Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyika Itsva—Uchavamo Here?

Nyika Itsva—Uchavamo Here?

Nyika Itsva—Uchavamo Here?

“Hakuna chinhu chakanaka pakati pavo chingapfuura ichi, kuti vafare, uye kuti vaite zvakanaka upenyu hwavo hwose. Uyewo, kuti chipo chaMwari kuti munhu mumwe nomumwe adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose.”—MUPARIDZI 3:12, 13.

1. Nei tingava netariro nezvenguva yemberi?

VANHU vakawanda vanofunga nezvaMwari Wemasimba Ose seakaoma, ane hasha. Asi, rugwaro rwuri pamusoro apa ichokwadi chauchawana muShoko rake rakafuridzirwa. Chinoenderana nokuva kwake “Mwari anofara” uye nokuisa kwaakaita vabereki vedu vokutanga muparadhiso yapasi. (1 Timoti 1:11; Genesi 2:7-9) Pakutsvaka kunzwisisa nguva yemberi iyo Mwari akapikira vanhu vake, hatifaniri kushamiswa nokudzidza nezvemamiriro ezvinhu achatiunzira mufaro usingaperi.

2. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvaunotarisira?

2 Munyaya yatangira ino, takurukura nzvimbo nhatu paina dzacho apo Bhaibheri rinofanotaura nezve“matenga matsva nepasi idzva.” (Isaya 65:17, NW) Kumwe kwokufanotaura ikoko kwakavimbika kwakanyorwa pana Zvakazarurwa 21:1. Ndima dzinotevera dzinotaura nezvenguva apo Mwari Wemasimba Ose achachinja zvikuru mamiriro ezvinhu epasi kuti ave nani. Achapukuta misodzi yenhamo. Vanhu havachazofizve nokuchembera, kurwara, kana kuti tsaona. Kuchema, kuridza mhere, uye kurwadziwa zvichapera. Itariro inofadza zvakadini! Asi tingava nechokwadi chokuti ichauya here, uye tariro iyoyo ingarevei kwatiri iye zvino chaiye?

Zvikonzero Zvokuva Nechivimbo

3. Nei tingavimba nezvipikirwa zveBhaibheri zvenguva yemberi?

3 Cherechedza kuti Zvakazarurwa 21:5 inopfuurira sei. Inotaura mashoko aMwari, akagara pachigaro chake choumambo chokudenga, achizivisa kuti: “Tarira! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.” Chipikirwa chaMwari ichocho chiri nani kupfuura kuzivisa rusununguko kupi nokupi kunoitwa nenyika, bumbiro rekodzero dzavanhu ripi neripi ramazuva ano, kana kuti kufungidzira kwavanhu kupi nokupi nezvenguva yemberi. Kuzivisa kunonyatsovimbwa kunoitwa noUyo Bhaibheri rinoti ha“amborevi nhema.” (Tito 1:2) Zvinonzwisisika kuti, ungafunga kuti tingagumira pano chaipo, tichifadzwa netariro iyoyi yakarurama uye tichivimba naMwari. Asi hatifaniri kumira. Kune zvakawanda zvatinofanira kudzidza nezvenguva yedu yemberi.

4, 5. Uprofitai hweBhaibheri hwakatokurukurwa hungatsigira kuvimba kwedu nezviri mberi?

4 Funga kuti nyaya yatangira ino yati chii nezvezvipikirwa zveBhaibheri zvematenga matsva nepasi idzva. Isaya akafanotaura nezvegadziriro itsva yakadaro, uye uprofita hwake hwakazadzika vaJudha pavakadzokera kunyika yokumusha kwavo ndokutangazve kunamata kwechokwadi. (Ezra 1:1-3; 2:1, 2; 3:12, 13) Asi, ndizvo zvoga zvairehwa nouprofita hwaIsaya here? Zvechokwadi kwete! Zvinhu zvaakafanotaura zvaizozadzika munzira yakakura munguva yemberi iri kure. Nei tichisvika pakutaura izvozvo? Nemhaka yezvatinorava pana 2 Petro 3:13 uye Zvakazarurwa 21:1-5. Ndima idzodzo dzinotaura nezvematenga matsva nepasi idzva izvo zvichabatsira vaKristu vari munyika yose.

