kusvika nokukurumidza.—Zvakazarurwa 16:14, 16.

3. Chii chaizvoizvo chichawira vakaipa munguva yedu?

3 Hondo yezuva guru raMwari iri kuramba ichiswedera pedyo. Uye kutonga kwaMwari vanhu vakaipa munguva yedu kunongova kwechokwadi sokuzadzika kwokutonga kwaJehovha Judha neBhabhironi. Zvisinei, iye zvino huregerei kufungidzira kuti tiri muJudha muzuva raHabhakuki? Chii chiri kuitika munyika iyoyo?

Nyika Isina Kugadzikana

4. Habhakuki anonzwa nhau dzinotyisa dzokutii?

4 Fungidzira muprofita waJehovha Habhakuki akagara padenga rakati sandara reimba yake, achifefeterwa nemhepo inotonhorera yemanheru. Padivi pake pane chiridzwa. (Habhakuki 1:1; 3:19, NW mashoko emuzasi) Asi Habhakuki anonzwa nhau dzinotyisa. Jehoiakimi Mambo weJudha auraya Uria uye aita kuti chitunha chomuprofita iyeye chikandirwe mumakuva evanhuwo zvavo. (Jeremia 26:23) Chokwadi, Uria haana kuramba achivimba naJehovha, akatya ndokutizira kuIjipiti. Asi Habhakuki anoziva kuti chisimba chaJehoiakimi chakanga chisingakonzerwi nechido chipi nechipi chokutsigira rukudzo rwaJehovha. Izvi zvinova pachena nokusateerera kwazvo kwamambo mutemo waMwari uye kuvenga kwake muprofita Jeremia nevamwe vanoshumira Jehovha.

5. Kunamata muJudha kwakamira sei, uye Habhakuki anoita sei kwakuri?

5 Habhakuki anoona utsi hwezvinonhuwira huchibva pamatenga emisha iri pedyo. Vanhu vacho havasi kupisa zvinonhuwira izvi sevanamati vaJehovha. Vanobatikana muzviito zvezvitendero zvenhema zvinotsigirwa namambo akaipa weJudha Jehoiakimi. Zvinonyadzisa zvakadini! Maziso aHabhakuki anozara nemisodzi, uye anoteterera achiti: “Haiwa, Jehovha, ndichadana kusvikira riniko, imi musinganzwi? Ndinodana kwamuri pamusoro pokuitirwa simba, asi hamundiponesi. Munondiratidzireiko zvakaipa, munotarireiko zvisina kururama? Nokuti kuparadza nokuita nesimba zviri pamberi pangu; rukave ruripo, uye kukakavara kunomuka. Saka murayiro haune simba, uye kururamisira vamwe hakuchaonekwi; nokuti vakashata vanokomba vakarurama; saka kururamisira vamwe kunongoonekwa kwakaminama.”—Habhakuki 1:2-4.

6. Chii chaitika kumutemo nokururamisira muJudha?

6 Hungu, kupamba uye chisimba zvakawanda. Kwose kwose kunotarira Habhakuki, anoona zvisina kururama, kukakavara, rukave. ‘Mutemo hausisina simba,’ washaya simba. Zvakadini nokururamisira? Chokwadika “hakuchaonekwi” kuchikunda! Hakumbokuriri. Asi, ‘vakaipa vanokomba vakarurama,’ vachinzvenga matanho epamutemo akaitirwa kuti adzivirire vasina mhosva. Zvechokwadi, “kururamisira vamwe kunongoonekwa kwakaminama.” Kunoshatiswa. Mamiriro ezvinhu anosiririsa zvakadini!

7. Habhakuki akatsunga kuitei?

7 Habhakuki anomira ndokufunga mamiriro acho ezvinhu. Achaasiya here? Zvechokwadi kwete! Ambofunga nezvokutambudzwa kwose kwevashumiri vakatendeka vaMwari, murume uyu akavimbika anovandudza kutsunga kwake kuti arambe akasimba, akatsiga somuprofita waJehovha. Habhakuki acharamba achizivisa shoko raMwari—kunyange kana kuita izvozvo kuchireva rufu.

