Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutenda Kwavo Kwakawana Mubayiro

Kutenda Kwavo Kwakawana Mubayiro

Mushumo Wavazivisi voUmambo

Kutenda Kwavo Kwakawana Mubayiro

MUAPOSTORA Pauro aiva murume wokutenda kukuru, uye akakurudzira vaaitenda navo kuti vakudziridzewo kutenda. Akati: “Iye anosvika Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anova anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Zvakaitika zvinotevera zvokuMozambique zvinoratidza kuti Jehovha anopa sei mubayiro kutenda kwakasimba nokupindura kwaanoita minyengetero yemwoyo wose.

• Imwe hanzvadzi chirikadzi yokuchamhembe kworuwa rweNiassa yainetseka kuti iyo nevana vayo vatanhatu vaizofamba sei kuti vapinde Kokorodzano Yoruwa ye“Nzira yaMwari Youpenyu.” Yaiwana mari yayo nokutengesa zvinhu pamusika womunzvimbo yacho, asi musi wekokorodzano pawakasvika, yaiva nemari yaingokwana kubhadhara chitima pakuenda chete iyo nemhuri yayo. Kunyange zvakadaro, yakatsunga kuisa chivimbo chayo mukugovera kwaJehovha ndokupfuurira nezvirongwa zvayo kuti ivepo pakokorodzano.

Yakakwira chitima nevana vayo vatanhatu. Murwendo rwacho kondakita akasvika payaiva kuti aibhadharise tikiti. Achicherechedza bheji rayo, akaibvunza kuti bheji rokuzivikanwa rayaiva yakapfeka raiva rei. Hanzvadzi yacho yakamuudza kuti raiva rokuti izivikanwe senhume yekokorodzano yoruwa yeZvapupu zvaJehovha. “Kokorodzano iyi ichaitirwa kupi?” akabvunza kudaro kondakita wacho. Aziva kuti kokorodzano yacho yaizoitirwa muruwa rweNampula rwaiva rwakavakidzana, rwaiva kure nemakiromita anenge 300, zvisingatarisirwi akaibhadharisa hafu yetikiti chete pamari yayaifanira kubhadhara! Zvadaro akapa iyo nemhuri yayo matikiti okudzokesa pane imwe hafu yemari yayaifanira kubhadhara. Yakafara sei kuti yaive yaisa chivimbo chayo muna Jehovha!—Pisarema 121:1, 2.

• Kwemakore anenge 25, mumwe mukadzi aishingaira kwazvo mune zvechitendero ainyengetera kuna Mwari kuti amuratidze nzira yakarurama yokumunamata. Chechi yaaipinda yaisanganisa mitambo yechitendero neyetsika, uye aiva asina chokwadi kana nzira iyi yokunamata yaifadza Mwari.

Anoti: “Ndaigaroyeuka mashoko aJesu akanyorwa pana Mateu 7:7 okuti: ‘Rambai muchikumbira, uye muchapiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa.’ Ndichifunga nezvorugwaro urwu, ndainyengetera nguva dzose kuna Mwari kuti anditungamirire kuchokwadi. Mumwe musi mufundisi wechechi yedu akakumbira vose vaishanda mumusika womunzvimbo yedu kuti vamuunzire mari yakati pamwe chete nezvimwe zvinhu zvavo kuitira kuti agozvikomborera. Ndakaona chikumbiro ichi sechisiri chomumagwaro, saka handina kuunza chinhu. Mufundisi paakaona kuti ndakanga ndisina kuunza ‘chipo,’ akatanga kundituka pamberi penhengo dzose dzechechi. Zuva iroro ndakaziva kuti iyi yaisava nzira iyo Mwari anoda kunamatwa nayo, saka ndakasiya chechi yacho. Panguva iyoyo, ndakapfuurira kunyengetera kuti ndiwane chokwadi.

“Pakupedzisira, ndakanyatsozvishingisa ndokuonana nehama yangu ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Akandipa turakiti, uye pandakarirava nokukurumidza ndakaziva kuti Mwari akanga ari kupindura minyengetero yangu. Nokufamba kwenguva, mumwe wangu akatangawo kugamuchira chokwadi cheBhaibheri, uye takanyoresa muchato wedu zviri pamutemo. Zvisinei, gare gare, murume wangu akarwara zvikuru. Asi kusvikira parufu rwake, aindikurudzira kutsungirira munzira yechokwadi kuitira kuti tigozosanganazve muParadhiso.

“Ndinoonga Jehovha nguva dzose nokupindura kwaakaita minyengetero yangu uye kundiratidza nzira yakarurama yokumunamata nayo. Minyengetero yangu yave ichipindurwawo mukuti ndakaona vana vangu vasere vose vachiva vashumiri vaJehovha vakazvitsaurira.”