5 Sezvambotaurwa, Bhaibheri rinoshandisa mashoko okuti “matenga matsva nepasi idzva” kana. Takurukura katatu kacho uye tasvika pakutaura zvinokurudzira. Bhaibheri rinofanotaura zvakananga, kuti Mwari achabvisa uipi nezvimwe zvinokonzera kutambura uye kuti achazokomborera vanhu mugadziriro yake itsva yakapikirwa.

6. Uprofita hwechina hunotaura nezve“matenga matsva nepasi idzva” hunofanotaurei?

6 Zvino ngationgororei nzvimbo yasara inoonekwa mashoko okuti “matenga matsva nepasi idzva,” pana Isaya 66:22-24, panoti: “[“Matenga matsva nepasi idzva,” NW] zvandichaita, sezvazvichagara zviripo pamberi pangu, saizvozvo rudzi rwako nezita rako zvichagara zviripo—ndizvo zvinotaura Jehovha. Zvino panguva iyo nyama yose ichauya kuzonamata pamberi pangu, pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe, napasabata imwe neimwe—ndizvo zvinotaura Jehovha. Vachabudapo vachindotarira zvitunha zvavanhu vakandidarikira; nokuti honye yavo haingafi, uye moto wavo haungadzimwi; vachava chinhu chinosemesa nyama yose.”

7. Nei tichifanira kusvika pakutaura kuti Isaya 66:22-24 ichazadzika mumazuva anouya?

7 Uprofita uhwu hwakashanda pavaJudha vakadzokazve munyika mavo, asi kwaizova nokumwe kuzadzika. Izvi zvaifanira kuva makore akawanda kubvira pakanyorwa tsamba yechipiri yaPetro uye bhuku raZvakazarurwa, nokuti hwaitaura nezve‘denga nepasi idzva’ zvenguva yemberi. Tingatarisira kuzadzika ikoko kwakakura uye kwakakwana mugadziriro itsva. Funga nezvemamwe mamiriro ezvinhu atingatarisira kuva nawo.

8, 9. (a) Vanhu vaMwari va“chagara [va]ripo” mupfungwai? (b) Uprofita hwokuti vashumiri vaJehovha vachanamata “pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe, napasabata imwe neimwe” hunorevei?

8 Zvakazarurwa 21:4 yaratidza kuti rufu haruchazovipo. Ndima iri muna Isaya chitsauko 66 inobvumirana nazvo. Tinogona kuona kubva Isa 66 mundima 22 kuti Jehovha anoziva kuti matenga matsva nepasi idzva hazvizovi zvenguva pfupi, zvenguva yakaganhurirwa. Uyezve, vanhu vake vachatsungirira; vacha“gara [va]ripo” pamberi pake. Mwari zvaakatoitira vanhu vake vakasarudzwa zvinotiita kuti tive nechivimbo. VaKristu vechokwadi vakatambudzwa zvakakomba, kunyange kuedza kuvaparadza kwoupengo. (Johani 16:2; Mabasa 8:1) Asi, kunyange vavengi vane simba kwazvo vevanhu vaMwari, vakadai saMambo Nero weRoma naAdolf Hitler, havana kukwanisa kuparadza vanhu vaMwari vakavimbika, vane zita rake. Jehovha akachengetedza ungano yavanhu vake, uye tingava nechokwadi chokuti anogona kuiita kuti irambe iripo nokusingaperi.

9 Saizvozvowo, vaya vakatendeka kuna Mwari sevamwe vepasi idzva, nzanga yevanamati vechokwadi munyika itsva, vachagara varipo somunhu mumwe nomumwe nokuti vachange vachinamata zvakachena Musiki wezvinhu zvose. Kunamata ikoko hakuzovi kwepano neapo kana kuti kwachero. Mutemo waMwari, wakapiwa Israeri nokuna Mosesi, waida kuti zvimwe zviito zvakati zvokunamata zviitwe mwedzi woga woga, sezvairatidzwa nomwedzi mutsva, uye vhiki yoga yoga, sezvairatidzwa nezuva reSabata. (Revhitiko 24:5-9; Numeri 10:10; 28:9, 10; 2 Makoronike 2:4) Saka Isaya 66:23 inoreva kunamatwa kwaMwari nguva dzose, kunopfuurira, vhiki nevhiki uye mwedzi nomwedzi. Kusatenda kuti kuna Mwari uye unyengeri hwechitendero hazvizovipo panguva iyoyo. “Nyama yose ichauya kuzonamata pamberi” paJehovha.

