Jehovha—Munhu Mukuru Pakusimba
Jehovha—Munhu Mukuru Pakusimba
“Nokuda kwoukuru hwesimba rake; uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakuna chimwe chinoshayikwa.”—ISAYA 40:26.
1, 2. (a) Tose tinotsamira pasimba chairo rinobva kupi? (b) Tsanangura kuti nei Jehovha ari iye chete Anopa simba rose.
SIMBA ndechimwe chinhu icho vakawanda vedu tinorerutsa. Somuenzaniso, hatimbonyanyofungi nezvesimba remagetsi rinopa chiedza nokudziya kana kuti manakire azvakaita kungopfekera chero mudziyo upi zvawo wemagetsi watingava nawo. Kana magetsi azodzima zvisingatarisirwi ndipo patinozoziva kuti pasina magetsi, maguta evanhu angarega kushanda. Akawanda emagetsi atinotsamira paari anobva zvisina kunanga pagwenya resimba renyika rakavimbika zvikuru—zuva. * Sekondi yoga yoga iri gwenya remagetsi ezuva rinoshandisa matani mamiriyoni mashanu esimba renyukireya, richigovera pasi simba rinotsigira upenyu.
2 Simba irori rose rezuva rinobva kupi? Ndiani akagadzira chinhu ichi chiri kudenga chinopa simba? NdiJehovha Mwari. Richitaura nezvake, Pisarema 74:16 rinoti: “Ndimi makagadzira chiedza nezuva.” Hungu, Jehovha ndiye chete Anopa simba rose, sezvo ari iye Anopa upenyu hwose. (Pisarema 36:9) Hatimbofaniri kurerutsa simba rake. Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha anotiyeuchidza kutarira mitumbi yokudenga, yakadai sezuva nenyeredzi, ndokufungisisa kuti yakavapo sei. “Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani wakasika izvozvi, unobudisa hondo yazvo yakawanda; iye unozvidana zvose namazita azvo; nokuda kwoukuru hwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakuna chimwe chinoshayikwa.”—Isaya 40:26; Jeremia 32:17.
3. Tinobetserwa sei nokuratidzwa kwesimba raJehovha?
3 Sezvo Jehovha ari mukuru pakusimba, tinogona kuva nechokwadi chokuti zuva richaramba richitipa chiedza nokudziya izvo upenyu hwedu hunotsamira pazviri. Zvisinei, tinovimba Pisarema 28:6-9; Isaya 50:2) Bhaibheri rakazara nemienzaniso inoratidza simba raJehovha rokusika nokudzikinura, kuponesa vanhu vake nokuparadza vavengi vake.
nesimba raMwari nokuda kwezvinopfuura zvikuru zvinhu zvatinoda mumuviri. Kudzikinurwa kwedu muchivi norufu, tariro yedu yenguva yemberi, uye chivimbo chedu muna Jehovha zvose zvakabatana zvisingaparadzanisiki nokushandisa kwake simba. (Simba raMwari Rinoonekwa Mune Zvakasikwa
4. (a) Dhavhidhi akanzwa sei nokucherechedza denga usiku? (b) Mitumbi yokudenga inozivisei maererano nesimba raMwari?
4 Muapostora Pauro akatsanangura kuti ‘simba risingagumi [roMusiki wedu] rinogona kunyatsonzwisiswa muzvinhu zvaakaita.’ (VaRoma 1:20) Mazana amakore izvi zvisati zvaitika, munyori wepisarema Dhavhidhi, uyo somufudzi anofanira kuva aiwanzotarira kudenga usiku, akanzwisisa ukuru hwezvose zvakasikwa uye simba roMuiti wazvo. Akanyora kuti: “Kana ndichicherechedza denga renyu rose, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza; munhu chinyiko, zvamunomufunga? Nomwanakomana womunhu zvamunomushanyira?” (Pisarema 8:3, 4) Pasinei zvapo nezivo yake isina kukwana yemitumbi yokudenga, Dhavhidhi ainzwisisa kuti akanga ari muduku kwazvo pakuenzaniswa noMusiki wezvose zvakasikwa. Nhasi, vaongorori venyeredzi vanoziva zvakawanda zvikuru nezvokuwanda kwezvose zvakasikwa uye simba rinozvitsigira. Somuenzaniso, vanotiudza kuti sekondi yoga yoga zuva redu rinobudisa simba rakaenzana nokuputika kwematani eTNT 1 000 000 akapetwa kanokwana mamiriyoni 100 000. * Chikamu chiduku kwazvo chesimba iroro chinosvika pasi; asi chakaringana kutsigira upenyu hwose papasi redu. Zvisinei, zuva redu harisi iro nyeredzi ine simba zvikuru mudenga. Musekondi imwe chete, dzimwe nyeredzi dzinobudisa simba rinobudiswa nezuva muswere wose. Saka fungidzira simba rinogona kushandiswa noUyo akasika mitumbi yokudenga yakadaro! Nenzira yakarurama Erihu akati: “Kana ari Wamasimba ose, hatigoni kumunzwisisa; ane simba guru guru.”—Jobho 37:23.
