Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuonga Jehovha—Nebasa Renguva Yakazara!

Kuonga Jehovha—Nebasa Renguva Yakazara!

Nyaya Youpenyu

Kuonga Jehovha—Nebasa Renguva Yakazara!

YAKATAURWA NASTANLEY E. REYNOLDS

Ndakazvarirwa muLondon, kuEngland, muna 1910. Hondo Yenyika I yapera, vabereki vangu vakatamira kumusha muduku weWiltshire unonzi Westbury Leigh. Sekakomana, ndaiwanzoshamisika kuti, ‘Mwari Ndiani?’ Hapana aigona kumbondiudza. Uye handina kugona kuziva kuti nei nzanga duku yakadai seyedu yaida makamuri maviri okunamatira uyewo chechi yokunamatira Mwari.

MUNA 1935, makore mana Hondo Yenyika II isati yatanga, ini nomunun’una wangu Dick, takachovha bhasikoro kuenda kuWeymouth iri kumhenderekedzo yokumaodzanyemba kweEngland kunozorora tichigara mutende. Sezvatakanga takagara mutende yedu tichiteerera mvura yainaya uye tichifunga kuti toitei, mumwe murume akanga ati kwegurei akashanya ndokundigovera mabhuku matatu anobatsira kudzidza Bhaibheri—The Harp of God, Light I, uye Light II. Ndakaatora, ndichifara kuti ndakanga ndawana chimwe chinhu chinoita kuti ndisanyanye kufinhwa. Pakarepo ndakafadzwa nezvandairava, asi panguva iyoyo handina kuziva kuti zvaizochinja upenyu hwangu zvachose—uye hwomunun’una wanguwo.

Pandakadzokera kumusha, amai vangu vakandiudza kuti Kate Parsons, aigara mumusha wedu, aiparadzira mabhuku eBhaibheri orudzi rwakafanana. Ainyatsozivikanwa nokuti, kunyange zvazvo akanga akwegura, aifamba nomudhudhudhu muduku kuti ashanyire vanhu munzanga yedu yaiva nemisha iri kure nokure. Ndakaenda kunomuona, uye akafara kundipa mabhuku anonzi Creation uye Riches nemamwewo mabhuku eWatch Tower Society. Akandiudzawo kuti aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha.

Ndarava mabhuku acho pamwe neBhaibheri rangu, ndakaziva kuti Jehovha ndiMwari wechokwadi, uye ndakanga ndichida kumunamata. Saka ndakatumira tsamba yokusiya chechi kuchechi yedu ndokutanga kupinda zvidzidzo zveBhaibheri mumusha waJohn naAlice Moody. Vaigara muWestbury, taundi raiva pedyo nesu zvikuru. Taingova vanomwe chete pamisangano iyoyo. Misangano isati uye yatanga, Kate Parsons airidza mutoriro sezvataiimba nziyo dzoUmambo tose nenzwi redu rose!

Mazuva Okutanga

Ndaigona kuona kuti tairarama munguva inokosha, uye ndaida kushandawo mubasa rokuparidza rakaprofitwa pana Mateu 24:14. Saka ndakarega kusvuta, ndikazvitengera bhegi, ndokuzvitsaurira kuna Mwari Mukuru, Jehovha.

Muna August 1936, Joseph F. Rutherford, purezidhendi weWatch Tower Society, akanga achishanyira Glasgow, kuScotland, kuzokurukura nyaya yaiti “Amagedhoni.” Kunyange zvazvo Glasgow yaiva kure nemakiromita 600, ndakanga ndakatsunga kuvako uye kubhabhatidzwa pakokorodzano iyoyo. Mari yaiva shoma, saka ndakakwira chitima chaienda kuCarlisle nebhasikoro rangu, taundi riri pamuganhu weScotland, ndikachovha makiromita 160 kubva ipapo kuenda kuchamhembe. Ndakachovhawo bhasikoro rwendo rwakakura rwacho kudzoka kumusha, ndichisvika ndaneta mumuviri asi ndasimbiswa mumudzimu.

Kubvira panguva iyoyo, ndaichovha bhasikoro nguva ipi neipi yandaienda kunokurukura kutenda kwangu nevanhu vaiva mumisha yaiva pedyo. Mumazuva iwayo Chapupu choga choga chaiva nekadhi rechipupuriro raiva nemashoko oRugwaro okuti vanasaimba varave. Taishandisawo magiramufomu anotakurika okuridzisa marekodhi ehurukuro dzeBhaibheri dzapurezidhendi weSosaiti. Uye, zvechokwadi, taigarotakura bhegi remagazini, * raitizivisa seZvapupu zvaJehovha.

