Vanorwa naMwari Havangakundi!
Vanorwa naMwari Havangakundi!
“Vacharwa newe, asi havangakukundi.”—JEREMIA 1:19.
1. Jeremia akagamuchira basa rei, uye basa rake rakapfuurira kwenguva yakareba sei?
JEHOVHA akapa Jeremia muduku basa rokuva muprofita wemarudzi. (Jeremia 1:5) Izvi zvakaitika nguva yaitonga Mambo akanaka Josia weJudha. Ushumiri hwouprofita hwaJeremia hwakapfuurira nomunguva inotambudza yakatangira kukundwa kweJerusarema neBhabhironi nomukutapwa kwevanhu vaMwari.—Jeremia 1:1-3.
2. Jehovha akasimbisa sei Jeremia, uye kurwa nomuprofita iyeye kwairevei?
2 Mashoko okutonga aifanira kuziviswa naJeremia aizoita kuti pave nokushorwa. Naizvozvo, Mwari akamusimbisa nokuda kwezvaiva mberi. (Jeremia 1:8-10) Somuenzaniso, chido chomuprofita wacho chakasimbiswa nemashoko okuti: “Vacharwa newe, asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire—ndizvo zvinotaura Jehovha.” (Jeremia 1:19) Kurwa naJeremia kwaizoreva kurwa naMwari. Nhasi, Jehovha ane boka revashumiri rakaita sevaprofita rine basa rakafanana neraJeremia. Saiye, vanozivisa nokushinga shoko raMwari rouprofita. Uye shoko iri rine zvarinoita pavanhu vose nemarudzi nokuda kwezvakanaka kana kuti zvakaipa, zvichitsamira pakuti vanoriona sei. Somunguva yaJeremia, kune vaya vanorwa naMwari nokushora vashumiri vake nebasa ravo ravakapiwa naMwari.
Vashumiri vaJehovha Vanorwiswa
3. Nei vashumiri vaJehovha vave vachirwiswa?
3 Vanhu vaJehovha vave vachirwiswa kubvira ku1 Petro 5:8) “Nguva dzakatemwa dzemamwe marudzi” dzaguma muna 1914, Mwari akagadza Mwanakomana wake saMambo mutsva wapasi, nomurayiro wokuti: “Bata ushe pakati pavavengi vako.” (Ruka 21:24; Pisarema 110:2) Achishandisa simba rake, Kristu akabvisa Satani kudenga ndokumuvharira kunharaunda yapasi. Achiziva kuti nguva yake ipfupi, Dhiyabhorosi anoratidza hasha dzake pavaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo. (Zvakazarurwa 12:9, 17) Chii chave chiri migumisiro yokurwisa varwisazve kweava vanorwa naMwari?
mavambo kwezana remakore rechi20. Munyika dzakawanda, vanhu vanovavarira zvakaipa vakatsvaka kukanganisa—hungu, kunyaradza—kuziviswa kwemashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Vave vachikurudzirwa noMuvengi wedu Mukuru, Dhiyabhorosi, uyo “anofamba-famba seshumba inodzvova, iri kutsvaka kudya mumwe munhu.” (4. Miedzoi yakava nevanhu vaJehovha munguva yeHondo Yenyika I, asi chii chakaitika muna 1919 na1922?
4 Vashumiri vakazodzwa vaJehovha vakatarisana nemiedzo yokutenda yakawanda muHondo Yenyika I. Vakasekwa nokucherwa, kudzingwa nemhomho, uye kurohwa. Sezvakanga zvafanotaurwa naJesu, vaka“vengwa nemarudzi ose.” (Mateu 24:9) Mukati mebongozozo rehondo, vavengi voUmambo hwaMwari vakashandisa zano rakanga rashandisirwa Jesu Kristu. Vakataura zvenhema kuti vanhu vaJehovha vanopandukira chiremera, uye vakabaya pamwoyo chaipo pesangano raMwari rinooneka. Muna 1918, hurumende yakapa masamanisi okusunga purezidhendi weWatch Tower Society, J. F. Rutherford, neshamwari dzake nomwe dzapedyo zvikuru. Varume vasere ava vakapiwa mitongo mikuru uye vakatumirwa kujeri rehurumende muAtlanta, Georgia, U.S.A. Mwedzi mipfumbamwe gare gare vakasunungurwa. Muna May 1919 dare rinotenderera rokukwirira rakatonga kuti vaipomerwa mhosva vacho vakanga vasina kutongwa nokururamisira, saka mutongo wacho wakabviswa. Nhau yacho yakanzi yaizotongwazve, asi gare gare hurumende yakarega kuongorora mhosva yacho, Hama Rutherford neshamwari dzavo vakasunungurwa vachinzi havana mhosva zvachose. Vakatangazve mabasa avo, uye kokorodzano dzakaitirwa paCedar Point, Ohio, muna 1919 uye muna 1922 dzakapa basa rokuparidza Umambo simba idzva.
