Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Murume Aiva Nomuenzaniso Wakanaka Akabvuma Kururamiswa

Murume Aiva Nomuenzaniso Wakanaka Akabvuma Kururamiswa

Murume Aiva Nomuenzaniso Wakanaka Akabvuma Kururamiswa

“MAKARWE omuZambia Anodya Vanhu 30 Pamwedzi.” Rakashuma kudaro rimwe pepanhau romuAfrica mumakore adarika. Maererano nomumwe anodzidza nezvemhuka akabata makarwe aya kuti adzidze nezvawo, “zvaida varume 12 kuti vabate garwe rimwe.” Nomuswe une simba zvikuru uye shaya dzakasimba, garwe rinogona kuva mhuka inotyisa!

Sezviri pachena achitaura nezvegarwe se‘Ngwena,’ Musiki akashandisa uyu “mambo wezvikara zvose zvinozvikudza” kuti adzidzise muranda wake Jobho chidzidzo chinokosha. (Jobho 41:1, 34) Izvi zvakaitika anenge makore 3 500 adarika munyika yeUzi, zvichida kune imwe nzvimbo iri kumusoro kweArabhiya. Achitsanangura chisikwa ichi, Mwari akaudza Jobho kuti: “Hakuna munhu unotyisa ungatsunga kuivamba. Zvino ndianiko ungagona kumira pamberi pangu here?” (Jobho 41:10) Ndezvechokwadi sei! Kana tichitya garwe, tinofanira kutya zvikuru sei kutaura zvinopesana neAkarisika! Jobho akaratidza kunzwisisa chidzidzo ichi nokubvuma chikanganiso chake.—Jobho 42:1-6.

Panodudzwa Jobho, tingafunga muenzaniso wake wokutendeka mukutsungirira muedzo. (Jakobho 5:11) Chaizvoizvo, Jehovha aifarira Jobho kunyange kutenda kwake kusati kwaedzwa zvakasimba. Mukuona kwaMwari, panguva iyoyo pakanga pasina “munhu wakafanana naye panyika, munhu wakakwana, wakarurama, unotya Mwari, achinzvenga zvakaipa.” (Jobho 1:8) Izvi zvinofanira kutikurudzira kuti tidzidze zvakawanda nezvaJobho, sezvo kudaro kuchatibatsira kuona kuti isuwo tingafadza sei Mwari.

Ukama naMwari Hwaiva Pakutanga

Jobho akanga ari mupfumi. Kunze kwendarama, akanga ane makwai 7 000, makamera 3 000, makadzi embongoro 500, mombe 1 000, uye vashandi vakawanda zvikuru. (Jobho 1:3) Asi Jobho aivimba naJehovha, kwete nepfuma. Iye akati: “Kana ndichinge ndavimba nendarama ikava tariro yangu, ndikati kundarama yakaisvonaka: ndinovimba newe: kana ndichinge ndakafara nokuti pfuma yangu yakanga yawanda, uye nokuti ruoko rwangu rwakanga rwawana zvizhinji . . . , nechinhu ichiwo chaiva chakaipa chinofanira kurohwa navatongi; nokuti ndinenge ndaramba Mwari uri kumusoro.” (Jobho 31:24-28) Kufanana naJobho, tinofanira kukoshesa ukama hwapedyo naJehovha Mwari kupfuura pfuma.

Kubata Navamwe Vanhu Nokururamisira

Jobho aibata sei navashandi vake? Kuti vakamuona kuti airuramisira uye aiva noushamwari zvinoratidzwa namashoko aJobho pachake: “Kana ndichinge ndazvidza mhaka yomuranda wangu kana murandakadzi wangu, panguva yavakaita nharo neni; ndichaiteiko kana Mwari akasimuka? Kana akandivinga, ndingapindurei kwaari?” (Jobho 31:13, 14) Jobho aikoshesa nyasha dzaJehovha saka aibata navashandi vake nenyasha. Muenzaniso wakanaka sei, zvikurukuru kune avo vane nzvimbo dzokutarisira muungano yechiKristu! Vanofanirawo kubata navanhu zvakaenzana, vasingasaruri, uye vane ushamwari.

Jobho akaratidzawo kufarira vakanga vasiri veimba yake. Achiratidza kuva nehanya kwake nevamwe, akati: “Kana ndichinge ndanyima varombo zvavakakumbira, kana kushayisa meso echirikadzi, . . . kana ndichinge ndasimudzira nherera ruoko rwangu, nokuti ndakaona kuti ndichabatsirwa pasuo; ipapo pfudzi rangu ngaribve pabendekete, ruoko rwangu ngarwuvhunike papfupa.” (Jobho 31:16-22) Ngatiitireiwo mutsa vanotambudzika vatinoziva muungano.

