Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva—Sezvakafanotaurwa

Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva—Sezvakafanotaurwa

Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva—Sezvakafanotaurwa

“Uyo akanga agere pachigaro choumambo akati: ‘Tarira! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.’ Uyewo, anoti: . . . ‘Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.’”—ZVAKAZARURWA 21:5.

1, 2. Nei kutya kwevanhu vakawanda kufunga zviri munguva yemberi kwakakodzera?

WAKAMBOTAURA here kana kuti kufunga kuti, ‘Ndiani anoziva zvichaitika mangwana?’ Unogona kunzwisisa kuti nei vanhu vachitya kufembera zvichaitika munguva yemberi kana kuti kuvimba nevaya vangakurumidza kutaura kuti vanofanotaura zviri mberi. Vanhu havambokwanisi kufanotaura zvakarurama zvichaitika mumwedzi kana kuti makore anouya.

2 Magazini inonzi Forbes ASAP yakapedzera imwe nyaya yose ichitaura nezvenguva. Mairi, mushamarari wechirongwa cheTV Robert Cringely akanyora kuti: “Nguva inoguma yatinyadzisa tose, asi hapana anonyanya kunyadziswa nenguva kupfuura vafemberi. Kuedza kufembera nguva yemberi mutambo watinenge tinongogara tichingokundikana. . . . Zvisinei, dzinonzi nyanzvi dzinoramba dzichifembera.”

3, 4. (a) Vamwe vane tariro yei nezvemireniyumu itsva? (b) Vamwe vanotarisira zvinhui chaizvoizvo nezvenguva yemberi?

3 Ungave wakacherechedza kuti nokunyanyofunga nezvemireniyumu itsva kuri kuitwa, zvingaita sokuti vanhu vakawanda vari kufunga nezvenguva yemberi. Pamavambo egore rapera, magazini yaMaclean yakati: “Gore ra2000 ringangova rimwezve gore pakarenda revanhu vokuCanada vakawanda, asi ringagona kuerekana rabatana nemavambo matsva zvechokwadi.” Purofesa Chris Dewdney weYunivhesiti yeYork akapa chikonzero ichi chokuva netariro: “Mireniyumu inoreva kuti tinogona kutaura kuti hatichinei nezana remakore rakanga rakaoma zvikuru.”

4 Izvozvo zvinonzwika sokufunga kwokudawo zvakwo here? MuCanada 22 muzana chete yevaya vakabatanidzwa pane kumwe kubvunzurudza kwakaitwa “vanotenda kuti 2000 ichaunzira nyika mavambo matsva.” Chaizvoizvo, inenge hafu “inotarisira kumwe kurwisana kwenyika”—hondo yenyika—mumakore 50. Zvakajeka kuti, vakawanda vanofunga kuti mireniyumu itsva haigoni kupedza zvinetso zvedu, ichiita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva. Sir Michael Atiyah, aichimbova purezidhendi weRoyal Society yeBritain, akanyora kuti: “Kukurumidza kuchinja . . . kunoreva kuti zana remakore rechimakumi maviri nerimwe richaunza zvinetso zvakaoma kumararamiro edu ose. Zvinetso zvokuwedzera kwevanhu, kushayikwa kwezvokushandisa, kushatiswa kwezvakatipoteredza, uye urombo hwakapararira zvatovapo uye zvinofanira kubatwa nazvo senhau yokukurumidzira.”

