Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuzvininipisa—Unhu Hunosimudzira Rugare

Kuzvininipisa—Unhu Hunosimudzira Rugare

Kuzvininipisa—Unhu Hunosimudzira Rugare

Nyika yaizofadza sei kudai munhu wose aizvininipisa. Vanhu vaisazonyanyorayira, nhengo dzemhuri dzisinganyanyopopotedzani, makambani asinganyanyokwikwidzani, uye marudzi asinganyanyorwisani. Ungada kugara munyika yakadaro here?

VASHUMIRI vechokwadi vaJehovha Mwari vari kugadzirira nokuda kwenyika itsva yake yakapikirwa, umo kuzvininipisa kuchaonwa kwose kwose, kwete sokusava nesimba, asi sesimba uye sechinhu chakanaka. (2 Petro 3:13) Chaizvoizvo, vari kukudziridza unhu uhwu hwokuzvininipisa kunyange iye zvino. Nei? Zvikurukuru nemhaka yokuti Jehovha ndizvo zvaanoda pavari. Muprofita wake Mika akanyora kuti: “Iye wakakuzivisa, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi; chinotsvakwa naJehovha kwauri chiiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?”—Mika 6:8.

Kuzvininipisa kungareva zvinhu zvinoverengeka, zvakadai sokusazvitutumadza, kana kuti kusava anodada, unhu hwokusazvikudza nemhaka yemano ako, zvinhu zvaunoita, nezvaunazvo. Maererano nerimwe bhuku, kuzvininipisa kunorevawo “kusapfuura nzvimbo yako.” Munhu anozvininipisa anorambira munzvimbo yokuzvibata kwakanaka. Anobvumawo kuti pane paanoperera pane zvaanofanira uye zvaanokwanisa kuita. Anoziva kuti pane zvinhu zvaasina kodzero nazvo. Zvechokwadi tinonzwa takweverwa kune vanhu vanozvininipisa. “Hakuna chinhu chinofadza kupfuura kuzvininipisa kwechokwadi,” akanyora kudaro mudetembi wechiNgezi Joseph Addison.

Kuzvininipisa hachisi chinhu chokuzvarwa nacho pavanhu vasina kukwana. Tinofanira kuramba tichiedza kukudziridza unhu uhwu. Kuti tikurudzirwe, Shoko raMwari rinorondedzera zviitiko zvinoverengeka zvinoratidzira kuzvininipisa munzira dzakwo dzakasiyana-siyana.

Madzimambo Maviri Aizvininipisa

Mumwe wevashumiri vaJehovha akanga akavimbika kwazvo aiva Dhavhidhi, aiva jaya paakazodzwa kuva mambo womunguva yemberi wevaIsraeri. Pashure pacho, Mambo Sauro aitonga akaisa Dhavhidhi panguva yakaoma kwazvo nokuedza kumuuraya uye kumumanikidza kuti ararame somupoteri.—1 Samueri 16:1, 11-13; 19:9, 10; 26:2, 3.

Kunyange ari mumamiriro ezvinhu iwayo, Dhavhidhi akaziva kuti paiva nepaanoperera pane zvaaifanira kuita kuti adzivirire upenyu hwake. Pane imwe nguva ari murenje, Dhavhidhi akaramba kubvumira Abhishai kukuvadza Mambo Sauro aiva akarara, achiti: “Jehovha ngaandidzivise, ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodzwa waJehovha.” (1 Samueri 26:8-11) Dhavhidhi aiziva kuti yakanga isiri kodzero yake kubvisa Sauro panzvimbo yamambo. Saka Dhavhidhi akaratidza kuzvininipisa panguva iyi nokurambira munzvimbo younhu hwakanaka. Saizvozvowo, vashumiri vaMwari vamazuva ano vanoziva kuti ‘mumaonero aJehovha,’ pane zvinhu zvavasingafaniri kuita, kunyange upenyu hwomunhu huri mungozi.—Mabasa 15:28, 29; 21:25.

