Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kugoverana Tariro yechiKristu muSenegal

Kugoverana Tariro yechiKristu muSenegal

Tiri Vaya Vane Kutenda

Kugoverana Tariro yechiKristu muSenegal

HOVE dzave dziri zvokudya zvevakawanda kubvira munguva dzekare. Kwezviuru zvemakore, vanhu vakabata hove mumakungwa, munyanza, nenzizi dzenyika. Vamwe vevaapostora vaJesu Kristu vaiva vabati vehove muGungwa reGarireya. Zvisinei, Jesu akavaudza nezvorumwe rudzi rwokubata hove. Uku kwaiva kubata hove kwomudzimu kwaizobatsira kwete vabati vehove chete asiwo hove dzacho.

Nemhaka yaizvozvi, Jesu akaudza Petro mubati wehove kuti: “Kubvira zvino uchange uchibata vanhu vari vapenyu.” (Ruka 5:10) Kubata kworudzi urwu kuri kuitwa nhasi munyika dzinopfuura 230, kusanganisira Senegal. (Mateu 24:14) Muno “vabati vevanhu” vamazuva ano vanogovera tariro yavo kune vamwe noushingi.—Mateu 4:19.

Senegal iri kwakagumira madokero eAfrica. Inotangira munzvimbo dzine jecha dzegwenga dzakaganhura Sahara iri kuchamhembe kusvika kumasango manyoro edunhu reCasamance riri kumaodzanyemba. Senegal inyika inovhuvhuta mhepo dzinopisa dzomugwenga nemwando unotonhorerawo, weAtlantic. Munogara vanhu vanopfuura mamiriyoni mapfumbamwe muno. Vagari vomuSenegal vanozivikanwa nomutsa wavo. Vakawanda vavo havabvumi kuti vaKristu. Vakawanda vavo vafudzi vemakwai, nepo vamwe vari vafudzi vemombe, vengamera, nembudzi. Kunewo varimi, vanorima nzungu, donje, nomupunga. Hungu, uye kune vabati vehove, vanobudisa utava hwakazara nehove dzomuAtlantic Ocean nedzomunzizi huru dzakawanda dzinomonereka nomunyika yacho. Bhizimisi rokubata hove rinoita basa rinokosha muupfumi hweSenegal. Zvechokwadi, zvokudya zvakakurumbira munyika yacho iceebu jën, kudya kunonaka kwomupunga, hove, nemiriwo.

“Vabati Vevanhu”

MuSenegal mune vaparidzi voUmambo hwaMwari vanoshingaira 863. Kubata vanhu kwomudzimu kwakatanga muno mukutanga kwema1950. Hofisi yebazi reWatch Tower Society yakavhurwa muDakar, guta guru, muna 1965. “Vabati vevanhu” vari vafundisi vakatanga kusvika vachibva kunyika dzokure. Gadziriro “dzokubata vanhu” dzakatanga, uye kugoverana tariro yechiKristu muSenegal kwakapfuurira zvishoma nezvishoma. Pakupedzisira, zvivako zvitsva zvebazi zvakavakwa paAlmadies, kunze kweDakar, uye zvakatsaurirwa kuna Jehovha muna June 1999. Inguva yakadini yokufara!

Chinetso Chokugamuchira Chokwadi

Vanhu vanobva mumamiriro ezvinhu akawanda akasiyana-siyana vari kukurukurwa navo nguva dzose, uye vamwe vakagamuchira zvakanaka shoko retariro rinowanwa muShoko raMwari. Kunyange zvazvo vakawanda vavo vasina zivo yeBhaibheri, vanofara kuziva kuti zvipikirwa zvakaitwa naJehovha Mwari kuvaprofita vakatendeka vekare zvichazadzika nokukurumidza.

Zvinowanzoda ushingi kutsigira zvakasimba nheyo dzechiKristu, kunyanya panobatanidzwa tsika dzemhuri nemagariro. Somuenzaniso, barika rinoitwa kwose kwose muSenegal. Chimbofunga nezvechakaitika chomumwe murume aiva nevakadzi vaviri paakatanga kudzidza Bhaibheri. Aizova noushingi hwokugamuchira chokwadi chechiKristu ndokuteerera chinodiwa chepaMagwaro chokuva murume womukadzi mumwe chete here? (1 Timoti 3:2) Uye aizochengeta mudzimai wouduku hwake, mukadzi waakatanga kuroora here? Ndizvo zvaakaita, uye zvino ari kushumira somukuru anoshingaira mune imwe ungano yakati kurei munharaunda yeDakar. Mukadzi wake wokutanga akagamuchirawo chokwadi pamwe chete nevana vake vose 12, gumi nomukadzi wake wokutanga uye vaviri vacho neaichimbova mukadzi wake wechipiri.