5. Tingawana kupi mashoko akavimbika pamusoro pezviri mberi?

5 Ungashamisika kuti, ‘Sezvo vanhu vasingagoni kufanotaura zviri munguva yedu yemberi, hatifaniri kungosiyana nenguva yemberi here?’ Mhinduro ndikwete! Chokwadi, vanhu havagoni kufanotaura zvakarurama nezvezviri mberi, asi hatifaniri kufunga kuti hapana anogona. Naizvozvo, ndiani, uye nei tichifanira kuva netarisiro yenguva yemberi? Ungawana mhinduro dzinogutsa mune zvinhu zvina zvakananga zvakafanotaurwa. Zvakanyorwa mubhuku rine vanhu vakawanda uye rinoraviwa zvikuru, iro risinganzwisiswiwo uye risingateererwi nevanhu vakawanda—Bhaibheri. Chero chaunofunga nezveBhaibheri, uye zvisinei hazvo nokuti ungava wakajairana naro zvakadini, ringakubetsera kufunga magwaro aya mana anokosha. Chaizvoizvo anofanotaura nezvenguva inopa chivimbo zvikuru. Uyezve, uprofita huna uhwu hunokosha hunoratidza zvinogona kunge zvakaita nguva yako yemberi neyevadiwa vako.

6, 7. Isaya akaprofita rini, uye zvaakafanotaura zvakava sei nokuzadzika kunoshamisa?

6 Hwokutanga hunowanikwa pana Isaya chitsauko 65. Usati wahurava, isa mupfungwa marongerwe acho—pakanyorwa mashoko aya uye mamiriro ezvinhu ahwaitaura nezvawo. Muprofita waMwari Isaya, akanyora mashoko aya, akararama makore anopfuura zana umambo hweJudha husati hwaguma. Mugumo wacho wakasvika Jehovha paakarega kudzivirira vaJudha vakanga vasina kutendeka, achirega vaBhabhironi vachiparadza Jerusarema ndokutapa vanhu varo. Izvozvo zvakaitika anopfuura makore zana Isaya afanotaura nezvazvo.—2 Makoronike 36:15-21.

7 Nezvezvakamboitika kuzadzika uku kusati kwaitika, yeuka kuti nenhungamiro yaMwari Isaya akafanotaura zita romuPersia aiva asati azvarwa, Koreshi, uyo akazokunda Bhabhironi. (Isaya 45:1) Koreshi akagadzirira nzira yokuti vaJudha vadzoke kunyika yokumusha kwavo muna 537 B.C.E. Zvinoshamisa kuti, Isaya akafanotaura kudzorerwa ikoko, sezvatinorava muchitsauko 65. Akanyanya kutaura nezvemamiriro ezvinhu aigona kuva nevaIsraeri vadzoka kunyika yokumusha kwavo.

8. Isaya akafanotaura nezvenguva yemberi ipi inofadza, uye mashoko api atinonyanya kufarira?

8 Tinorava pana Isaya 65:17-19 kuti: “Tarirai, ndinosika [“matenga matsva nepasi idzva,” NW]; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo. Asi imi farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika; nokuti tarirai ndinosika Jerusarema rive guta romufaro, navanhu varo vave nomufaro. Ndichafarira Jerusarema, nokuva nomufaro pamusoro pavanhu vangu; mukati maro hamuchazonzwiki inzwi rokuchema, kana inzwi rokurira.” Zvechokwadi, Isaya akatsanangura mamiriro ezvinhu akanga akanaka zvikuru kupfuura aiva amboraramwa maari nevaJudha muBhabhironi. Akafanotaura nezvomufaro uye kufarisisa. Zvino tarira mashoko anoti “matenga matsva nepasi idzva.” Uku ndiko kutanga kwokuonekwa kuna kwemashoko iwayo muBhaibheri, uye idzi ndima ina dzingava nezvadzinoreva zvakananga nokuda kwenguva yedu yemberi, kunyange kufanotaura nezvayo.

9. VaJudha vekare vakabatanidzwa sei mukuzadzika kwaIsaya 65:17-19?

9 Kuzadzika kwokutanga kwaIsaya 65:17-19 kwaibatanidza vaJudha vekare avo, sokufanotaura kwakaita Isaya zvakarurama, vakadzoka kunyika yokumusha kwavo, kwavakatangazve kunamata kwakachena. (Ezra 1:1-4; 3:1-4) Chokwadi, unoziva kuti vakadzoka kunyika yokumusha kwavo panyika ino, kwete kune imwewo nzvimbo muchadenga. Kuziva izvozvo kungatibetsera kuona zvaireva Isaya nematenga matsva uye pasi idzva. Hatifaniri kufungidzira, sezvinoita vamwe, nezvouprofita husina kujeka hwaNostradamus kana kuti hwavamwe vafemberi. Bhaibheri pacharo rinojekesa zvairehwa naIsaya.