10. Nei ungavimba kuti nyika itsva haingaparadzwi zvachose nevanhu vakaipa?

10 Isaya 66:24 inotivimbisa kuti rugare nokururama zvepasi idzva hazvizombofi zvakava mungozi. Vanhu vakaipa havazozviparadzi. Yeuka kuti 2 Petro 3:7 inoti riri mberi kwedu i“zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.” Avo vachaguma vanhu vasingadi Mwari. Vanhu vasina mhaka havazokuvadzwi, kusiyana nezvinowanzoitika muhondo dzevanhu, panokuvadzwa vanhuwo zvavo vakawanda kudarika varwi. Mutongi Mukuru anotivimbisa kuti zuva rake richava kuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.

11. Isaya anoratidza kuti chii chichava nguva yemberi yevapi nevapi vanopandukira Mwari nokunamata kwake?

11 Vanhu vakarurama vachapukunyuka vachaona kuti shoko raMwari rouprofita nderechokwadi. Isa 66 Ndima 24 inofanotaura kuti ‘zvitunha zvavanhu vakadarikira’ Jehovha zvichava uchapupu hwokutonga kwake. Mutauro wokufananidzira wakashandiswa naIsaya ungaita sounotyisa. Asi, unoenderana nechokwadi chenhau. Kunze kwemasvingo eJerusarema rekare kwaiva nenzvimbo dzokurasira marara uye, nguva nenguva, yezvitunha zvemagandanga akaurayiwa zvainge zvanzi hazvina kufanira kuvigwa zvakanaka. * Ikoko makonye nemoto unororomesa zvaizokurumidza kubvisa zvose marara nezvitunha izvozvo. Zviri pachena kuti, kutaura kwokufananidzira kwaIsaya kunoenzanisira mugumo wokutonga kunoita Jehovha vadariki.

Zvaakapikira

12. Isaya anoratidza chiizve maererano noupenyu munyika itsva?

12 Zvakazarurwa 21:4 inotiudza nezvezvimwe zvinhu zvisingazovipo mugadziriro itsva iri kuuya. Zvisinei, chii chichavapo panguva iyoyo? Upenyu huchava hwakaita sei? Tingawana zvingatibatsira kuziva zvahungava hwakaita zvakavimbika here? Hungu. Isaya chitsauko 65 nenzira youprofita inotsanangura mamiriro ezvinhu atichava nawo kana tikatenderwa naJehovha kurarama paanosika aya matenga matsva nepasi idzva, mupfungwa yokupedzisira. Vaya vakakomborerwa nenzvimbo isingaperi mupasi idzva havazochemberi ndokupedzisira vafa. Isaya 65:20 inotivimbisa kuti: “Hapangazovipo rushiye runa mazuva mashoma, kana mutana usina kusvitsa mazuva ake; nokuti mwana achafa apedza makore ane zana, nomutadzi acharohwa nokutukwa kana asvika makore ane zana.”

13. Isaya 65:20 inotivimbisa sei kuti vanhu vaMwari vachava vakachengeteka?

13 Izvi pazvakatanga kuzadzika pavanhu vaIsaya, zvaireva kuti vana vaiva munyika yacho vaiva vakachengeteka. Hapana vavengi vaipinda, sezvakamboita vaBhabhironi, kuzotora shiye kana kuti kuuraya vanhu vaiva vakasimba. (2 Makoronike 36:17, 20) Munyika itsva iri kuuya, vanhu vachava vakachengeteka, vakadzivirirwa, vachikwanisa kunakidzwa noupenyu. Kana munhu akasarudza kupandukira Mwari, haazobvumirwi kuramba achirarama. Mwari achamubvisa. Zvakadini kana mutadzi anopandukira wacho ava nemakore zana? Achafa so“mwana” zvichienzaniswa nokuva noupenyu husingaperi.—1 Timoti 1:19, 20; 2 Timoti 2:16-19.

14, 15. Kubva pana Isaya 65:21, 22, ungatarisira mabasai ane mubayiro?

14 Pane kuramba achitaura kuti anotadza nemaune angabviswa sei, Isaya anotsanangura mararamire achatekeshera munyika itsva. Edza kufungidzira uri munzvimbo yacho. Zvaungatanga kuona neziso repfungwa dzako ndizvo zvinhu zvaunofarira zvikuru. Isaya anozvitaura Isa 65 mundima 21 ne22 kuti: “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.”

