Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurwisa Uori Nebakatwa Romudzimu

Kurwisa Uori Nebakatwa Romudzimu

Kurwisa Uori Nebakatwa Romudzimu

“PFEKA UNHU HUTSVA HWAKASIKWA MAERERANO NOKUDA KWAMWARI MUKURURAMA KWECHOKWADI NOKUVIMBIKA.”—VaEfeso 4:24.

PAHWAKANGA hwadzika midzi, Umambo hweRoma ndihwo hwaidzora zvose nyika yakanga yati yambova nahwo. Mutemo weRoma waishanda kwazvo zvokuti nazvino uchiri pakatsamira bumbiro remitemo yenyika dzakawanda. Zvisinei, pasinei nokubudirira kweRoma, mauto ayo akanga asingakwanisi kukunda muvengi anonyengera: uori. Pakupedzisira, uori hwakaita kuti Roma ikurumidze kuwa.

Muapostora Pauro aiva mumwe akatambura pasi pevakuru vakuru veRoma vaiva nouori. Ferikisi, gavhuna weRoma akamubvunza, sezviri pachena akaziva kusava nemhosva kwaPauro. Asi Ferikisi, mumwe wemagavhuna aiva nouori hukuru wezuva rake, akanonotsa kutongwa kwaPauro, achitarisira kuti Pauro aizomupa mari kuti agomusunungura.—Mabasa 24:22-26.

Pane kupa Ferikisi chiokomuhomwe, Pauro akamuudza zvakajeka nezvo“kururama nokuzvidzora.” Ferikisi haana kuchinja nzira dzake, uye Pauro akaramba ari mujeri pane kuedza kutyora gadziriro yomutemo nokuita chiokomuhomwe. Akaparidza shoko rechokwadi nokutendeseka, uye akararama maererano naro. “Tinovimba kuti tine hana yakatendeseka,” akanyorera vaKristu vechiJudha kudaro, “sezvatinoda kuzvibata nokutendeseka muzvinhu zvose.”—VaHebheru 13:18.

Kuva akadaro kwakanga kwakasiyana zvachose netsika dzenguva yacho. Pollas mukoma waFerikisi aiva mumwe wevarume vakanga vakapfuma zvikuru venyika yekare, uye upfumi hwake—hwaisvika mamiriyoni 1 710 emadhora—hunenge hwose hwakawanwa nechiokomuhomwe uye ugororo. Zvisinei, upfumi hwake, hunova husingakoshi kana hwoenzaniswa nemabhiriyoni emadhora ayo vamwe vatongi vane uori vezana remakore rechi20 vakaviga mumaakaundi okubhangi epachivande. Zviri pachena kuti, vasingazivi bedzi ndivo vangatenda kuti hurumende dzanhasi dzakakunda hondo yokurwisa uori.

Sezvo uori hwaramba hwakadzika midzi kwenguva yakareba zvikuru kudai, tinofanira kufungidzira kuti hunongova chimwe chinhu chomusikirwo chevanhu here? Kana kuti pane chimwe chinhu chingaitwa here kurwisa uori?

Uori Hungarwiswa Sei?

Nhano inongova pachena yokutanga kurwisa uori ndeyokuziva kuti uori hunoparadza uye hwakaipa, sezvo huchibetsera vasingadzorwi nenheyo zvichikuvadza vamwe. Pasina mubvunzo kumwe kufambira mberi kwaitwa munhau iyoyo. James Foley, mutevedzeri womunyori wenyika yeUnited States, akati: “Tose tinoziva kuti mutengo wechiokomuhomwe mukuru. Chiokomuhomwe chinopedza simba kutonga kwakanaka, chinokuvadza mashandiro akanaka oupfumi nebudiriro, chinovhiringidza zvokutengeserana, uye chinoita kuti vagari vomune dzimwe nyika vatambure.” Vakawanda vangabvumirana naye. Pana December 17, 1997, nyika huru 34 dzakanyorerana “chibvumirano chechiokomuhomwe” chakagadzirirwa “kuva nesimba guru mune zvokurwisa uori hwenyika yose.” Chibvumirano chacho “chinoita kuti ive mhosva kugovera, kuvimbisa kana kuti kupa chiokomuhomwe mukuru mukuru wehurumende yokumwe kuti uwane kana kuti urambe une zvirongwa zvebhizimisi munyika dzakawanda.”

