Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Pana VaRoma 12:19, muapostora Pauro airatidza kuti vaKristu havafaniri kuva nehasha here paakati: “Musazvitsivira, vanodiwa, asi dziurirai hasha”?

Chaizvoizvo, kwete. Pano muapostora Pauro aitaura nezvehasha dzaMwari. Chokwadika, izvi hazvirevi kuti hazvina basa kana vaKristu vakatsamwa. Bhaibheri rinotipa zano zvakajeka kuti tisava nehasha. Chimbofunga nezvemienzaniso yezano raMwari.

“Rega kutsamwa, urashe hasha; usava neshungu zvinongotadzisa munhu.” (Pisarema 37:8) “Munhu wose anoramba achiitira hasha hama yake achazvidavirira kudare rinotonga.” (Mateu 5:22) “Mabasa enyama anooneka, uye anoti ufeve, kusachena, unzenza, kunamata zvidhori, tsika yokuita zvemidzimu, kuvengana, kukakavadzana, godo, kufufutirwa nokutsamwa.” (VaGaratiya 5:19, 20) “Pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutaura zvakaipa ngazvibviswe kwamuri.” (VaEfeso 4:31) “Munhu wose anofanira kukurumidza kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kuva nehasha.” (Jakobho 1:19) Uyezve, bhuku raZvirevo rinotipa zano kakawanda kuti tirege kuva nehasha kana kuti kukurumidza kutsamwa pazvikanganiso zviduku uye kutadza kwevanhu.—Zvirevo 12:16; 14:17, 29; 15:1; 16:32; 17:14; 19:11, 19; 22:24; 25:28; 29:22.

Mashoko aVaRoma 12:19 anoenderana nezano rakadaro. Pauro akakurudzira kuti rudo rwedu rwusava nounyengeri, kuti tikomborere vanotitambudza, kuti tifunge zvakanaka nezvevamwe, kuti tisadzorera chakaipa nechakaipa, uye kuti tiedze kuva norugare navanhu vose. Ipapo akakurudzira kuti: “Musazvitsivira, vanodiwa, asi dziurirai hasha; nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndekwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.’”—VaRoma 12:9, 14, 16-19.

Hungu, hatifaniri kurega kutsamwa kuchitiita kuti tidzorere nezviito zvokutsiva. Kuziva kwedu mamiriro ezvinhu nepfungwa dzedu dzokururamisa hazvina kukwana. Kana tikabvumira kutsamwa kuchitiita kuti titsive, tingangoita zvakaipa. Izvozvo zvingatoshanda pakuita chinangwa choMuvengi waMwari, Dhiyabhorosi. Pauro akanyora kune imwe nzvimbo kuti: “Ivai nehasha, asi musaite chivi; zuva ngarirege kuvira makatsamwa, uyewo musatendera Dhiyabhorosi nzvimbo.”—VaEfeso 4:26, 27.

Nzira yakanaka, nzira yokuchenjera, ndeyokusiyira Mwari kuti asarudze kuti ndirini uye kuti ndiani anofanira kutsiviwa. Iye anogona kuita kudaro achinyatsoziva zvakaitika zvacho, uye kutsiva kwose kwaanoita kucharatidza kururamisira kwake kwakakwana. Tinogona kuona kuti ndozvaitaurwa naPauro pana VaRoma 12:19 patinoona kushandisa kwake mashoko ari pana Dheuteronomio 32:35, 41, anosanganisira mashoko aya: “Kutsiva ndokwangu, nokutsividza.” (Enzanisa naVaHebheru 10:30.) Saka, kunyange zvazvo mashoko okuti “aMwari” asingawaniki mumashoko echiGiriki, vakawanda vavashanduri vazvino uno vakaawedzera pana VaRoma 12:19. Izvi zvinotungamirira kukurava kwakadai sokwokuti “Mwari ngaatsive” (The Contemporary English Version); “ipai hasha dzaMwari nzvimbo” (The New Testament in Shona); “Mwari ngaarange kana achida” (The New Testament in Modern English); “siirai Mwari kuti atsive.”—The New English Bible.

Kunyange tikabatwa zvakashata kana tikatambudzwa nevavengi vechokwadi, tinogona kuratidza kuvimba netsananguro yaJehovha Mwari yakanzwiwa naMosesi yokuti: “Jehovha, Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi, unochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, unovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo, asi usingapembedzi munhu une mhosva.” (Tisu tatsveyamisa mabhii.)Eksodho 34:6, 7.