Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutitungamirira Kuri Kuita Jehovha

Kutitungamirira Kuri Kuita Jehovha

Kutitungamirira Kuri Kuita Jehovha

“Nditungamirirei munzira yokururama.”—PISAREMA 27:11, NW.

1, 2. (a) Jehovha ari kutungamirira sei vanhu vake nhasi? (b) Chii chinobatanidzwa pakushandisa zvakazara misangano?

JEHOVHA ndiye Anopa chiedza nechokwadi, sezvatakadzidza munyaya yakapfuura. Shoko rake rinovheneka nzira yedu sezvatinofamba munzira yokururama. Jehovha anotitungamirira nokutirayiridza munzira dzake. (Pisarema 119:105) Kufanana nomunyori wepisarema wekare, tinobvuma kutungamirira kunoita Mwari tichifara uye tinonyengetera kuti: “Ndirayirirei munzira yenyu Jehovha; munditungamirirei munzira yokururama.”—Pisarema 27:11, NW.

2 Imwe nzira iyo Jehovha anogovera nayo murayiridzo nhasi misangano yechiKristu. Tinoshandisa zvakazara here gadziriro iyi yorudo (1) nokupinda nguva dzose, (2) nokunyatsoteerera purogiramu yacho, uye (3) nokutaurawo tisingatyi muhurukuro dzinobatanidza vateereri? Uyezve, tinobvuma nomufaro here patinogamuchira mazano achatibetsera kurambira “munzira yokururama”?

Unopinda Misangano Zvakadini?

3. Mumwe mushumiri wenguva yakazara akatanga sei muitiro wakanaka wokupinda misangano nguva dzose?

3 Vamwe vaparidzi voUmambo vave vachipinda misangano nguva dzose kubva vari vaduku. “Ini navanun’una vangu pataikura kuma1930,” anoyeuka kudaro mumwe mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha, “taisafanira kubvunza vabereki vedu kana takanga tiri kuenda kumusangano. Taiziva kuti takanga tichienda kutoti tairwara. Mhuri yedu yakanga isingamboregi kuenda kumisangano.” Somuprofitakadzi Ana, hanzvadzi yacho hai“mboshayiki” panzvimbo yaJehovha yokunamatira.—Ruka 2:36, 37.

4-6. (a) Nei vamwe vaparidzi voUmambo vachirega kupinda misangano? (b) Nei zvakaoma kupinda misangano?

4 Uri mumwe wevanopinda misangano yechiKristu nguva dzose here, kana kuti hausisiri wenguva dzose munhau iyi? Vamwe vaKristu vaifunga kuti vakanga vachiita zvakanaka zvikuru vakasarudza kubata chokwadi. Kwevhiki shomanana, vakanyora pasi misangano yose yavaipinda. Pavakaongorora zvavakanyora pakupera kwenguva yakanga yasarudzwa, vakashamiswa nenhamba yemisangano yavakanga vasina kupinda.

5 ‘Hazvishamisi,’ mumwe munhu angadaro. ‘Vanhu vane zvinhu zvakawanda zvikuru zvokuita nhasi zvokuti hazvisi nyore kwavari kuti vaende kumisangano nguva dzose.’ Ichokwadi chaizvo kuti tiri kurarama munguva dzinonetsa. Uyezve, hapana mubvunzo kuti zvichatonyanyisa. (2 Timoti 3:13) Asi izvozvo hazviiti kuti kupinda misangano nguva dzose kutonyanya kuoma here? Kana tisingarambi tichidya zvokudya zvakanaka zvomudzimu kuti zvititsigire, hatingatarisiri kuti tikurire kuoma kwezvinhu kunounzwa negadziriro ino kuti titsungirire. Chokwadi, kana tisingasonganirani nguva dzose tingaedzwa kurega “gwara ravakarurama” zvachose! (Zvirevo 4:18) Chokwadi, patinosvika pamba panopera zuva ratashanda zvakaoma, tingasanzwa nguva dzose tichida kupinda musangano. Zvisinei, patinopinda, pasinei nokuneta kwedu, tinozvibetsera, uye tinokurudzira vaKristu vatinonamata navo paHoro yoUmambo.