Zvisinei, zviokomuhomwe zvokuwana zvibvumirano zvebhizimisi mune dzimwe nyika, zvinongova chinhu chiduku chouori hukuru. Kubvisa uori munyika dzose kunoda imwe nhano yechipiri, yakati omei zvikuru: kuchinja kwomwoyo kana kuti, kuchinja kwomwoyo yakawanda. Vanhu kwose kwose vanofanira kudzidza kuvenga chiokomuhomwe neuori. Zvadaro chete ndipo pachapera kusatendeseka. Kuti izvi zvidaro, magazini inonzi Newsweek yakati vamwe vanofunga kuti hurumende dzinofanira “kukurudzira pfungwawo zvayo yokuva mugari wenyika akanaka.” Transparency International, boka rinokurudzira kudzivisa uori, nenzira yakafanana rinorumbidza kuti vatsigiri varo “vadyare ‘mbeu yokuvimbika’” kunzvimbo yebasa.

Kurwisa uori inhau yetsika isingagoni kukundwa nomutemo chete kana kuti ne“bakatwa” rezvirango zvepamutemo. (VaRoma 13:4, 5) Mbeu dzakanaka nokuvimbika dzinofanira kudyarwa mumwoyo yevanhu. Izvi zvingaitwa zvakanakisisa nokushandisa zvakarondedzerwa nomuapostora Pauro se“bakatwa romudzimu,” Shoko raMwari, Bhaibheri.—VaEfeso 6:17.

Bhaibheri Rinoshora Uori

Nei Pauro akaramba kubvuma uori? Nemhaka yokuti aida kuita kuda kwaMwari, “asingatsauri vanhu, kana kugamuchira [chiokomuhomwe].” (Dheuteronomio 10:17) Uyezve, pasina mubvunzo Pauro akayeuka murayiridzo wakananga unowanikwa muMutemo waMosesi unoti: “Usatsaura vanhu, usagamuchira [chiokomuhomwe], nokuti [chiokomuhomwe] chinoparadza meso evakangwara, nokuminamisa mashoko evakarurama.” (Dheuteronomio 16:19) Mambo Dhavhidhi akanzwisisawo kuti Jehovha anovenga uori, uye akakumbira kuti Mwari arege kumuverenga pamwe nevatadzi, vane “ruoko . . . rworudyi ruzere ne[chiokomuhomwe].”—Pisarema 26:10.

Vaya vanonamata Mwari nomwoyo wose vane zvikonzero zvokuwedzera zvokuramba uori. “Mambo anosimbisa nyika nokururamisira,” akanyora kudaro Soromoni, “asi munhu anokara chiokomuhomwe anoiparadza.” (Zvirevo 29:4, New International Version) Kururamisira—zvikurukuru pakunoitwa kubvira kuvakuru vakuru zvichidzika—kunosimbisa, asi uori hunoita kuti nyika ive nourombo. Sezvineiwo, Newsweek yakati: “Mugadziriro iyo munhu wose anoda mugove wake wouori uye achiziva kuti angauwana sei, upfumi hungangoparara nyore nyore.”

Kunyange apo upfumi hungasaparara zvachose, vanoda kururama vanovhiringidzika uori pahunowanda husingaongororwi. (Pisarema 73:3, 13) Musiki wedu, uyo akatipa chido chokuzvarwa nacho chokururamisira, anokanganisirwawo. Kare, Jehovha akapindira kuti abvise uori hwaiitwa pachena. Somuenzaniso, akataurira vagari veJerusarema zvakajeka chikonzero nei aizovasiya kuvavengi vavo.

Achishandisa muprofita wake Mika, Mwari akati: “Chinzwai henyu chinhu ichi, imi vakuru veimba yaJakobho, navabati veimba yaIsraeri, iyemi, munosema kururamisa, nokuminamisa zvose zvakarurama. Vakuru varo vanotamba mhaka kuti vapiwe [chiokomuhomwe], vapristi varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro, vaprofita varo vanouka kuti vapiwe mari . . . Naizvoizvo Zioni richarimwa somunda nemhaka yenyu, Jerusarema richaitwa mirwi yamabwe.” Uori hwakanga hwaparadza nzanga muIsraeri, sokungoparadza kwahwakaita Roma mazana emakore pashure pacho. Maererano nenyevero yaMwari, rinenge zana remakore Mika anyora mashoko iwayo, Jerusarema rakaparadzwa uye rakaitwa dongo.—Mika 3:9, 11, 12.

