Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Inzwa Zvinoda Kutaura Mudzimu

Inzwa Zvinoda Kutaura Mudzimu

Inzwa Zvinoda Kutaura Mudzimu

“Nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti: Heyi nzira, fambai nayo! kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.”—ISAYA 30:21.

1, 2. Munhau yose Jehovha akataura sei nevanhu?

CHITSUWA chePuerto Rico ndiwo musha weteresikopu yeredhiyo ine eriya imwe, yakakura kupinda dzimwe munyika yose uye inogona kunzwa kana karuzha kadiki-diki. Kwemakumi emakore, vasayendisiti vave vachitarisira kugamuchira mashoko omuchadenga, vachishandisa muchina uyu mukuru. Asi hapana mashoko akadaro ati ambogamuchirwa. Kunyange zvakadaro, zvinoshamisa kuti kune mashoko akajeka anobva kunze kwenzvimbo yevanhu ayo ani naani wedu anogona kuwana chero nguva ipi—pasina kushandisa muchina wakaoma. Iwaya anobva kuNzvimbo yakakwirira zvikuru kupfuura nzvimbo yomuchadenga chero ipi inofungidzirwa. Mashoko iwayo anobva kuna ani, uye ndiani anoagamuchira? Mashoko acho anoti kudii?

2 Chinyorwa cheBhaibheri chine nhoroondo dzinoverengeka dzenguva apo mashoko anobva kuna Mwari akaitwa kuti anzwike nenzeve dzevanhu. Dzimwe nguva mashoko aya aiunzwa nezvisikwa zvomudzimu zvinoshanda savatumwa vaMwari. (Genesi 22:11, 15; Zekaria 4:4, 5; Ruka 1:26-28) Katatu, inzwi raJehovha pachake rakanzwika. (Mateu 3:17; 17:5; Johani 12:28, 29) Mwari akataurawo achishandisa vanhu vaiprofita, vakawanda vacho vainyora zvaakavafuridzira kuti vataure. Nhasi, tine Bhaibheri, rine zvakanyorwa zvemashoko aya akawanda, uyewo dzidziso dzaJesu nevadzidzi vake. (VaHebheru 1:1, 2) Zvechokwadi Jehovha ave achitumira mashoko kuzvisikwa zvake zviri vanhu.

3. Chii chiri chinangwa chemashoko aMwari, uye isu tinotarisirwa kuitei?

3 Mashoko ose aya akafuridzirwa anobva kuna Mwari anozivisa zvishoma nezvezvose zvakasikwa zvinoonekwa. Anosimbisa zvinhu zvinokosha zvikuru, zvine zvazvinoreva muupenyu hwedu iye zvino uye munguva yemberi. (Pisarema 19:7-11; 1 Timoti 4:8) Jehovha anoashandisa kutaura kuda kwake uye kutipa nhungamiro yake. Iko ndeimwe nzira iyo mashoko omuprofita Isaya ari kuzadzika nawo anoti: “Nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti: Heyi nzira, fambai nayo! kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.” (Isaya 30:21) Jehovha haatimanikidzi kuti titeerere “shoko” rake. Zviri kwatiri kuti titevere nhungamiro yaMwari ndokufamba munzira yake. Nokuda kwechikonzero ichocho Magwaro anotirayira kuti titeerere mashoko anobva kuna Jehovha. Mubhuku raZvakazarurwa, kukurudzira kwokuti ti“nzwe zvinotaura mudzimu” kunowanikwa kanomwe.—Zvakazarurwa 2:7, 11, 17, 29; 3:6, 13, 22.

4. Zvine pfungwa here muzuva redu kuti titarisire kuti Mwari ataure zvakananga ari kudenga?

4 Nhasi, Jehovha haatauri nesu zvakananga kubva munzvimbo yokudenga. Kunyange munguva inotaurwa muBhaibheri, uku kutaura kusiri kwevanhu kwaisawanzoitika, dzimwe nguva kuchisiyana nemazana emakore. Munhau yose, Jehovha ave achitaura kakawanda zvikuru nevanhu vake munzira dzisina kunanga zvikuru. Zvakadaro ndizvo zvinoitika muzuva redu. Ngatikurukurei nzira nhatu idzo Jehovha anotaura nesu nhasi.