6 VaHebheru 10:25 inotaura chimwe chikonzero chinokosha nei tichifanira kupinda misangano nguva dzose. Ipapo muapostora Pauro anorayira vamwe vaKristu saiye kuti vaungane vose ‘kunyanya zvavanoona zuva richiswedera pedyo.’ Hungu, hatifaniri kutadza kuona chokwadi chokuti “zuva raJehovha” riri kuswedera pedyo. (2 Petro 3:12) Kana tikafunga kuti mugumo wegadziriro ino uri kure zvikuru, tingatanga kubvumira kuti zvinhu zvatinotsvaka zvitorere nzvimbo mabasa omudzimu anokosha, akadai sokupinda misangano. Ipapo, sokunyevera kwakaita Jesu, ‘kamwe kamwe zuva iroro ringatisvikira pakarepo.’—Ruka 21:34.

Iva Muteereri Akanaka

7. Nei zvichikosha kuti vana vateerere pamisangano?

7 Kungopinda misangano kwoga hakuna kukwana. Tinofanira kunyatsopa nzeve, tichiteerera zvinotaurwa mairi. (Zvirevo 7:24) Izvi zvinosanganisira vana vedu. Mwana paanoenda kuchikoro, anotarisirwa kuteerera mudzidzisi, kunyange kana chidzidzo chakati chisingamufadzi kana kuti asingagoni kuchinzwisisa. Mudzidzisi anoziva kuti kana mwana wacho akaedza kuteerera, achawana chingangomubetserawo muchidzidzo chacho. Saka, hazvinzwisisiki here kuti vana vezera rinoenda kuchikoro vateerere murayiridzo unopiwa kumisangano yeungano pane kuti vatenderwe kurara panongotanga musangano wacho? Chokwadi, pachimwe chechokwadi chinokosha chinowanika muMagwaro pane “zvimwe zvinhu zvakaoma kunzwisisa.” (2 Petro 3:16) Asi hatifaniri kurerutsa mano omwana okudzidza. Mwari haadaro. Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, akarayira vashumiri vake vaduku kuti ‘vateerere uye vadzidze uye vatye Jehovha nokuchenjerera kuita mashoko ose omutemo uyu,’ mamwe acho pasina mubvunzo akanga akaomera vana kunzwisisa. (Dheuteronomio 31:12; enzanisa naRevhitiko 18:1-30.) Jehovha anotarisira zvishoma kuvana nhasi here?

8. Vamwe vabereki vanoitei kuti vabetsere vana vavo kuteerera pamisangano?

8 Vabereki vechiKristu vanoziva kuti zvinodiwa nevana vavo mumudzimu zvinozadziswa zvishoma nezvavanodzidza kumisangano. Nokudaro, vamwe vabereki vanoronga kuti vana vavo vamboti rarei vasati vaenda kumisangano kuitira kuti vasvike kuHoro yoUmambo vasina kuneta uye vagadzirira kudzidza. Vamwe vabereki vangatoisa miganhu kana kutorambidza nokuchenjera vana vavo kuona terevhizheni manheru anoitwa misangano. (VaEfeso 5:15, 16) Uye vabereki vakadaro vanoita kuti zvinotsausa zvive zvishoma, vachikurudzira vana vavo kuteerera ndokudzidza, maererano nezera ravo uye mano.—Zvirevo 8:32.

9. Chii chingatibetsera kukudziridza mano edu okuteerera?

9 Jesu aitaura kuvanhu vakuru paakati: “Chenjerai mateererere enyu.” (Ruka 8:18) Mazuva ano, izvozvo zvinowanzova nyore kuzvitaura pane kuzviita. Zvinobvumwa kuti kuteerera chaiko ibasa rakaoma, asi mano okuteerera anogona kukudziridzwa. Sezvaunoteerera kuhurukuro yeBhaibheri kana kuti chimwe chinoitwa pamusangano, edza kuona kuti pfungwa huru dzacho ndedzipi. Fungidzira zvichatevera kutaurwa nomukurukuri. Tsvaka pfungwa dzaungashandisa muushumiri hwako kana kuti dzaungashandisa muupenyu hwako. Dzokorora pfungwa dzacho nomusoro sezvadzinenge dzichikurukurwa. Nyora zvinonyorwa zvipfupi.

10, 11. Vamwe vabereki vakabetsera sei vana vavo kuti vave vateereri vari nani, uye inzirai dzawakawana kuti dzinobetsera?

