Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mudzimu waMwari Unoshanda sei Nhasi?

Mudzimu waMwari Unoshanda sei Nhasi?

Mudzimu waMwari Unoshanda sei Nhasi?

AIKAMHINA kubva mudumbu raamai vake. Zuva nezuva, aigara pasuo retemberi rainzi Rakanaka kuti akumbire zvipo zvengoni kune vaya vaipinda mutemberi. Zvisinei, pane imwe nguva, mupemhi uyu aikamhina akagamuchira chipo chaikosha kwazvo kupfuura mari duku shomanana. Akaporeswa!—Mabasa 3:2-8.

Kunyange zvazvo vaapostora Petro naJohani vaiva ivo vaka“musimudza” zvokuti “tsoka dzemakumbo ake . . . [dza]kasimbiswa,” havana kuzvirumbidza nokuda kwokuporesa kwacho. Nemhaka yei? Petro pachake akatsanangura kuti: “Vanhu vaIsraeri, nei muri kushamisika neizvi, kana kuti nei makanyatsotitarira sokunge kuti tamuita kuti afambe nesimba redu kana kuti kuzvipira kwedu kuna Mwari?” Zvechokwadi, Petro naJohani vakaziva kuti rakanga risiri simba ravo, asi mudzimu waMwari wakaita kuti chinhu chakadaro chiitike.—Mabasa 3:7-16; 4:29-31.

Panguva iyoyo, “mabasa esimba” akadaro aiitirwa kuratidzira kuti ungano itsva yechiKristu yaitsigirwa naMwari. (VaHebheru 2:4) Asi kana apedza zvinangwa zvawo, aizo“gumiswa,” akadaro muapostora Pauro. * (1 VaKorinde 13:8) Saka, muungano yechiKristu yechokwadi zvino hationi kuporesa kupi nokupi kunorayirwa naMwari, kutaura mashoko okuprofita, kana kudzinga madhimoni.

Zvisinei, izvi zvinoreva here kuti mudzimu mutsvene waMwari hausisiri kushanda? Kana! Ngatikurukurei nezvedzimwe nzira idzo mudzimu waMwari wakashanda nawo muzana remakore rokutanga uye mashandiro auri kuita muzuva redu.

“Mudzimu Wechokwadi”

Mamwe mashandiro omudzimu mutsvene waMwari ndeokuzivisa, kujekesa, kuratidza chokwadi. Nguva pfupi asati afa, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Ndichine zvinhu zvakawanda zvokutaura kwamuri, asi hamukwanisi kuzvinzwisisa panguva ino. Zvisinei, panosvika iyeye, mudzimu wechokwadi, achakutungamirirai muchokwadi chose.”—Johani 16:12, 13.

“Mudzimu wechokwadi” wakadururwa paPendekosti ya33 C.E. apo vadzidzi vanenge 120 vakanga vakaungana mukamuri repamusoro muJerusarema vakabhabhatidzwa nomudzimu mutsvene. (Mabasa 2:1-4) Muapostora Petro aiva pakati pevaya vaivapo nokuda kwomutambo wegore negore. Azadzwa nomudzimu mutsvene, Petro “akamira” ndokukudziridza, kana kuti kujekesa, chokwadi chakati nezvaJesu. Somuenzaniso, akadzokorora, ku“kwidziridzwa kuruoko rworudyi rwaMwari,” kwa“Jesu wekuNazareta.” (Mabasa 2:14, 22, 33) Mudzimu waMwari wakaitawo kuti Petro azivise noushingi kuvateereri vake vechiJudha kuti: “Imba yose yaIsraeri ngaizive zvechokwadi kuti Mwari akamuita zvose zviri zviviri Ishe naKristu, iyeyu Jesu wamakarovera.” (Mabasa 2:36) Somugumisiro wemashoko aPetro akafuridzirwa nomudzimu, vanhu vanenge zviuru zvitatu “vakagamuchira shoko rake nemwoyo wose” ndokubhabhatidzwa. Nenzira iyi, mudzimu mutsvene waMwari wakabatsira kuvatungamirira kuchokwadi.—Mabasa 2:37-41.

