Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii Chinokonzera Uroyi?

Chii Chinokonzera Uroyi?

Chii Chinokonzera Uroyi?

“VAROYI.” Shoko iroro rinoita kuti ufunge nezvechii? Mifananidzo yotuchembere tuchikanda zvitsinga kana kuti vakadzi vasina tsika vanoshanda naSatani here? Kusiyana nezvagara zvichifungidzirwa, vanozviti varoyi vamazuva ano vanoratidzika savanhuwo zvavo. Vamwe inyanzvi dzinoremekedzwa, dzakadai samagweta, vadzidzisi, vanyori, uye vanamukoti. Pave paine kuwedzera kukuru kwamasangano echitendero anofarira zvemidzimu, akada kuti fananei nezvitendero zvakangogara zviripo uye zvechihedheni chekare. * “Unogona kuenda chero kwaunoda muRussia mazuva ano uye uroyi chinhu chezuva nezuva,” akadaro mumwe mupurisa munyika iyoyo. MuUnited States mune varoyi vanofungidzirwa kuva pakati pe50 000 ne300 000, kana kuti va“Wiccan,” * sokuzvidaidza kunoita vamwe vacho.

Nhasi shoko rokuti “muroyi” kakawanda rinoshandiswa kureva zvinhu zvakawanda uye rinogona kureva zvinhu zvakasiyana-siyana kuvanhu vakasiyana-siyana. Kuwedzera kwamazuva ano kwouroyi kunoita sokunodzokera shure kukunamata mwarikadzi, chitendero chagara chiripo chinotenda mashiripiti. Vamwe varoyi vanogara voga—vanoita zvinhu zvavo voga, kuongorora kuchinja kwemwaka, kuchinja kwemwedzi, uye zvimwe zvinhu zvomusikirwo. Vamwe vanonamata uye vanokanda zvitsinga zvavo mumubatanidzwa wavaroyi, kazhinji boka ravaroyi 13.

Ichokwadi kuti kunyika dzokuMadokero, zvinofunga vanhu vakawanda nezvouroyi nhasi zvakasiyana zvikuru nepfungwa dzakaita kuti varoyi vapiswe mumakore okuma500 C.E. kusvika ku1500 C.E. Zvisinei, varoyi vachiri kurwiswa noutsinye nguva nenguva. Somuenzaniso, mukuvamba kwaOctober 1998 muIndonesia, mapoka avanhu aiva namatemo akauraya vanhu 150 vaifungidzirwa kuva varoyi. MuSouth Africa mhosva dzinopfuura 2 000 dzokurwisa varoyi, kusanganisira kuuraya kunosvika 577, dzakashumwa pakati pa1990 na1998. Tichifunga nezvokunyanyisa kwakadaro—kubva pakufarira uroyi kusvika pakuvenga varoyi—vaKristu vanofanira kuona sei nhau yacho?

Zvinodiwa Zvisingagutswi

Chii chinomanikidzira vanhu kuti vaite uroyi hwamazuva ano? Vanoti chimwe chinhu ndechokuti vanoremekedza zvikuru zvinhu zvakasikwa uye upenyu. Kutaura zvazviri, vamwe vanoti vanoda kutsanangura kuti kunamata kwavo hakusanganisiri kubayira mhuka mumitambo yavo. Vamwe vanoti vanoita zvouroyi kuti vatsvake vanhu vapachokwadi, vavanogona kuvimba navo, uye vane zvinhu zvakafanana mune zvokunamata. “Munhu wose wandinoziva musangano rechihedheni ane ushamwari uye ari pachokwadi zvikuru . . . Vanhu vakanaka zvikuru,” anodaro mumwe muroyi wamazuva ano. Uye vakawanda vanoramba kuti vanoshanda naSatani, vachiti hapana mwari akaipa zvachose muchitendero chavo.

Kuvakawanda vavo, chikonzero chikuru chokuva varoyi kushaya chimwe chinhu mune zvokunamata uye kusawirirana nezvimwe zvitendero zvikuru. Achitaura nezvesangano rake ravaroyi, Phyllis Curott, muprisitikadzi mukuru wevaWiccan, anoti: “Tose zvedu takanga tisiri kugutsikana nedzidziso uye miitiro yezvitendero zvatakarererwa.” Varoyi vamazuva ano, anotsanangura kudaro Curott, vanoedza kupindura mibvunzo yakadai seyokuti, ‘Tinogona sei kuwanazve zvinhu zvitsvene?’ Asi uroyi ndiyo nzira yokunamata nayo zvakanaka here?

