Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Haiwa Mwari, Tumai Chiedza Chenyu’

‘Haiwa Mwari, Tumai Chiedza Chenyu’

‘Haiwa Mwari, Tumai Chiedza Chenyu’

“Tumai chiedza chenyu nezvokwadi yenyu; zvinditungamirire.”—PISAREMA 43:3.

1. Jehovha anozivisa sei zvinangwa zvake?

JEHOVHA anonyatsofunga nezvenzira yaanoita kuti zvinangwa zvake zvizivikanwe nevashumiri vake. Pane kubudisa chokwadi pachena kamwe kamwe mukupenya kumwe kwechiedza kwakanyanya, anotijekesera zvishoma nezvishoma. Kufamba kwedu nomunzira youpenyu kungafananidzwa nokufamba kunoitwa nomufambi munzira yakareba. Anotanga kufamba mangwanani-ngwanani uye anoona zvishoma. Sezvo zuva rinotanga kubuda zvishoma nezvishoma nepajengachenga, mufambi wacho anokwanisa kusiyanisa zvinhu zvishoma zvakamupoteredza. Zvimwe zvose anozvionera mumadzerere. Asi sezvo zuva rinoramba richikwira, anowedzera kuona zviri padaro rakareba. Ndizvo zvinoitawo chiedza chomudzimu chinogoverwa naMwari. Anotibvumira kunzwisisa zvinhu zvishoma panguva. Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, akajekesa zvinhu mumudzimu nenzira yakafanana. Ngatikurukurei kuti Jehovha akajekesera sei vanhu vake zvinhu munguva yekare uye kuti anozviita sei nhasi.

2. Jehovha akajekesa sei zvinhu munguva yakatangira chiKristu?

2 Vanyori vePisarema rechi43 zvimwe vaiva vanakomana vaKora. SevaRevhi, vaiva neropafadzo yokudzidzisa vanhu Mutemo waMwari. (Maraki 2:7) Chokwadi, Jehovha aiva Murayiridzi wavo Mukuru, uye vaitarira kwaari seAnopa uchenjeri hwose. (Isaya 30:20) “Mwari, . . . tumai chiedza chenyu nezvokwadi yenyu,” munyori wepisarema akanyengetera kudaro. “Zvinditungamirire.” (Pisarema 43:1, 3) Chero bedzi vaIsraeri vaiva vakatendeka kwaari, Jehovha akavadzidzisa nzira dzake. Mazana amakore pashure pacho, Jehovha akavapa chiedza nechokwadi chinoshamisa zvikuru. Mwari akaita izvozvo paakatumira Mwanakomana wake pasi pano.

3. VaJudha vakaedzwa munzirai nokudzidzisa kwaJesu?

3 Somunhu Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari aiva “chiedza chenyika.” (Johani 8:12) Akadzidzisa vanhu “zvinhu zvakawanda nemifananidzo”—zvinhu zvitsva. (Mako 4:2) Akaudza Pondiyo Pirato kuti: “Umambo hwangu hausi rutivi rwenyika ino.” (Johani 18:36) Iyoyo yaiva pfungwa itsva kumuRoma uye zvechokwadi kuvaJudha vaida zvourudzi, nokuti vaifunga kuti Mesiya aizokunda Umambo hweRoma ndokudzorera Israeri kumbiri yayo yekare. Jesu akanga achiratidza chiedza chinobva kuna Jehovha, asi mashoko ake haana kufadza vatongi vechiJudha, avo “vaida mbiri yevanhu zvikuru kupfuura mbiri yaMwari.” (Johani 12:42, 43) Vazhinji vevanhu vakasarudza kuomerera kutsika dzavo pane kubvuma chiedza chomudzimu nechokwadi chaibva kuna Mwari.—Pisarema 43:3; Mateu 13:15.

4. Tinoziva sei kuti vadzidzi vaJesu vaizoramba vachikura mukunzwisisa?

4 Zvisinei, varume nevakadzi vashomanana vaiva nomwoyo yakatendeseka vakagamuchira chokwadi chaidzidziswa naJesu nomufaro. Vakafambira mberi zvishoma nezvishoma mukunzwisisa kwavo zvinangwa zvaMwari. Zvisinei, mugumo woupenyu hwapasi hwoMudzidzisi wavo zvawaiswedera pedyo, vakanga vachine zvakawanda zvokudzidza. Jesu akavaudza kuti: “Ndichine zvinhu zvakawanda zvokutaura kwamuri, asi hamukwanisi kuzvinzwisisa panguva ino.” (Johani 16:12) Hungu, vadzidzi vaizoramba vachikura mukunzwisisa chokwadi chaMwari.