Mwanakomana waDhavhidhi Soromoni akaratidzirawo kuzvininipisa paaiva jaya, kunyange zvakadaro nenzira yakati siyanei hayo zvishoma. Soromoni paakagadzwa pachigaro, akanzwa asingakwanisi kutakura mutoro unorema wokuva mambo. Akanyengetera kuti: “Jehovha Mwari wangu, makaita muranda wenyu mambo panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, asi ndiri mwanana hangu, handizivi mutoo wokubuda nawo kana kupinda nawo.” Zviri pachena kuti, Soromoni aiziva paiperera mano ake uye ruzivo. Nokudaro aizvininipisa, achiratidza kusazvitutumadza, kana kudada. Soromoni akakumbira nzwisiso kuna Jehovha, uye akapiwa chaakakumbira.—1 Madzimambo 3:4-12.

Mesiya Neakamutangira

Makore anopfuura 1 000, kubva muzuva raSoromoni, Johani Mubhabhatidzi akaita basa rokugadzirira Mesiya nzira. Seakatangira Akazodzwa, Johani aizadzika uprofita hweBhaibheri. Angadai akazvikudza nemhaka yeropafadzo yake. Johani angadai akaedzawo kuzviunzira rukudzo nemhaka yokuti aiva hama yokunyama yaMesiya. Asi Johani akaudza vamwe kuti akanga asingakodzeri kunyange kusunungura hwashu dzaJesu. Uye Jesu paakazvipa kuti abhabhatidzwe muRwizi rwaJodhani, Johani akati: “Ndini ndinoda kubhabhatidzwa nemi, asi imi muri kuuya kwandiri here?” Izvi zvinoratidza kuti Johani aiva munhu asingazvikudzi. Aizvininipisa.—Mateu 3:14; Maraki 4:5, 6; Ruka 1:13-17; Johani 1:26, 27.

Jesu abhabhatidzwa, akatanga ushumiri hwenguva yakazara, achiparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Kunyange zvazvo Jesu aiva murume akakwana, akati: “Handigoni kuita chinhu chimwe changu ndoga . . . ndinotsvaka, kwete kuda kwangu ndoga, asi kuda kwaiye akandituma.” Uyezve, Jesu haana kutsvaka kukudzwa nevanhu, asi akapa Jehovha mbiri nokuda kwezvose zvaakaita. (Johani 5:30, 41-44) Kuzvininipisa kwakadini!

Saka, zviri pachena kuti vashumiri vaJehovha vakavimbika—vakadai saDhavhidhi, Soromoni, Johani Mubhabhatidzi, uye kunyange murume akakwana Jesu Kristu—vakaratidzira kuzvininipisa. Havana kuzvikudza, vakanga vasingadadi, kana kuti kuzvitutumadza, uye vakaramba vari munzvimbo yakanaka. Mienzaniso yavo zvikonzero zvakafanira kuvashumiri vaJehovha vezuva rino kuti vavandudze uye varatidze kuzvininipisa. Asi, pachine zvimwe zvikonzero zvokuita kudaro.

Munguva ino inotambudza munhau yevanhu, kuzvininipisa unhu hunokosha kwazvo kuvaKristu vechokwadi. Kunoita kuti munhu akwanise kuva norugare naJehovha Mwari, nevanhu, naiyewo.

Rugare naJehovha Mwari

Rugare naJehovha runobvira chete kana tichirambira munzvimbo yaanogadza nokuda kwokunamata kwechokwadi. Vabereki vedu vokutanga, Adhamu naEvha, vakapfuura nzvimbo dzavakanga vaisirwa naMwari, uye vakava vanhu vokutanga kuratidzira kusazvininipisa. Vakarasikirwa noukama hwavo hwakanaka naJehovha, uyewo musha wavo, nguva yavo yemberi, noupenyu hwavo. (Genesi 3:1-5, 16-19) Muripo unorema zvakadini wavakabhadhara!

