Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubetserwa Kwatingaitwa naJesu Kristu

Kubetserwa Kwatingaitwa naJesu Kristu

Kubetserwa Kwatingaitwa naJesu Kristu

ZVAKAITWA naJesu Kristu kuti abetsere vanhu paaiva pasi pano zvaishamisa. Izvi zvaiva zvechokwadi kwazvo zvokuti chimwe chapupu chakaona chapedza kurondedzera zviitiko zvakawanda zvoupenyu hwaJesu, chakati: “Chaizvoizvo, pane zvimwewo zvinhu zvakawanda zvakaitwa naJesu, izvo, kudai zvakaitika kuti zvakanyorwa zvose chimwe nechimwe, ndinofunga, nyika yaisagona kukwana mipumburu yacho.” (Johani 21:25) Sezvo Jesu akaita zvakawanda kwazvo pasi pano, tingabvunza kuti: ‘Angava sei mubetseri wedu ari kudenga? Tingabetserwa here zvino netsitsi huru dzaJesu?’

Mhinduro yacho inonyevenutsa mwoyo nokukurudzira. Bhaibheri rinotiudza kuti Kristu akapinda “mudenga chaimo, zvino kuti aoneke pamberi paiye Mwari nokuda kwedu.” (VaHebheru 9:24) Akatiitirei? Muapostora Pauro anotsanangura kuti: “[Kristu] akapinda, aiwa, kwete neropa rembudzi nerenzombe duku, asi neropa rake pachake, kamwe chete zvechigarire munzvimbo tsvene [“kudenga chaiko”] akatiwanira kununurwa kusingaperi.”—VaHebheru 9:12; 1 Johani 2:2.

Mashoko akanaka zvakadini iwayo! Pane kuti kugumise mabasa aJesu anoshamisa nokuda kwevanhu, kukwira kwake kudenga kwakamuita kuti aitire vanhu zvakatowanda. Yaiva mhaka yokuti Mwari, nomutsa wake mukuru usina kufanirwa, akagadza Jesu kuti ashande so“mushandi . . . wevanhu vose”—mupristi mukuru—“kuruoko rworudyi pachigaro choumambo chaChangamire kumatenga.”—VaHebheru 8:1, 2.

“Mushandi . . . Wevanhu Vose”

Panguva iyoyo, Jesu aizova mushandi wevanhu vose kudenga. Aizoita basa rakafanana nerakaitwa nomupristi mukuru waIsraeri achiitira vanamati vaMwari munguva dzekare. Uye basa iroro raiva rei? Pauro anotsanangura kuti: “Mupristi mukuru wose anogadzwa kuti ape zvipo nezvibayiro; saka zvakanga zvakafanira kuti iyeyuwo [Jesu Kristu akakwidzwa kudenga] ave nechimwe chinhu chokupa.”—VaHebheru 8:3.

Jesu aiva nechimwe chinhu chokupa chakanga chakasiyana nokure nechaipiwa nomupristi mukuru wekare. “Kana ropa rembudzi nerenzombe” raigona kukonzera kucheneswa kwomudzimu kwakati kuvaIsraeri vekare, “ropa raKristu, . . . r[aizo]chenesa zvikuru sei hana dzedu pamabasa akafa kuti tiitire Mwari mupenyu basa dzvene?”—VaHebheru 9:13, 14.

Jesu mushandiwo mukuru wevanhu vose, nokuti akapiwa kusafa. MuIsraeri yekare “vakawanda vaifanira kuva vapristi vachitsivana nemhaka yokudziviswa norufu kuti varambe vakadaro.” Asi zvakadini naJesu? Pauro anonyora kuti: “Upristi hwake hauna kana vatsivi. Naizvozvo anokwanisawo kuponesa zvakakwana vanosvika Mwari nekwaari, nokuti anogara ari mupenyu kuti avakumbirire.” (VaHebheru 7:23-25; VaRoma 6:9) Hungu, kuruoko rwaMwari rworudyi kudenga tine mushandi wevanhu vose ‘anogara ari mupenyu kuti atikumbirire.’ Chimbofunga kuti izvozvo zvinorevei kwatiri zvino!

Jesu paaiva pasi pano, vanhu vaidirana kwaari kuti vabetserwe, uye dzimwe nguva vaifamba madaro akareba kuti vayamurike nokubetsera kwake. (Mateu 4:24, 25) Kudenga, Jesu anowanika nyore kuvanhu vemarudzi ose. Ari munzvimbo yake yokudenga, nguva dzose aripo somushandi wevanhu vose.