Chiedza Chinoramba Chichipenya

5. Mubvunzoi wakamuka muzana ramakore rokutanga, uye ndiani aiva nomutoro wokuugadzirisa?

5 Jesu afa uye amuka, chiedza chaibva kuna Mwari chakapenya zvakajeka zvikuru kupfuura zvachakanga chamboita. Mune zvakaratidzwa Petro, Jehovha akaratidza kuti Vemamwe Marudzi vasina kudzingiswa vaigona kuva vateveri vaKristu kubvira ipapo. (Mabasa 10:9-17) Uku kwaiva kuzarurirwa! Kunyange zvakadaro, mubvunzo wakazomuka wokuti: Jehovha aida kuti Vemamwe Marudzi vakadaro vadzingiswe pashure pokuva vaKristu here? Mubvunzo iwoyo hauna kunge wapindurwa mune zvakaratidzwa, uye nhau yacho yakaita kuti vaKristu vakakavadzane zvikuru. Waifanira kugadziriswa, kutyira kuti kubatana kwavo kunokosha kwaizoparadzwa. Naizvozvo, muJerusarema “vaapostora nevarume vakuru vakaungana kuti vaone nezvenhau iyi.”—Mabasa 15:1, 2, 6.

6. Maitiroi akateverwa nevaapostora nevarume vakuru pavakakurukura mubvunzo wokudzingiswa?

6 Vaya vaiva pamusangano wacho vaigona kuziva sei kuda kwaMwari nokuda kweVemamwe Marudzi vanotenda? Jehovha haana kutumira ngirozi kuti itungamirire pakukurukurirana kwacho, uye hapana chiratidzo chaakapa vaya vaivapo. Kunyange zvakadaro, vaapostora nevarume vakuru vacho havana kusiyiwa zvachose vasingazivi zvavaifanira kuita. Vakakurukura nezvouchapupu hwakabva kune vamwe vaKristu vechiJudha vakanga vaona matangire akanga aita Mwari kubata nevanhu vemarudzi, achidurura mudzimu mutsvene wake pane Vemamwe Marudzi vasina kudzingiswa. Vakaongororawo Magwaro kuti vazive zvavaifanira kuita. Somugumisiro, mudzidzi Jakobho akataura zvaifanira kuitwa zvichienderana norugwaro rwunojekesa zvinhu. Sezvavaifungisisa uchapupu hwacho, kuda kwaMwari kwakava pachena. Vaya vemarudzi vaisafanira kudzingiswa kuti vatenderwe naJehovha. Vaapostora nevarume vakuru vakakurumidza kunyora chisarudzo chacho kuitira kuti vaKristu vavainamata navo vagotungamirirwa nacho.—Mabasa 15:12-29; 16:4.

7. VaKristu vomuzana ramakore rokutanga vaifambira mberi munzirai?

7 Kusiyana nevatungamiriri vechitendero vechiJudha, vaiomerera kumagamuchidzanwa emadzitateguru avo, vaKristu vechiJudha vakawanda vakafara pavakagamuchira kunzwisisa uku kutsva kunoshamisa kwechinangwa chaMwari chine chokuita nevanhu vemarudzi, kunyange zvazvo kuchibvuma kwaida kuti vachinje maonero avaiita Vemamwe Marudzi vose zvavo. Jehovha akakomborera kuzvininipisa kwavo, uye “ungano dzakaramba dzichisimbiswa pakutenda uye dzichiwedzera pakuwanda zuva nezuva.”—Mabasa 15:31; 16:5.

8. (a) Tinoziva sei kuti chiedza chakawanda chaigona kutarisirwa pakapera zana ramakore rokutanga? (b) Mibvunzoi yakakodzera yatichakurukura?

8 Chiedza chomudzimu chakaramba chichipenya muzana ramakore rokutanga rose. Asi Jehovha haana kuzivisa chinhu chiri chose chezvinangwa zvake kuvaKristu vapakuvamba. Muapostora Pauro akaudza vatendi pamwe naye vomuzana ramakore rokutanga kuti: “Panguva ino tinoonera mumadzerere negirazi resimbi.” (1 VaKorinde 13:12) Girazi rakadaro rakanga risinganyanyi kuonesa zvakanaka. Saka, pakutanga chiedza chomudzimu chaizonzwisiswa zvishoma. Vaapostora vafa, chiedza chakapenya zvishoma kwenguva yakati, asi munguva pfupi yapfuura zivo yeMagwaro yave ichiwanda. (Dhanieri 12:4) Jehovha anopa vanhu vake nzwisiso sei nhasi? Uye tinofanira kuita sei paanokudza kunzwisisa kwatinoita Magwaro?