5. Uchapupui hwesimba raJehovha hwatinowana mumabasa ake?
5 Kana ti‘kacherechedza mabasa aMwari’ sezvakaita Dhavhidhi, tichaona uchapupu hwesimba rake kwose kwose—mumhepo nemasaisai, mumabhanan’ana nemheni, munzizi hombe nemakomo makuru. (Pisarema 111:2; Jobho 26:12-14) Uyezve, sokuyeuchidza kwakaita Jehovha Jobho, mhuka dzinopupurira simba Rake. Pakati padzo pane Bhehemoti, kana kuti mvuu. Jehovha akaudza Jobho kuti: “Simba rayo riri muchiuno chayo . . . Mbabvu dzayo dzakafanana namazariro amatare.” (Jobho 40:15-18) Simba rinotyisa renyati raizivikanwawo munguva inotaurwa muBhaibheri, uye Dhavhidhi akanyengetera kuti adzivirirwe “pamuromo weshumba; . . . [ne]pakati penyanga dzenyati.”—Pisarema 22:21; Jobho 39:9-11.
6. Nzombe inofananidzirei muMagwaro, uye nei? (Ona mashoko omuzasi.)
6 Nemhaka yesimba rayo, nzombe inoshandiswa muBhaibheri kufananidzira simba raJehovha. * Zvakaratidzwa muapostora Johani zvechigaro choumambo chaJehovha zvinoratidzira zvisikwa zvipenyu zvina, chimwe chacho chaiva nechiso chakaita sechenzombe. (Zvakazarurwa 4:6, 7) Sezviri pachena, humwe hwounhu huna hwaJehovha hunokosha hwakaratidzwa nemakerubhi aya isimba. Humwe hwacho rudo, uchenjeri, uye ruramisiro. Sezvo simba riri chimwe chinhu chinokosha zvakadaro chounhu hwaMwari, kunzwisisa zvakajeka simba rake uye mashandisire aanoriita kuchatiswededza pedyo naye ndokutibetsera kutevedzera muenzaniso wake nokushandisa zvakanaka simba ripi neripi ratinaro.—VaEfeso 5:1.
“Jehovha weHondo, Iye Wamasimba”
7. Tingava sei nechokwadi chokuti zvakanaka zvichakunda zvakaipa?
7 MuMagwaro, Jehovha anonzi “Mwari Wamasimba Ose,” zita rokuremekedza rinotiyeuchidza kuti hatifaniri kumborerutsa simba rake kana kuti kusava nechokwadi nemano ake okuparadza vavengi vake. (Genesi 17:1; Eksodho 6:3) Gadziriro yezvinhu yakaipa yaSatani ingaratidzika seyakanyatsodzika midzi, asi mumeso aJehovha “marudzi avanhu akaita sedonhwe remvura muchirongo, anenge guruva shomanene pachiyero.” (Isaya 40:15) Nemhaka yesimba raMwari rakadaro, hapana mubvunzo kuti zvakanaka zvichakunda zvakaipa. Panguva apo uipi hunenge hwakawanda, tinganyaradzwa nokuziva kuti “Jehovha wehondo, iye Wamasimba wavaIsraeri” achabvisa zvakaipa nokusingaperi.—Isaya 1:24; Pisarema 37:9, 10.
