Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Vanhu Vachida Mubetseri

Nei Vanhu Vachida Mubetseri

Nei Vanhu Vachida Mubetseri

‘NDAIVA mutambudzi akaipa,’ akabvuma kudaro murume aimbodada uye aiva nechisimba. Aimbova mumhuri akaipa kwazvo, ainetsa nokurova vateveri vanotya Mwari vaJesu Kristu pasina kunzwira tsitsi. “Kunyange zvakadaro,” akataura nokuonga kuti, “ndakanzwirwa ngoni.” Kunyange izvi zvingaita sezvakaoma kutenda, mutambudzi uyu aiva nechisimba kwazvo akava muapostora Pauro akatendeka wechiKristu.—1 Timoti 1:12-16; Mabasa 9:1-19.

Haasi munhu wose akaita zvimwe zvezvinhu zvakaitwa naPauro. Asi, tose zvedu tinokundikana kusvika panodiwa naMwari. Nei? Nemhaka yokuti “vanhu vose vakaita zvivi vakaperevedza pambiri yaMwari.” (VaRoma 3:23) Uyezve, zviri nyore kunyura mumatope okusava netariro, zvichida tichifunga kuti takaipa kwazvo zvokutadza kuwana ngoni dzaMwari. Paaifungisisa nezvepfungwa dzinoda kuita chivi, Pauro akati: “Ndiri munhu wenhamo! Ndiani achandinunura mumuviri uri kuwana urwu rufu?” Achizvipindura mubvunzo wake, akanyora kuti: “Mwari ngaaongwe nokuna Jesu Kristu Ishe wedu!”—VaRoma 7:24, 25.

Musiki akarurama aigona sei kuva noukama nevaiti vezvivi? (Pisarema 5:4) Cherechedza kuti Pauro akati: “Mwari ngaaongwe nokuna Jesu Kristu Ishe wedu.” Mumwe akagamuchira ngoni dzaMwari akatsanangura kuti: “Kana munhu akaita chivi, tine mubetseri ari kuna Baba, Jesu Kristu, akarurama. Uye iye chibayiro cheyananiso nokuda kwezvivi zvedu, asi kwete wezvedu bedzi asi wezvenyika yosewo.”—1 Johani 2:1, 2.

Nei Jesu Kristu achinzi “mubetseri ari kuna Baba”? Uye Jesu “chibayiro cheyananiso” nokuda kwezvivi sei?

Chinoita Kuti Mubetseri Adiwe

Jesu akauya pasi kuzo“pa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevakawanda.” (Mateu 20:28) Rudzikinuro mutengo unobhadharwa kutengazve, kana kuita kuti, mumwe munhu kana chimwe chinhu chisunungurwe. Maumbirwe eshoko rechiito rechiHebheru rakashandurwa kuti “rudzikinuro” anopa pfungwa yokufukidza, kana kuti yokuyananisa, zvivi. (Pisarema 78:38) Shoko rechiGiriki, seriya rinowanwa pana Mateu 20:28, rakashandiswa zvikurukuru kureva mutengo waibhadharwa kudzikinura vasungwa vehondo kana kuti waisunungura varanda. Kuita kuti pave nokururamisira, chimwe chinhu chinopiwa chinokosha zvakangofanana nechiri kudiwa chacho.

Vanhu vakava muuranda nemhaka yokupandukira Mwari kwakaitwa nomunhu wokutanga. Sezvinoratidzwa muna Genesi chitsauko 3, munhu akakwana iyeye—Adhamu—akasarudza kutevera nzira yokusateerera Jehovha Mwari. Nokuita kudaro, iye nevana vake vakanga vasati vaberekwa vakazvitengesa muuranda hwechivi norufu. Saka Adhamu akarasikirwa nechipo choupenyu hwakakwana, iye nevana vake vose.—VaRoma 5:12, 18, 19; 7:14.

MuIsraeri yekare, Mwari akaronga kuti zvibayiro zvemhuka zviyananise, kana kuti zvifukidze, zvivi zvevanhu. (Revhitiko 1:4; 4:20, 35) Chaizvoizvo, upenyu hwemhuka yechibayiro hwaipiwa panzvimbo pohuya hwomuiti wechivi. (Revhitiko 17:11) Somugumisiro, “zuva rokuyananisira” raigona kutaurwawo se“zuva rokudzikinura.”—Revhitiko 23:26-28.

Zvisinei, sezvo mhuka dzakaderera pane munhu, zvaiva zvisinga“bviri kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise [zvakakwana] zvivi.” (VaHebheru 10:1-4) Kuti chibayiro chive nokukosha kunoenzanirana nokuyananisira, kana kuti kubvisa zvivi zvachose, chaifanira kukosha zvakaenzana neicho chakaraswa naAdhamu. Zvikero zvokururamisira zvaida munhu akakwana (Jesu Kristu) kuti awiriranise zvakanga zvaraswa nomumwe munhu akakwana (Adhamu). Upenyu hwomunhu akakwana ndihwo chete hwaigona kubhadhara mutengo wokudzikinura vana vaAdhamu kubva muuranda hwavakatengeserwa nababa vavo vokutanga. ‘Mweya nokuda kwomweya’ waizoita kuti ruramisiro yechokwadi ienzane.—Eksodho 21:23-25.

Adhamu paakatadza ndokutongerwa rufu, vana vake vakanga vasati vazvarwa vakanga vachiri muchiuno chake nokudaro vakafa naye. Munhu akakwana Jesu, “Adhamu wokupedzisira,” nokuzvidira haana kuva nemhuri. (1 VaKorinde 15:45) Akanga ane vana muchiuno chake vakanga vasati vazvarwa paakafa sechibayiro chakakwana chomunhu. Saka, zvingataurwa kuti vangadai vakava vanhu vaiva muchiuno chake vakafa naye. Jesu akatora mhuri yaAdhamu inotadza, inofa seyake pachake. Akarega kodzero yokuva nemhuri yake pachake. Nokubayira upenyu hwake hwakakwana, Jesu akatengazve vanhu vose vakabva kuna Adhamu kuti vave mhuri Yake, Vachimuita “Baba [vavo] Vokusingaperi.”—Isaya 9:6, 7.

Chibayiro chaJesu chorudzikinuro chakazarurira vanhu vanoteerera nzira yokuti vagamuchire ngoni dzaMwari ndokuwana upenyu husingaperi. Somugumisiro, muapostora Pauro akanyora kuti: “Mubayiro unoripa chivi rufu, asi chipo chinopiwa naMwari upenyu husingaperi achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu.” (VaRoma 6:23) Hapana zvatingaita asi kurumbidza Jehovha nokuda kworudo rwake nomutsa worudzikinuro, wakapiwa naye pamutengo mukuru uye neMwanakomana wake waanoda. (Johani 3:16) Uye zvechokwadi Jesu akaratidza kuva “mubetseri ari kuna Baba” paakamutsirwa kuupenyu hwokudenga ndokuratidza kukosha kwechibayiro chake chorudzikinuro kuna Mwari ari mumatenga. * (VaHebheru 9:11, 12, 24; 1 Petro 3:18) Asi Jesu Kristu ari kuratidza sei kuva mubetseri wedu ari mudenga zvino?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 12 Ona zvitsauko 4 ne7 zvebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Upenyu hwaJesu hwakakwana hwakava mutengo wokudzikinura vana vaAdhamu