Chiedza Chinowedzera Kujeka Zvishoma Nezvishoma

9. Mutooi wakasiyana nemimwe uye unobudirira wokudzidza Bhaibheri waishandiswa neVadzidzi veBhaibheri vapakuvamba?

9 Mumazuva ano kakupenya chaiko kechiedza kakatanga kuonekwa mumakore 25 okupedzisira ezana ramakore rechi19 sezvo boka revarume nevakadzi vechiKristu rakatanga kudzidza Magwaro nomwoyo wose. Rakatanga mutoo unoshanda wokudzidza Bhaibheri. Mumwe munhu aimutsa mubvunzo; zvadaro boka racho raiongorora Magwaro ose ane chokuita nawo. Ndima imwe yeBhaibheri payaiita seyaipesana neimwe, ava vaKristu vechokwadi vaiedza kudziwiriranisa. Kusiyana nevatungamiriri vechitendero vamazuva acho, Vadzidzi veBhaibheri (sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo) vakanga vakatsunga kuita kuti Magwaro Matsvene, kwete gamuchidzanwa kana kuti dzidziso dzakaitwa nevanhu, avatungamirire. Vakurukura uchapupu hwose hwaMagwaro hwaivapo, vakaita chinyorwa chezvavakabvumirana. Nenzira iyoyo kunzwisisa kwavaiita dzidziso dzehwaro dzakawanda dzeBhaibheri kwakagadziriswa.

10. Charles Taze Russell akanyora mabhuku api anobatsira okushandisa kudzidza Bhaibheri?

10 Charles Taze Russell ndiye aiva akakurumbira paVadzidzi veBhaibheri. Akanyora mabhuku matanhatu akatevedzana anobatsira okushandisa kudzidza Bhaibheri ane musoro unoti Studies in the Scriptures. Hama Russell vaironga kunyora vhoriyamu yechinomwe, yaizotsanangura mabhuku eBhaibheri aEzekieri naZvakazarurwa. “Kana ndangowana zvaanoreva,” vakadaro, “ndichanyora Vhoriyamu Yechinomwe.” Zvisinei, vakawedzera kuti: “Kana Ishe aita kuti mumwe munhu azive zvaanoreva, anogona kuinyora.”

11. Kuziva nguva nokunzwisisa kwatinoita zvinangwa zvaMwari zvinobatana papi?

11 Mashoko ari pamusoro apa akanyorwa naC. T. Russell anoratidza chimwe chinhu chinokosha mukukwanisa kwedu kunzwisisa dzimwe ndima dzeBhaibheri—kuziva nguva. Hama Russell vaiziva kuti vakanga vasingachagonizve kumanikidza chiedza kuti chipenye pabhuku raZvakazarurwa kungofanana nomufambi ari kunetseka asingagoni kumanikidza zuva kuti ribude nguva yaro yarinofanira kubuda isati yakwana.

Zvakaziviswa—Asi Munguva yaMwari Yakakodzera

12. (a) Uprofita hweBhaibheri hunonyatsonzwisiswa rini? (b) Muenzanisoi unoratidza kuti kukwanisa kwedu kunzwisisa uprofita hweBhaibheri kunotsamira panguva yaMwari yakagadzwa? (Ona mashoko omuzasi.)

12 Sezvo vaapostora vakanzwisisa uprofita hwakawanda hune chokuita naMesiya Jesu atofa uye amutswa, vaKristu nhasi vanonzwisisa uprofita hweBhaibheri zvakanyatsokwana pahunenge hwazadzika. (Ruka 24:15, 27; Mabasa 1:15-21; 4:26, 27) Zvakazarurwa ibhuku rouprofita, saka tinofanira kutarisira kurinzwisisa zvakajeka zvikuru zviitiko zvarinorondedzera pazvinenge zvichiitika. Somuenzaniso, C. T. Russell aisagona kudai akanzwisisa zvakarurama zvaireva chikara chitsvuku chokufananidzira chinotaurwa pana Zvakazarurwa 17:9-11, sezvo masangano anomirirwa nechikara chacho, anoti, Sangano Renyika Dzakabatana uye Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose, haana kubvira avapo kusvikira pashure pokufa kwake. *