Jehovha Anoita “Basa” Risingadaviriki

8, 9. Jehovha ari kuita “basa”i risingadaviriki?

8 Mune zvaakaratidzwa, Habhakuki anoona vanhu vezvitendero zvenhema, vanozvidza Mwari. Teerera zvinotaura Jehovha kwavari kuti: “Tarirai pakati pamarudzi, muone, mushamiswe kwazvo kwazvo.” (Habhakuki 1:5) Chaizvoizvo, Habhakuki anoshamiswa kuti nei Mwari achitaura nevakaipa nenzira iyi. Ipapo anonzwa Jehovha achivataurira kuti: “Mushamiswe kwazvo kwazvo; nokuti ndinobate basa pamazuva enyu, ramucharamba kutenda kunyange muchizviudzwa.” Chaizvoizvo, Jehovha pachake ari kuita basa iri ravasingagoni kudavira. Asi basa racho chii?

9 Habhakuki anonyatsoteerera mamwezve mashoko aMwari akanyorwa pana Habhakuki 1:6-11. Iri ishoko raJehovha—uye hapana mwari wenhema kana kuti chidhori chisina upenyu chingadzivisa kuzadzika kwaro: “Tarirai, ndinomutsa vaKardhea, rudzi rune hasha runopenga, vanofamba panyika pose, kuti vazvitorere ugaro husati huri hwavo. Vanotyisa nokukarudza; kutonga kwavo nokukudzwa kwavo kunobva kwavari vamene. Mabhiza avowo anomhanya achipfuura ingwe, ane hasha kupfuura [mhumhi dza]madekwana; vatasvi vavo vamabhiza vanomhanya vachiuruka, zvirokwazvo vatasvi vavo vamabhiza vanouya vachibva kure, vanobhururuka segondo rinokurumidzira kudya. Vanouya vose kuzoita nesimba; zviso zvavo zvakatarira mberi; vanounganidza vatapwa sejecha. Zvirokwazvo vanodadira madzimambo, machinda anosekwa navo; vanoseka nhare dzose, nokuti vanodzitutira guruva ndokudzikunda. Ipapo vanopfuura semhepo, ndokuenda, asi vane mhosva, ivo vanoita simba ravo mwari wavo.”

10. Ndivanaani vari kumutswa naJehovha?

10 Inyevero youprofita yakadini inobva kune Wokumusoro-soro! Jehovha ari kumutsa vaKardhea, rudzi rune utsinye rweBhabhironi. Pakufamba kwavo no‘munyika yose yakafara,’ vachakunda vageremo vakawanda zvikuru. Zvinotyisa sei! Boka revaKardhea rino“tyisa nokukarudza,” rakashata uye rinovhundutsa. Rinoita mitemo yaro pacharo isingachinjiki. ‘Kururamisira kwaro kunobva kwariri.’

11. Ungatsanangura sei kuuya kwemauto eBhabhironi kuzorwisa Judha?

11 Mabhiza eBhabhironi anomhanya kupfuura ingwe dzinomhanya zvikuru. Vatasvi vemabhiza aro vanotyisa kupfuura mhumhi dzine nzara dzinovhima nousiku. Vachida zvikuru kuenda, ‘vatasvi vamabhiza aro vanouruka’ nokusashivirira. Kubva Bhabhironi iri kure vanoenda kuJudha. Vachibhururuka segondo riri kukurumidzira kune zvokudya zvinonaka, vaKardhea vachakurumidza kusvetukira pamuvengi wavo. Asi uku kuchangova kupamba kwokukurumidza here, kungopinda nechisimba kwemasoja mashomanana? Aiwa! “Vanouya vose kuzoita nesimba,” seuto guru riri kuenda kunoparadza. Zviso zvavo zvinopenya nokuda zvikuru, vanotasva vakananga Judha neJerusarema, vachifamba nokukurumidza semhepo yokumabvazuva. Mauto eBhabhironi anotora vasungwa vakawanda kwazvo sokuti ari ‘kuunganidza vatapwa sejecha.’