8. Jehovha anodzora hondo dzokudenga dzipi, uye tine chiratidzo chipi chesimba radzo?
8 Mashoko okuti “Jehovha wehondo,” anowanika ka285 muBhaibheri, ndechimwe chiyeuchidzo chesimba raMwari. “Hondo” dzinorehwa pano iboka rezvisikwa zvomudzimu zvinodzorwa naJehovha. (Pisarema 103:20, 21; 148:2) Muusiku humwe, imwe chete yengirozi idzi yakauraya varwi veAsiria 185 000 vakanga vachityisidzira Jerusarema. (2 Madzimambo 19:35) Kana tikaziva simba rehondo dzokudenga dzaJehovha, hatizotyisidzirwi nyore nyore nevashori. Muprofita Eriya akanga asinganetseki paakaiswa parumananzombe nehondo yose yaimutsvaka nokuti, kusiyana nomushumiri wake, aigona kuona nameso okutenda boka rose remauto okudenga raimutsigira.—2 Madzimambo 6:15-17.
9. Kufanana naJesu, nei tichifanira kuvimba nokudzivirira kwaMwari?
9 Jesu aizivawo kutsigira kwengirozi paakatarisana nemhomho yaiva yakapakatira mapakatwa netsvimbo mubindu reGetsemane. Pashure pokuudza Petro kuti adzorere bakatwa rake munzvimbo yaro, Jesu akamuudza kuti, kana zvakafanira, Aigona kukumbira Baba vake “mapoka makuru engirozi anopfuura gumi nemaviri.” (Mateu 26:47, 52, 53) Kana tichinzwisisa zvakafanana hondo dzokudenga dzinoshandiswa naMwari, tichavimbawo zvakakwana nokutsigira kwaMwari. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Saka, tichatii pazvinhu izvi? Kana Mwari ari kwatiri, ndiani achatirwisa?”—VaRoma 8:31.
10. Jehovha anoshandisa simba rake nokuda kwavanaani?
10 Saka, tine zvikonzero zvose zvokuvimba nokudzivirira kwaJehovha. Anogaroshandisa simba rake zvakanaka uye maererano nohumwe unhu hwake—ruramisiro, uchenjeri, norudo. (Jobho 37:23; Jeremia 10:12) Nepo varume vane simba vachiwanzoitira varombo nevanozvininipisa utsinye kuti vawane mhindu youdyire, Jehovha ‘anosimudza vakaderera kuti vabve muguruva chaimo’ uye ‘ane simba rakawanda rokuponesa.’ (Pisarema 113:5-7; Isaya 63:1) Sokunzwisisa kwakaita Mariya, amai vaJesu vaiva vanyoro uye vaizvininipisa, “Ane simba” anoshandisa simba rake nokuda kwevaya vanomutya asingazvifungi, achininipisa vanozvikudza nokukwidziridza vakaderera.—Ruka 1:46-53.
Jehovha Anozivisa Vashumiri Vake Simba Rake
11. VaIsraeri vakaona chipupuriroi chesimba raMwari mugore ra1513 B.C.E.?
11 Panguva dzakasiyana-siyana, Jehovha akaratidza Eksodho 19:5, 8) Ipapo, Jehovha akapa muenzaniso wakajeka wesimba rake. Gomo reSinai rakapfungaira utsi uye rakadedera, uku mabhanan’ana achitinhira, nemheni dzichipenya uye hwamanda ichirira zvikuru. Vanhu, vakanga vamire nechokure, vakatya. Asi Mosesi akavaudza kuti chiitiko ichi chaifanira kuvadzidzisa kutya Mwari, kutya kwaizovaita kuti vateerere Mwari wavo ane simba rose uye mumwe chete wechokwadi, Jehovha.—Eksodho 19:16-19; 20:18-20.
vashumiri vake simba rake. Imwe yenguva dzakadaro paiva paGomo reSinai muna 1513 B.C.E. Mugore iroro vaIsraeri vakanga vatoona uchapupu hunoorora hwesimba raMwari. Matambudziko gumi anoparadza akazivisa ruoko rune simba rwaJehovha uye kusabetsera kwavanamwari veEgipita. Nokukurumidza pashure paizvozvo, kuyambuka Gungwa Dzvuku kunoshamisa uye kuparadzwa kwehondo yaFarao kwakapa humwezve uchapupu hwesimba raMwari. Mwedzi mitatu pashure pacho, mujinga meGomo reSinai, Jehovha akakoka vaIsraeri kuti vave ‘pfuma yake chaiyo pakati pendudzi dzose.’ Ivo vakavimbisa kuti: “Zvose zvataurwa naJehovha tichazviita.” (12, 13. Mamiriroi ezvinhu akaita kuti Eriya abve kwaaiitira basa rake, asi Jehovha akamusimbisa sei?