13. Pane dzimwe nguva chii chinoitika kana chiedza chikavhenekera pane imwe nhau yeBhaibheri?

13 VaKristu vapakuvamba pavakaziva kuti Vemamwe Marudzi vakanga vasina kudzingiswa vaigona kuva vatendi pamwe navo, kuchinja ikoko kwakaita kuti pave nomumwe mubvunzo mutsva maererano nokudiwa kwokuti vanhu vamarudzi vadzingiswe. Izvi zvakaita kuti vaapostora nevarume vakuru vaongororezve nhau yacho yose yokudzingiswa. Iwayo ndiwo maitirwe azviri kuitwawo nhasi. Kupenya zvikuru kwechiedza pane imwe nhau yeBhaibheri dzimwe nguva kunoita kuti vashumiri vaMwari vakazodzwa, “muranda akatendeka, akangwara,” vaongororezve misoro ine chokuita nayo, sezvinoratidzwa nomuenzaniso unotevera womunguva pfupi yakapfuura.—Mateu 24:45.

14-16. Kugadziridzwa kwakaitwa maonero ataiita temberi yomudzimu kwakachinja sei kunzwisisa kwatinoita Ezekieri chitsauko 40 kusvika ku48?

14 Muna 1971 kutsanangurwa kwouprofita hwaEzekieri kwakabudiswa mubhuku rinonzi “The Nations Shall Know That I Am Jehovah”—How? Chimwe chitsauko chebhuku iroro chaitaura nokupfupisa zvakaratidzwa Ezekieri zvetemberi. (Ezekieri, chitsauko 40 kusvika ku48) Panguva iyoyo, zvainyanya kufungwa nezvazvo ndezvokuti zvakaratidzwa Ezekieri zvetemberi zvaizozadzika sei munyika itsva.—2 Petro 3:13.

15 Zvisinei, nyaya mbiri dzakabudiswa muNharireyomurindi yaDecember 1, 1972, dzakachinja kunzwisisa kwatinoita zvakaratidzwa Ezekieri. Dzakataura nezvetemberi huru yomudzimu yakarondedzerwa nomuapostora Pauro muna VaHebheru chitsauko 10. Nharireyomurindi yacho yakatsanangura kuti kamuri Dzvene uye chivanze chomukati chetemberi yomudzimu zvine chokuita nemamiriro ezvinhu evakazodzwa pavanenge vari pasi pano. Pakadzokororwa Ezekieri chitsauko 40 kusvika ku48 makore akazotevera, zvakanzwisiswa kuti sezvo temberi yomudzimu iri kushanda nhasi, saka temberi yakaonekwa naEzekieri mune zvaakaratidzwa inofanirawo kuva iri kushanda nhasi. Zvinodaro sei?

16 Mune zvakaratidzwa Ezekieri, vapristi vanoonekwa vachifamba-famba muzvivanze zvetemberi sezvavanoshumira ndudzi dzisiri dzavapristi. Zviri pachena kuti vapristi ava vanomirira “upristi hwoumambo,” vashumiri vaJehovha vakazodzwa. (1 Petro 2:9) Zvisinei, havazovi vachishumira muchivanze chetemberi yapasi muKutonga kwose kwaMakore Ane Chiuru kwaKristu. (Zvakazarurwa 20:4) Munguva yakawanda yacho, kana isiri yose, vakazodzwa vachave vachishumira Mwari vari Munzvimbo Tsvene tsvene yetemberi yomudzimu, “mudenga chaimo.” (VaHebheru 9:24) Sezvo vapristi vanoonekwa vachifamba-famba muzvivanze zvetemberi yaEzekieri, zvakaratidzwa izvozvo zvinofanira kuva zvichizadzika nhasi, apo vamwe vevakazodzwa vanenge vachiri pasi pano. Maererano neizvi, magazini ino yaMarch 1, 1999, yakaratidza maonero akagadziridzwa enhau iyi. Saka, kusvikira kumugumo wezana ramakore rechi20, chiedza chomudzimu chakavhenekera pauprofita hwaEzekieri.

Ida Kuchinja Maonero Ako

17. Wakagadziridza sei maonero ako pachako kubva pawakaziva chokwadi, uye zvakakubetsera sei?

17 Ani naani anoda kuziva chokwadi anofanira kuda ku“tapa kufunga kwose kuti [a]kuite kuti kuteerere Kristu.” (2 VaKorinde 10:5) Izvozvo hazvisi nyore nguva dzose, zvikurukuru kana maonero akanyatsodzika midzi. Somuenzaniso, usati wadzidza chokwadi chaMwari, ungave wainakidzwa nokupemberera mazororo akati echitendero nemhuri yako. Pawakatanga kudzidza Bhaibheri, wakaziva kuti mhemberero idzi chaizvoizvo dzakavamba muchihedheni. Pakutanga, ungave waizengurira kushandisa zvawaidzidza. Zvisinei, pakupedzisira kuda Mwari kwakava kwakasimba kudarika pfungwa dzechitendero, uye wakarega kupinda mhemberero dzisingafadzi Mwari. Jehovha haana kukomborera chisarudzo chako here?—Enzanisa naVaHebheru 11:25.

