Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Mukuru Kune Mwoyo Yedu

Jehovha Mukuru Kune Mwoyo Yedu

Jehovha Mukuru Kune Mwoyo Yedu

“JEHOVHA anofara navanomutya,” akanyora kudaro munyori wepisarema. Zvechokwadi, Musiki anofara kucherechedza mumwe nomumwe wevanhu vake vanomushumira sezvavanoedza kutsigira zvinodiwa naye zvakarurama. Jehovha anokomborera vakavimbika vake, anovakurudzira, uye anovanyaradza munguva dzokupera mwoyo. Anoziva kuti vanamati vake havana kukwana, saka anoona pane zvaanotarisira kwavari sezvazviri.—Pisarema 147:11.

Tingava tisinganetseki nokutenda kuti Jehovha anoda zvikuru vashumiri vake vose zvavo. Zvisinei, vamwe vanenge vanonyanyofunga nezvezvikanganiso zvavo pachavo zvokuti vanotenda kuti Jehovha haambofi akavada. “Kusakwana kwangu kwakanyanya zvokuti Jehovha haangandidi,” vangagumisa kudaro. Zvechokwadi, tose zvedu tinombofunga zvisina kunaka nguva nenguva. Asi vamwe vanenge vanogara vachirwisana nokunzwa vasingakoshi.

Kunzwa Kuora Mwoyo

Munguva inotaurwa muBhaibheri vanhu vakatendeka vanoverengeka vakanzwa vakaora mwoyo zvikuru. Jobho akavenga upenyu uye akafunga kuti Mwari akanga amusiya. Hana, uyo akava amai vaSamueri, pane imwe nguva akaora mwoyo kwazvo nemhaka yokusava kwake nomwana uye akachema kwazvo. Dhavhidhi aka“kotamiswa kwazvo,” uye Epafurodhito akasuruvara nokuti shoko rokurwara kwake rakatambudza hama dzake.—Pisarema 38:6; 1 Samueri 1:7, 10; Jobho 29:2, 4, 5; VaFiripi 2:25, 26.

Zvakadini nevaKristu nhasi? Zvichida kurwara, kukwegura, kana kuti mamwe mamiriro ezvinhu omunhu oga zvinodzivisa vamwe kuita zvakawanda sezvavaizoda kuita mubasa dzvene. Izvi zvingavaita kuti vafunge kuti vari kutadzira Jehovha uye vavanotenda navo. Kana kuti vamwe vangaramba vachizvipa mhosva nokuda kwezvikanganiso zvavo zvekare, vasina chokwadi chokuti Jehovha avakanganwira. Zvichida vamwe vanobva mumamiriro ezvinhu emhuri akaoma vanofunga kuti havatombokodzeri kudiwa. Izvi zvingadaro sei?

Vamwe vanokurira mumhuri umo pfungwa yakakurumbira isiri iya yorudo asi youdyire, yokutsvinya, uye yokutya. Vangasafa vakaziva baba anonyatsovada, vanotsvaka mikana yokurumbidza neyokukurudzira, vanofuratira mhaka duku uye vakagadzirira kukanganwira kunyange zvikanganiso zvakatonyanya kukura, uye vane ushamwari hunoita kuti mhuri yose inzwe yakachengeteka. Sezvo vasina kumbova nababa vane rudo vepano pasi, vangawana zvakaoma kunzwisisa zvazvinoreva kuva naBaba vokudenga vane rudo.

Somuenzaniso, Fritz anonyora kuti: “Uduku hwangu nenguva yokuyaruka zvakachinjwa kwazvo nounhu hwababa vangu hwaisava norudo. * Hapana pavaimborumbidza, uye handina kumbonzwa ndiri pedyo navo. Chokwadi ndechokuti, nguva yakawanda, ndaivatya.” Somugumisiro, Fritz, zvino ane makore okuma50, achiri kunzwa achiperevedza. Uye Margarette anotsanangura kuti: “Vabereki vangu vaiva vasina ushamwari norudo. Pandakatanga kudzidza Bhaibheri, ndaiomerwa nokufungidzira zvakaita baba vane rudo.”

