Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Anopindura Minyengetero

Mwari Anopindura Minyengetero

Mwari Anopindura Minyengetero

Koneriyasi aiva murume aitsvaka nyasha dzaMwari neminyengetero yenguva dzose, yemwoyo wose. Uyezve, akashandisa zvakanaka chinzvimbo chake somukuru weuto. Maererano neBhaibheri, “aipa vanhu [vaishayiwa] zvipo zvengoni zvakawanda.”—Mabasa 10:1, 2.

PANGUVA iyoyo, ungano yechiKristu yaiumbwa nevaJudha, vaproserite, nevaSamariya vaitenda. Koneriyasi aiva mumwe wevaMarudzi akanga asina kudzingiswa uye asiri nhengo yeungano yechiKristu. Izvozvo zvinoreva here kuti minyengetero yake yaiva pasina? Kwete. Jehovha Mwari akacherechedza Koneriyasi uye mabasa ake okunyengetera.—Mabasa 10:4.

Achitungamirirwa nengirozi, Koneriyasi akaoneswa kwaiva neungano yechiKristu. (Mabasa 10:30-33) Somugumisiro, iye neveimba yake vakaropafadzwa kuva veMarudzi vasina kudzingiswa vakatanga kugamuchirwa muungano yechiKristu. Jehovha Mwari akaona zvakaitika kuna Koneriyasi zvichikodzera kuva mubhuku reBhaibheri. Pasina mubvunzo, akachinja zvakawanda kuti awiriranise upenyu hwake zvakakwana nezvinodiwa naMwari. (Isaya 2:2-4; Johani 17:16) Zvakaitika kuna Koneriyasi zvinofanira kukurudzira kwazvo vanhu vemarudzi ose vari kutsvaka nyasha dzaMwari nhasi. Chimbofunga nezvemimwe mienzaniso.

Mienzaniso Yezuva Rino

Mumwe mukadzi muduku kuIndia aida kunyaradzwa kwazvo. Aroorwa ane makore 21, akava nevana vaviri. Asi achangosununguka mwana wechipiri, murume wake akafa. Kamwe kamwe, pazera remakore 24, akanga ava chirikadzi ine mwanasikana ane mwedzi miviri uye mwanakomana ane mwedzi 22. Hazvishamisi kuti aida kunyaradzwa! Ndokupi kwaaigona kuenda? Humwe usiku, akaora mwoyo kwazvo, akanyengetera, achiti, “Baba vokudenga, ndapota ndinyaradzei neShoko renyu.”

Mangwanani akatevera acho, akava nomuenzi. Aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Zuva iroro, ushumiri hwake hwepaimba neimba hwakanga hwakaoma nokuti vashomanana vakanga vamuzarurira musuo. Aneta uye ati orei mwoyo, akanga ava kuda kuenda kumba, asi sezvineiwo akanzwa achida kungoshanyira imba imwe chete bedzi. Ndipo paakasangana neiyi chirikadzi yechiduku. Yakamupinza mumba uye yakagamuchira bhuku raitsanangura Bhaibheri. Mukadzi wacho akanyaradzwa kwazvo nokurava bhuku iroro uye kukurukurirana kwaakaita neChapupu chacho. Akadzidza nezvechipikirwa chaMwari chokumutsa vakafa uye choUmambo hwaMwari, huchaita kuti pasi rive paradhiso nokukurumidza. Zvinotokosha zvikuru ndezvokuti, akasvika pakuziva uye kuda Mwari mumwe wechokwadi, Jehovha, akanga apindura munyengetero wake.

Nora, anogara muguta reGeorge, muSouth Africa, akasarudza mwedzi wokuitawo basa renguva yakazara rouevhangeri. Asati atanga, akanyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha kuti amubatsire kuwana mumwe munhu anofarira zvechokwadi kudzidza Bhaibheri. Ndima yaakagoverwa kushanda yaibatanidza musha womumwe munhu akanga amboitira Nora hasha paakamboshanya. Noushingi, Nora akadzokazve pamusha iwoyo. Akashamisika kuwana mugari mutsva akanga achangotamirapo, ainzi Noleen. Uyezve, Noleen naamai vake vaive vachinyengetera kuna Mwari kuti avabatsire kunzwisisa Bhaibheri. “Pandakakumbira kudzidza navo Bhaibheri,” anotsanangura kudaro Nora, “vakafara.” Noleen naamai vake vakakurumidza kufambira mberi. Nokufamba kwenguva, vose vakatangawo kuita basa rokuporesa mumudzimu naNora.