18. Tinofanira kuita sei apo kunzwisisa kwatinoita chokwadi cheBhaibheri kunojekeswa?

18 Nguva dzose tinobetserwa nokuita zvinhu munzira yaMwari. (Isaya 48:17, 18) Nokudaro kana maonero atinoita imwe ndima yeBhaibheri akajekeswa, ngatifarirei kufambira mberi kwechokwadi! Chaizvoizvo, kuramba kwedu tichijekeserwa kunosimbisa kuti tiri mugwara rakarurama. I“gwara ravakarurama,” iro “rakaita sechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.” (Zvirevo 4:18) Chokwadi, panguva ino tinoonera zvimwe zvinhu zvechinangwa chaMwari “mumadzerere.” Asi panosvika nguva yaMwari yakakodzera, tichaona chokwadi nokunaka kwacho kwose, chero tsoka dzedu dzaramba dziri mu“gwara.” Panguva ino, ngatifarei muchokwadi chakajekeswa naJehovha, tichimirira kujekeserwa chiya chisati chava kunyatsonzwisiswa.

19. Ndeipi imwe nzira inoratidza kuti tinoda chokwadi?

19 Tingaratidza sei kuti tinoda chiedza munzira inoshanda? Imwe nzira ndeyokurava Shoko raMwari nguva dzose—zuva nezuva kana zvichibvira. Uri kutevedzera purogiramu yenguva dzose yokurava Bhaibheri here? Magazini eNharireyomurindi neMukai! anotipawo zvokudya zvomudzimu zvakanaka zvakawanda zvokuti tidye. Fungawo mabhuku, mabhurocha, uye mamwe mabhuku akagadzirirwa kuti tibetserwe. Uye zvakadini nemishumo inokurudzira yemabasa okuparidza Umambo inobudiswa muYearbook of Jehovah’s Witnesses?

20. Chiedza nechokwadi zvinobva kuna Jehovha uye kupinda kwatinoita misangano yechiKristu zvinobatana papi?

20 Hungu, Jehovha akapindura munyengetero wakataurwa pana Pisarema 43:3 munzira inoshamisa. Panoperera ndima iyoyo, tinorava kuti: “[Chiedza chenyu nechokwadi nga]zvindisvitse kugomo renyu dzvene, nokutabhernakeri dzenyu.” Unotarira mberi kunamata Jehovha, pamwe nevamwe vazhinji-zhinji here? Murayiridzo womudzimu unopiwa pamisangano yedu inzira inokosha iyo Jehovha anojekesa nayo zvinhu nhasi. Chii chatingaita kuti tidzamise kuonga kwatinoita misangano yechiKristu? Tinokukumbira kuti ufunge nhau iyi uchinyengetera munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 12 C. T. Russell afa, bhuku rakaratidzwa sevhoriyamu yechinomwe yeStudies in the Scriptures rakaitwa mukuedza kutsanangura mabhuku aEzekieri naZvakazarurwa. Zvimwe zvezvinhu zvaiva muvhoriyamu yacho zvaitorwa mutsinhiro dzakanga dzaitwa naRussell pamabhuku eBhaibheri iwayo. Zvisinei, nguva yokuzivisa zvinoreva uprofita ihwohwo yakanga isati yasvika, uye kungotaurawo, kutsanangura kwakaitwa muvhoriyamu iyoyo yeStudies in the Scriptures kwaiva kusina kujeka. Mumakore akatevera, mutsa usina kufanirwa waJehovha uye zvaiitika panyika zvakaita kuti vaKristu vanzwisise zvinoreva mabhuku iwayo ouprofita zvakarurama zvikuru.

Ungapindura Here?

• Nei Jehovha achizivisa zvinangwa zvake zvishoma nezvishoma?

• Vaapostora nevarume vakuru vaiva muJerusarema vakagadzirisa sei nhau yokudzingiswa?

• Mutooi wokudzidza Bhaibheri wakashandiswa neVadzidzi veBhaibheri vapakuvamba, uye nei wakanga wakasiyana nemimwe?

• Enzanisa kuti chiedza chomudzimu chinoziviswa sei munguva yaMwari yakakodzera.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 12]

Charles Taze Russell aiziva kuti chiedza chaizopenya pabhuku raZvakazarurwa munguva yaMwari yakakodzera