Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoona Vanhu Vane Chisimba Sezvinoita Mwari Here?

Unoona Vanhu Vane Chisimba Sezvinoita Mwari Here?

Unoona Vanhu Vane Chisimba Sezvinoita Mwari Here?

KUBVIRA KARE VANHU VAVE VACHIYEMURA NOKUKUDZA VARUME VANE SIMBA, VAYA VANORATIDZA SIMBA GURU ROMUVIRI UYE USHINGI. MUMWE AKADARO AIVA GAMBA RENGANO REGREECE YEKARE, HERACLES, KANA KUTI HERCULES SOKUZIVIKANWA KWAAIITWA NEVAROMA.

HERACLES aiva gamba guru rine mukurumbira kwazvo, murwi ane simba kupfuura varwi vose. Maererano nengano, aiva kamwari, mwana wamwari wevaGreek Zeus, naAlcmene, amai vakanga vari munhu. Hugamba hwake hwakatanga paakanga achiri mucheche pamubhedha. Mwarikadzi ane shanje paakatumira nyoka mbiri huru kuti dzimuuraye, Heracles akadziuraya. Muupenyu hwakatevera akarwa hondo, akakurira mhuka dzinotyisa, uye akakunda rufu kuti aponese shamwari yake. Akaparadzawo maguta, akabata vakadzi chibharo, akakandira pasi mumwe mukomana kubva pashongwe, uye akauraya mudzimai wake nevana.

Kunyange zvazvo asiri munhu chaiye, kubvira munguva dzekare ngano dzaHeracles dzakarondedzerwa munyaya dzomunyika dzekare dzaizivikanwa nevaGreek. VaRoma vakamunamata samwari; vashambadzi nevafambi vainyengetera kwaari kuti vagarike uye vadzivirirwe munjodzi. Nyaya dzohugamba hwake dzakashamisa vanhu kwezviuru zvemakore.

Kutanga Kwengano Yacho

Nyaya dzaHeracles nemamwe magamba omungano dzine padzakavakirwa chaizvoizvo here? Mupfungwa yakati, dzingava napo. Bhaibheri rinotiudza nezvenguva, kumavambo kwenhau yevanhu, “vanamwari” uye “twumwari” patwakafamba chaizvoizvo panyika.

Achirondedzera nguva iyoyo, Mosesi akanyora kuti: “Zvino vanhu vakati votanga kuwanda panyika, vachiberekerwa vanasikana, vanakomana vaMwari vakaona vakunda vavanhu kuti vakanaka, vakazvitsaurira pakati pavose vavakada kuva vakadzi vavo.”—Genesi 6:1, 2.

“Vanakomana vaMwari” ivavo vakanga vasiri vanhu chaivo; vaiva ngirozi dziri vanakomana vaMwari. (Enzanisa naJobho 1:6; 2:1; 38:4, 7.) Munyori weBhaibheri Judha anorondedzera kuti dzimwe ngirozi hadzi“na kuchengeta nzvimbo yadzo yepakutanga asi dzakasiya nzvimbo yadzo yokugara yakafanira.” (Judha 6) Nemamwe mashoko, dzakasiya nzvimbo yadzo yadzakapiwa musangano raMwari rokudenga nokuti dzakada kugara nevakadzi vakanaka pasi pano. Judha anowedzera kuti ngirozi idzi dzakapanduka dzakanga dzakafanana nevanhu vomuSodhomu neGomora, ‘vakaita ufeve zvakanyanyisa uye vakatsvaka nyama nokuda kwokuishandisa kusiri kwomuzvarirwo.’—Judha 7.

Bhaibheri haripi mashoko ose emabasa engirozi idzi dzisina kuteerera. Zvisinei, ngano dzekare dzokuGreece uye dzedzimwe nzvimbowo dzinorondedzera vanamwari uye vanamwarikadzi vakawanda vakafamba pakati pevanhu, vachioneka kana kuti vasingaoneki. Pavaichinja kuva vanhu, vaiva vakanaka kwazvo. Vaidya, vainwa, vairara, uye vaiita ungochani uye vairara nevamwe vanhu. Kunyange zvazvo vaifungidzirwa kuva vatsvene uye vasingafi, vainyepa uye vainyengera, vaikakavara uye vairwa, vainyengera uye vaibata chibharo. Nhoroondo dzengano dzakadaro dzingaratidza, kunyange zvazvo munzira yakanyanyisa neinovhiringidza, mamiriro ezvinhu chaiwoiwo anotaurwa muBhaibheri mubhuku raGenesi Mafashamo asati aitika.