Zvisinei, hapana munhu kana kuti rudzi, runoda kuita zvouori. Mwari anokurudzira vakaipa kuti vasiye mararamire avo ndokuchinja mafungire avo. (Isaya 55:7) Anoda kuti mumwe nomumwe wedu atsive makaro nokusava noudyire uye uori nokururama. “Unomanikidza murombo, unozvidza Muiti wake; asi une tsitsi nomushayiwi, unomukudza,” Jehovha anotiyeuchidza kudaro.—Zvirevo 14:31.

Kurwisa Uori Zvinobudirira Nechokwadi cheBhaibheri

Chii chinogona kuita kuti munhu achinje zvakadaro? Simba rakafanana rakaita kuti Pauro asiye upenyu hwouFarisi kuti ave muteveri akasimba waJesu Kristu. “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba,” akanyora kudaro. (VaHebheru 4:12) Nhasi, chokwadi cheMagwaro chichiri kusimudzira kutendeseka, kunyange pakati pevaya vave vakabatanidzwa zvakanyanya muuori. Funga nezvomuenzaniso uyu.

Isiri nguva refu apedza basa rake rehondo, Alexander, anobva kuEastern Europe, akabatana nechimwe chikwata chaiwana mari nenzira yokutyisidzira, ugororo, uye chiokomuhomwe. * “Basa rangu raiva rokuwana mari nougororo pakudzivirira vanamuzvinabhizimisi vakapfuma,” anotsanangura kudaro. “Ndangowana chivimbo chomuzvinabhizimisi, dzimwe nhengo dzechikwata chedu dzaimutyisidzira nechisimba. Zvadaro ndaibva ndakumbira kutarisira nyaya yacho—nokuda kwomutengo mukuru kwazvo. ‘Vanamuzvinabhizimisi’ ava vaindionga nokuvabetsera kutarisira zvinetso zvavo, asi chaizvoizvo ndirini ndazvikonzera. Zvingaratidzika sezvinoshamisa, asi izvi ndozvaiva zvakaita basa racho randaida.

“Ndainakidzwawo nemari uye mufaro wandaiwana nemararamire aya. Ndaityaira mota inodhura, ndaigara muimba yakanaka, uye ndaiva nemari yokutenga chipi nechipi chandaida. Vanhu vainditya, uye zvaindipa simba. Ndaifunga kuti hapana munhu aigona kundikurira uye kuti ndaisava nebasa nomutemo. Zvinetso zvipi nezvipi nemapurisa zvaigona kupedzwa negweta rine unyanzvi, rine nzira dzokunzvenga gadziriro yokururamisira, kana kuti nechiokomuhomwe kumunhu akakodzera.

“Zvisinei, hapana kuvimbana pakati pevaya vanorarama nouori. Mumwe wechikwata chedu akatanga kundivenga, ndakaona ndisingachadiwi. Kamwe kamwe, ndakarasikirwa nemotokari yangu youmbozha, mari, musikana wangu aida zvinodhura. Ndakatorohwa zvakaipisisa. Uku kuchinja kwezvinhu kwakandiita kuti ndifunge zvakanyanya nezvechinangwa choupenyu.

“Mwedzi mishomanana izvi zvisati zvaitika, amai vangu vakanga vava mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye ndakatanga kurava mabhuku avo. Mashoko ari pana Zvirevo 4:14, 15 akaita kuti ndinyatsofunga: ‘Usapinda pagwara ravakaipa, usafamba nenzira yavakashata. Uinzvenge, usapinda pairi; tsauka pairi, upfuure hako.’ Ndima dzakaita seidzi dzakaita kuti ndibvume kuti vaya vanoda kurarama upenyu hwoutsotsi havana nguva yemberi chaiyoiyo. Ndakatanga kunyengetera kuna Jehovha uye kumukumbira kuti anditungamirire munzira yakarurama. Ndakadzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye pakupedzisira, ndakatsaurira upenyu hwangu kuna Mwari. Ndakararama nokutendeseka kubvira ipapo.