Mudzimu mutsvene waMwari wakashandawo somudzidzisi uye somuyeuchidzi. Jesu akati: “Mubetseri, mudzimu mutsvene, uchatumirwa naBaba muzita rangu, iwoyo uchakudzidzisai zvinhu zvose nokukurangaridzai zvinhu zvose zvandakakuudzai.”—Johani 14:26.

Mudzimu mutsvene wakashanda sei somudzidzisi? Mudzimu waMwari wakavhura pfungwa dzevadzidzi kuzvinhu zvavakanga vambonzwa kuna Jesu asi vasina kunyatsozvinzwisisa. Somuenzaniso, vaapostora vakaziva kuti munguva yomuedzo wake, Jesu akaudza gavhuna weJudhiya wokuRoma, Pontio Pirato kuti: “Umambo hwangu hausi rutivi rwenyika ino.” Asi, panguva yokukwira kwaJesu kudenga mazuva 40 gare gare, vaapostora zvakare vakanga vane pfungwa isiri iyo yokuti Umambo hwaizogadzwa pasi pano. (Johani 18:36; Mabasa 1:6) Sezviri pachena, vaapostora havana kukwanisa kunyatsonzwisisa zvaireva mashoko aJesu kutozosvikira mudzimu mutsvene waMwari wadururwa paPendekosti ya33 C.E.

Mudzimu mutsvene wakashandawo somuyeuchidzi nokuyeuchidza dzidziso dzakasiyana-siyana dzaJesu. Somuenzaniso, uprofita maererano norufu rwaKristu uye rumuko zvakareva zvitsva nokubatsira kwomudzimu mutsvene. (Mateu 16:21; Johani 12:16) Kuyeuka dzidziso dzaJesu kwakaita kuti vaapostora vakwanise kudzivirira noushingi nzvimbo yavo pamberi pemadzimambo, vatongi, uye vatungamiriri vechitendero.—Mako 13:9-11; Mabasa 4:5-20.

Uyezve, mudzimu mutsvene waMwari wakabatsira vaKristu vokutanga kuvatungamirira kubereka zvibereko mundima yavo youshumiri. (Mabasa 16:6-10) Mudzimu waMwari wakaitawo kuti vaKristu vokutanga vanyorewo Shoko raMwari, Bhaibheri, kuti vanhu vose vabatsirwe. (2 Timoti 3:16) Saka, zviri pachena kuti mudzimu mutsvene waishanda munzira dzakasiyana-siyana muzana remakore rokutanga. Hauna kupiwa kuita zvishamiso chete.

Mudzimu Mutsvene Muzuva Redu

Mudzimu mutsvene wave uchishanda zvakafanana kuvaKristu vechokwadi muzuva redu. Izvi zvakava pachena kuboka duku revadzidzi veBhaibheri raiva muAllegheny, Pennsylvania, U.S.A., zana remakore rechi19 rava kunopera. Vadzidzi ava veBhaibheri vepachokwadi vakapanga kuziva “chokwadi.”—Johani 8:32; 16:13.

Imwe nhengo yeboka iri, Charles Taze Russell, maererano nokutsvaka kwake chokwadi cheMagwaro, akati: “Ndakanyengetera . . . kuti ndigoneswe kubvisa mumwoyo wangu nepfungwa rusaruro rupi norupi rwaizovapo uye kuti nditungamirirwe nomudzimu wake kunyatsonzwisisa.” Mwari akakomborera munyengetero uyu wokuzvininipisa.

Sezvo Russell nevasonganiri vake vakanzvera nokushingaira Magwaro, zvinhu zvinoverengeka zvakajeka. “Takawana kuti kwemazana emakore,” akatsanangura kudaro Russell, “twumapoka twakawanda uye masangano akanga akamura dzidziso dzeBhaibheri pakati pawo, ndokudzisanganisa nouzivi hwevanhu hwakawanda kana kuti hushomanana uye hwakakanganiswa.” Izvi zvakaguma nezvaakati “kuisa chokwadi panzvimbo isiri iyo.” Zvechokwadi, chokwadi cheMagwaro chakanga chakavigwa pasi pomuunganidzwa wedzidziso dzevahedheni dzakanga dzapinda muchiKristudhomu kwemazana emakore. Asi Russell aiva akatsunga kuti azive uye azivise chokwadi.

