Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyaradzwa Nesimba raJehovha

Nyaradzwa Nesimba raJehovha

Nyaradzwa Nesimba raJehovha

“Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu.”—PISAREMA 94:19.

KUNA vose vevaya vari kupanga chinonyevenutsa, Bhaibheri ndiro rine mashoko okunyaradza. Saka hazvishamisi kuti, The World Book Encyclopedia rinoti “vanhu vasingaverengeki vave kuenda kuBhaibheri nokuda kwenyaradzo, tariro, uye nhungamiro munguva yenhamo uye yokusava nechokwadi.” Nei?

Nokuti Bhaibheri rakafuridzirwa noMusiki wedu ane rudo, “Mwari wokunyaradza kwose,” Uyo “anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” (2 VaKorinde 1:3, 4) Iye ‘ndiMwari anogovera nyaradzo.’ (VaRoma 15:5) Jehovha akapa muenzaniso mukugovera chinhu chinotiyamura tose. Akatuma Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, Kristu Jesu, pasi pano kuti atipe tariro nechinonyaradza. Jesu akadzidzisa kuti: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Bhaibheri rinorondedzera Jehovha souyo “anotakura mitoro yedu zuva rimwe nerimwe, iye Mwari muponesi wedu.” (Pisarema 68:19) Vanhu vanotya Mwari vangataura nechivimbo kuti: “Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose; zvaari kurudyi rwangu, handingazununguswi.”—Pisarema 16:8.

Ndima dzeBhaibheri dzakadaro dzinoratidza rudo rwakadzama runa Jehovha Mwari kwatiri isu vanhu. Zvinova pachena kuti ane mwoyo unoda zvikuru—uyewo mano—okugovera nyaradzo huru nokunyevenutsa marwadzo edu munguva dzokuora mwoyo. “Vanoziya unovapa simba; unoshayiwa simba unomuwedzera simba.” (Isaya 40:29) Saka tinganyaradzwa sei nesimba raJehovha?

Kunyaradza Kunoita Kutarisira kwaJehovha

Munyori wepisarema akati: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye achakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.” (Pisarema 55:22) Hungu, Jehovha Mwari anofarira mhuri yevanhu. Muapostora Petro akavimbisa vaKristu vomuzana remakore rokutanga kuti: “[Mwari] ane hanya nemi.” (1 Petro 5:7) Jesu Kristu akasimbisa kukosheswa kunoitwa vanhu naMwari nokuti: “Shiri duku shanu dzinotengeswa nemari mbiri dzinokosha zvishoma, handizvo here? Asi hapana neimwe yadzo inokanganwika pamberi paMwari. Asi kunyange nebvudzi remisoro yenyu rose rakaverengwa. Musatya; munokosha kupfuura shiri duku dzakawanda.” (Ruka 12:6, 7) Tinokosha zvikuru kuna Mwari zvokuti anocherechedza kunyange chinhu chiduku-duku nezvedu. Anoziva zvinhu zvatisingazivi isu nokuti anofarira mumwe nomumwe wedu zvakadzama.

Kufunga nezvokufarira kunoita Jehovha munhu mumwe nomumwe kwakanyaradza Svetlana zvikuru, pfambi duku, adudzwa munyaya yatangira ino. Aive oda kuzviuraya paakaonana neZvapupu zvaJehovha. Ipapo akabvuma fundo yeBhaibheri, yakamubetsera kuti azive Jehovha somunhu chaiyeiye anofarira upenyu hwake. Izvi zvakabaya mwoyo wake, zvikabva zvamukurudzira kuchinja mararamire ake ndokuzvitsaurira kuna Mwari. Zvakapawo Svetlana mwero unodiwa wokuzviremekedza zvokuti akada kupfuurira pasinei zvapo nezvinetso zvake uye kuva nemafungiro akanaka oupenyu. “Ndine chivimbo,” anodaro zvino, “chokuti Jehovha haachambondisiyi. Ndakaona kuti zvakanyorwa pana 1 Petro 5:7 ndezvechokwadi. Panoti: ‘Kandirai kufunganya kwenyu kwose paari [Jehovha], nokuti ane hanya nemi.’”