10. Tinofanira kunzwisisa sei “pasi idzva” rakafanotaurwa naIsaya?

10 MuBhaibheri, “pasi” harirevi nyika yedu nguva dzose. Somuenzaniso, Pisarema 96:1 chaizvoizvo rinoti: ‘Imbirai Jehovha, pasi rose.’ Tinoziva kuti nyika yedu—pasi rakaoma uye makungwa akakura—hazvigoni kuimba. Vanhu ndivo vanoimba. Hungu, Pisarema 96:1 riri kureva vanhu vari pasi. * Asi Isaya 65:17 inotaurawo nezve“matenga matsva.” Kana “pasi” richimirira nzanga itsva yevanhu munyika yokumusha kwevaJudha, “matenga matsva” chii?

11. Mashoko okuti “matenga matsva” airevei?

11 Cyclopædia of Biblical, Theological, and Ecclesiastical Literature, yakanyorwa naM’Clintock naStrong, inoti: “Pose panotaurwa nezvouprofita hwakaratidzwa, denga rinoreva . . . boka rose remasimba anotonga . . . ari pamusoro uye achitonga vanhu vacho, sezvo denga chairo richiva pamusoro uye richitonga pasi.” Kana ari mashoko akabatanidzwa okuti “denga nepasi,” Cyclopædia inotsanangura kuti ‘mumutauro wouprofita mashoko acho anoreva mamiriro ezvematongerwe enyika evanhu vane zvigaro zvakasiyana-siyana. Denga ndiro uchangamire; pasi ndiro vanhu, vanhu vanotongwa nevakakwirira.’

12. VaJudha vekare vakava sei ne“matenga matsva nenyika itsva”?

12 VaJudha pavakadzokera kunyika yokumusha kwavo, vakawana inganzi gadziriro itsva yezvinhu. Kwaiva neboka idzva raitonga. Zerubhabheri, muzukuru waMambo Dhavhidhi, aiva gavhuna, uye Joshua aiva mupristi mukuru. (Hagai 1:1, 12; 2:21; Zekaria 6:11) Ava vakaumba “matenga matsva.” Vachitonga chii? “Matenga matsva” aitonga “pasi idzva,” nzanga yakacheneswa yevanhu vaiva vadzoka munyika yavo kuti vavakezve Jerusarema netemberi yaro yokunamatira Jehovha. Nokudaro, mupfungwa iyi chaiyo, kwaiva nematenga matsva nepasi idzva mukuzadzika kwaibatanidza vaJudha panguva iyoyo.

13, 14. (a) Ndepapi pamwe pane mashoko okuti “matenga matsva nepasi idzva” patinofanira kutarira? (b) Nei uprofita hwaPetro huchifadza zvikuru panguva ino?

13 Chenjerera kuti usatadza kuona pfungwa yacho. Uku hakusi kuedza kududzira Bhaibheri kana kuti kungotarirawo nhau yekare. Unogona kuona izvi nokuenda panoonekazve mashoko okuti “matenga matsva nepasi idzva.” Muna 2 Petro chitsauko 3, uchawana mashoko aya uye ona kuti nguva yedu yemberi inobatanidzwa.

