Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanakidzwa nokurava magazini eNharireyomurindi omunguva pfupi yakapfuura here? Kana wakadaro, ona kana ungapindura mibvunzo inotevera:

Chii chakaita kuti Krisimasi igamuchirwe nyore nyore muKorea?

Zvaidavirwa kare muKorea uye mune dzimwe nyika nezvamwari womukicheni aifungidzirwa kunzi aiuya nomuchimbini ounza zvipo muna December. Uyewo, Hondo yeNyika II yapera, varwi vokuUnited States vakapa vanhu zvipo noruyamuro kumachechi omunzvimbo iyoyo.—12/15, mapeji 4, 5.

Mukuzadzika kwaIsaya 21:8, “murindiri” upi uyo Mwari anaye munguva yedu?

VaKristu vakazodzwa nomudzimu, vari kushumira seboka romurindiri, vakachenjedza vanhu nezvezviitiko zvenyika zvinozadzika uprofita hweBhaibheri. Vakabatsirawo vadzidzi veBhaibheri kuziva uye kudzivisa dzidziso nemiitiro zvisiri zvepamagwaro.—1/1, mapeji 8, 9.

Va“Polish Brethren” vaiva vanaani?

Vaiva boka duku rechitendero romumazana emakore echi16 ne17 muPoland rakakurudzira kuomerera kuBhaibheri uye nokudaro rakaramba dzidziso dzechechi dzaiva dzakajairika, dzakadai soUtatu, kubhabhatidzwa kwevacheche, uye hero yomoto. Nokufamba kwenguva, vakatambudzwa zvikuru ndokumanikidzirwa kupararira mune dzimwe nyika.—1/1, mapeji 21-3.

Nei uprofita hweBhaibheri huchifanira kuvimbwa panzvimbo pokufanozivisa kwevaongorori vezvichaitika mberi kana kuti vazivi venyeredzi?

Vanhu vanozviti vaprofita vanoratidza kuva vasingavimbiki nokuti havateereri Jehovha uye Bhaibheri. Uprofita hweBhaibheri chete ndihwo hunogona kukubatsira kuziva kuti zviitiko zvinopinda sei muzvinangwa zvaMwari, zvichibatsira iwe pachako nemhuri yako nokusingaperi.—1/15, peji 3.

Humwe uchapupu hupi hunoratidza kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira?

Tinogona kuona migumisiro yokudzingwa kwaSatani mudenga. (Zvakazarurwa 12:9) Tiri kurarama munguva ya“mambo” wokupedzisira anotaurwa pana Zvakazarurwa 17:9-11. Nhamba yevaKristu vechokwadi vakazodzwa iri kuderera, asi zvinoratidzika kuti vamwe vavo vachave vachiri pasi pano panotanga kutambudzika kukuru.—1/15, mapeji 12, 13.

Bhuku raHabhakuki rakanyorwa rini, uye nei tichifanira kurifarira?

Bhuku iri reBhaibheri rakanyorwa munenge muna 628 B.C.E. Rine kutonga kwaJehovha pamusoro peJudha yekare uye Bhabhironi. Rinotaurawo kutonga kwaMwari kuchasvika nokukurumidza pagadziriro yakaipa yezvinhu iripo.—2/1, peji 9.

Ndepapi muBhaibheri patingawana zano raamai rokuchenjera nokuda kwevakadzi vakanaka?

Chitsauko chokupedzisira chebhuku raZvirevo, chitsauko 31, ndimo munowanikwa zano rakaisvonaka rakadaro.—2/1, mapeji 30, 31.

Nei tingava vanoonga kuti Jehovha akatiratidza “pfungwa dzaKristu”? (1 VaKorinde 2:16)

NeEvhangeri yakanyorwa, Jehovha akaita kuti tigone kudzidza pfungwa dzaKristu, kunzwa kwomukati, mabasa uye zvaaiisa pakutanga. Izvi zvingatibatsira kuva vakafanana naJesu zvikuru, kunyanya kusimbisa kwatinoita basa rokuparidza rinoponesa upenyu.—2/15, peji 25.

Mwari anopindura minyengetero here nhasi?

Hungu. Kunyange zvazvo Bhaibheri richiratidza kuti Mwari haapinduri minyengetero yose, zviitiko zvamazuva ano zvinoratidza kuti anowanzopindura vanhu vave vachinyengeterera kunyaradzwa uye kubatsirwa muzvinhu zvakadai sokugadzirisa zvinetso zvemhuri.—3/1, mapeji 3-7.

Chii chatingaita kuti tiwane simba raMwari?

Tinogona kurikumbira mumunyengetero, kutsvaka muBhaibheri nokuda kwesimba romudzimu, uye kusimbiswa nokusonganirana kwechiKristu.—3/1, mapeji 15, 16.

Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vabatsirwe zvikuru nemisangano yechiKristu?

Vangabatsira vana vavo kuti varambe vakasvinura, zvichida nokuvaita kuti vamboti rarei vasati vaenda kumisangano. Vana vangakurudzirwa kunyora “zvinonyorwa,” zvakadai sokuisa chiratidzo papepa nguva yoga yoga panoshandiswa mashoko kana kuti mazita avakajaira.—3/15, mapeji 17, 18.

Ndezvipi zvimwe zvinhu zvatingadzidza mumuenzaniso waJobho?

Jobho akaisa ukama hwake naMwari pakutanga, akanga asingasaruri mukubata nevamwe vanhu, akaedza kuva akavimbika kumukadzi wake, akava nehanya nokuti mhuri yake ive yomudzimu, uye akatsungirira nokutendeka mumuedzo.—3/15, mapeji 25-7.

Bhaibheri rine chiratidzo chakavigwa chinopa nzwisiso yemashoko akanyorwa here?

Kwete. Zvinotaurwa nezvechinganzi chiratidzo chakavigwa zvaigona kutaurwawo zvakafanana nezvemamwe mabhuku enyika. Zvinganzi zviratidzo zviri muBhaibheri zvaizoonekwa sezvisina basa nokusiyana kwezviperengo mumanyoro echiHebheru.—4/1, mapeji 30, 31.