5. Zvapupu zvaJehovha zvakabatwa sei muNazi Germany?
5 Udzvinyiriri hwakamuka kuma1930, uye Germany, Italy, neJapan dzakashamwaridzana dzichiumba masimba Akabatana. Pamavambo emakore gumi iwayo, vanhu vaMwari vakatambudzwa noutsinye hukuru kwazvo, zvikurukuru muNazi Germany. Kurambidzwa kwakaitwa. Dzimba dzakaongororwa, uye vaigara madziri vakasungwa. Zviuru zvakakandwa mumisasa yevasungwa nokuti zvakaramba kurega kutenda kwazvo. Kurwisa Mwari nevanhu vake kwaiitirwa chinangwa chokuparadza Zvapupu zvaJehovha munzvimbo iyoyo yaiva noudzvinyiriri. * Zvapupu pazvakaenda kumatare muGermany kuti zvirwire kodzero dzazvo, Bazi Rezvomutemo Rehurumende rakagadzirira mashoko akawanda araizotaura kuti rive nechokwadi chokuti zvakanga zvisingazobudiriri. Aiti: “Matare acho haafaniri kukundikana nemhaka chete yamaitirwe ezvinhu apamutemo; asi anofanira kutsvaka ndokuwana nzira dzokuita nadzo mabasa awo anokosha, pasinei zvapo nokuoma kwazvakaita.” Izvi zvinoreva kuti paisagona kuva nokururamisira. VaNazi vakaramba vachiti mabasa eZvapupu zvaJehovha aiva akaoma, ari outsinye, uye ‘aivhiringidza kuitwa kweZvido Zvoruzhinji Zvenyika.’
6. Chii chakaedza kuitwa kuti basa redu muHondo Yenyika II uye pashure pacho rimiswe?
6 MuHondo Yenyika II, vanhu vaMwari muAustralia, Canada, uye dzimwe nyika dzeBritish Commonwealth—muAfrica, Asia, uye zvitsuwa zveCaribbean nePacific vakarambidzwa uye vakadziviswa. MuUnited States, vavengi vaiva nesimba uye vanhu vakaudzwa zvisina kururama vakaunza ‘dambudziko rakarongwa nomutemo.’ (Pisarema 94:20) Asi nhau dzokukwazisa mureza uye mirayiro yomunzanga inorambidza kuparidza paimba neimba yakakwidzwa kumatare, uye zvisarudzo zvakanaka muUnited States zvakatsigira zvakasimba rusununguko rwokunamata. Nokuda kwaJehovha, zvakaedza kuitwa nevavengi hazvina kubudirira. Hondo yacho payakapera muEurope, kurambidzwa kwakabviswa. Zviuru zveZvapupu zvaiva zvakatapwa mumisasa yevasungwa zvakasunungurwa, asi kurwa kwacho kwakanga kusina kupera. Hondo Yenyika II ichangopera, Hondo Yamashoko yakatanga. Marudzi okuEastern Europe akadzvinyirirazve vanhu vaJehovha. Chiito chapamutemo chakaitwa kuitira kuvhiringidza uye kumisa mabasa edu okupupurira, kumisa kuparadzirwa kwemabhuku eBhaibheri, kugumisa magungano edu apachena. Vakawanda vakaiswa mujeri kana kuti vakatumirwa kumisasa yechibharo.
Pamberi Nebasa Rokuparidza!
