Kusvika Pakuziva “Pfungwa dzaKristu”
Kusvika Pakuziva “Pfungwa dzaKristu”
“‘Ndiani akasvika pakuziva pfungwa dzaJehovha, kuti amudzidzise?’ Asi isu tine pfungwa dzaKristu.”—1 VAKORINDE 2:16.
1, 2. MuShoko rake, Jehovha akaona zvakakodzera kuzivisei nezvaJesu?
JESU aiva akaita sei? Vhudzi rake raiva noruvara rworudzii? ganda rake? maziso ake? Aiva akareba sei? Airema zvakadini? Kwemazana emakore, mifananidzo yaJesu yakaitwa nounyanzvi yakava yakasiyana-siyana kubva kune iri nani kusvikira kune isingabviri. Vamwe vakamurondedzera somurume uye ane simba, nepo vamwe vakamuratidza sendonda uye asina kuchangamuka.
2 Zvisinei, Bhaibheri haritauri nezvechitarisiko chaJesu. Panzvimbo pezvo, Jehovha akaona zvakakodzera kuzivisa chimwe chinhu chinonyanya kukosha: rudzi rwomunhu rwaiva Jesu. Nhoroondo dzeEvhangeri hadzingoshumi zvakataurwa naJesu uye zvaakaita, asiwo dzinozivisa makurire akanga akaita kunzwa kwake kwomukati uye rudzi rwokufunga rwairatidzwa nemashoko uye zviito zvake. Idzi nhoroondo ina dzakafuridzirwa dzinoita kuti tikwanise kutarira zvakanzi nomuapostora Pauro “pfungwa dzaKristu.” (1 VaKorinde 2:16) Zvinokosha kuti tizive pfungwa, kunzwa kwomukati, uye unhu zvaJesu. Nei? Nokuda kwezvikonzero zvinenge zviviri.
3. Kuziva pfungwa dzaKristu kungatipa nzwisisoi?
Ruka 10:22) Zvinoita sokuti Jesu akanga achiti, ‘Kana uchida kuziva zvakaita Jehovha, nditarire.’ (Johani 14:9) Saka, patinodzidza zvinoziviswa neEvhangeri pamusoro pemafungire uye manzwire aiita Jesu, chaizvoizvo,tiri kudzidza mafungire nemanzwire anoita Jehovha. Zivo yakadaro inoita kuti tikwanise kuswedera pedyo naMwari wedu.—Jakobho 4:8.
3 Chokutanga, pfungwa dzaKristu dzinoita kuti tione zvishoma pfungwa dzaJehovha Mwari. Jesu ainyatsozivana zviri nani zvikuru naBaba vake zvokuti aigona kuti: “Kuti Mwanakomana ndiani hapana anoziva kunze kwaBaba; uye kuti Baba ndiani, hapana anoziva kunze kwoMwanakomana, uye munhu uyo Mwanakomana anenge ada kuzarurira.” (4. Kana tichizoita saJesu zvechokwadi, chii chatinofanira kutanga tadzidza, uye nei?
4 Chechipiri, kuziva kwedu pfungwa dzaKristu kunotibetsera ku“nyatsotevera tsoka dzake.” (1 Petro 2:21) Kutevera Jesu haisi nhau yokungodzokorora mashoko ake nokukopa zviito zvake. Sezvo kutaura uye zviito zvichipesvedzerwa nepfungwa uye kunzwa kwomukati, kutevera Kristu kunoda kuti tive “nemafungire” aaiva nawo. (VaFiripi 2:5) Namamwe mashoko, kana tichizofanira kuita saKristu zvechokwadi, tinofanira kutanga tadzidza kufunga nokunzwa saiye, ndiko kuti, maererano nezvatinokwanisa sevanhu vasina kukwana. Saka, ngatitarire pfungwa dzaKristu, tichibetserwa nevanyori veEvhangeri. Tichatanga kukurukura zvinhu zvaipesvedzera mafungire nemanzwire aiita Jesu.