Jesu Mupristi Mukuru Worudzii?

Kurondedzerwa kwaJesu Kristu kwakanyorwa munhoroondo dzeEvhangeri kunotisiya tisina mubvunzo nezvokubetsera kwake netsitsi dzake huru. Aizvibayira zvakadini! Kanopfuura kamwe, nguva yake yokuva oga yakakanganiswa iye nevadzidzi vake pavaiedza kuwana kuzorora kwaidiwa kwazvo. Panzvimbo pokuti anzwe sokunge aipedzerwa nguva inokosha yokufaranuka uye yorugare, “akasiririswa,” nevanhu vaitsvaka kubetserwa naye. Kunyange Jesu paakanga aneta, ava nenzara, nenyota, “akavagamuchira nomutsa” uye akanga achida kurega zvokudya kana aizobetsera vatadzi vapachokwadi.—Mako 6:31-34; Ruka 9:11-17; Johani 4:4-6, 31-34.

Asiririswa, Jesu akaita matanho anoshanda kugutsa zvinodiwa zvokunyama, zvepfungwa, uye zvomudzimu zvevanhu. (Mateu 9:35-38; Mako 6:35-44) Uyezve, akavadzidzisa kutsvaka rusununguko nenyaradzo zvinogara narini. (Johani 4:7-30, 39-42) Somuenzaniso, kukoka kwake pachake kunokwezva sei kwokuti: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye anozvininipisa mumwoyo, uye muchawana zororo remweya yenyu.”—Mateu 11:28, 29.

Kuda vanhu kwaJesu kwaiva kukuru kwazvo zvokuti akazopa upenyu hwake nokuda kwevanhu vanoita chivi. (VaRoma 5:6-8) Nemhaka yeizvi muapostora Pauro akati: “Iye [Jehovha Mwari] asina kunyange kurega Mwanakomana wake asi akamupa nokuda kwedu tose, angaregerereiko kutipawo zvimwe zvinhu zvose naye? . . . Kristu Jesu ndiye akafa, hungu, zvechokwadi uyo akamutswa kubva kuvakafa, ari kuruoko rworudyi rwaMwari, anotikumbirirawo.”—VaRoma 8:32-34.

Mupristi Mukuru Anogona Kunzwira Tsitsi

Somunhu, Jesu akanzwawo nzara, nyota, kuneta, kushungurudzwa, kurwadziwa, uye akafa. Zvinetso nezvinoshungurudza zvaakatsungirira zvakamushongedza munzira chaiyo inokosha kuti ashande soMupristi Mukuru nokuda kwevanhu vanotambura. Pauro akanyora kuti: “[Jesu] akanga achisungirwa kuti ave akaita se‘hama’ dzake muzvinhu zvose, kuti ave mupristi mukuru ane ngoni uye akatendeka muzvinhu zvine chokuita naMwari, kuti ape chibayiro chokuyananisa zvivi zvevanhu. Nokuti pakuti iye akatambura paaiedzwa, anokwanisa kuyamura avo vari kuedzwa.”—VaHebheru 2:17, 18; 13:8.

Jesu akaratidza kuti anokwanisa uye anoda kubetsera vanhu kuti vaswedere pedyo naMwari. Zvisinei, izvi zvinoreva here kuti anofanira kunyengetedza Mwari ane hasha uye asina ngoni neasingadi kukanganwira? Zvechokwadi kwete, nokuti Bhaibheri rinotivimbisa nezvake kuti “[Jehovha] makanaka, munofarira kukanganwira.” Rinotiwo: “Kana tikareurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama zvokuti anotikanganwira zvivi zvedu nokutichenesa pakusarurama kwose.” (Pisarema 86:5; 1 Johani 1:9) Chaizvoizvo, mashoko nemabasa etsitsi zvaJesu zvinoratidza tsitsi, ngoni, uye rudo zvaBaba vake pachake.—Johani 5:19; 8:28; 14:9, 10.

Jesu anosunungura sei vatadzi vanopfidza? Nokuvabetsera kuwana mufaro uye kugutsikana nezvavanoedza kuita nemwoyo wose kuti vafadze Mwari. Achinyorera vamwe vake vakazodzwa vechiKristu, Pauro akapfupikisa mamiriro acho ezvinhu nokuti: “Naizvozvo, zvatinoona kuti tine mupristi mukuru akapfuura nomumatenga, Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisisei kumupupurira kwedu. Nokuti tine mupristi mukuru, kwete asingagoni kunzwira tsitsi kusava nesimba kwedu, asi akaedzwa muzvinhu zvose sesu, asi asina chivi. Naizvozvo, ngatiswederei norusununguko rwokutaura kuchigaro choumambo chomutsa usina kufanirwa, kuti tiwane ngoni uye tiwane mutsa usina kufanirwa nokuda kwokubetserwa panguva yakafanira.”—VaHebheru 4:14-16.