Kunzwa kwakadaro, nemhaka yechikonzero chero chipi zvacho, kungareva kuti dzimwe nguva basa ratinoitira Mwari ringakonzerwa zvikurukuru kwete norudo, asi pamwero mukuru nokunzwa une mhosva kana kuti kutya. Zvakanakisisa zvedu hazvimbofi zvakaita sezvakakwana. Kuda kufadza Jehovha nevatinotenda navo kungatiita kuti tinzwe setisingagoni kuita zvose zvatinoda kuita. Somugumisiro, tingakundikana kusvika patinovavarira, tingazvipa mhosva, ndokunzwa taodzwa mwoyo kwazvo.

Chii chingaitwa? Zvichida tinoda kuzviyeuchidza kuti Jehovha ane tsiye nyoro sei. Mumwe munhu akanzwisisa unhu uhwu hwaMwari hworudo aiva muapostora Johani.

“Mwari Mukuru Kune Mwoyo Yedu”

Pakupera kwezana remakore rokutanga C.E., Johani akanyorera vaaitenda navo kuti: “Neizvi tichaziva kuti tinobva muchokwadi, uye tichasimbisa mwoyo yedu pamberi pake pamusoro pezvinhu zvose mwoyo yedu ingatipa mhosva mazviri, nokuti Mwari mukuru kune mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvose.” Johani akanyorerei mashoko aya?—1 Johani 3:19, 20.

Johani ainyatsoziva kuti zvaibvira kuti mushumiri waJehovha anzwe ane mhosva mumwoyo. Zvichida Johani pachake akanga ava nemanzwiro akadaro. Sejaya raiva nounhu hwokukurumidza kutsamwa, Johani aigaroruramiswa naJesu Kristu nemhaka yokuva anonyanyoshora mukubata nevamwe. Chaizvoizvo, Jesu akapa Johani naJakobho munun’una wake “zita rokuti Bhoanajisi, rinoreva kuti Vanakomana Vamabhanan’ana.”—Mako 3:17; Ruka 9:49-56.

Mumakore 60 akatevera, Johani akava munyoro ndokuva muKristu anofunga zvakanaka, ane rudo, neane ngoni. Panguva yaakanyora tsamba yake yokutanga yakafuridzirwa somuapostora wokupedzisira akanga achiri kurarama, aiziva kuti Jehovha haapi mushumiri wake mumwe nomumwe mhosva nokuda kwemhaka duku. Asi, iye ndiBaba vane ushamwari, vane tsiye nyoro, vane rupo, vane tsitsi, vanoda kwazvo vose vanovada uye vanovanamata muchokwadi. Johani akanyora kuti: “Mwari rudo.”—1 Johani 4:8.

Jehovha Anofara Pane Zvatinomuitira

Jehovha anoziva kuperevedza kwedu kwatakazvarwa nakwo nezvikanganiso zvedu, uye anofunga nezvazvo. “Iye anoziva chatakaitwa nacho, anorangarira kuti tiri guruva,” akanyora kudaro Dhavhidhi. Jehovha anoziva kuti makurire atakaita ane simba rakadini rokutiita kuti tive zvatiri. Chaizvoizvo, anotiziva zviri nani zvikuru kupfuura maziviro atinozviita.—Pisarema 103:14.

Anoziva kuti vakawanda vedu taizoda kuva vakasiyana nezvatiri, asi hatigoni kukurira kusakwana kwedu. Mamiriro edu ezvinhu angaenzaniswa neaya omuapostora Pauro, akanyora kuti: “Zvakanaka zvandinoda handizviiti, asi zvakaipa zvandisingadi ndizvo zvandinoita.” Tose zvedu tinobatanidzwa muhondo yakafanana. Mune zvimwe zviitiko izvozvi zvingaita kuti tigume tava nemwoyo unozvipa mhosva.—VaRoma 7:19.