Nomumapeji eZion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence, Russell nevasonganiri vake vakafumura noushingi dzidziso dzenhema dzechitendero dzaimiririra Mwari zvisiri izvo. Vakanzwisisa kuti—mukupesana nepfungwa ine mukurumbira yechitendero—mweya unofa, kuti parufu tinoenda kuguva, uye kuti Jehovha ndiye chete Mwari wechokwadi uye nokudaro haasi Utatu.

Zvisinei, sezvaungafungidzira, kufumurwa kwakadaro kwedzidziso dzenhema kwakatsamwisa vafundisi vechiKristudhomu. Vachida kuchengetedza zvinzvimbo zvavo zvakatanhamara, vafundisi vakawanda veKaturike nevechiPurotesitendi vakaronga mapoka aiva nevavariro yokuzvidza Russell. Asi iye nevasonganiri vake havana kurega. Nechivimbo, vakatarira kune mudzimu waMwari nokuda kwokutungamirirwa. “Vimbiso yaShe wedu,” akadaro Russell, “ndeyokuti . . . mudzimu mutsvene waBaba, unotumirwa nokukumbira kwaJesu Mudzikinuri wedu, Murevereri noMusoro, uchava murayiridzi wedu.” Uye wakarayiridza zvechokwadi! Ava Vadzidzi veBhaibheri vepachokwadi vakapfuurira kunwa mvura yakachena yechokwadi inobva muBhaibheri ndokuizivisa munyika yose.—Zvakazarurwa 22:17.

Sangano ramazuva ano reZvapupu zvaJehovha raramba richiteerera kutungamirira kwomudzimu mutsvene waMwari kweanopfuura makore zana zvino. Mudzimu waJehovha zvaunopfuurira kujekesa kuona kwazvo kwomudzimu, Zvapupu zvinoda kugadzirisa panodiwa kuti zviwirirane nenzwisiso itsva.—Zvirevo 4:18.

“Muchava Zvapupu Zvangu”

Jesu akazivisa kumwezve kuoneka kwomudzimu mutsvene waMwari paakaudza vadzidzi vake kuti: “Muchagamuchira simba kana mudzimu mutsvene wasvika pamuri, uye muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.” (Mabasa 1:8) Vimbiso yaJesu yokuzadza vadzidzi vake ne“simba” uye “mudzimu mutsvene” kuti vagone kuita basa ravo ravakapiwa naMwari ichiri kushanda nhasi.

Seboka, Zvapupu zvaJehovha zvinonyatsozivikanwa nemhaka yebasa razvo rokuparidza. (Ona bhokisi.) Zvechokwadi, Zvapupu zvaJehovha zvinotaura shoko rechokwadi munyika dzinopfuura 230 nemapoka ezvitsuwa. Mumamiriro ose ezvinhu angafungidzirika, anosanganisira kuisa upenyu hwazvo mungozi munzvimbo dzasakadzwa nehondo, zvinodanidzira manzwi azvo noushingi mukutsigira Umambo hwaMwari. Kushingairira kwazvo ushumiri hwechiKristu kunopa uchapupu hwakasimba hwokuti mudzimu mutsvene uri kushanda nhasi. Uye zviri pachena kuti Jehovha Mwari ari kukomborera zvazviri kuedza kuita.

Somuenzaniso, gore rapera maawa anopfuura bhiriyoni akapedzerwa mubasa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Nomugumisiroi? Vanhu 323 439 vakaratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Mwari nokuzvipa kurubhabhatidzo rwomumvura. Uyezve, fundo dzeBhaibheri dzepamusha dzevhiki nevhiki dzinosvika 4 433 884 dzakaitiswa kuvanhu vatsva vanofarira. Zvasanganiswa zvose, mabhuku 24 607 741, magazini 631 162 309, uye mabhurocha 63 495 728 notubhuku zvakagoverwa. Uchapupu hune simba zvakadini hwokushanda kwomudzimu waMwari!

Mudzimu waMwari Newe

Munhu paanogamuchira zvakanaka mashoko akanaka, obva awiriranisa upenyu hwake nezvinodiwa naMwari, oratidza kutenda mugadziriro yorudzikinuro, nzira yokuti ave netendero yakachena naMwari inozarurwa. Kune vakadaro Pauro akati: “Mwari . . . anoisa mudzimu mutsvene wake mamuri.”—1 VaTesaronika 4:7, 8; 1 VaKorinde 6:9-11.