14 Muapostora Petro akanyora tsamba yake makore anopfuura 500 vaJudha vadzokera kunyika yokumusha kwavo. Somumwe wevaapostora vaJesu, Petro ainyorera vateveri vaKristu, “Ishe” anodudzwa pana 2 Petro 3:2. 2Pe 3 Mundima 4, Petro anotaura nezvo“kuvapo kwakapikirwa,” kwaJesu kunoita kuti uprofita hwacho hukodzere zvikuru nhasi. Uchapupu hwakakwana hunoratidza kuti kubvira paHondo Yenyika I, Jesu ave aripo mupfungwa yokuva nesimba soMutongi muUmambo hwaMwari hwokudenga. (Zvakazarurwa 6:1-8; 11:15, 18) Izvi zvine zvazvinoreva chaizvo tichitarira zvimwezve zvinhu zvakafanotaurwa naPetro muchitsauko ichi.

15. Uprofita hwaPetro hwe“matenga matsva” huri kuzadzika sei?

15 Tinorava pana 2 Petro 3:13 kuti: “Kune matenga matsva nepasi idzva zvatakamirira maererano nechipikirwa chake, uye kururama kuchagara mazviri.” Ungave wakatodzidza kuti Jesu ari mudenga ndiye Mutongi anokosha mu“matenga matsva.” (Ruka 1:32, 33) Asi, dzimwe ndima dzeBhaibheri dzinoratidza kuti haatongi oga. Jesu akapikira kuti vaapostora nevamwe vakaita saivo vaizova nenzvimbo mudenga. Mubhuku raVaHebheru, muapostora Pauro akarondedzera vakadaro se“vanogoverana pamwe kudanwa kwokudenga.” Uye Jesu akati vaya veboka iri vaizogara naye pazvigaro zvoumambo mudenga. (VaHebheru 3:1; Mateu 19:28; Ruka 22:28-30; Johani 14:2, 3) Chinokosha ndechokuti vamwe vanotonga naJesu sevamwe vematenga matsva. Ipapo Petro airevei nemashoko okuti “pasi idzva”?

16. I“pasi idzva” ripi rinotovapo?

16 Sezvakanga zvakaita kuzadzika kwekare—kudzoka kwevaJudha kunyika yokumusha kwavo—kuzadzika kwazvino kwa2 Petro 3:13 kunosanganisira vanhu vanozviisa pasi pokutonga kunoitwa nematenga matsva. Ungawana mamiriyoni nhasi ari kuzviisa pasi pokutonga kwakadaro nomufaro. Vari kubetserwa nepurogiramu yakwo uye vari kuedza kutevedzera mitemo yakwo inowanikwa muBhaibheri. (Isaya 54:13) Ava ndivo hwaro hwe“pasi idzva” mupfungwa yokuti vanoumba nzanga yenyika yose yamarudzi ose, mitauro, uye madzinza, uye vanoshandira pamwe mukuzviisa pasi pokutonga kwaMambo anotonga, Jesu Kristu. Chinhu chinokosha ndechokuti unogona kuva mumwe weava!—Mika 4:1-4.

17, 18. Nei mashoko ari pana 2 Petro 3:13 achitipa chikonzero chokutarira nguva yemberi?

17 Usafunga kuti uku ndiko kuguma kwezvinhu, kuti hatina nzwisiso yakakwana yenguva yemberi. Chokwadi, sezvaunoongorora mashoko akapoteredza 2 Petro chitsauko 3, uchawana zviratidzo zvokuchinja kukuru kuri mberi. 2Pe 3 Mundima 5 ne6, Petro anonyora nezveMafashamo ezuva raNoa, Boporodzi rakagumisa nyika yakaipa kare ikoko. 2Pe 3 Mundima 7, Petro anotaura kuti “matenga nepasi zviripo iye zvino,” vatongi nemhomho yevanhu, zvakachengeterwa “zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.” Izvi zvinosimbisa kuti mashoko okuti “matenga nepasi zviripo iye zvino” anoreva, kwete zvinhu zvakasikwa, asi vanhu nevatongi vavo.