Ngatidzidzei kubva mukukundikana kwaAdhamu naEvha, nokuti kunamata kwechokwadi kunopa nzvimbo yemararamiro atinofanira kuita. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti “zvifeve, kana vanonamata zvidhori, kana mhombwe, kana varume vanochengeterwa zvinhu zvisiri zvomuzvarirwo, kana varume vanorara nevarume, kana mbavha, kana vanhu vanokara, kana zvidhakwa, kana vanotuka, kana makororo havazogari nhaka yeumambo hwaMwari.” (1 VaKorinde 6:9, 10) Jehovha nokuchenjera anotaura patinoperera kuti isu tibetserwe, uye tinoratidzira uchenjeri nokuramba tiri munzvimbo idzi. (Isaya 48:17, 18) Zvirevo 11:2 inotiudza kuti: “Uchenjeri huri kuna vanozvininipisa.”

Zvakadini kana sangano rechitendero rikatiudza kuti tinogona kudarika zvatinorambidzwa izvi asi tichingopfuurira kuva norugare naMwari? Sangano iroro riri kuedza kutitsausa. Ukuwo, kuzvininipisa kunotibetsera kukudziridza ukama hwepedyo naJehovha Mwari.

Rugare Nevamwe Vanhu

Kuzvininipisa kunosimudzirawo ukama hune rugare nevamwe. Somuenzaniso, vabereki pavanova nomuenzaniso wokugutsikana nezvinodiwa zvavo uye kuisa zvinhu zvomudzimu pakutanga, sezvinobvira zvikuru vana vavo vachatevedzera mafungiro akafanana. Vaduku vacho vachaona zviri nyore zvino kugutsikana, kunyange pavanenge vasingawani zvavanoda nguva dzose. Izvi zvichavabetsera kurarama nokuzvininipisa, uye upenyu hwemhuri huchava norugare kwazvo.

Vaya vanotarisira vanofanira kuratidzira kuzvininipisa uye kwete kushandisa chiremera chavo zvisina kufanira. Somuenzaniso, vaKristu vanorayirwa kuti: “Musapfuura zvinhu zvakanyorwa.” (1 VaKorinde 4:6) Vakuru veungano vanoziva kuti havafaniri kuedza kuisa pfungwa dzavo nezvavanoda mune vamwe. Asi, vanoshandisa Shoko raMwari sechinhu chokushandisa kukurudzira nzira yakarurama mune zvomufambiro wakanaka, kupfeka, kutsvinda, kana kuti nhandaro. (2 Timoti 3:14-17) Nhengo dzemhuri padzinocherechedza kuti vakuru vanorambira munzvimbo yeMagwaro, izvi zvinosimudzira ruremekedzo kuvarume ava uye zvinowedzerawo ushamwari, uye rudo muungano.

Rugare Pachako

Vaya vanozvininipisa vanopiwa mubayiro worugare rwomukati. Munhu anozvininipisa haachemeri chinzvimbo. Izvi hazvirevi kuti haana zvaanovavarira somunhu. Somuenzaniso, angada ropafadzo dzakawedzerwa dzebasa, asi anomirira Mwari, uye ropafadzo dzipi nedzipi dzechiKristu dzaanowana anopa mbiri kuna Jehovha. Hadzionekwi sokubudirira kunoitwa nomunhu oga. Izvi zvinoswededza munhu anozvininipisa kuna Jehovha, “Mwari worugare.”—VaFiripi 4:9.

Ngatitii pane dzimwe nguva tinonzwa sokunge hatisi kuonekwa nevamwe vanhu. Hazvisi nani here kusaonekwa nemhaka yokuti tinozvininipisa pane kuti tibate pfungwa dzevamwe nokusazvininipisa? Vanhu vanozvininipisa havachemeri kwazvo zvinzvimbo. Saka, vane rugare pachavo, rwunobetsera pakuva noutano hwakanaka hwepfungwa nomuviri.