Kuvapo Kwake Asati ava Munhu
5, 6. (a) Shamwari dzedu dzinogona kuva nechii chadzingaita patiri? (b) Mwanakomana waMwari wedangwe aiva noushamwarii mudenga asati auya pasi pano, uye hwakava nomugumisiroi paari?
5 Shamwari dzedu dzapedyo dzinogona kuva nezvadzingaita patiri, dzichipesvedzera pfungwa dzedu, manzwire atinoita, uye zviito zvakanaka kana kuti zvakaipa. * (Zvirevo 13:20) Funga ushamwari hwaiva naJesu mumatenga asati auya pasi pano. Evhangeri yaJohani inotaura nezvokuvapo kwaJesu asati ava munhu ari “Shoko,” kana kuti Mutauriri, waMwari. Johani anoti: “Pakutanga Shoko rakanga riripo, uye Shoko rakanga rina Mwari, uye Shoko rakanga riri mwari. Iyeyu pakutanga akanga ana Mwari.” (Johani 1:1, 2) Sezvo Jehovha akanga asina mavambo, kuva kweShoko naMwari kubvira “pakutanga” kunofanira kureva kutanga kwemabasa aMwari okusika. (Pisarema 90:2) Jesu ndiye “dangwe rezvisikwa zvose.” Nokudaro, akavapo zvimwe zvisikwa zvomudzimu zvisati zvavapo uye zvose zvakasikwa zvinoonekwa zvisati zvasikwa.—VaKorose 1:15; Zvakazarurwa 3:14.
6 Maererano nokumwe kufungidzira kwesayenzi, zvose zvakasikwa zvinoonekwa zvave zviripo kwemakore anenge mabhiriyoni 12. Kana kufungidzira ikoko kungava kwakarurama, Mwanakomana waMwari wedangwe akanyatsoshamwaridzana naBaba vake kwenguva yakareba zvisingazivikanwi Adhama asati asikwa. (Enzanisa naMika 5:2.) Chisungo chorudo chakadzama chakatanga pakati pavo vari vaviri. Souchenjeri hunotaurwa somunhu, Mwanakomana uyu wedangwe mukuvapo kwake asati ava munhu anomiririrwa seaiti: “Ndaimufadza zuva rimwe nerimwe, ndichitamba pamberi pake nguva dzose.” (Zvirevo 8:30) Chokwadi kupedza makore nemakore achinyatsoshamwaridzana muushamwari neTsime rorudo kwakava nomugumisiro mukuru paMwanakomana waMwari! (1 Johani 4:8) Mwanakomana uyu akasvika pakuziva uye kuratidza pfungwa dzaBaba vake, manzwire avanoita, uye nzira dzavo sezvaisagona kuitwa nomumwe munhu.—Mateu 11:27.
Upenyu Hwepasi uye Zvinhu Zvaipesvedzera
7. Ndechipi chimwe chezvikonzero nei zvakanga zvichikosha kuti Mwanakomana waMwari wedangwe auye pasi pano?
7 Mwanakomana waMwari aiva nezvakawanda zvokudzidza, nokuti chinangwa chaJehovha chaiva chokushongedzera Mwanakomana wake kuva Mupristi Mukuru ane tsitsi, anokwanisa “kunzwira tsitsi kusava nesimba kwedu.” (VaHebheru 4:15) Kuita zvinodiwa nebasa iri chaiva chimwe chezvikonzero zvakauyira Mwanakomana pasi pano somunhu. Pano, somunhu wenyama neropa, Jesu akasangana nemamiriro ezvinhu uye zvinhu zvaipesvedzera zvaakanga angocherechedza bedzi ari kudenga. Zvino akanga ava kukwanisa kuva nemanzwire uye mafungire evanhu iye pachake. Imwe nguva ainzwa kuneta, nyota, uye nzara. (Mateu 4:2; Johani 4:6, 7) Zvinotopfuura izvi, akatsungirira rudzi rwose rwenhamo nokutambura. Saka “akadzidza kuteerera” ndokuva akanyatsokodzera basa rake soMupristi Mukuru.—VaHebheru 5:8-10.