10 Tsika yokuteerera kwakanaka inodzidzwa zvakanakisisa pazera duku. Kunyange pavanenge vasati vadzidza kurava nokunyora, vamwe vasati vava kuenda kuchikoro vanokurudzirwa nevabereki vavo kunyora “zvinonyorwa” mumisangano. Vanoisa chiratidzo papepa panoshandiswa mashoko avakajaira akadai sokuti “Jehovha,” “Jesu,” kana kuti “Umambo.” Munzira iyi, vana vanogona kudzidza kufambirana nezviri kutaurwa pachikuva.

11 Kunyange vana vati kurei dzimwe nguva vanoda kukurudzirwa kuteerera. Achiona kuti mwanakomana wake aiva nemakore 11 akanga achiyeverwa pane imwe kokorodzano yechiKristu, mumwe musoro wemhuri wakatambidza mukomana wacho Bhaibheri ndokumuudza kuti avhure magwaro sezvaaitaurwa nevakurukuri. Baba vacho, vakanga vachinyora zvinonyorwa, vaitarira sezvo mwanakomana wacho akanga akabata Bhaibheri. Pashure pacho, mukomana wacho akateerera purogiramu yekokorodzano yacho nomufaro mukuru.

Ita Kuti Inzwi Rako Rinzwike

12, 13. Nei zvichikosha kuimbawo panoimba ungano?

12 Mambo Dhavhidhi akaimba kuti: “Ndi[cha]poteredza atari yenyu saizvozvo, Jehovha. Kuti ndiparidze nenzwi rokuonga.” (Pisarema 26:6, 7) Misangano yeZvapupu zvaJehovha inotipa mikana yakaisvonaka yokuti tiratidze kutenda kwedu zvinonzwika. Imwe nzira yatingaita izvi ndeyokuimbawo panoimba ungano. Ichi ndechimwe chinhu chinokosha chokunamata kwedu, asi chinogona kuregeredzwa nyore nyore.

13 Vamwe vana vasati vava kugona kurava vanodzidza nomusoro mashoko enziyo dzoUmambo dzichashandiswa pamisangano vhiki yoga yoga. Vanonakidzwa nokukwanisa kuimba pamwe nevakura. Zvisinei, sezvo vana vanokura zvishoma, vangasanzwa vachida kuimbawo nziyo dzoUmambo. Vamwe vakura vanonyarawo kuimba pamisangano. Nepo, kuimba kunobatanidzwawo pakunamata kwedu, sezvo ushumiri hwomumunda huchibatanidzwawo pakunamata kwedu. (VaEfeso 5:19) Tinoita zvose zvatinogona kuti tirumbidze Jehovha muushumiri hwomumunda. Hatigoni kumurumbidzawo nokusimudza manzwi edu here—zvingava zvinonakidza kana kwete—munziyo dzomwoyo wose dzokurumbidza?—VaHebheru 13:15.

14. Nei zvinhu zvatinodzidza pamisangano yeungano zvichifanira kufanogadzirirwa zvakanaka?

14 Tinorumbidzawo Mwari patinotsinhira zvinovaka pahurukuro dzemisangano yedu dzinoda kuti vateereri vabatanidzwe. Izvi zvinoda kugadzirira. Zvinotora nguva kufungisisa zvinhu zvakadzama zveShoko raMwari. Muapostora Pauro, munhu aida zvikuru kudzidza Magwaro, akaziva izvi. Akanyora kuti: “Haiwa ukuru hwepfuma yaMwari nouchenjeri nezivo!” (VaRoma 11:33) Misoro yemhuri, zvinokosha kuti mubatsire nhengo yoga yoga yemhuri yenyu kunzvera uchenjeri hwaMwari, sezvinoratidzwa muMagwaro. Tsaurai imwe nguva mufundo yenyu yemhuri yeBhaibheri kuti mutsanangure zvinhu zvakaoma uye kuti mubatsire mhuri yenyu kugadzirira misangano.