Mumwe muenzaniso unoratidza simba romunyengetero ndewe vamwe vaviri vanogara kuSouth Africa muguta reJohannesburg. Mumwe Mugovera usiku muna 1996, imba yaDennis naCarol yakanga yoda kuparara. Sechinhu chokupedzisira chokuita, vakasarudza kunyengeterera rubatsiro, vakaramba vachidaro kutozosvikira pakati pousiku. Mangwanani akatevera acho, na11 kiroko, Zvapupu zvaJehovha zviviri zvakagogodza pasuo ravo. Dennis akazarura musuo ndokuvaudza kuti vamire kusvikira adana mudzimai wake. Dennis akabva anyevera Carol kuti kana akabvumira Zvapupu kupinda, zvaizova zvakaoma kuzviti zviende. Carol akayeuchidza Dennis kuti vaive vanyengeterera rubatsiro ndokutaura kuti iyi ingava mhinduro yaMwari yeminyengetero yavo. Nokudaro Zvapupu zvacho zvakapinzwa mumba, uye fundo yeBhaibheri yakatangwa mubhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Dennis naCarol vakafara nezvavakadzidza. Masikati iwayo, vakapinda musangano wavo wokutanga paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha yomunharaunda iyoyo. Nokushandisa zivo yavakanga vadzidza muBhaibheri, Dennis naCarol vakawana zvaipedza zvinetso zvemhuri yavo. Zvino varumbidzi vaJehovha vanofara vakabhabhatidzwa, uye nguva dzose vanogoverana zvavanotenda zviri muBhaibheri nevavakidzani vavo.

Zvakadini Kana Uchinzwa Usingakodzeri Kunyengetera?

Vamwe vanhu vepachokwadi vanganzwa vasingakodzeri kunyengetera nemhaka yemararamire avo akashata. Jesu Kristu akataura nyaya yomurume akadaro, muteresi aizvidzwa. Achipinda muchivanze chetemberi, murume uyu akanzwa asingakodzeri kusvika panzvimbo yaiwanzonyengetererwa. “Amire kure zvishoma . . . akaramba achizvirova pachipfuva, achiti, ‘Haiwa Mwari, ndinzwirei nyasha ini munhu anoita zvivi.’” (Ruka 18:13) Maererano naJesu, murume uyu akanzwiwa zvakanaka. Izvi zvinoratidza kuti Jehovha Mwari zvechokwadi ane nyasha uye anoda kubatsira vatadzi vanopfidza zvechokwadi.

Chimbofunga nezverimwe jaya rokuSouth Africa rinonzi Paul. Achiri mukomana, Paul aipinda misangano yechiKristu naamai vake. Asi mumakore ake okuchikoro chesekondari, akatanga kushamwaridzana nevechiduku vakanga vasingateveri nzira dzaMwari. Apedza chikoro, akashanda muuto reyaichimbova hurumende yeSouth Africa yaisarura. Zvadaro, asingazvitarisiri, musikana wake akagumisa kushamwaridzana kwavo. Nzira iyi youpenyu isingagutsi yakasiya Paul aora mwoyo kwazvo. “Humwe usiku,” anoyeuka kudaro, “ndakanyengetera kuna Jehovha ndokukumbira rubatsiro rwake, kunyange zvazvo ndakanga ndisina kumbotaura kuna Mwari nemwoyo wose kwemakore akawanda.”

Isiri nguva refu pashure pomunyengetero iwoyu, amai vaPaul vakamukoka kuti apinde Chirangaridzo chegore negore chorufu rwaKristu. (Ruka 22:19) Paul akashamiswa kuti amai vake vakanga vaita izvi, sezvo aimbova asingadzoreki uye airatidza kufarira Bhaibheri zvishoma. “Ndakaona kukokwa uku semhinduro yaJehovha yomunyengetero wangu uye ndakanzwa ndichifanirawo kuita zvaaida.” Kubvira panguva iyoyo, Paul akatanga kupinda misangano yose yechiKristu. Mwedzi mina yokudzidza Bhaibheri yapera, akanga akodzera kubhabhatidzwa. Uyezve, akarega zvidzidzo zvake zvouinjiniya ndokusarudza basa renguva yakazara rouevhangeri. Nhasi, Paul murume anofara asisina kuora mwoyo nezvoupenyu hwake hwekare. Kwemakore 11 apfuura, ave achishanda pahofisi yebazi reWatch Tower Society muSouth Africa.

Zvechokwadi, Jehovha Mwari anopindura nenyasha minyengetero uye “anova anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Nokukurumidza zuva guru raJehovha richasvika ndokugumisa uipi hwose. Panguva ino, Jehovha ari kupindura minyengetero yevanhu vake nokuda kwesimba nenhungamiro sezvavanoitawo nokushingaira basa rinokosha rokupupura. Saka, mamiriyoni evanhu anobva kumarudzi ose ari kubatanidzwa neungano yechiKristu uye ari kukomborerwa nezivo yeBhaibheri inotungamirira kuupenyu husingaperi.—Johani 17:3.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Munyengetero waKoneriyasi wemwoyo wose wakaita kuti ashanyirwe nomuapostora Petro

[Mufananidzo uri papeji 6]

Minyengetero yakabatsira vakawanda munguva dzokuora mwoyo

[Mifananidzo iri papeji 7]

Zvakanaka kunyengeterera kubatsirwa kunzwisisa Bhaibheri

Vakaroorana vanganyengeterera kubatsirwa kuti imba yavo isimbiswe