Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutendeka uye Kusatya Muudzvinyiriri hweNazi

Kutendeka uye Kusatya Muudzvinyiriri hweNazi

Kutendeka uye Kusatya Muudzvinyiriri hweNazi

Pana June 17, 1946, Mambokadzi Wilhelmina vokuNetherlands vakatumira mashoko okunyaradza kumhuri yeZvapupu zvaJehovha muAmsterdam. Chinangwa chavo chakanga chiri chokuratidza kuyemura kwavo mwanakomana wemhuri yacho, Jacob van Bennekom, akanga aurawa navaNazi muHondo Yenyika II. Makore akati izvi zvisati zvaitika, kanzuru yeguta reDoetinchem, taundi riri kumabvazuva kweNetherlands, yakasarudza kudana mumwe mugwagwa nezita raBernard Polman, mumwe weZvapupu zvaJehovha akanga aurawa panguva yehondo.

NEI vaNazi vakarwisa Jacob, Bernard, uye vamwe veZvapupu zvaJehovha muNetherlands muHondo Yenyika II? Uye chii chakagonesa izvi Zvapupu kuti zvirambe zvakatendeka mumakore akawanda okutambudzwa uye pakupedzisira kuwana ruremekedzo nokuyemurwa navanhu vomunyika mazvo uye namambokadzi? Kuti tione, ngatidzokororei zvimwe zviitiko zvakatungamirira kukurwisana kweboka duku reZvapupu zvaJehovha zvakaita saDhavhidhi nesangano guru ramauto eNazi rakaita saGoriati.

Kurambidzwa—Asi Kushingaira Kupfuura Kare

Pana May 10, 1940, uto reNazi rakarwisa Netherlands. Sezvo mabhuku aigoverwa neZvapupu zvaJehovha aifumura zvinhu zvakaipa zvaiitwa nechiNazi uye achitsigira Umambo hwaMwari, vaNazi vakakurumidza kuedza kumisa mabasa eZvapupu zvaJehovha. Mavhiki matatu asati akwana vaNazi vapinda nechisimba muNetherlands, vakadzika mutemo wapachivande wokurambidza Zvapupu zvaJehovha. Pana March 10, 1941, mushumo wemupepanhau wakaita kuti kurambidzwa kwacho kuzivikanwe, uchipomera Zvapupu kurwisana “nemasangano ose echechi neehurumende.” Somugumisiro, kuvhimwa kweZvapupu kwakawedzera.

Zvinoshamisa kuti, kunyange zvazvo Gestapo yaiva nemukurumbira wakaipa, kana kuti matikitivha, yaigara ichiongorora machechi ose, yakatambudza sangano rimwe rechiKristu zvakanyanya. “Kutambudzwa kusvikira pakufa,” anodaro mumwe munyori wenhau dzakaitika Dr. Louis de Jong, “kwakaitirwa sangano rimwe chete rechitendero—Zvapupu zvaJehovha.”—Het Koninkrijk der Nederlanden in de Tweede Wereldoorlog. (Umambo hweNetherlands Muhondo Yenyika Yechipiri).

Gestapo yakanga ichibatsirwa namatikitivha echiDutch mukutsvaka nokusunga Zvapupu. Mukuwedzera, mutariri anofambira akanga ava kutya uye akanga aramba kutenda akapa vaNazi mashoko epamusoro pevamwe vaimbove vatendi naye. Pakuzopera kwaApril 1941, Zvapupu 113 zvakanga zvasungwa. Kurwisa uku kwakamisa basa rokuparidza here?

Mhinduro yacho inowanika muMeldungen aus den Niederlanden (Mishumo Inobva kuNetherlands), gwaro risingabvumirwi kuonwa navakawanda iro Sicherheitspolizei yomuGermany (Mapurisa Anochengetedza) akanyora muna April 1941. Mushumo wacho unoti nezveZvapupu zvaJehovha: “Iri boka rechitendero rinorambidzwa rinopfuurira kuita basa nokushingaira munyika yose, richiita misangano isingabvumirwi uye richiisa mapepa ane mashoko akadai seokuti ‘Kutambudza Zvapupu zvaMwari imhosva’ uye ‘Jehovha acharanga vatambudzi nokuvaparadza nokusingaperi.’” Mavhiki maviri gare gare gwaro rimwe iroro rakashuma kuti “pasinei zvapo nokuwedzera kwokuoma kwematanho ari kutorwa neMapurisa Anochengetedza pamabasa eVadzidzi veBhaibheri, mabasa avo anoramba achiwedzera.” Hungu, pasinei zvapo nengozi yokusungwa, Zvapupu zvakapfuurira kuita basa razvo, zvichigovera mabhuku anopfuura 350 000 kuvanhu muna 1941 oga!