Kukudziridza uye Kuramba une Kuzvininipisa

Adhamu naEvha havana kuzvininipisa—unhu hwavakapfuudza kuvana vavo. Chii chingatibetsera kudzivisa kukanganisa kwafanana sezvakaitwa nevabereki vedu vokutanga? Tingakudziridza sei unhu uhwu hwakanaka hwokuzvininipisa?

Kutanga, kunzwisisa kwakarurama nzvimbo yedu muukama hwedu naJehovha, Musiki wezvose zvakasikwa, kuchatibetsera. Zvinhui zvatakaita zvatingati zvingaenzana munzira ipi neipi nezvakaitwa naMwari? Jehovha akabvunza mushumiri wake akatendeka Jobho kuti: “Iwe wakanga uripiko panguva yandakateya nheyo dzenyika? Chidudzira, kana une zivo iwe.” (Jobho 38:4) Jobho haana kugona kupindura. Hatinawo kufanana here mukuva nezivo shomanana, mano, uye unyanzvi? Hazvitibetseri here kuziva patinoperera?

Uyezve, Bhaibheri rinotiudza kuti: “Nyika ndeyaJehovha, nokuzara kwayo; nyika yose navageremo.” Izvi zvinosanganisira “mhuka dzose dziri kudondo . . . nemombe pamakomo ane chiuru chamazana.” Jehovha anogona kuti: “Sirivha ndeyangu, nendarama ndeyangu.” (Pisarema 24:1; 50:10; Hagai 2:8) Zvinhui zvatinazvo zvatingaratidza tichienzanisa nezvaJehovha? Ingawani, kunyange munhu akapfuma kwazvo haana chikonzero chokuzvikudza nemhaka yezvaanazvo! Saka, kuchenjera kutevera zano rakafuridzirwa romuapostora Pauro kuvaKristu vaiva muRoma rinoti: “Nomutsa usina kufanirwa wandakapiwa ndinoudza munhu wose aripo pakati penyu kuti asazvifunge zvikuru kupfuura zvakafanira kufunga.”—VaRoma 12:3.

Sevashumiri vaMwari vanoda kushandira kuzvininipisa, tinofanira kunyengeterera zvibereko zvomudzimu—rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora. (Ruka 11:13; VaGaratiya 5:22, 23) Nei? Nemhaka yokuti chimwe nechimwe chezvinhu izvi chichaita kuti kuzvininipisa kuve nyore kwatiri. Somuenzaniso, kuda vanhu kuchatibetsera kurwisa muitiro wokuzvidza kana kuti kuzvitutumadza. Uye kuzvidzora kuchaita kuti timire ndokufunga tisati taita nokusazvininipisa.

Ngatichenjerei! Nguva nenguva tinoda kuchenjerera kusapinda mumisungo yokusazvininipisa. Madzimambo maviri ataurwa kumavambo akanga asingazvininipisi nguva dzose. Mambo Dhavhidhi akaita zvinhu asina kunyatsofunga nokuverenga vanhu muna Israeri, chimwe chinhu chaipesana nokuda kwaJehovha. Mambo Soromoni haana kuzvininipisa kutosvika pakubatanidzwa mukunamata kwenhema.—2 Samueri 24:1-10; 1 Madzimambo 11:1-13.

Chero gadziriro ino yezvinhu isingadi Mwari iripo chete, kuva anozvininipisa kunoda kuramba kuchichenjererwa. Zvisinei, kuedza kwacho kwakakodzera. Munyika itsva yaMwari, nzanga yevanhu ichava nevaya vanozvininipisa chete. Vachaona kuzvininipisa sesimba, kwete kusava nesimba. Zvichafadza sei vanhu vose nemhuri pavanokomborerwa norugare runobva mukuzvininipisa!

[Mufananidzo uri papeji 23]

Jesu nokuzvininipisa akapa Jehovha mbiri pazvose zvaakaita