Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Evhangeri nhatu dzinorondedzera kunyunyuta kwakaitwa nezvokuzodzwa kwaJesu mafuta anodhura. Vaapostora vakawanda here vakanyunyuta, kana kuti aingova Judhasi?

Tinowana chiitiko ichi chakarondedzerwa muEvhangeri naMateu, Mako, uye Johani. Zvinoratidzika kuti Judhasi ndiye akatungamirira pakunyunyuta, zvichida vamwe vaapostora vachibvumirana naye. Chiitiko ichi chinoratidzira nei tingava vanoonga kuva nenhoroondo ina dzeEvhangeri. Zvakanyorwa nomunyori mumwe nomumwe zvaiva zvakarurama, asi vose havagoveri mashoko akafanana. Nokuenzanisa nhoroondo dzakafanana, tinowana maonero akazara, akakwana ezviitiko zvizhinji.

Nhoroondo iri pana Mateu 26:6-13 inopa nzvimbo yacho—imba yaSimoni wemaperembudzi, muBhetani—asi haitauri zita romukadzi akatanga kudurura mafuta anonhuwirira pamusoro waJesu. Mateu anoti: “Vadzidzi vachiona izvi vakatsamwa” uye vakanyunyuta kuti mafuta acho aigona kudai atengeswa uye mari yawo yopiwa varombo.

Nhoroondo yaMako ine zvakawanda zvemashoko iwayo. Asi anowedzera kuti akavhura chinu chacho. Chaiva nemafuta anonhuwirira aiva “nadhi chaiyo,” iya seyakatengwa kuIndia. Nezvokunyunyuta kwacho, Mako anoshuma kuti “vamwe vavo vakatsamwa” uye “vakamutsamwira zvikuru.” (Mako 14:3-9) Saka nhoroondo mbiri dzacho dzinoratidza kuti vaapostora vanopfuura mumwe vakanyunyutawo. Zvisinei, kwakatanga sei?

Johani, aiva chapupu chakaona, akawedzera mashoko akajeka. Anotaura zita romukadzi wacho—Mariya, munun’una waMarita uye ari hanzvadzi yaRazaro. Johani akapawo mashoko aya, atinogona kutora seokuwedzera panzvimbo pokuva okupokana: “Akazora makumbo aJesu akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake dzikaoma.” Tikatora nhoroondo dzacho dzose, tinogona kuona kuti Mariya anofanira kuva akazora mafuta, mumusoro nemakumbo zvaJesu, ayo Johani anotiwo aiva “nadhi chaiyo.” Johani aiva wepedyo kwazvo naJesu uye anofanira kuva aitsamwiswa nezvinhu zviduku-duku Zvaaiitirwa. Tinorava kuti: “Judhasi Isikariyoti, mumwe wevadzidzi vake, akanga oda kumutengesa, akati: ‘Nei aya mafuta anonhuhwirira asina kutengeswa nemadhinari mazana matatu akapiwa varombo?’”—Johani 12:2-8.

Zvechokwadi, Judhasi aiva “mumwe wevadzidzi vake,” asi unogona kuona kutsamwa kwaJohani kuti mumwe munhu aiva munzvimbo iyi akanga achironga kutengesa Jesu. Mushanduri anonzi Dr. C. Howard Matheny nezvaJohani 12:4 akati: “Mashoko ezviri kutoitika okuti ‘akanga ava kuda’ [kana, “akanga oda”] uye chiito chezviri kuitika chokuti ‘kuda kumutengesa’ [kana kuti, “oda kumutengesa”] ose anoratidza chiito chine nhevedzano kana kuti chinopfuurira. Izvi zvinoratidza kuti kutengeswa kwaJesu naJudhasi kwakanga kusiri chiito chepakarepo chakangoitwa ipapo asi kuti kwaiva kwafungwa nezvakwo uye kwarongwa mumazuva akawanda.” Johani akawedzera imwe nzwisiso yokuti Judhasi akanyunyuta “kwete nokuti aiva nehanya nevarombo, asi nokuti aiva mbavha uye aiva nebhokisi remari uye aisitora mari dzaiiswa mariri.”

Saka zvinonzwisisika kuti mbavha Judhasi ndiye akatanga kunyunyuta kwacho nokuti aizowana zvakawanda zvokuba kudai mafuta aidhura akatengeswa uye mari yacho yakaiswa mubhokisi remari raaitakura. Judhasi paakangotanga kunyunyuta uku, vamwe vaapostora vangave vakanyunyuta vachibvumirana nemashoko aiita seakanaka. Zvisinei, Judhasi, ndiye zvikurukuru akatanga kunyunyuta kwacho.