Chii chakagonesa iri boka duku asi raikura ramazana mashoma eZvapupu kuti rive noushingi hwokudzivisa vavengi varo vanotyisa? Kufanana naIsaya muprofita wekare akatendeka, Zvapupu zvaitya Mwari, kwete vanhu. Nei? Nokuti zvaifungisisa mashoko aJehovha okuvimbisa kuna Isaya okuti: “Ini, iyeni, ndinokunyaradzai; ndiwe aniko, unotya munhu unozofa?”—Isaya 51:12.

Kusatya Kunofanira Kuremekedzwa

Pakuzopera kwa1941, nhamba yeZvapupu zvakanga zvasungwa yakanga yakura kusvika ku241. Zvisinei, vashoma vakatya vanhu. Willy Lages, nhengo yamatikitivha eGermany yaizivikanwa nokuita zvakaipa, inonzi yaitaura kuti “90 muzana yeZvapupu zvaJehovha yakaramba kutaura chinhu chipi nechipi, asi chiverengero chishomanana kubva muzana chezvimwe zvitendero ndochakava nesimba rokuramba chakanyarara.” Zvakataurwa nemufundisi wechiDutch Johannes J. Buskes, akaiswa mujeri nezvimwe Zvapupu, zvinosimbisa mashoko aLages. Muna 1951, Buskes akanyora kuti:

“Kare panguva iyoyo, ndakatanga kuvaremekedza zvikuru nokuda kwekuvimba kwavo uye simba ravo rokutenda. Handimbofi ndakakanganwa mumwe murume muduku—handifungi kuti aipfuura makore 19—akanga agovera mapepa aifanotaura kukundwa kwaHitler uye Paramende Yechitatu. . . . Angadai akaregererwa hafu yegore isati yapera kana dai aizovimbisa kurega kuita basa rakadaro. Izvi akazviramba noushingi, uye akatongerwa kunoshanda basa rechibharo rechigarire muGermany. Tainyatsoziva kuti izvozvo zvairevei. Mangwanani akatevera paakatorwa uye takaonekana naye, ndakamuudza kuti taizofunga nezvake nokumunyengeterera. Mhinduro yake yakanga iri yokungoti: ‘Musanetseka nezvangu. Umambo hwaMwari huchauya zvechokwadi.’ Chinhu chakadaro hauchikanganwi, kunyange uine chikonzero chokuramba zvinodzidziswa neizvi Zvapupu zvaJehovha.”

Pasinei zvapo nokutambudzwa kwoutsinye, nhamba yeZvapupu yakaramba ichiwedzera. Zvapakanga pane 300 nguva shomanana hondo yenyika yechipiri isati yatanga, nhamba yacho yakakwira kusvika ku1 379 muna 1943. Zvinosuwisa kuti, pakazopera gore iroro, 54 vezvinopfuura zvapupu 350 vakanga vasungwa vakanga vafa mumisasa yechibharo. Muna 1944, pakanga pane Zvapupu zvaJehovha 141 zvaibva kuNetherlands zvakanga zvichiri mumisasa yavasungwa yakasiyana-siyana.

Gore Rokupedzisira Rokutambudza kweNazi

Zuva Rakakurumbira raJune 6, 1944 rapera, kutambudzwa kweZvapupu kwakapinda mugore rakwo rokupedzisira. Mune zvehondo, vaNazi nevatsigiri vavo vakanga vave kukundwa. Munhu aizofunga kuti mumamiriro ezvinhu akadai vaNazi vaizorega kuvhima vaKristu vasina mhaka. Asi, mugore iroro, zvimwe Zvapupu 48 zvakasungwa, uye zvimwe 68 zveZvapupu zvaiva mujeri zvakatsakatika. Mumwe wavo akanga ari Jacob van Bennekom, adudzwa kwokutanga.