Nemhaka yokufarira vanhu vokwake zvisina udyire, Jobho aiva nomutsa kuvanhu vokumwe. Saka aigona kuti: “Mweni haana kuvata usiku panzira dzomumusha; asi ndaizarurira mufambi mikova yangu.” (Jobho 31:32) Muenzaniso wakanaka sei kuvanamati vaMwari nhasi! Panouya vachangofarira chokwadi cheBhaibheri kuHoro yoUmambo, kuvagamuchira kwedu nomutsa kungabatsira pakufambira mberi kwavo mumudzimu. Chokwadika, vatariri vanofambira nevamwe vaKristu vanodawo kuratidzirwa mutsa wedu worudo.—1 Petro 4:9; 3 Johani 5-8.

Jobho aiona kunyange vavengi vake zvakanaka. Haana kufarira zvakaipa zvaigona kuwira munhu aimuvenga. (Jobho 31:29, 30) Asi, aitoda kuita zvakanaka kune vanhu ivavo, sezvinoratidzwa nokuda kwake kunyengeterera vanyaradzi vake venhema vatatu.—Jobho 16:2; 42:8, 9; enzanisa naMateu 5:43-48.

Aisava Nzenza

Jobho akanga akavimbika kumukadzi wake, asingambobvumiri mwoyo wake kuti utange kuda mumwe mukadzi zvisina kufanira. Jobho akati: “Ndakaita sungano nameso angu; zvino ndingatarira musikana seiko? Kana mwoyo wangu uchinge wanyengerwa nomukadzi, kana ndavandira pamukova wowandaigara naye; ipapo mukadzi wangu ngaakuyire mumwe, navamwe ngavakotamire pamusoro pake. Nokuti chinhu icho chivi chakashata, zvirokwazvo, chinhu chakaipa chinofanira kurohwa navatongi.”—Jobho 31:1, 9-11.

Jobho haana kubvumira zvishuvo zvounzenza kuti zvishatise mwoyo wake. Asi akatevera nzira yakarurama. Ndosaka zvisingashamisi kuti Jehovha Mwari akafarira uyu murume akavimbika akarwisa zvinhu zvounzenza zvinokwezva!—Mateu 5:27-30.

Kuva Nehanya Nokunamata Kwemhuri

Pane dzimwe nguva, vanakomana vaJobho vaironga mabiko avaiungana ivo vose nehanzvadzi dzavo. Pakupera kwemazuva emabiko aya, Jobho ainetseka zvikuru achitya kuti vana vake vainge vatadzira Jehovha munzira yakati. Saka Jobho aiita chimwe chinhu, nokuti nhoroondo yapaMagwaro yacho inoti: “Zvino kana mazuva okutamba kwavo apera Jobho waituma nhume kuvadana vanatswe, zvino iye ndokumuka mangwanani, ndokupisa zvipiriso zvinopiswa zvaivaringanira vose; nokuti Jobho wakati: zvimwe vanakomana vangu vakatadza, vakashora Mwari pamwoyo yavo.” (Jobho 1:4, 5) Izvi zvinofanira kuve zvaisimbisa kwazvo vanhu vemumhuri yaJobho kuti aiva nehanya kuti vave nokutya kwokuremekedza Jehovha uye kuti vafambe munzira Dzake!

Nhasi, misoro yemhuri dzechiKristu inofanira kurayiridza vana vayo mushoko raMwari, Bhaibheri. (1 Timoti 5:8) Uye zvechokwadika, zvakakodzera kunyengeterera vanhu vomumhuri.—VaRoma 12:12.

Akatsungirira Nokutendeka Mumuedzo

Varavi veBhaibheri vakawanda vanoziva miedzo yakasimba yakauya pana Jobho. Satani Dhiyabhorosi akanga ataura kuti mumamiriro ezvinhu okuedzwa Jobho aizotuka Mwari. Jehovha akabvuma zvaidiwa naSatani izvi, uye nokukurumidza Satani akaunza nhamo pana Jobho. Akarasikirwa nezvipfuwo zvake zvose. Zvakatoipa zvikuru, akatambura kurasikirwa navana vake vose murufu. Nguva duku pashure paizvozvo, Satani akarova Jobho namamota akashata zvikuru kubva mumusoro kusvika kutsoka.—Jobho, zvitsauko 1, 2.

Zvakaguma nei? Mukadzi wake paakamukurudzira kutuka Mwari, Jobho akati: “Iwe unotaura sezvinotaura mumwe wavakadzi mapenzi. Tingagamuchira zvakanaka bedzi paruoko rwaMwari, tikasagamuchira zvakaipawo here?” Nhoroondo yeBhaibheri inowedzera kuti: “Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza nomuromo wake.” (Jobho 2:10) Hungu, Jobho akatsungirira nokutendeka uye ipapo akabva aburitsa pachena kuti Dhiyabhorosi murevi wenhema. Ngatitsungirireiwo miedzo nenzira yakafanana toratidza kuti basa ratinoitira Mwari tinoriita nokuda kwedu Jehovha chaikoiko.—Mateu 22:36-38.

Aibvuma Kururamiswa Achizvininipisa

Kunyange zvazvo Jobho aiva nomuenzaniso wakanaka munzira dzakawanda, akanga asiri munhu akakwana. Iye pachake akati: “Ndianiko ungabudisa chinhu chakanaka pane chakaipa? Hakuna.” (Jobho 14:4; VaRoma 5:12) Saka Mwari paakati Jobho akanga ari munhu wakakwana, izvi zvakanga zviri zvechokwadi pakuti akararama maererano neizvo Mwari aitarisira kune mumwe wevashumiri vake vasina kukwana uye vanotadza. Zvinokurudzira zvakadini!