8. Tinozivei nezvoupenyu hwaJesu hwapakuvamba pasi pano?
8 Zvakadini nezvaiitika muupenyu hwaJesu hwokutanga pasi pano? Chinyorwa chouduku hwake chipfupi zvikuru. Chokwadi, Mateu naRuka bedzi ndivo vakarondedzera zviitiko zvakaitika pakuzvarwa kwake. Vanyori veEvhangeri vaiziva kuti Jesu akanga ararama mudenga asati auya pasi pano. Kuvapo asati ava munhu ikoko, kupfuura chinhu chipi nechipi, kunotsanangura kuti akava munhu worudzii. Kunyange zvakadaro, Jesu aiva munhu chaiyeiye. Kunyange zvazvo akanga akakwana, aingofanira kukura kubva paucheche kusvika ava mwana ati kurei uye kubva pamunhu ari kuyaruka kusvika pakuva munhu mukuru, nguva yose iyoyo achingodzidza. (Ruka 2:51, 52) Bhaibheri rinozivisa zvimwe zvinhu pamusoro poupenyu hwaJesu hwapakuvamba zvatisina mubvunzo kuti zvakamutapura.
9. (a) Chii chinoratidza kuti Jesu akazvarirwa mumhuri yaiva nourombo? (b) Jesu angangova akakurira mumamiriroi ezvinhu?
9 Sezviri pachena, Jesu akazvarirwa mumhuri yaiva nourombo. Izvi zvinoratidzwa nechibayiro chakaunzwa kutemberi naJosefa naMariya mazuva anenge 40 azvarwa. Panzvimbo pokuuyisa gwayana sechibayiro chinopiswa uye hangaiwa duku kana kuti gukutiwa sechibayiro chezvivi, vakaunza “magukutiwa maviri kana kuti hangaiwa mbiri duku.” (Ruka 2:24) Maererano noMutemo waMosesi, chibayiro ichi chaiva gadziriro yevarombo. (Revhitiko 12:6-8) Pashure penguva yakati, mhuri yaizvininipisa iyi yakakura. Josefa naMariya vakava nevamwe vana vanenge vatanhatu nenzira inoberekwa nayo vanhu vose pashure pokuzvarwa kunoshamisa kwaJesu. (Mateu 13:55, 56) Saka Jesu akakurira mumhuri yakakura, zvimwe mumamiriro ezvinhu asingashamisiri.
10. Chii chinoratidza kuti Mariya naJosefa vaiva vanhu vanotya Mwari?
10 Jesu akarerwa nevabereki vaitya Mwari vaimutarisira. Mai vake, Mariya, vaiva mudzimai akanaka kwazvo. Yeuka kuti payakamukwazisa, ngirozi Gabrieri yakati: “Kwaziwa, iwe akanzwirwa nyasha zvikuru, Jehovha anewe.” (Ruka 1:28) Josefa aivawo murume akazvipira. Nokutendeka gore rimwe nerimwe aienda rwendo rwemakiromita 150 kuJerusarema kuPaseka. Mariya aipindawo, kunyange zvazvo varume bedzi vaifanirwa kuita izvozvo. (Eksodho 23:17; Ruka 2:41) Pane chimwe chiitiko chakadaro, pashure pokutsvaka nokushingaira, Josefa naMariya vakawana Jesu aiva nemakore 12 ari mutemberi pakati pevadzidzisi. Kuvabereki vake vainetseka, Jesu akati: “Hamuna kuziva here kuti ndinofanira kuva mumba maBaba vangu?” (Ruka 2:49) “Baba”—shoko iroro rinofanira kuva raireva zvinodikanwa uye zvakanaka kuna Jesu muduku. Kutanga, zviri pachena kuti akanga audzwa kuti Jehovha aiva Baba vake chaivoivo. Uyezve, Josefa anofanira kuva aiva baba vokurera vakanaka kuna Jesu. Chokwadi Jehovha aizodai asina kusarudza munhu ane hasha kana kuti ane utsinye kuti arere Mwanakomana Wake anodiwa!