7. Chii chakaitika kuZvapupu zvaJehovha muPoland, Russia, nedzimwe nyika mumakore achangobva kupfuura?
7 Makumi emakore sezvaakapfuura, basa rokuparidza Umambo rakatanga. Kunyange zvazvo yakanga ichiri pasi poutongi hwechiKomonisti, Poland yakabvumira kuitwa kwekokorodzano dzezuva rimwe muna 1982. Kokorodzano dzamarudzi akawanda dzakaitwa ikoko muna 1985. Kokorodzano hombe dzamarudzi akawanda dzakatevera muna 1989, nezviuru zvakabva kuRussia neUkraine zvichipinda. Gore iroro Zvapupu zvaJehovha zvakabvumirwa pamutemo muHungary nePoland. Mumatsutso a1989,
Rusvingo rweBerlin rwakawa. Mwedzi mishomanana gare gare, takabvumirwa zviri pamutemo muEast Germany, uye kwapera nguva pfupi kokorodzano yamarudzi akawanda yakaitwa muBerlin. Uye pakutanga kwemakore gumi okupedzisira ezana remakore rechi20, kuedza kuonana nehama dziri muRussia kwakaitwa. Zvimwe zvezviremera muMoscow zvakataurwa nazvo, uye muna 1991, Zvapupu zvaJehovha zvakabvumirwa kunyoresa zviri pamutemo. Kubva ipapo basa rakawedzera zvikuru kwazvo muRussia uye mumarepabhuriki eyaichimbova Soviet Union.8. Chii chakaitika kuvanhu vaJehovha mumakore 45 aitevera pakapera Hondo Yenyika II?
8 Kunyange chitambudzo pachaipera mune dzimwe nharaunda, chaiwedzera mune dzimwe. Mumakore 45 aitevera kupera kwehondo yenyika yechipiri, nyika dzakawanda dzakaramba kubvumira Zvapupu zvaJehovha zviri pamutemo. Uyezve, takarambidzwa kana kuti mabasa edu akarambidzwa munyika 23 muAfrica, 9 muAsia, 8 muEurope, 3 muLatin America, uye 4 mune mamwe marudzi ezvitsuwa.
9. Vashumiri vaJehovha vakatsungirira chii muMalawi?
9 Zvapupu zvaJehovha muMalawi zvakatambudzwa noutsinye kutanga muna 1967. Vatinotenda navo ikoko vakanga vasingatengi makadhi ezvamatongerwe enyika, nemhaka yokusava nokwavakarerekera sevaKristu vechokwadi. (Johani 17:16) Zvichitevera musangano weMalawi Congress Party muna 1972, utsinye hwakatangazve. Hama dzakadzingwa mumisha yadzo uye dzakarambidzwa kushanda. Zviuru zvakatiza munyika yacho kuti zvisaurayiwa. Asi vairwa naMwari nevanhu vake vakakunda here? Kwete! Pashure pokuchinja kwezvinhu, nhamba yapamusoro yevaparidzi voUmambo 43 767 yakashuma muMalawi muna 1999, uye vanopfuura 120 000 vakapinda kokorodzano dzoruwa ikoko. Hofisi itsva yebazi yakavakwa muguta guru.
Vanotsvaka Mhosva
10. Sezvakaitika kuna Dhanieri, vanoshora vanhu vaMwari vamazuva ano vakaitei?
10 Vakaramba kutenda, vafundisi, uye vamwewo havagoni kushivirira shoko redu riri muShoko raMwari. Vachidzvinyirirwa nemapoka ezvitendero zvechiKristudhomu, vanoshora vanotsvaka inonzi nzira yapamutemo yokupembedza kutirwisa kwavanoita. Mazanoi anoshandiswa padzimwe nguva? Zvakanaka, varangani vakaitei mukurwisa muprofita Dhanieri? Pana Dhanieri 6:4, 5, tinorava kuti: “Vakuru namachinda vakatsvaka mhosva yavangapomera Dhanieri pamusoro poushe, asi vakashayiwa shoko kana mhosva, nokuti akanga akatendeka, uye kwakanga kusina kutadza kana mhosva kwaari. Zvino varume ava vakati: Hatingatongowani shoko pamusoro paDhanieri uyu, kana tisingamutsvakiri iro pamusoro pomurayiro waMwari wake.” Nhasi, nenzira yakafanana vanoshora vanotsvaka mhosva. Vanochema-chema pamusoro pe“mapoka ezvitendero ane ngozi” uye vanoedza kupa Zvapupu zvaJehovha zita iroro. Nokutaura zvisirizvo, chibhende, uye nhema, vanorwisa kunamata kwedu uye kuomerera kwatinoita kunheyo dzaMwari.
