Kutsvaka Jehovha Nomwoyo Wakagadzirira
Kutsvaka Jehovha Nomwoyo Wakagadzirira
MUPRISTI wechiIsraeri Ezra aiva muongorori, nyanzvi, mukopi, uye mudzidzisi akasiyana nevamwe woMutemo. Nokuda kwevaKristu nhasi iyewo muenzaniso wakaisvonaka webasa romwoyo wose. Sei? Mukuti akaramba akazvipira kuna Mwari kunyange paairarama muBhabhironi, guta rakanga rakazara navanamwari venhema uye kunamata madhimoni.
Kuzvipira kuna Mwari kwaEzra hakuna kungozviitikira. Akakushandira. Zvechokwadi, anotiudza kuti “akanga [akagadzirira] nomwoyo wake wose kutsvaka murayiro waJehovha, nokuuita.”—Tisu tatsveyamisa mabhii; Ezra 7:10.
Kufanana naEzra, vanhu vaJehovha nhasi vanoda kuita zvose zvavanokumbirwa naJehovha asi vachirarama munyika inoitira utsinye kunamata kwechokwadi. Saka ngationgororei nzira idzo isuwo tingagadzirira mwoyo wedu, munhu womukati—kusanganisira pfungwa dzedu, mafungiro, zvido, uye simba rinoita kuti tiite zvinhu—kuti ‘titsvake murayiro waJehovha, nokuuita.’
Kugadzirira Mwoyo Wedu
“Kugadzirira” kunoreva “kufanogadzirira nokuda kwechinangwa: kuisa mumamiriro ezvinhu nokuda kwokushandisa kwakati, kana kuti manzwire.” Chokwadi, kana wakawana zivo yakarurama yeShoko raMwari uye wakatsaurira upenyu hwako kuna Jehovha, saka mwoyo wako wakaratidza zvechokwadi kuva wakagadzirira uye unogona kuenzaniswa nei“vhu rakanaka” rakataurwa naJesu mumufananidzo wake womukushi.—Mateu 13:18-23.
Kunyange zvakadaro, mwoyo wedu unoda kugara ichichenjererwa uye kunatswa. Nei? Nokuda kwezvikonzero zviviri. Chokutanga, nokuti mafungiro anokuvadza, semasora ari mubindu, unogona kuita midzi nyore nyore, zvikurukuru muano “mazuva okupedzisira” apo “mhepo” yegadziriro yaSatani iri kuzadzwa kupfuura nguva dzose nembeu dzinokuvadza dzokufunga kwenyama. (2 Timoti 3:1-5; VaEfeso 2:2) Chikonzero chechipiri chine chokuita neivhu pacharo. Rikangosiyiwa, ivhu ringakurumidza kuoma, kuomarara, ndokusaita zvibereko. Kana kuti vanhu vakanyanya kuwanda vangafamba vasina hanya mubindu racho ndokutsika-tsika ivhu racho kusvika raomarara. Ivhu rokufananidzira romwoyo wedu rakafanana. Ringasava rakaorera kana rikaregeredzwa kana kuti rikatsikwa-tsikwa nevanhu vasingafariri kubudirira kwedu mumudzimu.
Ipapo, zvinokosha zvakadini kuti tose zvedu tishandise kurayira kweBhaibheri kwokuti: “Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.”—Zvirevo 4:23.
Zvinhu Zvinopfumisa I“vhu” Romwoyo Wedu
Ngatitaurei nezvezvimwe zvinhu, kana kuti unhu, huchapfumisa i“vhu” romwoyo wedu kuitira kuti riite kuti zvinhu zvikure zvakanaka. Chokwadi, kune zvinhu zvakawanda zvichavandudza mwoyo wedu, asi pano tichakurukura zvitanhatu: kuziva zvinodiwa zvedu zvomudzimu, kuzvininipisa, kutendeseka, kutya Mwari, kutenda, uye rudo.
“Vanofara avo vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu,” akadaro Jesu. (Mateu 5:3) Senzara yokunyama inotiyeuchidza nezvokuda kwedu kudya, kuziva zvinodiwa zvedu zvomudzimu kunotiita kuti tirambe tiine nzara yezvokudya zvomudzimu. Nomuzvarirwo, vanhu vanopanga zvokudya zvakadaro nokuti zvinoita kuti upenyu huve nezvahunoreva uye huve nechinangwa. Zvinetso zvinobva kugadziriro yezvinhu yaSatani kana kuti kungonzwa usimbe hwokudzidza zvingaita kuti tisazive nezvezvinodiwa izvi. Kunyange zvakadaro, Jesu akati: “Munhu anofanira kurarama, kwete nechingwa choga, asi nokutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha.”—Mateu 4:4.