Kuva nomudzimu waMwari kunoguma nezvikomborero zvakanaka. Zvikomborero zvorudzii? Kutanga, Shoko raMwari rakafuridzirwa rinoti: “Zvibereko zvomudzimu rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.” (VaGaratiya 5:22, 23) Saka, mudzimu mutsvene waMwari isimba rezvakanaka, rinoita kuti munhu aratidzire unhu hwaMwari.

Uyezve, kana ukarava Bhaibheri ndokushandisa zvaunodzidza, mudzimu waMwari unogona kukubatsira kukura muuchenjeri, muzivo, munzwisiso, mukusarudza, uye mumano okufunga. Mambo Soromoni akagamuchira “kungwara nokunzwisisa kukuru, nomwoyo wokuziva zvakanaka” nokuti aitsvaka kufadza Mwari kupfuura vanhu. (1 Madzimambo 4:29) Sezvo Jehovha akapa Soromoni mudzimu mutsvene, zvechokwadi haanyimi mudzimu mutsvene wake kune vaya vanotsvaka kumufadza nhasi.

Mudzimu mutsvene waMwari unobatsirawo vaKristu kurwisa Satani nemadhimoni, gadziriro ino yezvinhu yakaipa, uye miitiro yechivi yenyama yavo inotadza. Izvozvo zvinobvira sei? Muapostora Pauro anopindura kuti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo anondipa simba.” (VaFiripi 4:13) Mudzimu mutsvene haungabvisi miedzo; zvisinei, unogona kubatsira kuitsungirira. Nokuvimba nomudzimu waMwari, tinogona kugamuchira “simba rinopfuura romuzvarirwo” kubata nechero chinetso chipi kana kuodzwa mwoyo kupi nokupi.—2 VaKorinde 4:7; 1 VaKorinde 10:13.

Paunofunga nezvouchapupu hwose, hapana mubvunzo kuti nhasi mudzimu mutsvene waMwari uri kushanda. Mudzimu waJehovha unopa simba vashumiri vake kupupura nezvezvinangwa zvake zvinoshamisa. Unopfuurira kujekesa chiedza chomudzimu, uye unosimbisa kutenda kwedu, uchitibatsira kuramba takavimbika kuMusiki wedu. Tinogona kuva vanoonga sei kuti Mwari aramba akavimbika kuchipikirwa chake nokupa mudzimu mutsvene kuvashumiri vake vakatendeka nhasi!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Ona nyaya inoti “Ko nei Zvipo zvaManenji zvoMudzimu zvakaGuma?” iri muNharireyomurindi yaFebruary 15, 1972, mapeji 92-96.

[Bhokisi riri papeji 10]

Zvinotaurwa Nevamwe nezveZvapupu zvaJehovha

“Nepo dzimwe chechi dzichitenga nyanzvi kuti dzinyengedze vanhu kuti vauye muzvivako zvadzo kana kuti dzigadzirise nhau dzamazuva ano dzakadai soungochani uye kubvisa nhumbu, Zvapupu hazvibvumirani nenyika iri kuchinja. Zvinongopfuurira kuparidza nenzira yakarongwa mupasi rose.”—The Orange County Register of Orange County, California, U.S.A.

“Pakunouya pakuparadzira kutenda, haasi masangano akawanda anoshingaira . . . seZvapupu zvaJehovha.”—The Republic of Columbus, Indiana, U.S.A.

“Ndizvo chete zvinoenda pasuo nesuo ne‘mashoko akanaka,’ zvichishandisa nheyo dzeBhaibheri.”Życie Literackie, Poland.

“Mubasa guru kwazvo rokuparidza rati ramboitwa, Zvapupu zvaJehovha zvakafambisa shoko raJehovha munyika yose.”—News-Observer, Tamaqua, Pennsylvania, U.S.A.

[Mifananidzo iri papeji 9]

Mudzimu mutsvene waMwari unotijekesera mumudzimu,

. . . unosimudzira unhu hwechiKristu hwakanaka,

. . . uye unotitsigira mubasa rokuparidza renyika yose