12. VaBhabhironi vane mafungiro akadini, uye muvengi uyu anotyisa “ane mhosva” yei?

12 Uto ravaKardhea rinoseka madzimambo uye rinoseka machinda, vose vasina simba rokumisa kufambira mberi kwaro kusinganeti. ‘Rinoseka nhare dzose,’ nokuti nhare dzose dzinotapwa nemauto, vaBhabhironi pavanodzi‘tutira guruva’ nokuvaka gomo revhu pavacharwisa vari. Panguva yaJehovha yakagadzwa, muvengi anotyisa acha“pfuura semhepo.” Mukurwisa Judha neJerusarema, vachava “nemhosva” yokukuvadza vanhu vaMwari. Pashure pechamupupuri chokukunda, mutungamiriri wevaKardhea achadada achiti: ‘Simba iri riri kukonzerwa namwari wedu.’ Asi zvishoma sei zvaanoziva chaizvoizvo!

Chikonzero Chakasimba Chokuva Netariro

13. Nei Habhakuki akazara netariro nechivimbo?

13 Nokunzwisisa kwakawedzerwa kwechinangwa chaJehovha, tariro inokura mumwoyo waHabhakuki. Ane chivimbo chakazara, anotaura achikudza Jehovha. Sezviri pana Habhakuki 1:12, muprofita wacho anoti: “Imi Jehovha, Mwari wangu, Mutsvene wangu, hamuzakavapo kubva pakutanga-tanga here? Isu hatingafi.” Zvechokwadi, Jehovha ndiMwari “kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi”—nokusingagumi.—Pisarema 90:1, 2.

14. Vakaramba kutenda veJudha vave vachirarama upenyu hwakadini?

14 Achifunga nezvezvaakaratidzwa zvakapiwa naMwari uye achifarira nzwisiso yazvakapa, muprofita wacho anopfuurira achiti: “Jehovha, imi makatema kuti vatonge, nemi dombo, makavaisapo kuti varange.” Mwari akatonga vakaramba kutenda veJudha zvakakomba, uye vachagamuchira zano, chirango chakasimba, chinobva kuna Jehovha. Vaifanira kunge vachitarira kwaari seDombo ravo, nhare chaiyoiyo bedzi, utiziro, uye Kunobva ruponeso. (Pisarema 62:7; 94:22; 95:1) Asi, vatungamiriri vevakaramba kutenda veJudha havaswederi kuna Mwari, uye vanopfuurira kudzvinyirira vanamati vaJehovha vasingakuvadzi.

15. Jehovha “ane meso akaisvonaka, asingadi kutarira zvakaipa” mupfungwai?

15 Izvi zvinorwadza zvikuru muprofita waJehovha. Saka anoti: “Imi, muna meso akaisvonaka, asingadi kutarira zvakaipa, musingadi kuona zvisakarurama.” (Habhakuki 1:13) Hungu, Jehovha ane “meso akaisvonaka, asingadi kutarira zvakaipa,” ndiko kuti, kushivirira zvakaipa.

16. Waizopfupisa sei zvakanyorwa pana Habhakuki 1:13-17?

16 Saka Habhakuki ane mibvunzo inoda kufungwa nezvayo. Anobvunza kuti: “Munotaririreiko vanonyengera, muchinyarara kana wakashata achimedza wakamupfuura nokururama; muchiita vanhu sehove dzegungwa, sezvinokambaira, zvisina mubati? Vanovaredza vose nechiredzo chavo, vanovabata mumumbure wavo; vachivaunganidzira murutava rwavo; naizvozvo vanofara kwazvo vanomufaro. Naizvozvo vanobayira mumbure wavo, nokupisira rutava rwavo zvinonhuwira, nokuti mugove wavo wakakora nazvo, zvokudya zvavo zvawanda. Zvino vangadurura zviri mumumbure wavo, vakaramba vachiuraya marudzi avanhu here?”—Habhakuki 1:13-17.