Chimwe chibingamupinyi pakugamuchira tariro yechiKristu chingava kutadza kurava nokunyora. Izvi zvinoreva here kuti munhu asingagoni kurava nokunyora haagoni kugamuchira chokwadi nokuchishandisa? Kana napaduku pose. Chimbofunga nezvomuenzaniso waMarie, amai vanoshanda zvakaoma vevana vaduku vasere. Nokukurumidza akaona kukosha kwokukurukura rugwaro rweBhaibheri, zuva roga roga nevaduku vake vasati vaenda kuchikoro uye iye asati aenda kubasa. Asi izvozvi aigona kuzviita sei, sezvo akanga asingagoni kurava? Mumangwanani-ngwanani oga oga, aitora bhuku rinonzi Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva obva amira pamugwagwa une jecha waiva pamberi peimba yake. Vanhu zvavaipfuura, aivabvunza kana vaigona kurava. Kana awana mumwe munhu aigona, aimutambidza kabhuku kacho uye nomwoyo wose aibva ati: “Handigoni kurava, saka mungandiravirawo here chikamu ichi ndapota?” Ainyatsoteerera kuraviwa kwacho. Zvadaro aibva atenda mupfuuri wacho opinda mumba make nokukurumidza kuti akurukurirane rugwaro rwacho zvine upenyu nevana vake vasati vaenda kuchikoro!

Vanhu Vemarudzi Ose Vari Kugamuchira

MuSenegal, vanhu vangawanwa vakagara mumigwagwa vachitengesa hove, miriwo, kana kuti michero pamusika kana kuti vakagara pasi pomuti mukuru womuuyu vachinwa ataya, svutugadzike yakasvibira inovavira. Dzakatsunga kugoverana mashoko akanaka navose vadzaisangana navo, hama mbiri dzakataura nomumwe murume chirema aipemha mumugwagwa. Dzamukwazisa, dzakati: “Vanhu vakawanda vanokupa mari asi havamiri kuti vakurukure. Tauya pano kuti tikurukure newe nezvechimwe chinhu chinokosha kwazvo chine chokuita nenguva yako yemberi.” Mupemhi wacho akashamisika. “Tinoda kukubvunza mubvunzo,” hama dzacho dzakapfuurira. “Unofunga kuti nei kune kutambura kwakawanda kwazvo munyika?” “Kuda kwaMwari,” akapindura kudaro mupemhi wacho.

Zvadaro hama dzacho dzakakurukura naye neMagwaro ndokutsanangura Zvakazarurwa 21:4. Mupemhi wacho akabayiwa mwoyo neshoko iri retariro uye nechokwadi chokuti vamwe vanhu vakanga vamufarira zvokutomira ndokukurukura Bhaibheri. Maziso ake akazara misodzi. Pane kuti akumbire mari, akakumbira hama dzacho kuti dzitore mari yose yaiva mugaba rake rokupemhera! Akaomerera kwazvo zvokuti zvakabata pfungwa dzomunhu wose aipfuura. Akatozochengeta mari yacho hama dzatomunyengetedza zvakasimba. Pakupedzisira akabvuma asi akaomerera kuti dzimushanyire zvakare.

Yunivhesiti huru iri muDakar iri kuwedzera kubata murutava rwomudzimu rwokubata hove. Ikoko mudzidzi wezvokurapa anonzi Jean-Louis akatanga kudzidza Bhaibheri. Akagamuchira chokwadi nokukurumidza, ndokutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha, uye akabhabhatidzwa. Chido chake chaiva chokushumira Mwari mubasa roupiyona hwenguva yakazara, asi aifarirawo chidzidzo chake mune zvokurapa. Nemhaka yechibvumirano chaakanga aitirana nenyika yokumusha kwake, aitofanira kupedza zvidzidzo zvake. Asi, akatanga kushumira sapiyona webetsero panguva iyoyowo. Nokukurumidza awana dhipuroma rake sachiremba anokwanisa, akakokwa kunoshanda mumusha mukuru weBheteri muAfrica sachiremba wemhuri. Rimwe jaya rakakurukurwa naro paYunivhesiti yeDakar riri kushandawo nemhuri yeBheteri yokumusha kwaro.

Kubata hove kwomudzimu muSenegal zvechokwadi kuri kuva nomubayiro. Mabhuku eBhaibheri eZvapupu zvaJehovha anofarirwa kwazvo uye zvino ari kudhindwa mumutauro wemo wechiWolof. Kunzwa mashoko akanaka mururimi rwaamai kwakurudzira vanhu vakawanda vane mwoyo yakatendeseka kugamuchira nokuonga. Nokukomborera kwaJehovha, pasina mubvunzo dzimwe hove dzakawanda dzokufananidzira dzichabatwa, sezvo “vabati vevanhu” vanoshingaira vomuSenegal vanopfuurira kugoverana tariro yechiKristu nokutendeka noushingi.

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 31]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

SENEGAL

[Mufananidzo]

Kugoverana tariro yechiKristu muSenegal

[Kwazvakatorwa]

Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.