Vanhu Vane Simba Vekare, Varume Vakakurumbira

Ngirozi dzisina kuteerera dzakapfeka miviri yevanhu dzakarara nevakadzi, uye vakadzi vacho vakabereka vana. Ava vakanga vasiri vanawo zvavo. Vaiva vaNefirimi, hafu vari vanhu uye hafu vari ngirozi. Nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Panguva iyo kwakanga kune vanhu varefu kwazvo panyika [“vaNefirimi,” NW], napashurewo, kana vanakomana vaMwari vakapinda kuvanasikana vavanhu, ivo vakavaberekera vana. Ndivo vaiva vanhu vane simba vakare, vakanga vakakurumbira.”—Genesi 6:4.

Shoko rechiHebheru rokuti “nefirimi” chaizvoizvo rinoreva kuti “vawisi,” kana kuti vaya vaiwisa vamwe, kana kuti vaikonzera kuwa kwevamwe, nemabasa echisimba. Saka, hazvishamisi kuti nhoroondo yeBhaibheri inowedzera kuti: “Nyika yakanga izere nokumanikidzana.” (Genesi 6:11) Twumwari twomungano, twakadai saHeracles negamba rokuBhabhironi Gilgamesh, twunomirira vaNefirimi zvakasimba.

Cherechedza kuti vaNefirimi vakanzi “vanhu vane simba” uye ‘varume vakakurumbira.’ Kusiyana nomurume akarurama Noa, akararama munguva imwe chete navo, vaNefirimi vakanga vasingafariri kutsigira mukurumbira waJehovha. Vaifarira mukurumbira, mbiri, uye kuzivikanwa kwavo pachavo. Nemabasa echisimba, ayo pasina mubvunzo aisanganisira chisimba nokuteura ropa, vakawana mukurumbira wavakanga vachipanga kwazvo waibva munyika isingadi Mwari yakanga yakavapota. Vaiva magamba makuru omuzuva ravo—aityiwa, airemekedzwa, uye aionwa seasingakundiki.

Kunyange zvazvo vaNefirimi navanababa vavo ngirozi dzakanga dzaderera vangave vakava nomukurumbira mumaziso evavairarama navo, zvechokwadi vakanga vasina kukurumbira mukuona kwaMwari. Mararamiro avo aisemesa. Somugumisiro, Mwari akaita chiito pangirozi dzakatadza. Muapostora Petro akanyora kuti: “Mwari [haana] kurega kuranga ngirozi dzakaita chivi, asi, nokudzikandira muTatarosi, akadziisa kumakomba erima guru kuti dzichengeterwe kutongwa; uye haana kurega kuranga nyika yekare, asi akachengeta Noa, muparidzi wokururama, akachengeteka nevamwe vanomwe paakaunza boporodzi panyika yevanhu vasingadi Mwari.”—2 Petro 2:4, 5.

PaMafashamo enyika yose, ngirozi dzakapanduka dzakapfekenura miviri yevanhu ndokudzokera dzaderera munzvimbo yomudzimu. Mwari akadziranga nokusadzibvumira kupfekazve miviri yevanhu. VaNefirimi, vana vengirozi vaiva nesimba rinopfuura revanhu, vose vakafa. Noa nemhuri yake ndivo chete vakapukunyuka Boporodzi.

Varume Vane Mukurumbira Nhasi

Nhasi, twumwari uye vanamwari havachafambi panyika. Kunyange zvakadaro, chisimba chiri kuwedzera. Varume vane simba vanhasi vanopiwa mbiri mumabhuku, mumabhaisikopo, mumaterevhizheni, uye mumimhanzi. Zviri kure navo kutendeutsira rimwe dama pavanorohwa, kuda vavengi vavo, kutsvaka rugare, kukanganwira, kana kuti kusiya chisimba. (Mateu 5:39, 44; VaRoma 12:17; VaEfeso 4:32; 1 Petro 3:11) Asi, vanhu vamazuva ano vane simba vanoyemurwa nemhaka yesimba ravo nemano avo okurwa, okuzvitsivira, uye okukunda chisimba nechisimba chikuru. *

Maonero aMwari vanhu vakadaro haana kuchinja kubvira mumazuva aNoa. Jehovha haayemuri vanoda chisimba, kana kuvaraidzwa nemabasa avo ohugamba. Munyori wepisarema akaimba kuti: “Jehovha unoidza vakarurama; asi mweya wake unovenga wakaipa nounomanikidza.”—Pisarema 11:5.

Rudzi Rwesimba Rakasiyana

Akasiyana zvakakwana nevarume vane simba vanoita zvechisimba munhu ane mukurumbira ati amborarama Jesu Kristu, munhu worugare. Paaiva pasi pano haana kuita ‘chisimba.’ (Isaya 53:9) Vavengi vake pavakauya kuzomusunga mubindu reGetsemane, vateveri vake vaiva nemapakatwa. (Ruka 22:38, 47-51) Vangadai vakaumba mhomho inorwisa kuedza kumudzivirira kuti asaendeswe kuvaJudha.—Johani 18:36.