15. Chii chiri kunzi chingabetsera munhu kutsinhira pamisangano?

15 Kana uchida kutsinhira kakawanda pamisangano, unodii kufanogadzirira chimwe chinhu chaunoda kutaura? Hausungirwi kuti utaure zvamaoresa. Rugwaro rwakakodzera rweBhaibheri rwunoraviwa nechivimbo kana kuti mashoko mashomanana akanyatsosarudzwa anotaurwa zvinobva pamwoyo achaongwa. Vamwe vaparidzi vanokumbira muitisi wefundo kuti avapindurise mhinduro yokutanga pandima yakati, kuitira kuti vasazoshaya mukana wokuratidza kutenda kwavo.

Vasina Ruzivo Vanova Vakachenjera

16, 17. Mumwe mukuru akapa mumwe mushumiri anoshumira zanoi, uye nei rakashanda?

16 Pamisangano yeZvapupu zvaJehovha, tinowanzoyeuchidzwa kurava Shoko raMwari zuva nezuva. Kuita kudaro kunozorodza. Kunobetserawo kuti tiite zvisarudzo zvokuchenjera, tigadzirise unhu hwakashata, tidzivise miedzo, uye kuti titsigezve mumudzimu kana tarasika nzira.—Pisarema 19:7.

17 Vakuru veungano vane ruzivo vanogara vakagadzirira kupa zano romuMagwaro rinoenderana nezvatinoda. Zvatinongofanira kuita kuri“chera” nokutsvaka zano ravo rinobva muBhaibheri. (Zvirevo 20:5) Rimwe zuva mumwe mushumiri anoshumira muduku aida kuziva zvakawanda akakumbira mumwe mukuru mazano okuti angava anobetsera zvikuru sei muungano. Mukuru wacho, uyo ainyatsoziva jaya racho, akavhura Bhaibheri rake pana 1 Timoti 3:3, inotaura kuti varume vakagadzwa vanofanira kuva va“nonzwisisa.” Akaratidza nomutsa nzira idzo jaya racho raigona kuratidza nadzo kunzwisisa mukubata kwaro nevamwe. Hama duku yacho yakagumbuka here nezano rakajeka rayakapiwa? Kana! “Mukuru wacho akashandisa Bhaibheri,” yakatsanangura kudaro, “saka ndakaziva kuti zano racho raibva kuna Jehovha.” Mushumiri anoshumira wacho akashandisa zano racho achifara uye ari kufambira mberi zvakaisvonaka.

18. (a) Chii chakabetsera mumwe muKristu muduku kudzivisa muedzo kuchikoro? (b) Magwaroi eBhaibheri aunoyeuka kana wanangana nomuedzo?

18 Shoko raMwari rinogonawo kubetsera vechiduku ku“tiza kuchiva kwouduku.” (2 Timoti 2:22) Chimwe Chapupu chaJehovha chiduku chichangobva kupedza kudzidza pachikoro chapamusoro chakakwanisa kudzivisa muedzo mumakore acho ose okuchikoro nokufungisisa uye kushandisa mamwe magwaro eBhaibheri. Chaiwanzofunga nezvezano rakanyorwa pana Zvirevo 13:20 rinoti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo.” Saka, chaingwarira kutanga ushamwari nevaya bedzi vanoremekedza zvikuru nheyo dzeMagwaro. Chakafunga kuti: “Handisi nani kupfuura ani naani. Kana ndikabatanidzwa neboka risina kururama, ndichada kufadza shamwari dzangu, uye izvozvo zvinogona kukonzera chinetso.” Zano raPauro rakanyorwa pana 2 Timoti 1:8 rakachibetserawo. Akanyora kuti: “Usanyara kupupurira Ishe wedu, . . . asi tamburawo zvakaipa nokuda kwemashoko akanaka.” Maererano nezano iroro, chaishinga kugovana zvachaitenda zvinobva muBhaibheri nevomukirasi yacho pamukana wose wakanga wakakodzera. Pose pachainzi chitaurire kirasi chimwe chinhu, chaisarudza musoro waichibvumira kupa uchapupu hwokungwarira maererano noUmambo hwaMwari.