18 Petro anozotsanangura kuti zuva raJehovha riri kuuya richachenesa zvikuru, richizarura nzira nokuda kwematenga matsva nepasi idzva zvinotaurwa 2Pe 3 mundima 13. Cherechedza kuguma kwendima iyoyo—“kururama kuchagara mazviri.” Izvozvo hazvirevi here kuti kumwe kuchinja kukuru kuti zvinhu zvive nani kunofanira kuitika? Hazvipi tariro yezvinhu zvitsva chaizvoizvo here, nguva apo vanhu vachanakidzwa zvikuru nokurarama kudarika zvavanoita nhasi? Kana uchigona kuona izvozvo, ipapo wawana nzwisiso yezvinofanotaurwa neBhaibheri, nzwisiso ine vashoma zvikuru.

19. Bhuku raZvakazarurwa rinotaura nezve“matenga matsva nepasi idzva” zviri kuuya mumamiriro ezvinhu akadini?

19 Asi ngatipfuurirei. Tatarira panowanikwa mashoko okuti “matenga matsva nepasi idzva” muna Isaya chitsauko 65 uye pamwe muna 2 Petro chitsauko 3. Zvino vhura Zvakazarurwa chitsauko 21, chinowanikwazve mamwe mashoko aya muBhaibheri. Uyezve, kunzwisisa marongerwe acho kuchabetsera. Zvitsauko zviviri tisati tasvika apa, pana Zvakazarurwa chitsauko 19, tinowana hondo ichitsanangurwa zvokufananidzira zvakajeka—asi kwete hondo pakati pemarudzi anovengana. Kune rimwe divi kune “Shoko raMwari.” Zvimwe unoziva izvozvo sezita raJesu Kristu rokuremekedza. (Johani 1:1, 14) Ari mudenga, uye zvakaratidzwa izvi zvinomuratidza nemauto ake okudenga. Achirwisana naani? Chitsauko chacho chinodudza “madzimambo,” “vatungamiriri vehondo,” uye vanhu vezvinzvimbo zvakasiyana-siyana, “vaduku nevakuru.” Hondo iyi inosanganisira zuva raJehovha riri kuuya, kuparadzwa kwouipi. (2 VaTesaronika 1:6-10) Ichipfuurira, Zvakazarurwa chitsauko 20 inotanga nokurondedzera kubviswa kwe“nyoka yepakutanga, ari Dhiyabhorosi naSatani.” Izvi zvinopa hwaro hwokutarira zviri muna Zvakazarurwa chitsauko 21.

20. Zvakazarurwa 21:1 inoratidza kuti kuchinjai kunokosha kuri mberi?

20 Muapostora Johani anotanga nemashoko anofadza anoti: “Ndakaona denga idzva nepasi idzva; nokuti denga rekare nepasi rekare zvakanga zvapfuura, uye gungwa harisisipo.” Tichifunga zvataona muna Isaya chitsauko 65 uye 2 Petro chitsauko 3, tinogona kuva nechokwadi chokuti izvi hazvirevi kutsiva matenga chaiwoiwo uye pasi redu, nemvura yaro yakadzika. Sezvaratidzwa nezvitsauko zvapfuura, vanhu vakaipa nevatongi vavo, kusanganisira mutongi asingaonekwi Satani, vachabviswa. Hungu, chipikirwa chiri pano ndechegadziriro yezvinhu itsva inobatanidza vanhu pasi pano.

21, 22. Johani anotivimbisa zvikomboreroi, uye kupukutwa kwemisodzi kunorevei?

21 Tinovimbiswa izvi sezvatinopinda muuprofita hunoshamisa uhwu. Kumagumo kweZva 21 ndima 3 kunotaura nezvenguva apo Mwari achava nevanhu, achibetsera vanhu vanoita kuda kwake. (Ezekieri 43:7) Johani anopfuurira Zva 21 mundima 4, ne5 achiti: “[Jehovha] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura. Uye Uyo akanga agere pachigaro choumambo akati: ‘Tarira! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.’ Uyewo, anoti: ‘Nyora, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.’” Uprofita hunokurudzira zvakadini!