“Kubetserwa Panguva Yakafanira”

Zvisinei, tingaitei patinotarisana nezvinetso zvatinofunga kuti zvikuru zvokuti hatigoni kuzvigadzirisa—kurwara zvakanyanya, mutoro unorema wokuva nemhaka, kuodzwa mwoyo kukuru, uye kupera mwoyo? Tinogona kushandisa chinhu chaicho chaishandiswa naJesu nguva dzose—ropafadzo inokosha yomunyengetero. Somuenzaniso, usiku hwakatangira kupa kwake upenyu hwake nokuda kwedu, “akaramba achinyengetera nemwoyo wose; uye ziya rake rakava semadonhwe eropa richidonhera pasi.” (Ruka 22:44) Hungu, Jesu anoziva kuti zvakadini kunyengetera kuna Mwari nemwoyo wose. “Aiteterera uyewo aikumbira Iye aikwanisa kumuponesa parufu, nokuchema zvikuru nemisodzi, uye akanzwiwa nemhaka yokutya kwake Mwari.”—VaHebheru 5:7.

Jesu anoziva kuti zvinoreva zvakawanda sei kuvanhu ku“nzwiwa” uye kusimbiswa. (Ruka 22:43) Uyezve, akavimbisa kuti: “Kana mukakumbira Baba chimwe chinhu vachachipa kwamuri muzita rangu. . . . Kumbirai uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uitwe kuti uzare.” (Johani 16:23, 24) Saka, tinogona kukumbira Mwari nechivimbo chokuti achabvumira Mwanakomana wake kushandisa chiremera chake nokukosha kwechibayiro chake chorudzikinuro nokuda kwedu.—Mateu 28:18.

Tinogona kuva nechokwadi chokuti ari munzvimbo yake yokudenga, Jesu achapa betsero yakakodzera panguva yakafanira. Somuenzaniso, kana takaita chivi chatiri kuzvidemba nemwoyo wose, tinogona kuwana nyaradzo muvimbiso yokuti “tine mubetseri ari kuna Baba, Jesu Kristu, akarurama.” (1 Johani 2:1, 2) Mubetseri wedu noMunyaradzi ari kudenga achatikumbirira kuitira kuti minyengetero yedu nomuzita rake uye maererano neMagwaro ipindurwe.—Johani 14:13, 14; 1 Johani 5:14, 15.

Kuratidza Kuonga Kubetsera kwaKristu

Zvakawanda zvinobatanidzwa pane kukumbira Mwari nokuMwanakomana wake. Nokukosha kwechibayiro chake chorudzikinuro, “Kristu nokutitenga” akava, sokunge kuti, ‘tenzi akatenga’ rudzi rwevanhu. (VaGaratiya 3:13; 4:5; 2 Petro 2:1) Tinogona kuratidza kuonga kwedu zvose zvatinoitirwa naKristu nokubvuma kuti ndiye tenzi wedu uye kubvuma nomufaro kukoka kwake kwokuti: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe atore danda rake rokutambudzikira zuva nezuva arambe achinditevera.” (Ruka 9:23) ‘Kuzviramba’ hakusi kungotaurawo zvakwo kwokuchinja tenzi. Pashure pezvose, Kristu “akafira vose kuti vanorarama varege kuchazviraramirazve, asi vararamire iye akavafira.” (2 VaKorinde 5:14, 15) Saka, kuonga rudzikinuro kuchatapura kwazvo maonero edu, zvatinovavarira, uye mararamiro edu. Chikwereti chedu chisingaperi kuna “Kristu Jesu, uyo akazvipa nokuda kwedu,” chinofanira kuita kuti tide kudzidza zvakawanda nezvake uye Baba vake vane rudo, Jehovha Mwari. Tinofanirawo kuda kukura mukutenda, kurarama maererano nezvinodiwa naMwari zvinobetsera, uye ku“shingairira mabasa akanaka kwazvo.”—Tito 2:13, 14; Johani 17:3.