17. (a) Mukurwisa Judha neJerusarema, vaBhabhironi vari kuita sei chinangwa chaMwari? (b) Jehovha achazivisa chii kuna Habhakuki?

17 Mukurwisa Judha neguta rayo guru, Jerusarema, vaBhabhironi vachaita maererano nezvavanoda. Havazozivi kuti vari kushanda senzira yaMwari yokutonga kwake kwakarurama vanhu vasina kutendeka. Zviri nyore kuona kuti nei Habhakuki aigona kuona zvakaoma kunzwisisa kuti Mwari aizoshandisa vaBhabhironi vakaipa kuita kutonga Kwake. VaKardhea ivavo vane utsinye havasi vanamati vaJehovha. Vanoona vanhu se‘hove nezvinhu zvinokambaira’wo hazvo zvinofanira kungotapwa ndokukundwa. Asi kukangaidzika kwaHabhakuki hakupfuuriri nguva huru. Nokukurumidza Jehovha achazivisa muprofita wake kuti vaBhabhironi havangarambi vasina kurangwa nokuda kwokupamba kwavo kwamakaro uye mhaka yeropa youtsinye.—Habhakuki 2:8.

Agadzirira Mamwezve Mashoko aJehovha

18. Tingadzidzei mumaitiro aHabhakuki, sezviri pana Habhakuki 2:1?

18 Zvisinei, iye zvino Habhakuki amirira kunzwa mamwezve mashoko aJehovha kwaari. Muprofita wacho anotaura nokutsunga kuti: “Ndichandomira panzvimbo yangu yokutaririra, ndichazviisa parutura rwangu, ndichatarira ndione zvaachataura neni, uye zvandingapindura pamusoro pokuchema kwangu.” (Habhakuki 2:1) Habhakuki anofadzwa zvikuru nezvichataurwa naMwari achimushandisa somuprofita. Kutenda kwake muna Jehovha saMwari asingashiviriri zvakaipa kunomuita kuti ashamisike kuti nei uipi huchikurira, asi anoda hake kuti kufunga kwake kuchinjwe. Zvakadiniwo nesu? Patinoshamisika kuti nei zvimwe zvinhu zvakaipa zvichishivirirwa, kuvimba kwedu nokururama kwaJehovha Mwari kunofanira kutibetsera kuramba takadzikama ndokumumirira.—Pisarema 42:5, 11.

19. Sezvakanga zvataura Mwari kuna Habhakuki, chii chakaitika kuvaJudha vaitsauka?

19 Sezvaakanga ataura kuna Habhakuki, Mwari akatonga rudzi rweJudha rwakatsauka nokubvumira vaBhabhironi kupinda nechisimba muJudha. Muna 607 B.C.E., vakaparadza Jerusarema netemberi, vakauraya vakuru nevaduku zvakafanana, uye vakatora nhapwa dzakawanda. (2 Makoronike 36:17-20) Pashure poutapwa hwakareba muBhabhironi, vakasara vakatendeka vechiJudha vakadzokera kumusha kwavo uye pakupedzisira vakavakazve temberi. Zvisinei, pashure paizvozvo, vaJudha vakaratidza kusatendeka zvakare kuna Jehovha—zvikuru pavakaramba Jesu saMesiya.