11. Kutaurai kwenhema kwave kuchiitwa nevamwe vanoshora Zvapupu zvaJehovha?
11 Mune dzimwe nyika, masangano ezvitendero neezvematongerwe enyika akaramba kubvuma kuti tine “kunamata kwakachena uye kusina kusvibiswa mukuona kwaMwari wedu.” (Jakobho 1:27) Kunyange zvazvo mabasa edu echiKristu ari kuitwa munyika 234, vanoshora vanoti hatisi “chitendero chinozivikanwa.” Kwasara mazuva mashoma kuti kokorodzano yamarudzi akawanda itange muna 1998, rimwe pepanhau rokuAthens rakadzokorora mashoko omufundisi weGreek Orthodox seaiti “[Zvapupu zvaJehovha] hazvisi ‘chitendero chinozivikanwa,’” pasinei zvapo nokutonga kweDare reEurope Rekodzero Dzavanhu kunopesana neizvi. Mazuva mashomanana gare gare, rimwe pepanhau muguta iroro rakadzokorora mashoko omumwe mutauriri wechechi seaiti: “[Zvapupu zvaJehovha] hazvigoni kuva ‘ungano yechiKristu,’ sezvo zvisinei chokuita nokutenda kwechiKristu mumunhu Jesu Kristu.” Izvi zvinoshamisa, nokuti hakuna rimwe boka rechitendero rinonyanya kutaura nezvokutevedzera Jesu kudarika zvinoitwa neZvapupu zvaJehovha!
12. Pakurwa hondo yedu yomudzimu, tinofanira kuitei?
VaFiripi 1:7) Uyezve, hatizobvumirani pane zvisina kufanira kana kuti kurerutsa kuomerera kwedu kune zvinodiwa naMwari zvakarurama. (Tito 2:10, 12) Kufanana naJeremia, ‘tinozvisunga zviuno zvedu ndokutaura zvose zvatinorayirwa naJehovha,’ tisingabvumiri vanorwa naMwari kuti vativhundutsire nokutyisa kupi nokupi. (Jeremia 1:17, 18) Shoko Dzvene raJehovha rakaronga zvakajeka nzira yakarurama yatinofanira kutora. Hatitombodi kusendama pa“ruoko rwenyama” rusina kusimba kana kuti kutsvaka “kuvanda mumvuri weEgipita,” ndiko kuti, nyika ino. (2 Makoronike 32:8; Isaya 30:3; 31:1-3) Pakurwa hondo yomudzimu, tinofanira kuramba tichivimba naJehovha nomwoyo wedu wose, kumurega achitungamirira nhano dzedu, uye kurega kusendama panjere dzedu. (Zvirevo 3:5-7) Kunze kwokunge tichitsigirwa naJehovha uye iye pachake ari kutichengeta, basa redu rose richava “pasina.”—Pisarema 127:1.
12 Tinotsvaka kudzivirira uye kusimbisa mashoko akanaka zviri pamutemo. (Kutambudzwa asi Vasingabvumirani Pane Zvisina Kufanira
13. Nei zvinganzi kurwisa kwaSatani Jesu kwakakundikana?
13 Muenzaniso mukuru wokusabvumirana pane zvisina kufanira pakuzvipira kuna Jehovha ndiJesu, akapomerwa zvenhema nezvokupandukira chiremera uye kuvhiringidza mutemo wakagadzwa. Aongorora mhosva yaJesu, Pirato aida kumusunungura. Asi boka ravanhu, rakurudzirwa nevatungamiriri vechitendero, rakadanidzira kuti Jesu arovererwe, kunyange zvazvo akanga asina mhaka. Panzvimbo pake, vakati Bharabhasi—murume akanga asungwa nokuda kwokumukira nokuponda—asunungurwe! Pirato akaedzazve kudzivisa vanoshora vasinganzwisisi, asi pakupedzisira akabvuma kuita zvaichemwa-chemwa nevanhu. (Ruka 23:2, 5, 14, 18-25) Kunyange zvazvo Jesu akafira padanda, kurwisa kwakaipa kwakaita Satani Mwanakomana waMwari akanga asina mhaka kwakakundikana zvachose, nokuti Jehovha akamutsa Jesu ndokumukwidziridza kuruoko Rwake pachake rworudyi. Uye pazuva rePendekosti 33 C.E., pachishandiswa Jesu akanga apiwa mbiri, mudzimu mutsvene wakadururwa, uchitanga ungano yechiKristu—“chisikwa chitsva.”—2 VaKorinde 5:17; Mabasa 2:1-4.