Chaizvoizvo, muapostora Petro akabudisa bakatwa rake kuti adzivirire Jesu, asi Jesu akati kwaari: “Dzorera bakatwa rako munzvimbo yaro, nokuti vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” (Mateu 26:51, 52) Hungu, chisimba chinobereka chisimba, seizvo nhau yevanhu yaratidza yaratidzazve. Kunze kwomukana wokuzvidzivirira nezvombo, Jesu aiva neimwe nzira yokuzvidzivirira nayo. Kuna Petro akatizve: “Unofunga kuti handigoni kukumbira Baba vangu kuti vandigovere panguva ino mapoka makuru engirozi anopfuura gumi nemaviri here?”—Mateu 26:53.

Pane kushandisa chisimba kana kuti dziviriro yengirozi, Jesu akabvuma kusungwa nevaya vakamuuraya. Nei? Chimwe chikonzero ndechokuti aiziva kuti nguva yakanga isati yasvika yokuti Baba vake vokudenga vagumise mabasa akaipa pasi pano. Pane kuti aise mamiriro acho ezvinhu mumaoko ake, Jesu akavimba naJehovha.

Uku kwaisava kushaya simba asi kuva nesimba guru romukati-kati. Jesu akaratidza kutenda kwakasimba kwokuti Jehovha aizogadzirisa zvinhu munguva uye munzira Yake pachake. Nemhaka yokuteerera kwake, Jesu akakwidziridzwa panzvimbo yakakurumbira yechipiri bedzi pana Jehovha pachake. Muapostora Pauro akanyora nezvaJesu kuti : “Akazvininipisa akava anoteerera kusvikira parufu, hungu, rufu padanda rokutambudzikira. Nokuda kwechikonzero ichochiwo Mwari akamukwidziridza kunzvimbo yepamusoro akamupa nomutsa zita riri pamusoro pemamwe mazita ose, kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame evari kudenga nevari pasi pano nevari pasi pevhu, uye kuti rurimi rwose runofanira kubvuma pachena kuti Jesu Kristu ndiShe kuti Mwari Baba vapiwe mbiri.”—VaFiripi 2:8-11.

Chipikirwa chaMwari Chokugumisa Chisimba

VaKristu vechokwadi vanofananidza upenyu hwavo vachitevera muenzaniso nedzidziso zvaJesu. Havayemuri kana kutevedzera varume venyika vane mukurumbira uye vane chisimba. Vanoziva kuti munguva yaJehovha yakakodzera, vanhu vakadaro vachaparadzwa nokusingaperi, zvechokwadi sezvakangoitwa vanhu vakaipa vomumazuva aNoa.

Mwari ndiye Musiki wepasi nowevanhu. Ndiyewo Changamire akakodzera. (Zvakazarurwa 4:11) Kana mutongi wevanhu ane chiremera chepamutemo chokuita zvisarudzo zvokutonga, Mwari anotova nechiremera chikuru chokuita kudaro. Kuremekedza kwake nheyo dzake pachake dzakarurama, nokuda kwakewo vaya vanomuda, zvichamugombedzera kugumisa uipi hwose nevaya vari kuhuita.—Mateu 13:41, 42; Ruka 17:26-30.

Izvi zvichatungamirira kurugare runogara narini pasi pano, rugare rwakavakirwa zvakasimba pakururamisira nokururama. Izvi zvakafanotaurwa muuprofita hunozivikanwa kwazvo nezvaJesu Kristu hunoti: “Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; umambo huchava pafudzi rake; zita rake richanzi: Unoshamisa, Gota, Mwari une simba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare. Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo, agare pachigaro choushe chaDhavhidhi napaushe hwake, ahusimbise ahutsigire nokururamisira nokururama kubva zvino kusvikira panguva isingaperi. Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.”—Isaya 9:6, 7.

Saka, nechikonzero chakanaka, vaKristu vanoteerera zano rakafuridzirwa rekare rinoti: “Usagodora munhu unomanikidza; usatevera kunyange nomumwe wemitoo yake. Nokuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha; asi une ukama navakarurama.”—Zvirevo 3:31, 32.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Vatambi vane chisimba vomumavhidhiyo emitambo akawanda uye esayenzi yemabhaisikopo yokunyepera kazhinji, vanoratidza unhu hwechisimba zvakatonyanya kwazvo.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]

VANHU VANE SIMBA VAMAZUVA ANO VANOYEMURWA NEMHAKA YESIMBA RAVO NEMANO OKUKUNDA CHISIMBA NECHISIMBA CHIKURU

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]

Alinari/Art Resource, NY