Miviri Miduku, Mwoyo Yakashinga
Miviri Miduku, Mwoyo Yakashinga
ZVINGAVE zvakaita sei kutaura nevanhu vausingazivani navo nezvoUmambo hwaMwari kana wakangoreba masendimita 76 chete? Laura anogona kukuudza. Pazera remakore 33, ndiwo marebere aakaita, masendimita 76 chete. Iye nomunun’una wake, María, ane makore 24 uye akareba masendimita 86, vanogara muQuito, Ecuador. Regai vatsanangure zvibingamupinyi zvavanosangana nazvo muushumiri hwavo hwechiKristu.
“Kuti tiende kundima yedu yokuparidza uye kumisangano yechiKristu, tinofamba hafu yekiromita kuti tikwire bhazi. Kubva parinotiburutsira, tinofamba imwezve hafu yekiromita kuti tikwire bhazi rechipiri. Sezvineiwo, munzira iyi munogara imbwa shanu dzinorura. Imbwa tinodzitya zvikuru nokuti dzingaita sedzakakura semabhiza. Kuti tidzidzinge kana zvakafanira, tinotora muti murefu, watinoviga pane imwe nzvimbo tisati takwira bhazi kuitira kuti tizouwana patinenge tava kufamba tichidzoka kumba.
“Kukwira mubhazi ibasa guru chaizvo kwatiri. Tinomira pamusoro pomurwi wemarara panomirirwa bhazi kuti tikwire zviri nyore. Vamwe vatyairi vanoswedera pedyo nomurwi wacho, asi vamwe havadaro. Kana zvadaro, murefu wedu anobatsira mupfupi kukwira. Kuti tikwire bhazi rechipiri zvinoda kuti tiyambuke mugwagwa mukuru unofamba motokari dzakawanda—basa chairo nemakumbo edu mapfupi. Nokuda kwemiviri yedu miduku, bhegi remabhuku rinorema rinowedzera rimwezve dambudziko. Kuti bhegi racho riti rerukei, tinoshandisa Bhaibheri rinokwana muhomwe uyewo tinotakura mabhuku mashoma.
“Kubva tiri vana, tose tave tichinetseka nezvatiri. Vavakidzani vedu vanoziva kuti kutaura nevanhu vatisingazivani navo nguva dzose kwaitityisa zvikuru. Naizvozvo vanoshamisika uye vanoororwa nokutiona tichigogodza pamasuo avo, uye vanowanzotiteerera. Asi kwatisinganyatsozivikanwi, vanhu kakawanda vanongoona kuti tiri vanamandionerepi; saka, havatiteereri nguva dzose sezvakafanirwa nemashoko edu. Kunyange zvakadaro, kuziva rudo rwaJehovha kunotipa ushingi hwokupfuurira mubasa rokuparidza evhangeri. Kufungisisa pana Zvirevo 3:5, 6 kunotipawo ushingi.”
Sezvinoratidzwa naLaura naMaría, kupfuurira pasinei zvapo nezvibingamupinyi zvomuviri kunogona kurumbidza Mwari. Muapostora Pauro akanyengetera kuti abvisirwe “munzwa munyama” waaiva nawo, zvimwe dambudziko romumuviri. Asi Mwari akamuudza kuti: “Mutsa wangu usina kufanirwa unokukwanira; nokuti simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava nesimba.” 2 VaKorinde 12:7, 9, 10) Mamwe makore akazotevera Pauro akanyora kuti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo anondipa simba.”—VaFiripi 4:13.
Hungu, urema hwomuviri hahufaniri kubviswa kuti tikwanise kushumira Mwari. Kutsamira zvakakwana pana Mwari kunogona kutibatsira kushandisa zvakanakisisa mamiriro edu ezvinhu. Nemhosva yokuti Pauro aiona “munzwa munyama” waaiva nawo nenzira iyi, aigona kutaura kuti: “Pandinenge ndisina simba, ndipo pandine simba.” (Mazuva ano, Mwari ari kuita basa guru achishandisa varume, vakadzi, uye vana vakazvipira zvakazara kwaari. Vakati kuti vavo vakaremara munzira yakati. Kunyange zvazvo vose zvavo vachitarisira kuporeswa naMwari muUmambo hwake, havasi kumirira kusvikira Mwari avabvisira zvinetso zvavo vasati vaedza kuita chimwe chinhu mubasa rake.
Wakaremara mumuviri here? Shinga! Nokutenda kwako, unogona kuva pakati pevaya vakadai saPauro, Laura, uye María. Nezvavo zvinogona kunzi: “Vakaitwa vane simba vachibva pakusava nesimba” sezvakaitirwa varume nevakadzi vokutenda vomunguva dzekare.—VaHebheru 11:34.
[Mufananidzo uri papeji 8]
María
Laura
[Mufananidzo uri papeji 9]
María anobatsira Laura kukwira mubhazi
[Mifananidzo iri papeji 9]
“Imbwa tinodzitya zvikuru nokuti dzingaita sedzakakura semabhiza”
Pazasi: Laura naMaría nevavakadzidza navo Bhaibheri