Jobho akatsungirira muedzo wake, asi wakaratidza chikanganiso. Vanzwa zvakaipa zvose zvakauya pana Jobho, vanowanzonzi vanyaradzi vatatu vakamushanyira. (Jobho 2:11-13) Vakati Jehovha airangira Jobho kuita zvivi zvikuru. Nomuzvarirwo, Jobho akarwadziwa nemhaka yokupomerwa nhema uku, uye akatsvaka kwazvo kuzvidzivirira. Asi akasvika pakusava nemaonero akanaka mukuedza kuzviruramisa. Jobho akatoratidza kuti akanga akarurama kupfuura Mwari!—Jobho 35:2, 3.

Nokuti Mwari aida Jobho, Akashandisa murume muduku kuti aburitse pachena chikanganiso chaJobho. Nhoroondo yacho inoti: “Ipapo Erihu . . . wakatsamwa kwazvo; wakatsamwira Jobho kwazvo, nokuti wakanga azviruramisa kupfuura Mwari.” Sokutaura kwakaita Erihu: “Jobho wakati: Ndakarurama, asi Mwari wakanditorera kururama kwangu.” (Jobho 32:2; 34:5) Kunyange zvakadaro, Erihu haana kubatana na“vanyaradzi” vatatu mukugumisa zvisina kururama kuti Mwari airangira Jobho zvivi zvake. Asi, Erihu akaratidza chivimbo mukuvimbika kwaJobho, uye akamupa zano achiti: “Mhosva iri pamberi pa[Jehovha], chimumirirai henyu.” Chokwadi, Jobho angadai akamirira Jehovha pane kukurumidza kutaura achizvidzivirira. Erihu akavimbisa Jobho kuti: “[Mwari] haangatambudzi pakutonga nokururama kukuru.”—Jobho 35:14; 37:23.

Kufunga kwaJobho kwaida kugadziridzwa. Naizvozvo, Jehovha akamupa chidzidzo muuduku hwomunhu zvichienzaniswa noukuru hwaMwari. Jehovha akataura nezvenyika, gungwa, denga rine nyeredzi, mhuka, uye nezvimwe zvishamiso zvakawanda zvezvinhu zvakasikwa. Pakupedzisira, Mwari akataura nezveNgwena—garwe. Jobho akabvuma kururamiswa achizvininipisa, uye mukuita kudaro anogadza mumwe muenzaniso.

Kunyange tingave tichiita zvakanaka mubasa raJehovha, tichakanganisa. Kana chikanganiso chiri chikuru, Jehovha angatiruramisa neimwe nzira. (Zvirevo 3:11, 12) Rugwaro rwunotambudza hana yedu rwungauya mupfungwa dzedu. Pamwe Nharireyomurindi kana rimwe bhuku reWatch Tower Society ringataura chimwe chinhu chinotiita kuti tione chikanganiso. Kana kuti zvinogona kuti mumwe muKristu angataura kuti takundikana kushandisa nheyo yeBhaibheri. Tichaita sei paticharuramiswa kudaro? Jobho akaratidza kunzwa urombo, achiti: “Ndinozvisema, nokuzvidemba muguruva namadota.”—Jobho 42:6.

Akapiwa Mubayiro naJehovha

Jehovha akapa Jobho mubayiro, achibvumira muranda wake kuti ararame kwemamwe makore 140. Panguva iyoyo, akagamuchira zvakawanda zvikuru kupfuura zvaakanga arasikirwa nazvo. Uye kunyange Jobho akazofa, ane chokwadi chokumutsirwa munyika itsva yaMwari.—Jobho 42:12-17; Ezekieri 14:14; Johani 5:28, 29; 2 Petro 3:13.

Isuwo tinogona kuva nechokwadi chokuwana nyasha dzaMwari nechikomborero kana tikamushumira nokuvimbika nokubvuma kururamiswa kwose kwakavakirwa paBhaibheri kwatingawana. Somugumisiro, tichava netariro yechokwadi youpenyu mugadziriro yezvinhu itsva yaMwari. Zvinotokosha zvikuru, tichakudza Mwari. Mufambiro wedu wokuvimbika uchaita kuti tipiwe mubayiro uye uchawedzera kuratidza kuti vanhu vake vanomushumira, kwete nezvikonzero zvemakaro, asi norudo rwomwoyo wose. Iropafadzo yakadini yatinayo yokufadza mwoyo waJehovha, sezvakaita Jobho, akabvuma kururamiswa achizvininipisa!—Zvirevo 27:11.

[Mifananidzo iri papeji 26]

Jobho aiva nehanya nenherera, nechirikadzi, navamwe

[Mifananidzo iri papeji 28]

Jobho akapiwa mubayiro mukuru nokubvuma kwaakaita kururamiswa achizvininipisa