“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa”

5. Ndechipi chishandiso chikuru chaMwari chokukurukurirana, uye tingabetserwa sei nacho?

5 Chishandiso chikuru chokukurukurirana kwaMwari nevanhu iBhaibheri. Rakafuridzirwa naMwari, uye zvose zviri mariri zvingava zvinotibatsira. (2 Timoti 3:16) Bhaibheri rakazara nemienzaniso yevanhu chaivo vaishandisa rusununguko rwavo pakusarudza kana vaida kuteerera inzwi raJehovha kana kuti kwete. Mienzaniso yakadaro inotiyeuchidza chikonzero nei zvichikosha kuteerera zvinotaura mudzimu waMwari. (1 VaKorinde 10:11) Bhaibheri rinewo uchenjeri hunoshanda, richitipa zano renguva dzatinotarisana nezvisarudzo muupenyu. Zvinoita sokunge kuti Mwari ari shure kwedu, achititaurira munzeve dzedu mashoko okuti: “Heyi nzira, fambai nayo!”

6. Nei Bhaibheri richikosha zvakanyanya kupfuura mamwe mabhuku ose?

6 Kuti tinzwe zvinotaura mudzimu nomumapeji eBhaibheri, tinofanira kurirava nguva nenguva. Bhaibheri harisiri chete bhuku rakanyatsonyorwa, rakakurumbira, rimwe reakawanda anowanikwa nhasi. Bhaibheri rakafuridzirwa nomudzimu uye rine pfungwa dzaMwari. VaHebheru 4:12 inoti: “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rakapinza kupfuura bakatwa ripi neripi rinocheka nekwose uye rinobaya kusvikira panoparadzana mweya nomudzimu, nemapfundo nemwongo yawo, uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro dzemwoyo.” Sezvatinorava Bhaibheri, zviri mukati maro zvinobaya mupfungwa dzedu nevavariro sebakatwa, richiratidza kuti upenyu hwedu hunoenderana nokuda kwaMwari zvakadini.

7. Nei kurava Bhaibheri kuchikosha, uye tinokurudzirwa kuita kudaro kakawanda sei?

7 “Kufunga nevavariro dzemwoyo” zvinogona kuchinja nokufamba kwenguva uye sezvatinotapurwa nezvinoitika zvedu zvoupenyu—zvakanaka uye zvakaoma. Kana tisingarambi tichidzidza Shoko raMwari, pfungwa dzedu, maitiro, uye manzwire atinoita hazvizorambi zvichienderana nenheyo dzaMwari. Saka, Bhaibheri rinotirayira kuti: “Rambai muchiedza kana muri mukutenda, rambai muchiedza zvamuri.” (2 VaKorinde 13:5) Kana tichizoramba tichinzwa zvinotaura mudzimu, tinofanira kuteerera zano rokurava Shoko raMwari zuva nezuva.—Pisarema 1:2.

8. Mashokoi omuapostora Pauro anotibetsera kuzviongorora maererano nokurava Bhaibheri?

8 Chimwe chiyeuchidzo chinokosha chevaravi veBhaibheri ndeichi: Bvumira nguva yakakwana yokufungisisa zvaunorava! Mukuedza kuita maererano nezano rokurava Bhaibheri mazuva ose, hatizodi kuzviwana tichimhanya muzvitsauko zvinoverengeka tisinganzwisisi zvatinorava. Nepo kurava Bhaibheri nguva dzose kuchikosha, vavariro yedu haifaniri kungova yokuenderana nepurogiramu; tinofanira kuva nechido chechokwadi chokudzidza nezvaJehovha nezvinangwa zvake. Munhau iyi, tingashandisa zvakanaka mashoko aya omuapostora Pauro kuti tizviongorore. Achinyorera vamwe vake vaiva vaKristu, akati: “Ndinopfugamira Baba, kuti . . . akubvumirei . . . kuti Kristu agare mumwoyo menyu nokutenda kwenyu norudo; kuti mudzike midzi uye musimbiswe panheyo, kuti mukwanise kwazvo kunzwisisa nevatsvene vose kuti kufara nokureba nokukwirira nokudzika chii, uye kuti muzive rudo rwaKristu runopfuura zivo, kuti muzadzwe nokuzara kwose kunopiwa naMwari.”—VaEfeso 3:14, 16-19.