11. Jesu akadzidza basai, uye munguva inotaurwa muBhaibheri, kushanda basa iri kwaibatanidzei?
Mako 6:3) Munguva inotaurwa muBhaibheri, vavezi vaipiwa basa rokuvaka dzimba, kugadzira fanicha (kusanganisira matafura, zvituru, uye mabhenji), uye kugadzira zvokushandisa kurimisa. MuDialogue With Trypho, Justin Martyr, wezana ramakore rechipiri C.E., akanyora nezvaJesu kuti: “Aiva nemaitiro okushanda somuvezi paaiva pane vanhu, achigadzira magejo nemajoko.” Basa rakadaro rakanga risiri nyore, nokuti zvimwe muvezi wekare aisagona kutenga matanda ake. Zvimwe, aienda onosarudza muti, outema, uye otakura danda racho achienda naro kumba. Saka Jesu angangova aiziva nzira yokuzviraramisa, kubata nevatengi, uye kuwana chokurarama nacho.
11 Mumakore ake ari muNazareta, Jesu akadzidza basa rokuveza, zvimwe kuna baba vake vokurera, Josefa. Jesu akakwanisa basa racho zvokuti iye pachake akanzi “muvezi.” (12. Chii chinoratidza kuti Josefa zvimwe akafa Jesu asati, uye izvi zvingava zvakarevei nokuda kwaJesu?
12 Semwanakomana mukuru, zvimwe Jesu aibetsera kutarisira mhuri, zvikurukuru sezvo zvichiratidza sokuti Josefa akafa Jesu asati. * Zion’s Watch Tower yaJanuary 1, 1900, yakati: “Magamuchidzanwa anozivisa kuti Josefa akafa Jesu achiri muduku, uye kuti Jesu akatora basa romuvezi ndokuva mutsigiri wemhuri. Izvi zvinotsigirwa nouchapupu hweMagwaro apo Jesu pachake anonzi muvezi, uye mai vake nehama dzake vanodudzwa, asi Josefa asingadudzwi. (Mako 6:3) . . . Ipapo, zvinobvira chaizvo kuti nguva yakareba yemakore gumi nemasere oupenyu hwaIshe wedu, kubva panguva yechiitiko [chakanyorwa pana Ruka 2:41-49] kusvika panguva yokubhabhatidzwa kwake, yakapedzwa mukuitwa kwemabasa enguva dzose.” Mariya nevana vake, kusanganisira Jesu, zvimwe vaiziva kurwadziwa kunoitika panofa murume uye baba anodiwa.
13. Jesu paakatanga ushumiri hwake, nei akazviita nezivo, kunzwisisa, uye kunzwa kwomukati kwakadzama zvisina mumwe munhu angadai akava nazvo?
13 Zvakajeka kuti Jesu haana kuzvarirwa muupenyu huri nyore. Panzvimbo pezvo, akazvionera zvakananga upenyu hwevanhuwo zvavo. Ipapo, muna 29 C.E., nguva yakasvika yokuti Jesu aite basa raMwari rakanga rakamumirira. Mumatsutso egore iroro, akabhabhatidzwa mumvura uye akaberekwa soMwanakomana womudzimu waMwari. ‘Denga rakamuzarukira,’ sezviri pachena zvichiratidza kuti zvino aigona kuyeuka upenyu hwake mudenga asati ava munhu, kusanganisira pfungwa nokunzwa kwomukati kwaaiva nakwo kare. (Ruka 3:21, 22) Saka Jesu paakatanga ushumiri hwake, akazviita nezivo, kunzwisisa, uye kunzwa kwomukati kwakadzama zvisina mumwe munhu angadai akava nazvo. Vane chikonzero chakanaka, vanyori veEvhangeri vakanyora zvakawanda nezvezviitiko zvoushumiri hwaJesu. Kunyange zvakadaro, vaisagona kunyora zvose zvaakataura nezvaakaita. (Johani 21:25) Asi zvavakanga vakafuridzirwa kunyora zvinoita kuti tikwanise kutarira pfungwa dzomunhu mukuru zvikuru ati amborarama.