Tariro iri muBhaibheri Inonyaradza

Nzira yakananga iyo Mwari anonyaradza nayo iShoko rake rakanyorwa, rine tariro yenguva yemberi inoshamisa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorwa kuti tidzidze, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro tive netariro.” (VaRoma 15:4) Pauro akajekesa kubatana kuri pakati petariro yechokwadi nenyaradzo paakanyora kuti: “Iye . . . Mwari Baba vedu, vakatida isu uye vakatipa nyaradzo isingaperi netariro yakanaka nomutsa usina kufanirwa, ngavanyaradze mwoyo yenyu nokukusimbisai pamabasa nemashoko ose akanaka.” (2 VaTesaronika 2:16, 17) Iyi “tariro yakanaka” inosanganisira kutarisira upenyu hwakakwana, hunofadza, uye husingaperi paparadhiso yapasi.—2 Petro 3:13.

Tariro yakadaro yechokwadi uye yakajeka yakakurudzira Laimonis, chidhakwa chakaremara, adudzwa munyaya yatangira ino. Arava mabhuku eBhaibheri eZvapupu zvaJehovha, akafara kuziva nezvenyika itsva pasi poUmambo hwaMwari, maaigona kuzoporeswa zvachose. MuBhaibheri, akarava chipikirwa chakajeka chinotevera chokuporesa kunoshamisa: “Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba.” (Isaya 35:5, 6) Kuti akodzere upenyu hwomuParadhiso iyoyo, Laimonis akachinja zvikuru. Akarega kunwa doro uye kuchinja kwake kwakacherechedzwa nevavakidzani uye vaanozivana navo. Zvino anoitisa fundo dzeBhaibheri dzinoverengeka, achigovana nevamwe nyaradzo inopiwa netariro iri muBhaibheri.

Basa Romunyengetero

Mwoyo wedu paunenge uchirwadziwa nemhaka yezvikonzero zvakati, tinganyaradzwa nokunyengetera kuna Jehovha. Izvozvo zvinogona kubvisa mutoro wacho patiri. Patinenge tichikumbira, tinganyaradzwa nokuyeuka zvinhu zvinotaurwa muShoko raMwari. Pisarema rakareba kupfuura ose muBhaibheri rakafanana nomunyengetero wakaisvonaka. Munyori waro akaimba kuti: “Ndakarangarira zvamakatonga kare kare, Jehovha, ndikazvinyaradza.” (Pisarema 119:52) Mumamiriro ezvinhu akaomesesa, zvikurukuru aya anosanganisira chinetso choutano, ipapo hapawanzovi nemhinduro imwe, inobatanidza zvose. Musimba redu pachedu, tingasaziva kwokuenda chaizvoizvo. Vakawanda vakaona kuti zvose zvinogona kuitwa nomunhu pazvinenge zvaitwa, kunyengetera kuna Mwari kwakaguma nokunyaradzwa zvikuru uye, padzimwe nguva, mumhinduro dzanga dzisingatarisirwi.—1 VaKorinde 10:13.

Pat, uyo akamhanyiswa kukamuri rokukurumidzira rechipatara, akaona mugumisiro unonyaradza womunyengetero. Anaya, akati: “Ndakanyengetera kuna Jehovha uye ndakanyatsodzidza kuti ndaifanira kusiyira upenyu hwangu mumaoko ake, kumuvimba kuti aite chipi nechipi chaiva kuda kwake. Munguva yose iyoyo, ndakanyaradzwa; ndakava norugare rwaMwari runotaurwa pana VaFiripi 4:6, 7.” Ndima idzi dzinotinyaradza sei tose! Ipapo Pauro anotirayira kuti: “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.”

Mudzimu Mutsvene soMunyaradzi

Pausiku hwakatangira kufa kwake, Jesu akajekesera vaapostora vake kuti aizovasiya nokukurumidza. Izvi zvakavanetsa nokuvarwadza. (Johani 13:33, 36; 14:27-31) Achiziva kuti vaida kuramba vachinyaradzwa, Jesu akavimbisa kuti: “Ndichakumbira Baba uye vachakupai mumwe mubetseri [kana kuti munyaradzi] kuti ave nemi nokusingaperi.” (Johani 14:16; mashoko omuzasi NW, Ref.) Pano Jesu aireva mudzimu mutsvene waMwari. Pakati pezvimwe zvinhu, mudzimu mutsvene waMwari wakanyaradza vaapostora mumiedzo yavo uye wakavasimbisa kuti varambe vachiita kuda kwaMwari.—Mabasa 4:31.