9. Tingashandira uye tingaita sei kuti chido chedu chokudzidza kubva kuna Jehovha chikure?

9 Chokwadi, vamwe vedu nomuzvarirwo hatinakidzwi nokurava, nepo vamwe vari varavi vanodisisa. Zvisinei, pasinei zvapo nemafungiro atinoita somunhu oga, tinogona kushandira uye kuita kuti chido chedu chokudzidza kubva kuna Jehovha chikure. Muapostora Petro akatsanangura kuti tinofanira kupanga zivo yeBhaibheri, uye akaziva kuti chido chakadaro chingafanira kukudziridzwa. Akanyora kuti: “Sevacheche vachangobva kuberekwa, pangai mukaka usina kushatiswa weshoko, kuti nawo mukure muzoponeswa.” (1 Petro 2:2) Kuzviranga kunokosha kana tichizo“panga” kudzidza Bhaibheri. Sokungotanga kwatingaita kuda zvokudya zvitsva pashure pokuzviravira kanoverengeka, maonero atinoita kurava nokudzidza angachinja kuva ari nani kana tichizviranga kuti titevere muitiro wenguva dzose.

“Zvokudya . . . Panguva Yakafanira”

10. Ndivanaani vanoumba “muranda akatendeka, akangwara,” uye Jehovha ari kuvashandisa sei nhasi?

10 Imwe nzira inoshandiswa naJehovha kutaura nesu nhasi inoziviswa naJesu pana Mateu 24:45-47. Ipapo akataura nezveungano yevaKristu vakazodzwa nomudzimu—“muranda akatendeka, akangwara” akagadzwa kuti agovere “zvokudya [zvomudzimu] panguva yakafanira.” Somunhu oga, nhengo dzeboka iri ndivo “veimba” yaJesu. Ivava, pamwe ne“boka guru revanhu” re“mamwe makwai,” vanowana kurudziro nenhungamiro. (Zvakazarurwa 7:9; Johani 10:16) Zvakawanda zvezvokudya izvi panguva yakafanira zvinouya semabhuku akadhindwa, akadai seNharireyomurindi, Mukai!, nemamwe mabhuku. Zvokudya zvomudzimu zvokuwedzera zvinoparadzirwa sehurukuro nemienzaniso pakokorodzano, magungano, uye misangano yeungano.

11. Tinoratidza sei kubvuma zvinotaura mudzimu uchishandisa “muranda akatendeka, akangwara”?

11 Mashoko anogoverwa no“muranda akatendeka, akangwara” akagadzirirwa kusimbisa kutenda kwedu ndokurovedza masimba edu okunzwisisa. (VaHebheru 5:14) Zano rakadaro ringashanda kumunhu wose kuti ribvumire mumwe nomumwe kurishandisa somunhu oga. Nguva nenguva, tinogamuchirawo zano rinobata nezvinhu zvakananga zvomufambiro wedu. Tinofanira kuva nemafungiro akadini kana tichinyatsoteerera zvinotaura mudzimu uchishandisa boka romuranda? Muapostora Pauro anopindura achiti: “Teererai avo vari kukutungamirirai, muzviise pasi.” (VaHebheru 13:17) Chokwadi, vose vanobatanidzwa mugadziriro iyi vanhu vasina kukwana. Zvisinei, Jehovha anofarira kushandisa vanhu vari vashumiri vake, kunyange vasina kukwana, kuti vatitungamirire munguva ino yomugumo.

Nhungamiro Inobva Muhana Yedu

12, 13. (a) Chii chimwe chinotitungamirira chatakapiwa naJehovha? (b) Hana ingapesvedzera zvakanaka sei kunyange pavanhu vasina zivo yakarurama yeShoko raMwari?

12 Jehovha akatipa chimwe chinhu chinotitungamirira—hana yedu. Akasika munhu ane pfungwa yomukati yezvakarurama nezvisina kururama. Ndohumwe hunhu hwedu. Mutsamba yake kuvaRoma, muapostora Pauro akatsanangura kuti: “Nguva yose apo vanhu vemamwe marudzi vasina mutemo vanoita nenzira yokusikwa nayo zvinhu zvomutemo, vanhu ava, kunyange vasina mutemo, ivo mutemo pachavo. Ivo ndivo vanoratidza zvomutemo kuti zvakanyorwa mumwoyo mavo, hana yavo painenge ichipupurirana navo uye, pakati pezvavanofunga, vari kupiwa mhosva kana kuti kunyange kupembedzwa.”—VaRoma 2:14, 15.