Kupayona muNguva yeHondo

Munun’una wangu akabhabhatidzwa muna 1940. Hondo yenyika yechipiri yakanga yatanga muna 1939, uye isu tose takaona kudiwa kwokukurumidzira kwevaparidzi venguva yakazara. Nokudaro, takatumira mafomu edu okukumbira upiyona. Takafara kugoverwa pamwe chete kuenda kumusha wemapiyona weBristol, kuti tibatane ikoko naEdith Poole, Bert Farmer, Tom naDorothy Bridges, Bernard Houghton, nemamwe mapiyona ane kutenda kwataiva tayemura kwenguva refu.

Motokari duku yaiva yakanyorwa zvinonyatsooneka kuti “JEHOVAH’S WITNESSES” kumativi ayo yakasvika nokukurumidza kuzotitakura. Mutyairi wayo aiva Stanley Jones, akazova mufundisi kuChina akanga asungwa ikoko kwemakore manomwe akazarirwa mujeri rake oga nemhosva yebasa rake rokuparidza.

Hondo zvayakapfuurira, hataiwanzorara zvakakwana usiku. Mabhomba aidonha pakapoteredza musha wedu wemapiyona, uye taifanira kuramba takangwarira zvombo zvinoputika zvaibva zvakonzera moto ipapo. Mamwe manheru takabva munharaunda yevanhu vakawanda yeBristol pakapera gungano rakanaka kwazvo rakapindwa neZvapupu 200 tikasvika mumusha wedu waiva wakati chengetekei tichifamba nomumumwarakatira wezvimedu zvemateko ezvombo zvinopfuriswa ndege.

Mangwanani akatevera acho ini naDick takadzokera kuguta kunotora zvimwe zvinhu zvataiva tasiya. Takashamiswa. Bristol yakanga yangova ungwandangwanda. Pakati peguta rose pakanga paparadzwa uye papiswa. PaPark Street, panga pane Horo yedu yoUmambo, pakanga pangova murwi wemarara anopwititika utsi. Zvisinei, hapana Chapupu chakanga chaurawa kana kukuvadzwa. Zvinofadza kuti takanga tatobvisa mabhuku edu eBhaibheri muHoro yoUmambo uye taaparadzira mudzimba dzenhengo dzeungano. Takaonga Jehovha nokuda kwezvose zviri zviviri zvakaitika.

Rusununguko Rwusingatarisirwi

Ungano yeBristol yandaishumira somutariri anotungamirira yakanga yakura kusvika pakuva nevashumiri 64 panguva yandakagamuchira magwaro okuti ndiite basa rechiuto. Zvimwe Zvapupu zvakawanda zvakanga zvaendeswa kujeri nemhosva yokusava nekwazvakarerekera, uye ndaitarisirawo kuti rusununguko rwangu rwokuparidza rwuganhurirwewo zvakafanana. Mhosva yangu yakanzwiwa paBristol Tribunal yomunharaunda iyoyo apo Hama Anthony Buck, aichimbova mukuru mukuru wejeri, akataura achindimiririra. Aiva murume akashinga, asingatyi, mutsigiri akasimba wechokwadi cheBhaibheri, uye somugumisiro wokutaura kwake kwakanaka kwazvo, ndakaudzwa zvandakanga ndisingafungidziri kuti ndaigona kusaita basa rechiuto zvachose kana ndaizopfuurira noushumiri hwangu hwenguva yakazara!

Ndakafara kuwana rusununguko rwangu, uye ndakasarudza kurwushandisa kuparidza zvakanyanya sezvaigoneka. Pandakatambira nhare yokuti ndiende kuhofisi yebazi yokuLondon kunotaura naAlbert D. Schroeder, mutariri webazi, nomuzvarirwo, ndakanetseka kuti chii chakanga chakandimirira. Fungidzira kushamisika kwangu pandakakokwa kuenda kuYorkshire kunoshumira somutariri anofambira, ndichishanyira ungano dzakasiyana-siyana vhiki yoga yoga kuti ndibetsere nokukurudzira hama. Ndakanzwa ndisingakwanisi kuita basa rakadaro, asi ndakanga ndanzi ndisaita basa rechiuto uye ndakanga ndakasununguka kuenda. Saka ndakabvuma kutungamirira kwaJehovha uye ndakaenda ndichida.

Albert Schroeder akandisuma kuhama dzaiva pagungano muHuddersfield, uye muna April 1941, ndakatanga mugove wangu mutsva. Waiva mufaro wakadini kusvika pakuziva hama idzodzo dzinodiwa! Rudo rwadzo nomutsa zvakandiita kuti ndinzwisise zvakatonyanya kuti Jehovha ane vanhu vakazvipira zvakakwana kwaari vanodanana.—Johani 13:35.