20. Pauro akashandisa sei Habhakuki 1:5 maererano nokurambwa kwaJesu?

20 Maererano naMabasa 13:38-41, muapostora Pauro akaratidza vaJudha vaiva muAndiyoki zvazvaizoreva kuramba Jesu uye kuramba chibayiro chake chorudzikinuro. Achidzokorora mashoko aHabhakuki 1:5 mushanduro yeSeptuagint yechiGiriki, Pauro akati: “Chenjerai kuti zvinotaurwa muVaprofita hazviuyi pamuri, ‘Zvionei, imi vaseki, mushamiswe nazvo, munyangarike, nokuti ndiri kuita basa mumazuva enyu, basa ramusingazombotendi kunyange kana munhu akarirondedzera rose kwamuri.’” Maererano nokutaura kwaPauro, kuzadzika kwechipiri kwaHabhakuki 1:5 kwakaitika mauto evaRoma paakaparadza Jerusarema netemberi yaro muna 70 C.E.

21. VaJudha vomuzuva raHabhakuki vaiona sei “basa” raMwari rokuti vaBhabhironi vaparadze Jerusarema?

21 KuvaJudha vomuzuva raHabhakuki, “basa” raMwari rokuti vaBhabhironi vaparadze Jerusarema rakanga risingafungiki nokuti guta iroro raiva chigaro chokunamata chaJehovha uye nzvimbo iyo mambo wake akazodzwa akanga akagadzwa pachigaro. (Pisarema 132:11-18) Sezvakadaro, Jerusarema rakanga risina kumboparadzwa. Temberi yaro yakanga isina kumbopiswa. Imba youmambo yaDhavhidhi yakanga isina kumbokundwa. Zvakanga zvisingadaviriki kuti Jehovha aizobvumira zvinhu zvakadaro kuitika. Asi achishandisa Habhakuki, Mwari akanyevera zvakaringana kuti zvinhu izvi zvinoshamisa zvaizoitika. Uye nhau dzezvakaitika dzinoratidza kuti zvakaitika sezvakafanotaurwa.

“Basa” raMwari Risingadaviriki Muzuva Redu

22. “Basa” raJehovha risingadaviriki richabatanidzei muzuva redu?

22 Jehovha ari kuzoita “basa” risingadaviriki muzuva redu here? Iva nechokwadi chokuti achaita, kunyange zvazvo zvichiratidzika sezvisingadaviriki kune vasina chokwadi. Nguva ino, basa raJehovha risingadaviriki richava kuparadzwa kwechiKristudhomu. Kufanana neJudha yekare, chinoti chinonamata Mwari asi chazova chakaora kwazvo. Jehovha achaona kuti chisaririra chiri chose chegadziriro yezvitendero zvechiKristudhomu nokukurumidza chichabviswa, sezvichaitwa che“Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika hwechitendero chenhema.—Zvakazarurwa 18:1-24.

23. Mudzimu waMwari wakakonzera Habhakuki kuti aiteizve?

23 Jehovha aiva nebasa rakawanda rokuti Habhakuki aite Jerusarema risati raparadzwa muna 607 B.C.E. Mwari aizotaurireizve muprofita wake? Chokwadi, Habhakuki aizonzwa zvinhu zvaizomuita kuti atore chiridzwa chake ndokuimbira Jehovha minyengetero yokutambudzika. Zvisinei, kutanga, mudzimu waMwari waizoita kuti muprofita wacho ataure nhamo dzinoshamisa. Zvechokwadi taizoonga kunzwisisa zvakadzama zvinoreva mashoko ouprofita akadaro enguva yaMwari yakagadzwa. Saka ngatifungisiseizve uprofita hwaHabhakuki.

Unoyeuka Here?

• Zvinhu zvakanga zvakamira sei muJudha muzuva raHabhakuki?

• Jehovha akaita “basa”i risingadaviriki munguva yaHabhakuki?

• Habhakuki aiva nechii chaiita kuti ave netariro?

• Mwari achaita “basa”i risingadaviriki muzuva redu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Habhakuki akashamiswa kuti nei Mwari akabvumira uipi kupararira. Unoshamiswawo here?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Habhakuki akafanotaura njodzi yenyika yeJudha mumaoko evaBhabhironi

[Mufananidzo uri papeji 10]

Matongo akacherwa eJerusarema, akaparadzwa muna 607 B.C.E.