Munzira chaiyoiyo, zvokudya zvenguva dzose, zvakakodzera, uye zvinovaka zvinotsigira utano hwomuviri, uye zvinoita kuti muviri unzwe kuda kudya zvokudya zvinotevera kana nguva yacho yasvika. Zvakafanana ndezvechokwadi mupfungwa yomudzimu. Ungasazvifunga kuva munhu anodzidza zvikuru, asi kana ukauita muitiro kurava Shoko raMwari zuva nezuva uye uchidzidza mabhuku eBhaibheri nguva dzose, uchaona kuti kuda kwako kudya kunowedzera. Chokwadi ndechokuti, uchatarisira nechido chikuru kunguva yako yokudzidza Bhaibheri. Saka usarega nyore nyore; shanda zvakaoma kuti ude kudya zvakanaka mumudzimu.
Kuzvininipisa Kunonyorovesa Mwoyo
Kuzvininipisa chinhu chinokosha mukuva nomwoyo wakagadzirira nokuti kunotiita vanodzidzisika uye kunotibetsera kuti tive vanoda kugamuchira zano rorudo nokururamisa. Funga muenzaniso wakaisvonaka waMambo Josia. Mukutonga kwake gwaro raiva noMutemo waMwari rakapiwa nokuna Mosesi rakawanikwa. Josia paakanzwa mashoko oMutemo ndokuziva kuti madzitateguru ake akanga atsauka zvakanyanya sei pakunamata kwechokwadi, akabvarura nguo dzake ndokuchema pamberi paJehovha. Nei Shoko raMwari rakaorora mwoyo wamambo uyu zvakakura kudaro? Nhoroondo yacho inoti mwoyo wake waiva “munyoro,” zvokuti akazvininipisa pakunzwa mashoko aJehovha. Jehovha akacherechedza mwoyo unozvininipisa, unogamuchira waJosia ndokumukomborera maererano naizvozvo.—2 Madzimambo 22:11, 18-20.
Kuzvininipisa kwakaita kuti vadzidzi vaJesu “vanhuwo zvavo uye vasina kudzidza” vakwanise kubata ndokushandisa chokwadi chomudzimu chakatadza kubatwa nevaya vakanga “vakachenjera nevakangwara” asi “nenzira yenyama” bedzi. (Mabasa 4:13; Ruka 10:21; 1 VaKorinde 1:26) Vapedzisira kududzwa vakanga vasina kugadzirira kugamuchira shoko raJehovha nokuti mwoyo yavo yakanga yakaomeswa norudado. Zvinoshamisa here kuti Jehovha anovenga rudado?—Zvirevo 8:13; Dhanieri 5:20.
Kutendeseka uye Kutya Mwari
Muprofita Jeremia akanyora kuti “mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose, ndiani ungauziva?” (Jeremia 17:9) Kunyengera uku kunozviratidza munzira dzakasiyana-siyana, dzakadai sepatinozvipembedza kana takanganisa. Kunoonekawo patinopa zvikonzero zvenhema kuzvikanganiso zvounhu zvakanyanya. Zvisinei, kutendeseka, kuchatibetsera kukunda mwoyo unonyengera nokutiyamura kutarisana nechokwadi pamusoro pezvatiri kuitira kuti tigovandudza. Munyori wepisarema akaratidza kutendeseka kwakadaro paakanyengetera kuti: “Ndinzverei Jehovha, ndiidzei, natsai itsvo dzangu nomwoyo wangu.” Zvakajeka kuti, munyori wepisarema akanga agadzirira mwoyo wake kugamuchira kunatswa uye kuidzwa naJehovha, kunyange zvazvo zvingadai zvakareva kubvuma kuvapo kwetsika dzakaita setsvina kuitira kuti izvi zvigogona kukurirwa.—Pisarema 17:3; 26:2.
Kutya Mwari, uko kunosanganisira “kuvenga zvakaipa,” kunobetsera kwazvo mubasa iri rokunatsa. (Zvirevo 8:13) Paanenge achionga mutsa une rudo uye kunaka kwaJehovha, munhu anotya Jehovha zvechokwadi anogara achiziva kuti Jehovha ane simba rokuranga, kunyange kuuraya, avo vasingamuteereri. Jehovha akaratidza kuti vaya vanomutya vaizomuteererawo paakati nezvavaIsraeri: “Dai vaiva nemwoyo yakadai, vakanditya nokuchengeta mirayiro yangu nguva dzose, kuti zvive zvakanaka navo, ivo navana vavo, nokusingaperi!”—Dheuteronomio 5:29.
Zvakajeka kuti, chinangwa chokutya Mwari, hachisi chokuti tirambe tiri mumamiriro ezvinhu okuzviisa pasi tichitya, asi kutiita kuti titeerere Baba vedu vane rudo, avo vatinoziva kuti vanofarira zvikuru mumwoyo mavo. Chokwadi, kutya Mwari kwakadaro kunosimudzira uye kunotokonzera mufaro, wakaratidzwa zvakakwana naJesu Kristu pachake.—Isaya 11:3; Ruka 12:5.