Dzimwe Ropafadzo dzeBasa

Kokorodzano isingakanganwiki yomunyika imomo yemazuva mashanu yakaitwa muna 1941 paLeicester’s De Montfort Hall. Pasinei zvapo nokugoverwa kwezvokudya uye kuganhurirwa kwezvifambiso zvomunyika, vakapinda vakawedzera kusvika panhamba yepamusoro yomusi weSvondo ye12 000; asi panguva iyoyo kwaingova neZvapupu zvinopfuura 11 000 munyika yacho. Hurukuro dzakarekodwa dzapurezidhendi weSosaiti dzakaridzwa, uye bhuku rinonzi Children rakabudiswa. Kokorodzano iyoyo zvechokwadi yaiva isingakanganwiki munhau yokutonga kunoitwa naMwari yevanhu vaJehovha muBritain, yakaitwa sezvo Hondo Yenyika II yaitsviriridza.

Kokorodzano iyi ichangopera, ndakagamuchira tsamba yaindikoka kuti ndishande nemhuri yeBheteri muLondon. Ikoko, ndakashanda mumadhipatimendi okutumira nokurongedza mabhuku uye gare gare muhofisi, ndichibata nhau dzine chokuita neungano.

Mhuri yeBheteri yaifanira kubata nokurwisa kwendege dzomuchadenga muLondon usiku nemasikati, uyewo kuongororwa nguva dzose nezviremera kwehama dzaitarisira dzaishanda ipapo. Pryce Hughes, Ewart Chitty, naFrank Platt vose vakaendeswa kujeri nemhaka yokusava kwavo nekwavakarerekera, uye pakupedzisira Albert Schroeder akadzingirwa kuUnited States. Pasinei zvapo nezvinodzvinyirira izvi, ungano uye zvinhu zvoUmambo zvakapfuurira kutarisirwa zvakanaka.

Kuenda kuGilead!

Pakapera hondo muna 1945, ndakanyorera kuti ndirovedzwe somufundisi kuWatchtower Bible School of Gilead uye ndakagamuchirwa kuti ndipinde kirasi yechisere muna 1946. Sosaiti yakarongera vanoverengeka vedu, vaisanganisira Tony Attwood, Stanley Jones, Harold King, Don Rendell, naStanley Woodburn, kuti tikwire chikepe kubva pachiteshi chokuredza cheCornish yeFowey. Chapupu chomunharaunda iyoyo chakanga chatiwanira nzvimbo muchikepe chiduku chinotakura zvinhu chakanga chakatakura ivhu rokuumbisa rinonzi kaolin. Nzvimbo yedu yokugara yaiva yakatsvikinyidzika, uye uriri hwechikepe hwaiwanzozara mvura. Takafara sei pakupedzisira patakasvika pachiteshi chinoongororwa zvinhu pazvinopinda munyika, chinonzi Philadelphia!

Zvivako zveGilead zvakanga zvakavakwa zvakanaka kwazvo kuSouth Lansing kuchamhembe kweNew York, uye kurovedzwa kwandakaitwa ikoko kwakareva zvakawanda kwandiri. Vadzidzi vomukirasi yedu vaibva munyika 18—kokutanga Sosaiti payakakwanisa kutora vashumiri vakawanda kwazvo vaibva munyika dzokumwe—uye tose takava shamwari dzepedyo. Ndakafadzwawo kwazvo nokushamwaridzana newandaigara naye mukamuri, Kalle Salavaara wokuFinland.

Nguva yakafamba nokukurumidza, uye pakupera kwemwedzi mishanu, purezidhendi weSosaiti, Nathan H. Knorr, akasvika achibva kudzimbahwe reBrooklyn kuzotipa madhipuroma edu nokutiudza kwaizova nemigove yedu. Mumazuva iwayo, vadzidzi vakanga vasingazivi nzvimbo dzavaienda kutozosvikira idzodzi dzaziviswa pakupemberera vanopedza kudzidza. Ndakagoverwa kudzokera kuBheteri reLondon kunopfuurira nebasa rangu ikoko.

Kudzokera kuLondon

Makore epashure pehondo aiva akaoma muBritain. Zvokudya nezvimwe zvinhu zvinokosha, kusanganisira mapepa, zvakapfuurira kuganhurirwa. Asi takararama, uye zvinhu zvoUmambo hwaJehovha zvakabudirira. Mukuwedzera kukushanda kwangu paBheteri, ndaishumira pamagungano oruwa uye edunhu nokushanyira ungano, kusanganisira dzimwe dziri muIreland. Yaivawo ropafadzo kusangana naErich Frost nedzimwe hama nehanzvadzi dzaibva kuEurope uye kudzidza chimwe chinhu kubva kwadziri nezvokutendeseka kwezvimwe Zvapupu zvakanga zvasangana nezvinotyisa zvomumisasa yevasungwa yeNazi. Zvechokwadi basa repaBheteri raiva ropafadzo yakakomborerwa.