Kunamata Kwechokwadi—Kunobva Kupi?

Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti Jehovha ndiye bedzi Mwari wechokwadi uye Changamire Wezvose Zvakasikwa. (Pisarema 73:28; 1 Petro 1:15, 16; Zvakazarurwa 4:11) Ari kukoka vanhu vose kuti vamutsvake “vamuwane chaizvoizvo.” (Mabasa 17:27) Saka, kunamata kwechokwadi kunogona kuitwa chete kana vakapinza zivo yakarurama pamusoro paMwari wechokwadi, Jehovha. Izvi zvinogona kuitwa nokudzidza Shoko rake, Bhaibheri Dzvene. “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi,” munyori weBhaibheri Jakobho anotivimbisa kudaro.—Jakobho 4:8.

Zvisinei, Shoko raMwari rinotinyevera pamusoro pokunobva kunamata kwakaipa. Rinozivisa kuti kuna Satani Dhiyabhorosi, muvengi mukuru waJehovha, namadhimoni ake ndiko kunobva kunamata kwakatsauka kuzhinji kwapararira zvikuru nhasi. * Maererano neBhaibheri, Satani “akapofumadza pfungwa” dzavakawanda. Chaizvoizvo ari “kutsausa pasi rose rinogarwa,” kusanganisira avo vari mune zvouroyi—chero vachiti vanonamata Dhiyabhorosi kana kuti kwete. Nei izvi zvakadaro?—2 VaKorinde 4:4; Zvakazarurwa 12:9.

Miitiro yakawanda netsika zvinoitwa navaroyi vamazuva ano zvakafanana chaizvo nezvinhu zvisinganzwisisiki zvechitendero chaSatani. Saka, kunyange kuya kunonzi kungoda kuziva kunogona kutungamirira zviri nyore kukutenda zvemidzimu. Chaizvoizvo, vakawanda vakapinda mumusungo wakaipa waSatani nenzira iyi.

Chisingafaniri kukanganwiwa ichokwadi chokuti nguva nenguva vanoita zvouroyi mazuva ano vanoita izvi nemhaka yokuti vanoda kuwana simba rokutsiva. “Kune vanhu vanogona kuzviti varoyi uye vanoshandisa izvi kuti vaite zvinhu zvoutsinye,” akadaro Jennifer, muroyi wamazuva ano. Chipi kana chipi chingaitika, vose vanoti varoyi vakanaka kana kuti vanotsiva vari munjodzi yokuti vanogona kuva pasi pesimba raSatani namadhimoni zvachose. Vamwe varoyi vangaramba kuti kune vanhu vomudzimu vakadaro vakaipa, asi izvi zvinoita kuti vatonyanya kuva munjodzi yokutsauswa navo.—Enzanisa na1 VaKorinde 10:20, 21.

Bhaibheri rinoshora kushopera, uroyi, kuita mashiripiti, kukanda zvitsinga, uye kuedza kupi kana kupi kutaura navakafa. Rinoti zvakajeka: “Vose vanoita zvinhu izvi vanonyangadza Jehovha.” (Dheuteronomio 18:10-12) Chokwadi, vaKristu vakatsunga “kuitir[a] vose zvakanaka,” uye muushumiri hwavo vabatsira vakawanda kuti vasiyane zvachose nezvemidzimu. (VaGaratiya 6:10; Mabasa 16:14-18) Kunyange zvakadaro, vaKristu vechokwadi vanoramba chinhu chiri chose chine chokuita nokunamata kwenhema, kusanganisira uroyi hupi nohupi.—2 VaKorinde 6:15-17.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Mashoko okuti “chitendero changogara chiripo” anoreva kudavira kuti pasi nezvinhu zvose zvipenyu rutivi rwaMwari uye zvine mweya mumwe chete woupenyu; okuti “chihedheni chekare” anoreva kunamata vanamwari vaivapo chiKristu chisati chavapo.

^ ndima 2 VaWiccan vateveri vaWicca, “chitendero chagara chiripo chechihedheni chakabva kumavirazuva kweEurope chiKristu chisati chavapo,” maererano neThe American Heritage College Dictionary.

^ ndima 10 Nyaya dzakatevedzana dzakabuda muMukai! dzinoti “Murangariro weBhaibheri” dzakapindura mibvunzo yakadai seyokuti “Kuna Dhiyabhorosi Chaizvoizvo Here?” (No. 2, 1990, mapeji 29-30) uye “Madhimoni Ariko Chaizvoizvo Here? (April 8, 1998, mapeji 18-19).