Mwoyo Wakagadzirirwa Wakapfuma Mukutenda
Mwoyo wakasimba mukutenda unoziva kuti chero zvinokumbirwa naJehovha kana zvaanorayira Isaya 48:17, 18) Munhu ane mwoyo wakadaro anowana mufaro wakakura nokugutsikana kubva mukushandisa kurayira kuri pana Zvirevo 3:5, 6, kunoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” Zvisinei, mwoyo unoshayiwa kutenda, ungasada kuvimba naJehovha, zvikurukuru kana kuita izvozvo kuchibatanidza kurega zvimwe zvinhu, zvakadai sokuita kuti usada zvinhu zvakawanda muupenyu kuitira kuti uise pfungwa pazvinhu zvoUmambo. (Mateu 6:33) Nokuda kwechikonzero chakanaka, Jehovha anoona mwoyo usina kutenda se“wakaipa.”—VaHebheru 3:12.
achishandisa Shoko rake nguva dzose zvakarurama uye zvakatinakira zvikuru. (Kutenda kwedu muna Jehovha kunoratidzwa munzvimbo dzakawanda, kusanganisira zvinhu zvatinoita pachivande mumusha medu chaimo. Somuenzaniso, funga nezvenheyo iri pana VaGaratiya 6:7 inoti: “Musatsauswa: Mwari haasi wokuseka. Nokuti zvinodyara munhu, ndizvo zvaachakohwa.” Kutenda kwedu munheyo iyi kucharatidzwa muzvinhu zvakadai semafirimu atinoona, mabhuku atinorava, nguva yatinopedzera mukudzidza Bhaibheri, uye muminyengetero yedu. Hungu, kutenda kwakasimba kunotiita kuti tidyarire “mudzimu” ndicho chinhu chinokosha pakuva nomwoyo wakagadzirira kugamuchira Shoko raJehovha nokuriteerera.—VaGaratiya 6:8.
Rudo—Chinhu Chikuru Kwazvo
Kupfuura zvimwe zvinhu zvose, zvechokwadi rudo runoita kuti ivhu romwoyo wedu ribvume Shoko raJehovha. Saka, pakuruenzanisa nokutenda uye tariro, muapostora Pauro akarondedzera rudo sechinhu chi“kuru pane zvose.” (1 VaKorinde 13:13) Mwoyo wakazara nokuda Mwari unowana kugutsikana kukuru uye mufaro mukuru mukumuteerera; zvechokwadi haushatiriswi nezvinodiwa naMwari. Muapostora Johani akati: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; asi mirayiro yake hairemi.” (1 Johani 5:3) Achitaura zvakafanana, Jesu akati: “Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu, uye Baba vangu vachamuda.” (Johani 14:23) Cherechedza kuti rudo rwakadaro runodzorerwa. Hungu, Jehovha anoda kwazvo vaya vanoswededzwa kwaari norudo.
Jehovha anoziva kuti hatina kukwana uye tinogara tichimutadzira. Kunyange zvakadaro, haarambi ari kure nesu. Chinotsvakwa naJehovha muvashumiri vake “mwoyo wakarurama,” uyo unotiita kuti timushumire nokuzvidira “nomweya unoda kwazvo.” (1 Makoronike 28:9) Chokwadi, Jehovha anoziva kuti zvinoda nguva nebasa kuti tive nezvinhu zvakanaka mumwoyo wedu uye zvadaro toratidza zvibereko zvomudzimu. (VaGaratiya 5:22, 23) Saka, anotishivirira, “nokuti iye anoziva chatakaitwa nacho, anorangarira kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:14) Achiratidza mafungiro akafanana, Jesu aisatsoropodza vadzidzi vake kwazvo nokuda kwezvikanganiso zvavo asi akavabetsera nokuvakurudzira nokushivirira. Rudo rwakadaro, tsitsi, uye kushivirira zvaJehovha naJesu hazvikuiti kuti uvade kwazvo here?—Ruka 7:47; 2 Petro 3:9.
Kana pane dzimwe nguva uchiona zvakaoma kudzura miitiro yadzika midzi, yakaita semasora akasimba, kana kuti kuputsa maitiro akaoma, akaita seivhu rokuumbisa, usapera mwoyo kana kuti kuora mwoyo. Asi ramba uchishanda kuti uvandudze sezvauno‘ramba uchinyengetera,’ kusanganisira kuteterera nguva nenguva kuna Jehovha nokuda kwomudzimu wake. (VaRoma 12:12) Nokubetsera kwake kwokuzvidira, kufanana naEzra, uchabudirira mukuva nomwoyo wakanyatsogadzirirwa “kutsvaka murayiro waJehovha, nokuuita.”
[Mufananidzo uri papeji 31]
Ezra akaramba akazvipira kuna Mwari kunyange muBhabhironi
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 29]
Garo Nalbandian