12 Mazana amakore anoverengeka pashure pacho, munguva yaEriya, Gomo reSinai rakapupurira kumwe kuratidzwa kwesimba raMwari. Muprofita wacho akanga atoona simba raMwari richishanda. Kwemakore matatu nehafu, Mwari aka“dzivira kudenga” nemhaka yokuramba kutenda kworudzi rwavaIsraeri. (2 Makoronike 7:13) Mukusanaya kwemvura kwakazovapo, makunguo akapa Eriya zvokudya murwizi rwomumupata weKeriti, uye pashure pacho upfu nemafuta zvishomanene zveimwe chirikadzi zvakawedzerwa zvinoshamisa kuti zvimuwanise zvokudya. Jehovha akatopa Eriya simba rokumutsa mwanakomana wechirikadzi iyi. Pakupedzisira, mumuedzo unoshamisa wokuti Mwari ndiani wakaitwa paGomo reKarmeri, moto wakaburuka kubva kudenga ndokupisa chibayiro chaEriya. (1 Madzimambo 17:4-24; 18:36-40) Kunyange zvakadaro, nokukurumidza pashure paizvozvo, Eriya akatya uye akaora mwoyo Izebheri paakatyisidzira kumuuraya. (1 Madzimambo 19:1-4) Akatiza munyika yacho, achifunga kuti basa rake somuprofita rakanga rapera. Kuti amuvimbisezve nokumusimbisa, Jehovha akamupa muenzaniso wake oga wesimba rake nenzira yomutsa.
13 Eriya paakanga akavanda mubako, akaona kuratidzwa kunotyisa kwemasimba matatu anodzorwa naJehovha: mhepo ine simba, kudengenyeka kwapasi, uye pakupedzisira moto. Zvisinei, Jehovha paakataura naEriya, akazviita ne“nzwi rakadzikama, riri pasi,” (NW). Akamupa rimwezve basa rokuita uye akamuudza kuti kwaiva kuchine vanamati vaJehovha vakatendeka 7 000 munyika yacho. (1 Madzimambo 19:9-18) Kana tikamboora mwoyo nokusava nezvibereko muushumiri hwedu, saEriya, tinogona kukumbira Jehovha “simba rinopfuura romuzvarirwo”—simba rinogona kutisimbisa kuti tipfuurire kuparidza mashoko akanaka tisingaregi.—2 VaKorinde 4:7.
Simba raJehovha Rinovimbisa Kuzadzika kweZvipikirwa Zvake
14. Zita raJehovha pachake rinozivisei, uye simba rake rakabatana sei nezita rake?
14 Simba raJehovha rakanyatsobatanawo nezita rake uye nokuitwa kwokuda kwake. Zita rakasiyana nemamwe rokuti Jehovha, rinoreva kuti “Anokonzera Kuva,” rinozivisa kuti anozviita kuti ave Muzadziki wezvipikirwa zvake. Hapana chinhu kana munhu angadzivisa Mwari kuita kuti zvinangwa zvake zviitike, pasinei nokuti vanhu vasina chokwadi nazvo vangazviona sezvisingaitiki. Sokuudza kwakamboita Jesu vaapostora vake kuti, “zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.”—Mateu 19:26.
15. Abrahama naSara vakayeuchidzwa sei kuti hakuna chinhu chingakunda Jehovha?
15 Kuenzanisira, Jehovha akambopikira Abrahama naSara kuti aizoita vazukuru vavo rudzi rukuru. Zvisinei, vakagara vasina mwana kwemakore akawanda. Vose vakanga vachembera Jehovha paakavaudza kuti chipikirwa chacho chakanga chava kuda kuzadzika uye Sara akaseka. Ichimupindura, ngirozi yakati: “Kune chinhu chingakunda Jehovha here?” (Genesi 12:1-3; 17:4-8; 18:10-) Mazana mana amakore akazotevera, Mosesi paakazounganidza vazukuru vaAbrahama—zvino vakanga vava rudzi rukuru—paMapani eMoabhi, akavayeuchidza kuti Mwari akanga azadzika chipikirwa chake. Mosesi akati: “Wakada madzibaba ako, naizvozvo [Jehovha] akazvitsaurira vana vavo vakavatevera, akakubudisa paEgipita, iye anewe nesimba rake guru; kuti adzinge pamberi pako ndudzi dzinokupfuura noukuru nesimba, akupinze iwe, akupe nyika yavo ive nhaka yako, sezvaakaita nhasi.”—Dheuteronomio 4:37, 38. 14