Ungano yechiKristu ndiyo nzira yatinogamuchira nayo zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira, kurudziro, uye nhungamiro. (Mateu 24:45-47; VaHebheru 10:21-25) Somuenzaniso, kana pane chero vapi vanorwara mumudzimu, vanogona “kudan[a] varume vakuru veungano [vakuru vakagadzwa].” Jakobho anowedzera kuti: “Uye munyengetero wokutenda uchaporesa murwere, uye Jehovha achamumutsa. Uyewo, kana akaita zvivi, achakanganwirwa.”—Jakobho 5:13-15.

Kuenzanisira: Murume aipika jeri muSouth Africa akanyorera mukuru weungano achitaura kuonga kwake “Zvapupu zvaJehovha zvose zviri kuita basa rakanaka rakatangwa naJesu Kristu mukubetsera vanhu kuvavarira kupinda muUmambo hwaMwari.” Ipapo akanyora kuti: “Ndakafara kwazvo pandakagamuchira tsamba yenyu. Kuva nehanya kwenyu nezvokudzikinurwa kwangu kwomudzimu kwandibaya mwoyo zvikuru. Ndizvo zviri kunyanya kukonzera kuti nditange kuteerera kudanidzira kworupfidzo kwaJehovha Mwari. Kwemakore 27 ndave ndichigumburwa ndichirasika nzira yangu murima rechivi, rokunyengera, rokuita zvisiri pamutemo, miitiro younzenza uye zvitendero zvechitsotsi. Pashure pokukurukurirana neZvapupu zvaJehovha, ndinonzwa kuti pakupedzisira ndawana nzira—nzira yakarurama! Chandinofanira kungoita kuitevera.”

Kumwe Kubetsera Munguva Yemberi iri Pedyo

Mamiriro ezvinhu enyika ari kuramba achiipa uchapupu hwakajeka hwokuti tiri kurarama munguva inokosha munhau yaizotangira “kutambudzika kukuru.” Iye zvino, boka guru revanhu rinobva kumarudzi ose, madzinza, vanhu, nendimi riri ‘kugeza nguo dzaro refu richidziita chena muropa reGwayana.’ (Zvakazarurwa 7:9, 13, 14; 2 Timoti 3:1-5) Nokutenda muchibayiro chaJesu chorudzikinuro, vari kukanganwirwa zvivi zvavo uye vari kubetserwa kusvika pakuva noukama hwepedyo naMwari—zvechokwadi, kuva shamwari dzake.—Jakobho 2:23.

Gwayana, Jesu Kristu, “richavafudza [vapukunyuki vokutambudzika kukuru], uye richavatungamirira kuzvitubu zvemvura youpenyu. Uye Mwari achapukuta misodzi yose pamaziso avo.” (Zvakazarurwa 7:17) Zvadaro Kristu achaita mabasa ake soMupristi Mukuru kusvikira kumugumo. Achabetsera shamwari dzaMwari dzose kuti dzibetserwe zvakazara ne“zvitubu zvemvura youpenyu”—mumudzimu, mumuviri, mupfungwa, nomumwoyo. Izvo Jesu akatanga muna 33 C.E. nezvaave achipfuurira kuita kudenga kubvira ipapo zvichabva zvaitwa kusvika pakukwana.

Saka, usamborega kuratidza kuonga kukuru zvose izvo Mwari naKristu vakaita—uye vari kuita—nokuda kwedu. Muapostora Pauro akakurudzira kuti: “Garai muchifara munaShe. . . . Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.”—VaFiripi 4:4, 6, 7.

Pane nzira inokosha yokuratidza kuonga kwako Jesu Kristu, Mubetseri wedu ari kudenga. Musi weChitatu, April 19, 2000 zuva ranyura, Zvapupu zvaJehovha mupasi rose zvichaungana kuti zvichengete Chirangaridzo chorufu rwaKristu. (Ruka 22:19) Uyu uchava mukana wako wokuonga zvakazara chibayiro chaKristu chorudzikinuro. Unokokwa kwazvo noushamwari kupinda ndokunzwa kuti gadziriro iyi inoshamisa yoruponeso yaMwari achishandisa Kristu ingakubetsera sei nokusingaperi. Tapota bvunza Zvapupu zvaJehovha zvekwaunogara nokuda kwenguva yacho chaiyo uye nzvimbo ichaitirwa musangano uyu unokosha.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Jesu anoziva kuti zvakadini kunyengetera kuna Mwari nemwoyo wose

[Mifananidzo iri papeji 8]

Kristu achatibetsera kukunda miedzo mikuru yatisingagoni kugadzirisa toga

[Mufananidzo uri papeji 9]

Kristu anotibetsera nevakuru vane rudo