Yeuka izvi nguva dzose: Chinokosha zvikuru kupfuura maonero atinozviita kuti Jehovha anotiona sei. Nguva ipi neipi paanoona tichiedza kumufadza, haangokugutsikani chete asi anofara. (Zvirevo 27:11) Kunyange zvazvo zvatinoita zvingaita sezvishoma mumaziso edu pachedu, kuda kwedu uye vavariro yakanaka zvinomufadza. Anotarisa zvinopfuura zvatinoita; anonzwisisa zvatinoda kuita; anoziva zvatinoshuva nezvatinoda. Jehovha anogona kuziva zviri pamwoyo wedu.—Jeremia 12:3; 17:10.

Somuenzaniso, vakawanda veZvapupu zvaJehovha nomuzvarirwo vanotya uye vakanyararisa vanhu vanosarudza kuita sevasipo. Kune vakadaro, kuparidza mashoko akanaka paimba neimba kungava basa rinotyisa. Asi, vachikurudzirwa nokuda kushumira Mwari uye kubetsera muvakidzani wavo, kunyange vachitya zvakadaro vanodzidza kuenda kuvavakidzani vavo ndokutaura nezveBhaibheri. Vangafunga kuti vanoita zvishoma, uye izvi zvingaita kuti vasave nomufaro wavo. Mwoyo wavo ungavaudza kuti ushumiri hwavo hwepachena haukoshi. Asi Jehovha anofara zvechokwadi nokushingaira zvikuru kunoitwa nevakadaro mubasa ravo. Uyezve, havagoni kuva nechokwadi kuti ndirini uye ndokupi uko mbeu dzechokwadi dzinenge dzadyarwa dzichamera, dzichakura, uye dzichabereka zvibereko.—Muparidzi 11:6; Mako 12:41-44; 2 VaKorinde 8:12.

Zvimwe Zvapupu zvinotambura zvinetso zvoutano zvenguva refu kana kuti zviri kukwegura. Kwavari, kupinda misangano nguva dzose paHoro yoUmambo kungateverwa nemarwadzo uye kufunganya. Kuteerera hurukuro yebasa rokuparidza kungavayeuchidza zvavaimboita uye zvavachiri kuda kuita, kunyange zvazvo vangavhiringidzwa noundonda. Vakadaro vanganzwa marwadzo okuva nemhosva nemhaka yokuti havagoni kutevedzera zano sezvavaizoda kuita zvikuru. Asi, Jehovha anokoshesa zvechokwadi kuvimbika kwavo uye kutsungirira. Chero bedzi vachiramba vakavimbika, haambofi akakanganwa chinyorwa chavo chokutendeka.—Pisarema 18:25; 37:28.

“[Ku]simbisa Mwoyo Yedu”

Johani paakazokwegura, anofanira kuva akanzwisisa zvakawanda nezvokuva kwaMwari netsiye nyoro. Yeuka kuti akanyora izvi: “Mwari mukuru kune mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvose.” Uyezve, Johani akatikurudzira ku“simbisa mwoyo yedu.” Johani airevei nemashoko iwayo?

Maererano neduramazwi rinonzi Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words, chiito chechiGiriki chakashandurwa kuti “simbisa” chinoreva “kushandisa kunyengetedza, kubudirira kana kuti kushamwaridzana, kunyengetedza.” Nemamwe mashoko, kuti tisimbise mwoyo wedu, tinofanira kushamwaridzana nemwoyo wedu, kuunyengetedza kuti utende kuti Jehovha anotida. Sei?

Fritz, ambotaurwa munyaya ino, ave achishumira somukuru mune imwe yeungano dzeZvapupu zvaJehovha kwemakore anopfuura 25 uye akawana kuti fundo yomunhu oga inogona kuvimbisazve mwoyo wake kuti Jehovha anotida. “Ndinodzidza Bhaibheri nemabhuku edu nguva dzose uye nokungwarira. Izvi zvinondibetsera kuti ndisagare ndichifunga nezvezvakaitika kare asi kuti ndirambe ndichiona zvakajeka remangwana redu rinoshamisa. Dzimwe nguva, zvandakaita kare zvinondirwadza, uye ndinonzwa kuti Mwari haambofi akandida. Asi, kakawanda, ndinowana kuti kufunda nguva dzose kunosimbisa mwoyo wangu, kunowedzera kutenda kwangu, uye kunondibetsera kuti ndirambe ndichifara uye ndichifunga zvakanaka.”