“Chokwadi, kurarama nezvinodiwa zvokutendeseka kwakareva kuwana mari isina kunyanyowanda. Asi zvino ndinonzwa kuti ndine nguva yemberi, kuti upenyu hwangu hune zvahunoreva chaizvoizvo. Ndinoziva kuti aichimbova mararamire angu nezvinhu zvawo zvose zvinodhura akanga akangoita seimba yemahumbwe yakamirira kuwa chero nguva ipi zvayo. Pakutanga, hana yangu yakanga isingarovi. Zvino, nemhaka yokudzidza kwandinoita Bhaibheri, inorova papi nepapi pandinoedzwa kuva asina kutendeseka—kunyange muzvinhu zviduku. Ndiri kuedza kurarama maererano nePisarema 37:3, rinoti: ‘Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika, ushingairire kutendeka.’”

“Uyo Anovenga Chiokomuhomwe Achararama”

Sokuziva kwakaita Alexander, chokwadi cheBhaibheri chinogona kuita kuti munhu akurire uori. Akachinja maererano neizvo muapostora Pauro akataura mutsamba yake kuvaEfeso kuti: “Bvisa[i] unhu hwekare hunotsinhirana newaichimbova mufambiro wenyu uye hunoodzwa maererano nokuchiva kwake kunonyengera; . . . munofanira kuitwa vatsva musimba rinosunda pfungwa dzenyu, uye munofanira kupfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika. Saka, zvino zvamakabvisa nhema, mumwe nomumwe wenyu ngaataure chokwadi nomuvakidzani wake, nokuti tiri mitezo yomumwe nomumwe. Anoba ngaachirega kuba, asi panzvimbo paizvozvo ngaashande nesimba, achiita basa rakanaka nemaoko ake, kuti ave nechimwe chinhu chokugovera mumwe munhu anoshayiwa.” (VaEfeso 4:22-25, 28) Nguva yemberi chaiyoiyo yevanhu inotsamira pakuchinja kwakadaro.

Zvikaregwa zvisingaongororwi, makaro nouori zvingaparadza pasi, sezvazvakakonzera kuparara kwoUmambo hweRoma. Kunyange zvakadaro, zvinofadza kuti Musiki wevanhu haarongi kusiya nhau dzakadaro dzichizvigadzirisa. Akatsunga ku“paradz[a] vanoparadza pasi.” (Zvakazarurwa 11:18) Uye Jehovha anovimbisa vaya vanoda nyika isina uori kuti nokukurumidza kuchauya “matenga matsva nepasi idzva . . . uye kururama kuchagara mazviri.”—2 Petro 3:13.

Chokwadi, zvingasava nyore kurarama nezvinodiwa zvokutendeseka nhasi. Asi, Jehovha anotivimbisa kuti pakupedzisira, “munhu ane makaro anounzira mhuri yake zvinetso, asi uyo anovenga chiokomuhomwe achararama.” * (Zvirevo 15:27, NIV) Nokuramba uori zvino, tinoratidza kuva vepachokwadi kwedu patinonyengetera kuna Mwari tichiti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.”—Mateu 6:10.

Patinenge tichimirira Umambo ihwohwo kuti huite chiito, mumwe nomumwe wedu anga‘dyara mbeu mukururama’ nokuramba kubvuma kana kuti kuita uori. (Hosea 10:12) Kana tikadaro, upenyu hwedu huchapupurirawo simba reShoko raMwari rakafuridzirwa. Bakatwa romudzimu rinogona kukunda uori.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 20 Zita rake rachinjwa.

^ ndima 28 Chokwadika, pane musiyano pakati pechiokomuhomwe nemari yokuonga. Nepo chiokomuhomwe chichipiwa kutsaudzira kururamisira kana kuti nokuda kwezvimwe zvinangwa zvokusatendeseka, mari yokuonga chiratidzo chokuonga basa raitwa. Izvi zvinotsanangurwa mu“Mibvunzo Inobva Kuvaravi” mumagazini yeNharireyomurindi yechiNgezi yaOctober 1, 1986.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Tichibatsirwa neBhaibheri, tingashandira “unhu hutsva” ndokunzvenga uori