13 Vakawanda vanoziva Jehovha vanogona, pamwero wakati, kufunga uye kuita maererano nenheyo dzaMwari dzezvakarurama nezvisina kururama. Zvinoita sokuti vari kunzwa inzwi romukati riri pasi pasi riri kuvatungamirira mugwara rakarurama. Kana izvi zvingava zvechokwadi nezvevaya vasina zivo yakarurama yeShoko raMwari, inzwi iroro romukati rinofanira kutaura zvakanyanya sei kuvaKristu vechokwadi! Zvechokwadi, hana yomuKristu yakanatswa nezivo yakarurama yeShoko raMwari uye iyo inoshanda maererano nomudzimu mutsvene waJehovha ingagovera nhungamiro yakavimbika.—VaRoma 9:1.

14. Hana yakarovedzwa neBhaibheri ingatibetsera sei kutevera nhungamiro yomudzimu waJehovha?

14 Hana yakanaka, iyo yakarovedzwa neBhaibheri, ingatiyeuchidza nezvenzira iyo mudzimu unoda kuti tifambe. Pangava nenguva apo Magwaro kana kuti mabhuku edu eBhaibheri anotsinhira zvakananga pane mamwe mamiriro ezvinhu akati atingazviwana tiri. Kunyange zvakadaro, hana yedu ingatinyevera, ichitiyambira pane imwe nzira ingangokuvadza. Muzviitiko zvakadaro, kurega kuteerera zvinorayirwa nehana yedu, chaizvoizvo, kungareva kurega kuteerera zvinotaurwa nomudzimu waJehovha. Ukuwo, nokudzidza kuvimba nehana yedu yechiKristu yakarovedzwa, tingaita zvisarudzo zvakanaka kunyange kana pasina nhungamiro yakananga yakanyorwa. Zvisinei, zvinokosha kugara tichifunga kuti kana pasina nheyo, murayiro, kana kuti mutemo zvakagoverwa naMwari, zvaizova zvisina kukodzera kumanikidza vaKristu vatinonamata navo kuti vabvume zvisarudzo zvehana yedu pachedu panhau dzinongova dzomunhu oga.—VaRoma 14:1-4; VaGaratiya 6:5.

15, 16. Chii chingaita kuti hana yedu isashanda zvakanaka, uye tingadzivisa sei izvozvo kuti zvisaitika?

15 Hana yakachena, yakarovedzwa neBhaibheri chipo chakanaka chinobva kuna Mwari. (Jakobho 1:17) Asi tinofanira kudzivirira chipo ichi papesvedzero dzinoshatisa kana chichizoshanda zvakanaka sechinhu chokuchengetedza tsika. Tsika dzomunharaunda, magamuchidzanwa, uye miitiro zvinorwisana nezvinodiwa naMwari, kana zvikatevedzerwa, zvingakonzera kuti hana yedu isashanda zvakanaka uye ikundikane kutiita kuti tifambe mugwara rakarurama. Tingaratidza kuti hatikwanisi kusarudza nhau zvakarurama uye tingatozvinyengedza kuti tifunge kuti chiito chakaipa chakanaka chaizvoizvo.—Enzanisa naJohani 16:2.

16 Kana tikaramba tichirega kuteerera kunyevera kunoita hana yedu, inzwi rayo richaramba richiderera kusvikira tagomara mutsika kana kuti tisingachanzwi. Munyori wepisarema akataura nezvevanhu vakadaro paakati: “Mwoyo wavo wakakora samafuta.” (Pisarema 119:70) Vamwe vanorega kurova kwehana yavo vanorasikirwa nemano okufunga zvakanaka. Havachatungamirirwi nenheyo dzaMwari uye havakwanisi kuita zvisarudzo zvakarurama. Kuti tidzivise mamiriro ezvinhu akadaro, tinofanira kuva vanonzwa kutungamirira kwehana yedu yechiKristu kunyange kana nhau yacho ichiita seduku.—Ruka 16:10.