Jacob akanga ane makore gumi namasere akanga ari pakati pevanhu 580 vakabhabhatidzwa seZvapupu zvaJehovha muna 1941. Nguva shomanana zvadaro akasiya basa rakanaka nokuti raida kuti abvumirane pane zvisina kufanira mukusava nekwaakarerekera kwake kwechiKristu. Akapinda basa senhume uye akatanga kushanda semushumiri wenguva yakazara. Akabatwa akatakura mabhuku eBhaibheri, ndokubva asungwa. Muna August 1944, Jacob akanga ane makore 21 akanyorera mhuri yake ari mujeri romuguta reRotterdam kuti:

“Ndiri mumamiriro ezvinhu akanaka uye ndiri kufara zvikuru. . . . Kusvika zvino ndabvunzurudzwa kana. Kaviri kokutanga kakanga kakanyanyisa zvikuru, uye ndakarohwa zvakaipisisa, asi nesimba nomutsa usina kufanirwa waIshe, kusvikira zvino ndagona kusambotaura kana chipi zvacho. . . . Ndatokwanisa kupa hurukuro kuno, dzose inhanhatu, vanhu vanokwana 102 vachiteerera. Vamwe vavo vanoratidza kufarira kwakanaka uye vakavimbisa kuti nokukurumidza pavanosunungurwa, vachapfuurira nokufarira ikoko.”

Pana September 14, 1944, Jacob akaendeswa kumusasa wechibharo muguta romuNetherlands reAmersfoort. Kunyange ikoko akapfuurira kuparidza. Sei? Mumwe musungwa pamwe naye akati: “Vasungwa vaichengeta zvigusvani zvefodya izvo varindiri vanenge varasa uye vaishandisa mapeji eBhaibheri samapepa okumonera fodya. Pane dzimwe nguva Jacob aibudirira kuverenga mashoko mashomanana kubva papeji reBhaibheri rakanga rave kutoda kushandiswa kumonera fodya. Ipapo, aishandisa mashoko iwayo pakuparidza kwatiri. Pasina nguva refu, takapa Jacob zita romusere rokuti ‘Murume weBhaibheri.’”

Muna October 1944, Jacob akanga ari pakati peboka guru ravasungwa vakapiwa murayiro wokuchera migero yokuteya motokari dzehondo. Jacob akaramba kuita basa racho nokuti hana yake hayaimubvumira kuti atsigire nhamburiko dzokurwa. Kunyange zvazvo aityisidzirwa kakawanda navarindiri, haana kubvuma. Pana October 13 mumwe mukuru mukuru akamutora kubva muchitokisi ndokudzokera naye kunzvimbo yebasa. Zvekare, Jacob akaramba. Pakupedzisira, Jacob akarayirwa kuchera guva rake pachake uye akapfurwa ndokufa.

Kuvhima Zvapupu Kunowedzera

Kushinga kwaJacob navamwe kwakawedzera hasha dzavaNazi uye kwakawedzera kumwe kuvhimwa kweZvapupu. Mumwe wavakavavarira akanga ari Evert Kettelari akanga ane makore 18. Pakutanga, Evert akakwanisa kutiza ndokunovanda, asi gare gare akasungwa uye akarohwa zvakaipisisa kuti aburitse mashoko pamusoro peZvapupu. Akaramba uye akatumirwa kuGermany kunoita basa rechibharo.

Mwedzi mumwe iwoyo, October 1944, mapurisa akatanga kutsvaka mukuwasha waEvert, Bernard Luimes. Pavakamuwana, akanga ane zvimwe Zvapupu zviviri—Antonie Rehmeijer uye Albertus Bos. Albertus akanga atopedza mwedzi 14 ari mumusasa wechibharo. Asi, paakasunungurwa, akapfuuridzira basa rokuparidza nokushingaira. Pakutanga ava varume vatatu vakarohwa zvinosiririsa navaNazi, uye vakazopfurwa ndokufa. Hondo yatopera ndopakazoonekwa mitumbi yavo ndokuvigwa patsva. Nguva shomanana hondo yapera, mapepanhau akawanda akashuma kuurawa uku. Rimwe ramapepanhau acho rakanyora kuti izvi Zvapupu zvitatu zvakanga zvaramba zvachose kuitira vaNazi basa raipesana nomutemo waMwari uye rakawedzera kuti “nokuita kudaro, zvaitofanira kubhadhara noupenyu hwazvo.”