15 Kana usati wava nounyanzvi hwokuvaka kana kuti hwokurima bindu, uprofita hwaIsaya huri kuratidza kuti pane dzidzo yakakumirira. Kunyange zvakadaro, ungada here kudzidza uchibatsirwa nevarayiridzi vanokwanisa, zvichida vavakidzani vane mutsa vanokubatsira nomufaro? Isaya haana kutaura kana imba yako ichava nemahwindo makuru asina magirazi ane maketeni, kuitira kuti ugofefeterwa nekamhepo munzvimbo inopisa, kana kuti mahwindo egirazi akavharika aungagona kuona nawo mwaka iri kuchinja. Uchagadzira imba ine denga rakarereka kuti riyeredze mvura nechando here? Kana kuti mamiriro okunze omunharaunda achaita kuti uite denga rakati sandara—serimwe reaya ari kuMiddle East—denga raunogona kuungana nemhuri yako muchidya zvokudya zvinonaka nokukurukura here?—Dheuteronomio 22:8; Nehemia 8:16.

16. Nei ungatarisira kuti nyika itsva ive inogutsa zvachose?

16 Chinokosha zvikuru kupfuura kuziva zvinhu zvakadaro ndechokuti uchava neimba yako pachako. Ichava yako—kusiyana nanhasi paungatamburira kuvaka asi zvadaro mumwe munhu oigara. Isaya 65:21 inotiwo uchasima ndokudya michero yacho. Zvakajeka kuti, izvozvo zvinotaura zvakaita mamiriro ezvinhu acho ose zvawo mumashoko mashoma. Uchagutsikana zvikuru nokushingaira kwako, mibayiro yebasa rako pachako. Uchakwanisa kuita izvozvi muupenyu hwakareba—“samazuva omuti.” Izvozvo zvinonyatsokodzerana nerondedzero yacho yokuti “zvinhu zvose zvive zvitsva”!—Pisarema 92:12-14.

17. Vabereki vachaona chipikirwai chichikurudzira zvikuru?

17 Kana uri mubereki, mashoko aya achabaya mwoyo wako: “Havangabatiri zvisina maturo, kana kubereka vana, vachakurumidza kuparadzwa; nokuti ndivo vana vavakaropafadzwa naJehovha, zvibereko zvavo zvichagara navo. Zvino ndichapindura vasati vadana, ndichanzwa vachataura.” (Isaya 65:23, 24) Unoziva here kubva pane zvakaitika kwauri marwadzo o‘kubereka vana vanokurumidza kuparadzwa’? Hatifaniri hedu kuronga matambudziko angava nevana anovhiringidza vabereki nevamwe. Kufanana naizvozvo, tose takacherechedza vabereki vakabatikana zvikuru nemabasa avo pachavo, zviito, kana kuti mafaro zvokuti vanopedza nguva shoma nevana vavo. Kusiyana naizvozvo, Jehovha anotivimbisa kuti achanzwa ndokupindura zvatinoda, kunyange kuzvitarisira.

18. Nei ungatarisira kunakidzwa nemhuka munyika itsva?

18 Paunenge uchifunga nezvokuti uchanakidzwa nechii munyika itsva, fungidzira chiitiko chinotaurwa neshoko raMwari rouprofita chokuti: “Bere negwayana zvichafura pamwe chete, shumba ichadya uswa senzombe, uye guruva richava zvokudya zvenyoka. Ha[zvi]ngakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene—ndizvo zvinotaura Jehovha.” (Isaya 65:25) Vanhu vanonyora mifananidzo vakaedza kunyora mufananidzo wechiitiko ichocho, asi uku hakusi kurondedzera kwokufungidzira kunoitwa norusununguko rwounyanzvi hwokunyora mifananidzo. Izvi zvichanyatsoitika. Rugare ruchatekeshera muvanhu uye ruchaenderana norugare rwemhuka. Vakawanda vanodzidza nezvezvinhu zvipenyu uye vanofarira mhuka vanopedza makore akanakisisa oupenyu hwavo vachidzidza nezvemarudzi mashoma emhuka kana kuti rudzi rumwe bedzi kana rudzi rwakafanana. Kusiyana naizvozvo, funga zvauchakwanisa kudzidza mhuka padzinenge dzisingachatyi vanhu. Ipapo uchakwanisa kusvika kunyange pedyo neshiri notuzvipuka tuduku tunogara musango kana mudondo—hungu, zvicherechedze, zvidzidze, uye nakidzwa nazvo. (Jobho 12:7-9) Uchakwanisa kuita kudaro wakachengeteka, pasina ngozi inobva kumunhu kana kuti kumhuka. Jehovha anoti: “Ha[zvi]ngakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene.” Kuchava kuchinja kwakadini pane zvatinoona uye zvinoitika kwatiri nhasi!