Zvakanga Zvakaita Jesu Somunhu
14. Evhangeri dzinoratidza sei Jesu somunhu aiva netsiye nyoro nokunzwa kwomukati kwakadzama?
14 Unhu hwaJesu hunoonekwa muEvhangeri ndehwomurume wetsiye nyoro nokunzwa kwomukati kwakadzama. Akaratidza zvakawanda zvezvinoita pfungwa zvinoti: kunzwira tsitsi aiva nemaperembudzi (Mako 1:40, 41); kurwadziwa nokuda kwevanhu vasingachinji (Ruka 19:41, 42); kutsamwira zvakarurama vachinji vemari vaiva nemakaro (Johani 2:13-17). Murume ainzwira urombo, Jesu aigona kusvimha misodzi, uye haana kuviga manzwire aaiita. Shamwari yake yaaida Razaro payakanga yafa, kuona Mariya hanzvadzi yaRazaro achichema, kwakarwadza Jesu zvakanyanya zvokuti akasvimha misodzi, akachema achinyatsoonekwa navamwe.—Johani 11:32-36.
15. Kunzwa kwomukati kwounyoro kwaJesu kwakava sei pachena munzira yaaiona neyaaibata nayo vamwe?
15 Tsitsi dzaJesu dzainyanya kuva pachena munzira yaaiona uye yaaibata nayo vamwe. Akasvika kune varombo nevaidzvinyirirwa, achivabetsera ku‘wana zororo remweya yavo.’ (Mateu 11:4, 5, 28-30) Akanga asina kunyanya kubatikana zvokusagona kuita zvaidiwa nevaitambudzika, kunyange mukadzi aibuda ropa akabata nguo yake chinyararire kana kuti bofu raipemha raisagona kunyaradzwa. (Mateu 9:20-22; Mako 10:46-52) Jesu aitarira zvakanaka mune vamwe uye aivarumbidza; asi, aidawo kutsiura pazvakanga zvakafanira. (Mateu 16:23; Johani 1:47; 8:44) Panguva apo vakadzi vaiva nekodzero shomanana, Jesu akava nechiremera noruremekedzo zvakaenzana. (Johani 4:9, 27) Nenzira inonzwisisika, boka ravakadzi rakamushumira nezvinhu zvaro richida.—Ruka 8:3.
16. Chii chinoratidza kuti Jesu aiona upenyu uye zvinhu zvokunyama zviri pakati nepakati?
16 Jesu aiona upenyu zviri pakati nepakati. Zvinhu zvokunyama zvakanga zvisinganyanyi kukosha kwaari. Kunenge kuti mune zvokunyama, aiva nezvishomanana. Akati akanga asi“na pokuisa musoro wake.” (Mateu 8:20) Panguva imwe chete, Jesu akawedzera mufaro kuti vamwe vafare. Paakapinda mumwe mutambo womuchato—chaizvoizvo chiitiko chinozivikanwa nemimhanzi, kuimba, uye kufara—zviri pachena kuti akanga asingadi kukanganisa mufaro waivapo. Zvechokwadi, Jesu akaita chishamiso chake chokutanga ipapo. Waini payakapera, akachinja mvura kuva waini yakaisvonaka, chokunwa ch“inofadza mwoyo womunhu.” (Pisarema 104:15; Johani 2:1-11) Saka mutambo waigona kupfuurira, uye mwenga nechikomba pasina mubvunzo havana kunyara. Kuva pakati nepakati kwake kunoratidzwazve mukuti kune zviitiko zvakawanda zvinodudzwa Jesu paaishanda nguva refu uye zvakaoma muushumiri hwake.—Johani 4:34.