Kwemakore gumi ndakanga ndaziva Joan Webb, piyona chaiye aishumira muWatford, taundi raiva nechokuchamhembe kweLondon. Muna 1952 takaroorana. Tose taida kupfuurira nebasa renguva yakazara, saka takafara pandakagadzwa somutariri wedunhu, ndabva paBheteri. Dunhu redu rokutanga raiva kumuganhu weEngland uri nechokumaodzanyemba, muSussex neHampshire. Basa redunhu rakanga risiri nyore mumazuva iwayo. Taiwanzofamba nebhazi, bhasikoro, uye netsoka. Ungano dzakawanda dzaiva nendima huru dzomumaruwa, kakawanda kacho dzaiva dzakaoma kusvika kwadziri, asi nhamba yeZvapupu yakapfuurira kukura zvishoma nezvishoma.

New York City Muna 1958

Muna 1957, ndakagamuchira imwezve tsamba yaindikoka yakabva kuBheteri yaiti: “Mungada kuuya kuhofisi kuti mubetsere negadziriro dzokufamba kuenda kugungano remarudzi akawanda riri kuuya richaitirwa kuYankee Stadium nePolo Grounds muNew York City muna 1958 here?” Ini naJoan munguva pfupi yakatevera takanga tabatikana kushanda nemafomu aibva kuhama okukumbira kuenda nendege uye zvikepe zvakahayiwa neSosaiti. Iri rakazova Gungano rakakurumbira reMarudzi Akawanda roKuda kwaMwari, rakapindwa nevateereri vakawanda vaisvika 253 922. Pakokorodzano iyi, vanhu 7 136 vakaratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura—vanopfuura nekaviri nhamba yevakabhabhatidzwa pachiitiko chakakurumbira chepaPendekosti ya33 C.E., inotaurwa muBhaibheri.—Mabasa 2:41.

Ini naJoan hatimbofi takakanganwa mutsa waHama Knorr pavakatikoka ivo pachavo kuti tipinde gungano kuti tibetsere kutarisira nhume dzaisvika muNew York City dzichibva kunyika 123. Chaiva chiitiko chinofadza uye chinogutsa kwatiri tose.

Zvikomborero zveBasa reNguva Yakazara

Tadzokera, takapfuurira mubasa rokufambira kutozosvikira zvinetso zvoutano zvavapo. Joan akaiswa muchipatara, uye ini ndakava nesitiroko isina kunyanyisa. Takachinjira kubasa roupiyona chaihwo asi gare gare takava neropafadzo yokushumira mubasa redunhu kwenguva pfupi. Pakupedzisira, takadzokera kuBristol uko taramba tiri mubasa renguva yakazara. Munun’una wangu, Dick, nemhuri yake vanogara pedyo nesu, uye tinowanzoyeuchidzana zvaiitika kare.

Muna 1971 kuona kwangu kwakakuvadzwa zvisingarapiki nehosha inokuvadza kuona kwemaziso. Kubvira ipapo ndave ndichinetseka kwazvo nokurava, saka ndinowana makaseti akarekodwa emabhuku eBhaibheri ari gadziriro inoshamisa inobva kuna Jehovha. Ini naJoan tichiri kuitisa fundo dzeBhaibheri dzepamusha, uye mumakore ose aya, takava neropafadzo yokubatsira vanhu vanenge 40 kusvika pakuziva chokwadi, kusanganisira mhuri yevanhu vanomwe.

Patakatsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha makore anodarika 60 apfuura, chido chedu chaiva chokupinda mubasa renguva yakazara ndokurambiramo. Tinoonga sei kuva nesimba rokuramba tichishumira Jehovha Mukuru—nzira chete yatinogona kumuonga nokuda kwokunaka kwake kwatiri uye nokuda kwemakore edu omufaro pamwe chete!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Bhegi rejira raigona kukochekerwa papfudzi uye raiva rakagadzirirwa kutakura magazini eNharireyomurindi neConsolation (yakazova Mukai!, gare gare).

[Mufananidzo uri papeji 25]

Nomunun’una wangu Dick (nechokumucheto kuruboshwe; Dick akamira) uye mamwe mapiyona ari pamberi pamusha wemapiyona weBristol

[Mufananidzo uri papeji 25]

Musha wemapiyona weBristol muna 1940

[Mifananidzo iri papeji 26]

Stanley naJoan Reynolds pazuva romuchato wavo, musi waJanuary 12, 1952, uye nhasi