19. Nei rimwe jaya rakanga risingakwanisi kukurira kuoma kwezvinhu zvenyika ino, asi chii chakaripa simba romudzimu?

19 Kana zvikaitika kuti tatsauka mu“gwara ravakarurama,” Shoko raMwari rinogona kutibetsera kururamisa nhanho dzedu. (Zvirevo 4:18) Rimwe jaya rinogara muAfrica rakadzidza izvi pacharo. Apo mumwe weZvapupu zvaJehovha akarishanyira, rakabvuma fundo yeBhaibheri. Rakanakidzwa nezvarakanga richidzidza asi nenguva isipi rakabatanidzwa muushamwari hwakaipa kuchikoro. Pashure penguva yakati, rakakukurwa ndokupinda muupenyu hwounzenza. “Hana yangu yakaramba ichinditambudza, uye ndaifanira kurega kupinda misangano,” rinobvuma kudaro. Pave paya, rakatangazve kupinda misangano. Jaya racho rakataura mashoko aya anojekesa zvinhu: “Ndakaziva kuti chakanyanya kukonzera izvi chaiva chokuti ndakanga ndichifa nenzara mumudzimu. Ndakanga ndisingaiti fundo yomunhu oga. Ndicho chikonzero nei ndakanga ndisingakwanisi kudzivisa muedzo. Ipapo ndakatanga kurava Nharireyomurindi neMukai! Zvishoma nezvishoma, ndakavazve akasimba mumudzimu uye ndakachenesa upenyu hwangu. Uhwu hwakanga huri uchapupu hwakanaka kune vaya vakaona kuchinja kwandakaita. Ndakabhabhatidzwa, uye zvino ndiri kufara.” Chii chakapa jaya iri simba rokukurira kuneta kwaro kwokunyama? Rakasimbazve mumudzimu nefundo yeBhaibheri yenguva dzose, yomunhu oga.

20. Wechiduku angakurira sei kurwisa kwaSatani?

20 Pwere dzechiKristu, muri kurwiswa nhasi! Kana muchizokurira kurwisa kwaSatani, munofanira kudya zvokudya zvomudzimu nguva dzose. Munyori wepisarema, sezviri pachena jaya pacharo, ainzwisisa izvi. Akaonga Jehovha nokuda kwokugovera Shoko rake, kuitira kuti ‘jaya rinatse nzira yaro.’—Pisarema 119:9.

Chero Kwatinotungamirirwa naMwari, Tichatevera

21, 22. Nei tisingafaniri kufunga kuti nzira yechokwadi yakanyanya kuoma?

21 Jehovha akabudisa rudzi rwaIsraeri muIjipiti achirupinza muNyika Yakapikirwa. Nzira yaakasarudza ingave yakaita seyainetsa mumaonero omunhu. Pane kutora nzira inenge yaiva nyore, yakananga yaitevedza Gungwa reMediterranean, Jehovha akatungamirira vanhu vake nenzira yainetsa yomurenje. Zvisinei, uyu wakanga uri chaizvoizvo mutsa waMwari. Kunyange zvazvo yaiva pfupi, nzira yaienda nokugungwa yaizodai yakapinza vaIsraeri nomunyika yevaFiristia vaiva noutsinye. Nokusarudza imwe nzira, Jehovha akadzivirira vanhu vake kurwisana nevaFiristia vasati vamboenda nepi.

22 Kufanana neizvi, kutitungamirira kunoita Jehovha nhasi kungaita sokwakaoma pane dzimwe nguva. Vhiki yoga yoga, tine purogiramu yakazara yemabasa echiKristu, kusanganisira misangano yeungano, fundo yomunhu oga, uye basa romumunda. Dzimwe nzira dzingaita sedziri nyore. Asi kana bedzi tichitevera Mwari tichasvika kunzvimbo yatiri kushandira zvakasimba zvikuru kuti tisvike. Naizvozvo, ngatirambe tichiteerera murayiridzo unokosha unobva kuna Jehovha uye toramba tiri “munzira yokururama” nokusingaperi!—Pisarema 27:11.

Ungatsanangura Here?

Nei zvikurukuru tichifanira kupinda misangano yechiKristu nguva dzose?

Vabereki vangaitei kuti vabetsere vana vavo kuteerera pamisangano?

Chii chinobatanidzwa nokuva muteereri akanaka?

Chii chingatibetsera kutsinhira pamisangano?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 16, 17]

Kupinda misangano yechiKristu kunotibetsera kugara tichifunga zuva raJehovha

[Mifananidzo iri papeji 18]

Kune nzira dzakasiyana-siyana dzokurumbidza nadzo Jehovha pamisangano yechiKristu