17. Nei zvisingashamisi kuti Jesu aiva Mudzidzisi Mukuru, uye kudzidzisa kwake kwakaratidza chii?
17 Jesu aiva Mudzidzisi Mukuru. Kudzidzisa kwake kwakawanda kwakaratidza chokwadi choupenyu hwemazuva ose, hwaakanga achinyatsoziva. (Mateu 13:33; Ruka 15:8) Madzidzisire ake akanga asingaenzaniswi—akajeka nguva dzose, aiva nyore, uye aishanda. Chinotokosha zvikuru ndezvaakadzidzisa. Kudzidzisa kwake kwakaratidza chido chake chomwoyo wose chokuita kuti vateereri vake vazive pfungwa, kunzwa kwomukati, uye nzira dzaJehovha.—Johani 17:6-8.
18, 19. (a) Jesu akarondedzera Baba vake nemienzanisoi yakajeka? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?
18 Achiwanzoshandisa mienzaniso, Jesu akazivisa Baba vake nemienzaniso yakajeka yakanga isingagoni kukanganwika nyore. Kungotaurawo nezvetsitsi dzaMwari kwakasiyana nokufananidza Jehovha nababa vanokanganwira, vanonyatsosiririswa pavanoona mwanakomana wavo ari kudzoka zvokuti ‘vanomhanya ndokuwira pamutsipa wake ndokumutsvoda zvinyoronyoro.’ (Ruka 15:11-24) Achiramba tsika yakanga isingachinji umo vatungamiriri vezvitendero vaitarisira pasi vanhuwo zvavo, Jesu akatsanangura kuti Baba vake vaiva Mwari anobvira kutaura naye akasarudza zvikumbiro zvomuteresi aizvininipisa pane munyengetero wokuonererwa womuFarise aiganza. (Ruka 18:9-14) Jesu akaratidza Jehovha saMwari ane hanya anoziva apo shiri duku inodonhera pasi. “Musatya,” akavimbisa vadzidzi vake, “munokosha kupfuura shiri duku dzakawanda.” (Mateu 10:29, 31) Nenzira inonzwisisika, vanhu vakashamiswa “nemadzidzisire” aJesu uye vakaswededzwa pedyo naye. (Mateu 7:28, 29) Chokwadi, pane imwe nguva “boka guru revanhu” rakaramba riri pedyo naye kwemazuva matutu, kunyange kurarama risina chokudya!—Mako 8:1, 2.
19 Tinogona kuonga kuti Jehovha akazivisa pfungwa dzaKristu muShoko rake! Kunyange zvakadaro, tingaita sei kuti tive nepfungwa dzaKristu uye tingadziratidzira sei mukubata kwedu navamwe? Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 5 Kuti zvisikwa zvomudzimu zvingapesvedzerwa nokushamwaridzana kwazvo kunoratidzwa pana Zvakazarurwa 12:3, 4. Satani anorondedzerwa ipapo se“dhiragoni” yakakwanisa kushandisa simba rayo kuti iite kuti dzimwe “nyeredzi,” kana kuti vanakomana vomudzimu, vabatane nayo munzira yokupandukira.—Enzanisa naJobho 38:7.
^ ndima 12 Kududzwa zvakananga kwaJosefa kwokupedzisira kwaiva apo Jesu aiva namakore 12 akawanikwa mutemberi. Hapana panotaurwa nezvokuvapo kwaJosefa pamabiko omuchato muKana, pamavambo oushumiri hwaJesu. (Johani 2:1-3) Muna 33 C.E., Jesu akanga arovererwa akati Mariya atarisirwe nomuapostora aidiwa Johani. Ndicho chimwe chinhu chingadai chisina kuitwa naJesu dai Josefa akanga achiri kurarama.—Johani 19:26, 27.
Unoyeuka Here?
• Nei zvichikosha kuti tizive “pfungwa dzaKristu”?
• Jesu aiva noushamwarii asati ava munhu?
• Muupenyu hwake hwapasi pano, mamiriroi ezvinhu nepesvedzero izvo Jesu akazvionera zvakananga?
• Evhangeri dzinozivisei pamusoro pounhu hwaJesu?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mufananidzo uri papeji 10]
Jesu akakurira mumhuri yakakura, zvimwe mumamiriro ezvinhu asingashamisiri
[Mifananidzo iri papeji 12]
Vadzidzisi vakashamiswa nokunzwisisa uye mhinduro zvaJesu aiva nemakore 12