16. Nei vaSadhusi vakawira muchikanganiso chokuramba rumuko rwevakafa?
16 Mazana amakore akazotevera, Jesu akatsiura vaSadhusi, vakanga vasingatendi rumuko. Nei vairamba kutenda chipikirwa chaMwari chokuti aizomutsa vakafa? Jesu akavaudza kuti: “Hamuzivi Magwaro kana simba raMwari.” (Mateu 22:29) Magwaro anotivimbisa kuti ‘vose vari mumakuva ekurangaridza vachanzwa inzwi roMwanakomana womunhu ndokubuda.’ (Johani 5:27-29) Kana tikaziva zvinotaura Bhaibheri nezvorumuko, chivimbo chedu musimba raMwari chichaita kuti tive nechokwadi chokuti vakafa vachamutswa. Mwari acha“paradza rufu nokusingaperi, . . . nokuti Jehovha akataura izvozvo.”—Isaya 25:8.
17. Chivimbo muna Jehovha chichakosha munzira chaiyo muzuva ripi romunguva yemberi?
17 Munguva yemberi iri pedyo, kuchauya nguva apo mumwe nomumwe wedu achada kuvimba nesimba raMwari rokuponesa munzira chaiyo. Satani Dhiyabhorosi acharwisa vanhu vaMwari, vacharatidzika sevasina kudzivirirwa. (Ezekieri 38:14-16) Ipapo Mwari acharatidza simba rake guru nokuda kwedu, uye munhu wose achafanira kuziva kuti iye ndiye Jehovha. (Ezekieri 38:21-23) Zvino ndiyo nguva yokuvaka kutenda nechivimbo chedu muna Mwari Wamasimba Ose kuitira kuti tisazorega panguva iyoyo yakaoma.
18. (a) Tinowana betseroi kubva mukufungisisa simba raJehovha? (b) Mubvunzoi uchakurukurwa munyaya inotevera?
18 Pasina mubvunzo, kune zvikonzero zvakawanda zvokufungisisa simba raJehovha. Sezvatinofungisisa mabasa ake, nokuzvininipisa tinoitwa kuti tirumbidze Musiki wedu Mukuru uye kuonga kuti anoshandisa simba rake munzira yakachenjera neyorudo yakadaro. Hatizombotyisidzirwi kana tichivimba naJehovha wehondo. Kutenda kwedu muzvipikirwa zvake kuchange kusingazununguki. Kunyange zvakadaro, yeuka kuti takasikwa mumufananidzo waMwari. Nokudaro, tine simbawo—kunyange zvazvo riri shoma. Tingatevedzera sei Musiki wedu munzira yatinoshandisa nayo simba redu? Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 1 Zvinowanzodavirwa kuti simba rakadai semafuta uye marasha—zvinhu zvikuru zvinopa simba kumagwenya emagetsi—zvinowana simba razvo kuzuva.
^ ndima 4 Kusiyana neizvi, bhomba renyukireya rine simba zvikuru rati ramboedzwa raive nesimba rokuputika rakaenzana nematani eTNT anokwana mamiriyoni 57.
^ ndima 6 Nyati inotaurwa muBhaibheri zvimwe yaiva aurochs (Latin urus) (Bos primigenius). Zviuru zviviri zvamakore zvakapfuura, mhuka idzi dzaiwanikwa muGaul (zvino France), uye Julius Caesar akanyora rondedzero yadzo inotevera: “Idzi uri dzakangoda kuenzana nenzou, asi mumaumbirwe adzo, ruvara, uye zvadzakaita, inzombe. Dzine simba guru, uye dzinomhanya zvikuru: dzinokuvadza vanhu kana mhuka padzinenge dzangozviona chete.”
Ungapindura Mibvunzo Iyi Here?
• Zvakasikwa zvinoratidza sei simba raJehovha?
• Jehovha angashandisa hondo dzipi kuti atsigire vanhu vake?
• Ndedzipi dzimwe nguva apo Jehovha akaratidza simba rake?
• Tine vimbisoi yokuti Jehovha achazadzika zvipikirwa zvake?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mifananidzo iri papeji 10]
“Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani akasika izvozvi?”
[Kwazvakatorwa]
Photo by Malin, © IAC/RGO 1991
[Mifananidzo iri papeji 13]
Kufungisisa kuratidzwa kwesimba raJehovha kunovaka kutenda muzvipikirwa zvake