14. Chii chakaitika sangano rezvitendero rechiJudha parakarwisa vateveri vaJesu?
14 Nokukurumidza pashure pacho sangano rechitendero rakatyisidzira vaapostora, asi vateveri vaKristu ivavo havana kurega kutaura nezvezvinhu zvavakanga vaona nezvavakanga vanzwa. Vadzidzi vaJesu vakanyengetera vachiti “Jehovha, inzwai kutyisidzira kwavo, mubvumire varanda venyu kuti varambe vachitaura shoko renyu vasingatyi.” (Mabasa 4:29) Jehovha akapindura kukumbira kwavo nokuvazadza nomudzimu mutsvene uye kuvasimbisa kuti vapfuurire kuzivisa kwavo vasingatyi. Nenguva isipi vaapostora vakanzizve varege kuparidza, asi Petro nevamwe vaapostora vakapindura vachiti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” (Mabasa 5:29) Kutyisidzirwa, kusungwa, uye kuzvamburwa zvakanga zvisingagoni kuvatadzisa kuwedzera basa ravo roUmambo.
15. Gamarieri aiva ani, uye izanoi raakapa vezvitendero vaishora vateveri vaJesu?
15 Vatongi vezvitendero vakaita sei? “Vakarwadziwa kwazvo uye vakanga vachida kuuraya [vaapostora].” Zvisinei, mudzidzisi woMutemo ainzi Gamarieri, muFarisi, aivapo, uye airemekedzwa nevanhu vose. Achibudisa vaapostora kunze kwehoro yeSanihedrini kwenguva duku, akapa vanoshora vaya vezvitendero zano rokuti: “Vanhu vaIsraeri, zvichenjererei pane zvamunoda kuita pamusoro pevarume ava. . . . Ndinoti kwamuri, Musapindira mune zvevarume ava, asi varegei vakadaro; (nokuti, kana zano iri kana basa iri richibva kuvanhu, richaparara; asi kana richibva kuna Mwari, hamungakwanisi kuvaparadza;) kana zvisina kudaro, zvimwe mungawanwa chaizvoizvo muri vanorwisana naMwari.”—Mabasa 5:33-39.
Hapana Nhumbi Yakagadzirirwa Kutirwisa Ichabudirira
16. Mumashoko ako oga, ungatsanangura sei vimbiso iyo Jehovha anopa vanhu vake?
16 Zano raGamarieri rakanga rakanaka, uye tinoonga kana vamwe vachitaura vakatimiririra. Tinobvumawo kuti rusununguko rwokunamata rwakatsigirwa nezvisarudzo zvematare zvakaitwa nevatongi vasingasaruri. Chokwadi, kuomerera kwatinoita kuShoko raMwari kunogumbura vafundisi vechiKristudhomu nevamwe vatungamiriri veBhabhironi Guru, umambo hwenyika hwezvitendero zvenhema. (Zvakazarurwa 18:1-3) Kunyange zvazvo ivo nevaya vakapesvedzerwa navo vachitirwisa, tine vimbiso iyi: “Hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa, ruchakundwa newe. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo kunobva kwandiri—ndizvo zvinotaura Jehovha.”—Isaya 54:17.
17. Kunyange zvazvo vanoshora vakatirwisa, nei takashinga?
17 Vavengi vedu vanotirwisa pasina chikonzero, asi hatiori mwoyo. (Pisarema 109:1-3) Hatizofi takabvumira vaya vanovenga shoko redu romuBhaibheri kuti vatityisidzire kuti tibvumiranise kutenda kwedu nezvisina kufanira. Kunyange zvazvo tichitarisira kuti kurwa kwedu kwomudzimu kuchawedzera, tinoziva mugumisiro wacho. Kufanana naJeremia, tichaona kuzadzika kwemashoko ouprofita okuti: “Vacharwa newe, asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire—ndizvo zvinotaura Jehovha.” (Jeremia 1:19) Hungu, tinoziva kuti vanorwa naMwari havangakundi!
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 5 Ona nyaya inoti “Kutendeka uye Kusatya Muudzvinyiriri hweNazi,” mapeji 24-8.
Ungapindura Sei?
• Nei vashumiri vaJehovha vave vachirwiswa?
• Vanoshora vakarwisa vanhu vaJehovha munzirai?
• Nei tingava nechokwadi chokuti vanorwa naMwari havangakundi?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mufananidzo uri papeji 17]
Jeremia akavimbiswa kuti Jehovha aizova naye
[Mufananidzo uri papeji 18]
Vakapukunyuka mumusasa wevasungwa
[Mufananidzo uri papeji 18]
Chisimba chemhomho inorwisa Zvapupu zvaJehovha
[Mufananidzo uri papeji 18]
J. F. Rutherford neshamwari dzake
[Mufananidzo uri papeji 21]
Pane zvakaitika kuna Jesu, vairwa naMwari havana kukunda