Chokwadi, kurava Bhaibheri nokufungisisa kungasachinja mamiriro edu ezvinhu chaiwoiwo. Asi, kungachinja maonero atinoita mamiriro edu ezvinhu. Kupinza pfungwa dzinobva muShoko raMwari mumwoyo yedu kunotibetsera kufunga sezvaanoita. Uyezve, kudzidza kunotibetsera kukura mukunzwisisa kuva kwaMwari netsiye nyoro. Tingabvuma zvishoma nezvishoma kuti Jehovha haatipi mhosva nokuda kwemakurire atakaita tichiri vana, uye haatipi mhosva nokuda kwoundonda hwedu. Anoziva kuti mitoro inotakurwa nevakawanda vedu—ingava yomupfungwa kana kuti yomuviri—kakawanda haina kukonzerwa nesu pachedu, uye anofunga nezveizvi norudo.

Zvakadini naMargarette, ambodudzwa? Paakasvika pakuziva Jehovha, kudzidza Bhaibheri kwakamubetserawo kwazvo. Iye, kufanana naFritz, aifanira kudzokorora maonero aaiita Baba. Munyengetero wakabetsera Margarette kubatanidza zvaakadzidza nokufunda. “Chokutanga ndakaona Jehovha seshamwari yepedyo, sezvo ndaiziva zvakawanda nezveshamwari dzine rudo kupfuura baba vane rudo. Zvishoma nezvishoma, ndakadzidza kudurura manzwiro angu, kusava kwangu nechokwadi, kufunganya, uye zvinetso zvangu kuna Jehovha. Ndaitaura ndataurazve naye mumunyengetero, panguva iyoyo ndichibatanidza zvinhu zvose zvitsva zvandaidzidza pamusoro, sechinhu chinogadzirwa nezvidimbu zvakasiyana-siyana zvine mavara akasiyana-siyana. Pashure penguva yakati, manzwiro andaiita nokuda kwaJehovha akakura kusvikira pakuti zvino handichanyanyi kunetseka kumuona saBaba vangu vane rudo,” anodaro Margarette.

Kusunungurwa Mukufunganya Kwose

Chero bedzi gadziriro ino yezvinhu yakaipa, yekare iripo, hapana angatarisira kusununguka mukufunganya. Nokuda kwevamwe vaKristu izvi zvinoreva kuti kunzwa kwokufunganya kana kuti kusava nechokwadi somunhu oga kungatanga kuvapozve ndokukonzera kusuruvara. Asi tinogona kuvimbiswa kuti Jehovha anoziva vavariro yedu yakanaka uye kushanda zvakaoma kwatinoita mubasa rake. Haazofi akakanganwa rudo rwatinoratidza nokuda kwezita rake.—VaHebheru 6:10.

Mupasi idzva riri kuuya pasi poUmambo hwaMesiya, vanhu vose vakatendeka vanogona kutarisira kusunungurwa pamitoro yegadziriro yaSatani. Kuchava kusunungurwa kwakadini! Zvadaro tichaona uchapupu hwakatowanda hwokuti Jehovha ane tsiye nyoro sei. Kutozosvikira panguva iyoyo, tose ngativimbiswe kuti “Mwari mukuru kune mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvose.”—1 Johani 3:20.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Mazita akachinjwa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]

Jehovha haasi munhu anoshandisa simba rake zvisina kunaka asi Baba vane ushamwari, tsiye nyoro, uye tsitsi

[Mufananidzo uri papeji 31]

Kudzidza Shoko raMwari kunotibetsera kufunga sezvaanoita