Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyaradzo Inodiwa Chaizvo!

Nyaradzo Inodiwa Chaizvo!

Nyaradzo Inodiwa Chaizvo!

“Tarira, kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishayiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba, asi ivo vakashayiwa munyaradzi.”—MUPARIDZI 4:1.

URI kutsvaka nyaradzo here? Uri kupanga kunyaradzwa zvishoma kuti ukurire makore akasviba okuora mwoyo here? Uri kutsvaka chinhu chinonyevenutsa mwoyo zvishoma here kuti ufadze upenyu hwakazara nokutambura kwakanyanya uye zviitiko zvisingafadzi?

Pane imwe nguva, tose tinoda kunyaradzwa uye kukurudzirwa kwazvo. Izvi imhaka yokuti kune zvinhu zvakawanda kwazvo muupenyu zvinosuruvarisa. Tose tinoda kudzivirirwa, kudziyirwa, kudiwa. Vamwe vedu tachembera uye hatifari nazvo. Vamwe vanoodzwa mwoyo zvakanyanya nokuti upenyu hahuna kuvafambira zvakanaka sezvavaitarisira. Zvisinei vamwe vakagumburwa nomushumo wakabva kurabhoritari yezvirwere.

Uyezve, vashoma vangakakavara kuti zviitiko zvomunguva yedu zvakaita kuti nyaradzo netariro yakawanda zvidiwe. Muzana remakore rapfuura chete, vanhu vanopfuura mamiriyoni zana vakafa muhondo. * Vanenge vose vakasiya mhuri yakasurukirwa—yavanaamai navanababa, yehanzvadzikomana nehanzvadzisikana, chirikadzi nenherera—ichida zvikuru kunyevenutswa mwoyo. Nhasi, vanhu vanopfuura bhiriyoni vanorarama muurombo hwakanyanya. Hafu yevanhu vose vari munyika hairapwi nguva dzose uye haiwani mishonga inokosha. Mumigwagwa yemaguta makuru yakasviba munodzungaira mabhiriyoni evana vakasiyiwa, vakawanda vavo vari vanoshandisa zvinodhaka uye vanoita zvechipfambi. Mamiriyoni evapoteri anotambura mumisasa yakaipa.

Zvisinei, nhamba—sokugombedzera kwadzingaita—hadzitauri kurwadziwa uye nhamo zvomunhu oga izvo vamwe vari kusangana nazvo muupenyu hwavo pachavo. Somuenzaniso, funga nezvaSvetlana, imwe mhandara yokuBalkans yakazvarirwa muurombo hunosiririsa. * “Kuti ndiwane mari,” anodaro, “ndakatumwa nevabereki vangu kunopemha kana kuti kuba. Upenyu hwemhuri hwakava hwakaipa zvokuti ndakasvika pakubatanidzwa mumakunakuna. Ndakawana basa somufambisi wezvokudya, uye amai vangu, vaigamuchira mari yandaitambira, vakati kana ndaizopererwa nebasa rangu, vaizozviuraya. Zvose izvi zvakaita kuti ndiite upenyu hwechipfambi. Ndaingova nemakore 13. Pashure penguva yakati, ndakaita nhumbu uye ndakaibvisa. Ndava nemakore 15, ndairatidzika somunhu ane makore 30.”

Laimonis, rimwe jaya rokuLatvia, anotaura nezvokudiwa kwenyaradzo uye pfungwa dzokuora mwoyo dzakamuita kuti ave asingafari. Pazera remakore 29, akaita tsaona nemotokari yakamukuvadza kubvira muchiuno zvichidzika. Akanzwa asisina tariro zvachose uye akatanga kunwa doro. Makore mashanu gare gare akanga aparara—ava chidhakwa chakaremara chisina tariro. Aigona kuwana nyaradzo kupi?

Kana kuti funga nezvaAngie. Murume wake akanga avhiyiwa uropi katatu zvokuti pakutanga akanga asara akuvara zvishomanana. Zvadaro, makore mashanu avhiyiwa kokupedzisira, akaita tsaona yakaipisisa, ingangodai yakamuuraya. Mukadzi wake paakapinda mukamuri rekurumidziro ndokuona murume wake akarara imomo afenda pashure pokukuvara musoro zvakanyanya, akaziva kuti njodzi yakanga iri kuswedera. Nguva yake yemberi neyemhuri yakanga ichizova yakaoma. Aigona sei kutsigirwa uye kukurudzirwa?

Nokuda kwaPat, mamwe makore apfuura, muri muchando, rimwe zuva rakaratidzika serakatanga zvakanaka. Zvisinei, mazuva matatu akatevera akadzimwa mupfungwa dzake. Gare gare murume wake akamuudza kuti pashure pokurwadziwa nechipfuva zvakanyanya, mwoyo wake wakamira kupomba ropa. Mwoyo wake wakatanga kurova nokukurumidza zvikuru uye zvisiri zvenguva dzose, zvadaro wakabva wamira kurova. Akamira kufema. “Maererano nemaonero evepakiriniki ndakanga ndafa,” anodaro Pat. Asi akangoraramawo. Nezvokugara kwake muchipatara kwenguva yakareba, anoti: “Ndaitya nokuongororwa kwakawanda, zvikurukuru pavaiedza kuita kuti mwoyo wangu urove ndokumira, sezvawaiita pakutanga.” Chii chaigona kumunyevenutsa mwoyo uye kumuyamura munguva yainetsa iyi?

Joe naRebecca vakafirwa nomwanakomana wavo mukuru aive nemakore 19 mutsaona yemotokari. “Hatina kunge tambobata nechinhu chipi nechipi chinorwadza zvakadaro,” vanodaro. “Kunyange zvazvo kare isu taimbochema nevamwe pakufirwa kwavo, zvechokwadi hatina kumbonzwa kurwadziwa mwoyo kukuru kwatinoita zvino.” Sezvinobvira chii chaigona kuzorodza “kurwadziwa mumwoyo kukuru” kwakadaro—nhamo huru yokufirwa nomumwe munhu waunoda zvikuru?

Vanhu vose ava, nemamwe mamiriyoni, zvechokwadi vakawana chinonyaradza nechinonyevenutsa mwoyo. Kuti uone kuti newewo ungabetserwa nechinonyaradza chakadaro, tapota ramba uchirava.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Nhamba chaiyo yevashandi vechiuto uye yevanhuwo zvavo vakafa haizivikanwi. Somuenzaniso, bhuku ra1998 rinonzi Facts About the American Wars nezveHondo Yenyika II chete rinoti: “Nzvimbo zhinji dzinopa nhamba yose yevaya vakafa nemhaka yeHondo Yenyika II (mauto nevanhuwo zvavo) semamiriyoni 50 asi vakawanda vakanyatsoongorora nhau yacho vanobvuma kuti nhamba yakarurama yakakwirira zvikuru—kusvika kukanopfuura nekaviri nhamba iyoyo.”

^ ndima 6 Zita rakachinjwa.

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 3]

UNITED NATIONS/PHOTO BY J. K. ISAAC

UN PHOTO 146150 BY O. MONSEN