Vanofara Ndevaya Vanonzwa uye Vanoteerera

17. Sezvatinoteerera ‘shoko riri shure kwedu’ ndokuteerera hana yedu yakarovedzwa neBhaibheri, tichakomborerwa sei?

17 Sezvatinotanga muiitiro wokuteerera ‘shoko riri shure kwedu’—sezvarinogoverwa nomuMagwaro uye muranda akatendeka uye akangwara—uye sezvatinoteerera zviyeuchidzo zvehana yedu yakarovedzwa neBhaibheri, Jehovha achatikomborera nomudzimu wake. Mudzimu mutsvene uchawedzerawo mano edu okugamuchira ndokunzwisisa zvatinoudzwa naJehovha.

18, 19. Nhungamiro yaJehovha ingatibetsera sei muushumiri hwedu uye muupenyu hwedu somunhu oga?

18 Mudzimu waJehovha uchatiitawo kuti tisatya kutarisana nemamiriro ezvinhu akaoma nokuchenjera uye nokushinga. Somuchiitiko chevaapostora, mudzimu waMwari ungamutsa masimba edu okufunga ndokutibetsera nguva dzose kuita nokutaura maererano nenheyo dzeBhaibheri. (Mateu 10:18-20; Johani 14:26; Mabasa 4:5-8, 13, 31; 15:28) Kubatana kwomudzimu waJehovha nokuedza kwedu somunhu oga kuchatiita kuti tibudirire sezvatinoita zvisarudzo zvinokosha muupenyu, zvichitipa ushingi hwokupfuurira pazvisarudzo izvozvo. Somuenzaniso, ungave uchifunga kugadzirisa mararamire ako kuti uve nenguva yakawanda yezvinhu zvomudzimu. Kana kuti ungatarisana nezvisarudzo zvinokosha, zvinochinja upenyu, zvakadai sokusarudza wokuroorana naye, kufungisisa nezvebasa rauri kupiwa, kana kuti kutenga imba. Pane kubvumira manzwire atinoita kuti ave ndiwo oga pakuita kwedu zvisarudzo, tinofanira kuteerera zvinoda kutaura mudzimu waMwari uye kushanda maererano nenhungamiro yawo.

19 Tinoonga zvechokwadi zviyeuchidzo zvomutsa uye zano ratinowana kuvaKristu vatinonamata navo, kusanganisira vakuru. Zvisinei, hatifaniri kumirira kuti vamwe vatiudze zvinhu nguva dzose. Kana tichiziva nzira yakanaka yokutevera uye kuchinja kwatinofanira kuita mumafungiro edu uye mufambiro kuti tifadze Mwari, ngatiitei chimwe chinhu. Jesu akati: “Kana muchiziva zvinhu izvi, munofara kana muchizviita.”—Johani 13:17.

20. Chikomboreroi chinouya kune vaya vanoteerera ‘shoko riri shure kwavo’?

20 Zviri pachena kuti, kuti vazive mafadzire avangaita Mwari, vaKristu havafaniri kunzwa inzwi chairo kubva kudenga, uye havafaniri kushanyirwa nengirozi. Vakakomborerwa nokuva neShoko raMwari rakanyorwa uye nhungamiro yorudo inopiwa pachishandiswa boka rake revakazodzwa vari pasi pano. Kana vakanyatsoteerera ‘shoko riri shure kwavo’ iri ndokutevera nhungamiro yehana yavo yakarovedzwa neBhaibheri, vachabudirira kuita kuda kwaMwari. Ipapo vachaona zvechokwadi kuzadzika kwechipikirwa chomuapostora Johani chokuti: “Uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Johani 2:17.

Kudzokorora Kupfupi

• Nei Jehovha achitaura nevanhu vake vaakasika?

• Tingabetserwa sei nepurogiramu yokurava Bhaibheri nguva dzose?

• Tinofanira kuita sei kunhungamiro inobva kuboka romuranda?

• Nei tisingafaniri kurega kuteerera zvinorayirwa nehana yakarovedzwa neBhaibheri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Munhu haadi muchina wakaoma kuti agamuchire mashoko anobva kuna Mwari

[Kwazvakatorwa]

Courtesy Arecibo Observatory/David Parker/Science Photo Library

[Mufananidzo uri papeji 15]

Jehovha anotaura nesu nomuBhaibheri uye achishandisa “muranda akatendeka, akangwara”