22 Mira kuti ufungisise zviri kufanotaura Bhaibheri. ‘Mwari achapukuta misodzi yose pamaziso avo.’ Izvi hazvingarevi misodzi chaiyo inogeza maziso edu anoona, uye hairevi misodzi yomufaro. Kwete, misodzi ichapukutwa naMwari misodzi inokonzerwa nokutambura, nhamo, kuora mwoyo, kukuvara, uye kurwadziwa. Tingava nechokwadi sei? Chokwadi, ichi chipikirwa chaMwari chinoshamisa chinobatanidza kupukutwa kwemisodzi no‘rufu, kuchema, kuridza mhere, uye kurwadziwa zvinenge zvisingazovipo.’—Johani 11:35.

23. Uprofita hwaJohani hunovimbisa mugumo wemamiriroi ezvinhu?

23 Izvi hazviratidzi here kuti kenza, sitiroko, hosha yomwoyo, uye kunyange rufu zvichava zvabviswa? Ndiani wedu asina kumbofirwa nomudiwa nemhaka yehosha, tsaona, kana kuti njodzi? Pano Mwari anopikira kuti rufu haruchazovipozve, zvinoratidza kuti vana vangaberekwa panguva iyoyo havazotarisiri kukura ndokubva vachembera—vachiguma nokufa. Uprofita uhwu hunorevawo kuti hakuzovizve nehosha yeAlzheimer, hosha yemapfupa, hosha yemaronda omuchibereko, hosha yemaziso, kana kuti kunyange tsanga—zvakajairika kwazvo mukuchembera.

24. ‘Denga idzva nepasi idzva’ zvicharatidza sei kuva chikomborero, uye tichakurukurei?

24 Pasina mubvunzo ungabvuma kuti kuchema uye kuridza mhere zvichaderera nokubviswa kworufu, kuchembera, uye hosha. Asi, zvakadini nourombo hunoparadza, kubatwa zvisina kunaka kwevana, uye kusarura kunodzvinyirira nemhaka yezvakaita mumwe munhu kana kuti ruvara rweganda? Kudai zvinhu zvakadaro—zvakajairika nhasi—zvaizopfuurira, tinenge tisina kubvisirwa kuchema uye kuridza mhere. Saka, upenyu mu“denga idzva nepasi idzva” hahuchakanganiswi nezvinokonzera kusuruvara zviripo zvino. Kuchinja kwakadini! Zvisinei, pakuwanika kuna kwemashoko okuti “matenga matsva nepasi idzva” muBhaibheri takurukura kutatu chete. Kuchine kumwezve kunowirirana nezvataongorora uye ikoko kunosimbisa kuti nei tine chikonzero chokutarira mberi kuti Mwari achazadzika chipikirwa chake cho‘kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva’ rini uye sei. Nyaya inotevera inotaura nezvouprofita ihwohwo uye zvahungareva nokuda kwomufaro wedu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 The New English Bible rinoshandura Pisarema 96:1 kuti: “Imbirai ISHE, vanhu vose vari pasi.” The Contemporary English Version inorava kuti: “Vanhu vose vari pasi pano, imbirai ISHE rumbidzo.” Izvi zvinowirirana nokunzwisisa kwokuti nokuti “pasi idzva” Isaya aireva vanhu vaMwari vari munyika yavo.

Unoyeukei?

• Ndedzipi nzvimbo nhatu apo Bhaibheri rinofanotaura nezve“matenga matsva nepasi idzva”?

• VaJudha vekare vakabatanidzwa sei mukuzadzika kwe“matenga matsva nepasi idzva”?

• Kuzadzikai kunonzwisiswa kwe“matenga matsva nepasi idzva” sezvadudzwa naPetro?

Zvakazarurwa chitsauko 21 inoita sei kuti titarisire nguva yemberi yakajeka?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 10]

Sezvakanga zvafanotaurwa naJehovha chaizvo, Koreshi akagadzirira nzira yokuti vaJudha vadzoke kunyika yokumusha kwavo muna 537 B.C.E.