Angie, uyo ane murume akapotsa afa pashure petsaona yakaipisisa, akakwanisa kubata zvinobudirira nokuora mwoyo kwose uye marwadzo zvemamiriro ake ezvinhu. Chii chakamubetsera? Anoti: “Pasina kutsigirwa nomudzimu mutsvene waJehovha, taisagona kukunda zvatakasangana nazvo ndokuramba takasimba. Simba raJehovha zvechokwadi rakanga raratidzwa nokusava kwedu nesimba, uye akaratidza kuva nhare munguva yedu yokuora mwoyo.”

Ukama Hunonyaradza

Api naapi angava mamiriro ezvinhu oupenyu hwomunhu, hazvinei nokuti zvinhu zvipi zvinorwadza zvingamuka, zvinofanira kukwanisa kunyaradzwa noukama huripo muungano yaJehovha. Ukama uhwu hunotsigira nokubetsera mumudzimu vaya vanosonganirana nayo. Imomo, munhu angawana boka reshamwari dzine rudo, dzine hanya, uye dzinonyaradza, dzakagadzirira uye dzinoda kubetsera nokunyaradza vamwe munguva dzokuora mwoyo.—2 VaKorinde 7:5-7.

Nhengo dzeungano yechiKristu dzinodzidziswa kuitira “vose zvakanaka, asi zvikurukuru vaya vane ukama [nadzo] mukutenda.” (VaGaratiya 6:10) Dzidzo iri muBhaibheri yavanowana inovakurudzira kuti vadanane sehama uye kudanana zvikuru kwazvo. (VaRoma 12:10; 1 Petro 3:8) Hama nehanzvadzi dzomudzimu dziri muungano dzinonzwa dzichida kuva nomutsa, kunyaradza, uye kunzwira tsitsi zvikuru.—VaEfeso 4:32.

Joe naRebecca, avo vakafirwa nomwanakomana wavo zvinosuruvarisa, vakawana kutsigirwa kunonyaradza kwakadaro nenhengo dzeungano yechiKristu. Vanoti: “Jehovha neungano yake inodiwa vakatibetsera munguva yedu yaitambudza. Takagamuchira mazana emakadhi, tsamba, uye nhare. Izvi zvinotiita kuti tionge makoshere anoita ukama hwedu. Patakanga tichakavhiringidzika nedambudziko racho, ungano dzakawanda dzomunharaunda dzakatibetsera, dzichigovera zvokudya uye dzichichenesa imba.”

Wana Nyaradzo!

Kuvhuvhuta kwemhepo dzokuparadza pakunotanga kuita ruzha, uye mvura isingamiri nechimvuramabwe chakanyanya zvokuora mwoyo pazvinoramba zvichitinhira, Mwari anenge agadzirira kupa dziviriro inonyaradza. Rimwe pisarema rinomutsanangura seanopa chivando chinonyaradza richiti: “Iye uchakufukidza neminhenga yake, uchatizira pasi pamapapiro ake.” (Pisarema 91:4) Mufananidzo uri pano ungava wegondo. Mufananidzo weshiri inonzwa kuti pane njodzi yobva yavhara vana vayo ichidzivirira nemapapiro ayo. Mupfungwa yakatokura zvikuru, Jehovha anova Mudziviriri wechokwadi wavose vanovanda maari.—Pisarema 7:1.

Kana uchida kudzidza zvakawanda nezvaMwari, unhu hwake, zvinangwa zvake, uye mano ake okunyaradza, unokumbirwa kuti udzidze Shoko rake. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubetsera mukuedza ikoko. Hungu, iwewo ungawana nyaradzo musimba raJehovha!

[Mifananidzo iri papeji 7]

Tariro iri muBhaibheri yenguva yemberi ingagovera nyaradzo