Munguva iyoyo, pana November 10, 1944, Bernard Polman, ataurwa kwokutanga, akasungwa akatumirwa kunoshanda pabasa rezvehondo. Ndiye chete akanga ari Chapupu pakati pevaimanikidzwa kushanda uye ndiye oga akaramba kuita basa iri. Varindiri vakaedza mazano akawanda okuti abvumirane nezvisina kufanira. Akanyimwa zvokudya. Zvekare akarohwa netsvimbo, foshoro, uye garo repfuti noutsinye. Uyewo, akamanikidzirwa kufamba mumvura inotonhora inosvika mumabvi, uye akavharirwa mumba yepasi ine chando, maakapedzera usiku hwose ane mbatya nyoro. Asi, Bernard haana kubvuma.

Panguva iyoyo, hanzvadzi dzaBernard mbiri, dzakanga dzisiri Zvapupu zvaJehovha, dzakabvumirwa kumushanyira. Dzakamukurudzira kuchinja pfungwa dzake, asi izvozvo hazvina kana kumuchinja munzira ipi neipi. Padzakakumbira Bernard kana dzaikwanisa kumuitira chimwe chinhu, akadziti dziende kumba dzinodzidza Bhaibheri. Vatambudzi vake vakabvumira mukadzi wake aiva napamuviri kuti amushanyire, vaine tariro yokuti aizogona kupedza kuramba kwake. Asi kuvapo kwake namashoko ake okukurudzira zvakangoshanda kusimbisa kutsunga kwaBernard kuti arambe akavimbika kuna Mwari. Pana November 17, 1944, Bernard akapfurwa nevatambudzi vake vashanu vamwe vose vaibatwa chibharo vakatarisa. Kunyange apo Bernard akanga atofa, muviri wake wasakadzwa namabara, mukuru mukuru aitarisira akashatirwa zvokuti akazvomora chivhorovhoro chake ndokupfura Bernard mumaziso ake ose.

Kunyange zvazvo uku kubatwa noutsinye kwakakatyamadza Zvapupu zvakanga zvaziva nezvekuurawa kwacho, zvakaramba zvakavimbika uye zvisingatyi uye zvakapfuurira nebasa razvo rechiKristu. Imwe ungano duku yeZvapupu zvaJehovha, yakanga iri pedyo nepakaurayirwa Bernard, yakashuma nokukurumidza pashure pokuurawa kuti: “Mumwedzi uno, pasinei zvapo nemamiriro okunze okunaya uye nezvinetso izvo Satani akaisa panzira yedu, tave tichikwanisa kuwedzera basa redu. Nhamba yemaawa akapedzerwa mubasa yakabva pa429 kusvika pa756. . . . Ichiparidza, imwe hama yakasangana nemumwe murume wayakakwanisa kuparidzira zvakanaka. Murume wacho akabvunza kana ichi chakanga chiri icho chitendero chakafanana nechomurume akanga apfurwa. Anzwa kuti ndicho, murume wacho akati: ‘Murume anoshamisa sei, kutenda kunoshamisa sei! Ndiro randinoti gamba mukutenda!’”

Vachayeukwa naJehovha

Muna May 1945 vaNazi vakakurirwa uye vakaburitswa muNetherlands. Pasinei zvapo nokutambudzwa kusingaperi muhondo, nhamba yeZvapupu zvaJehovha yakawedzera kubva pamazana mashomanana kusvika kuvanopfuura 2 000. Achitaura nezveizvi Zvapupu zvemunguva yehondo, munyori wenhau dzakaitika Dr. de Jong anobvuma kuti: “Vazhinji vavo vakasarudza kupfuurira nechitendero chavo pasinei zvapo nokutyisidzirwa uye kutambudzwa.”

Naizvozvo, pane chikonzero chakanaka, kuti zvimwe zviremera zvomunyika zvakayeuka Zvapupu zvaJehovha nokutsunga kwazvakaita mukutarisana nokutonga kweNazi. Zvisinei, zvinokosha zvikuru, muenzaniso wakanaka weizvi Zvapupu munguva yehondo uchayeukwa naJehovha naJesu. (VaHebheru 6:10) Mukati moKutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaJesu Kristu, izvi Zvapupu zvisingatyi uye zvakavimbika zvakapa upenyu hwazvo mubasa raMwari zvichamutswa kubva kumakuva ekurangaridza, zvine tarisiro youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi!—Johani 5:28, 29.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Jacob van Bennekom

[Mufananidzo uri papeji 26]

Pepanhau rakanga rine mutemo wairambidza Zvapupu zvaJehovha

[Mifananidzo iri papeji 27]

Kurudyi: Bernard Luimes; pasi: Albertus Bos (kuruboshwe) naAntonie Rehmeijer; pazasi: mahofisi eSosaiti muHeemstede