19, 20. Nei vanhu vaMwari vakasiyana kwazvo nevanhu vazhinji nhasi?

19 Sezvambotaurwa, vanhu havakwanisi kufanotaura nguva yemberi zvakarurama, pasinei zvapo nokunetseka kwakapararira kune chokuita nemireniyumu itsva. Izvozvo zvinosiya vakawanda vashungurudzika, vavhiringidzika, uye vasina tariro. Peter Emberley, mutungamiriri wepane imwe yunivhesiti yokuCanada, akanyora kuti: “[Vakuru] vakawanda pakupedzisira vanosangana nemibvunzo inokosha yokuvapo. Ndini ani? Zvechokwadi ndiri kuvavarirei? Nhaka yandinosiyira chizvarwa chinotevera ndeyei? Vari kuparapatika pazera repakati nepakati kuti varongeke uye kuti vawane zvinoreva upenyu hwavo.”

20 Unogona kunzwisisa kuti nei zvakadaro kune vakawanda. Vangatsvaka kunakidzwa noupenyu nokuita mabasa okuzvifadza kana kuti marudzi anonakidza enhandaro. Asi, havazivi kuti nguva yemberi inei, saka upenyu hungashaya ukoshi, kurongeka, kana kuti zvahunoreva chaizvoizvo. Zvino siyanisa izvozvo nokuona kwaunoita upenyu, muchiedza chezvatakurukura. Unoziva kuti mumatenga matsva nepasi idzva zvakapikirwa naJehovha, tichakwanisa kutarira-tarira ndokuti mumwoyo medu, ‘Zvechokwadi, Mwari aita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva!’ Tichanakidzwa naizvozvo sei!

21. Chinhui chakafanana chatinowana pana Isaya 65:25 naIsaya 11:9?

21 Hakusi kuzvitutumadza kufungidzira tichirarama munyika itsva yaMwari. Anotikoka, kunyange kutikurudzira, kuti timunamate muchokwadi iye zvino uye kuti tikwanise kuva noupenyu pa‘zvicharega kukuvadza kana kuti kuparadza pagomo rake rose dzvene.’ (Isaya 65:25) Kunyange zvakadaro, waiziva here kuti pakutanga Isaya akatsinhira zvakafanana uye kuti akabatanidza chimwe chinhu chinokosha kuti tinakidzwe zvechokwadi nenyika itsva? Isaya 11:9 (NW), inoti: “Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti pasi rose richazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”

22. Kukurukura kwataita uprofita hweBhaibheri huna kunofanira kusimbisa kutsunga kwedu kuita chii?

22 “Kuziva Jehovha.” Mwari paanoita zvinhu zvose kuti zvive zvitsva, vagari vepasi vachaziva zvakarurama nezvake iye uye zvaanoda. Izvi zvichabatanidza zvakawanda zvinopfuura kudzidza zvisikwa zvemhuka. Shoko rake rakafuridzirwa rinobatanidzwa. Somuenzaniso, funga nezvokuti taona zvakawanda zvakadini nokuongorora uprofita huna bedzi hunotaura nezve“matenga matsva nepasi idzva.” (Isaya 65:17; 66:22; 2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:1) Une chikonzero chakanaka chokurava Bhaibheri zuva nezuva. Ndiwo muitiro wako here? Kana usiwo, ungagadzirisa chii kuti zuva roga roga urave zvimwe zvezvinhu zvinotaurwa naMwari? Uchaona kuti kunze kwokutarisira kunakidzwa nenyika itsva, uchawana mufaro wakawedzerwa iye zvino, kunyange sezvakaita munyori wepisarema.—Pisarema 1:1, 2.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Ona Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 1, peji 906, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

Ungapindura Sei?

• Nei tingasvika pakutaura kuti Isaya 66:22-24 inofanotaura zvichiri mberi?

• Chii chaunonyanya kutarisira mberi pazvinhu zvakataurwa muuprofita huri pana Isaya 66:22-24 uye Isaya 65:20-25?

• Zvikonzeroi zvaunazvo zvokuvimba nenguva yemberi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 15]

Isaya, Petro, naJohani vakafanotaura zvinhu zve“matenga matsva nepasi idzva”