Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Michato Inofadza Inokudza Jehovha

Michato Inofadza Inokudza Jehovha

Michato Inofadza Inokudza Jehovha

Welsh naElthea vakaroorana muSoweto, South Africa, muna 1985. Nguva nenguva vanotarira arubhamu yomuchato wavo nemwanasikana wavo, Zinzi, uye vanoyeukazve zuva iroro rinofadza. Zinzi anofarira kuziva vaenzi vakanga vakokwa kumuchato uye anonyanya kufarira mifananidzo yaamai vake vakanga vakapfeka zvakanaka kwazvo.

MUCHATO wacho wakatanga nehurukuro yakapiwa muhoro yomunharaunda muSoweto. Zvadaro kwaya yepwere dzechiKristu yakaimba nziyo dzokurumbidza Mwari mumativi mana anotsinhirana. Zvadaro, vaenzi vakadya zvokudya tepi yenziyo dzoUmambo ichiririra pasi pasi. Hapana zvinwiwa zvinodhaka zvakagoverwa, uye pakanga pasina mumhanzi une ruzha kana kutamba. Asi, vaenzi vakanakidzwa nokusonganirana pamwe chete nokukorokotedza vachati. Zvose pamwe chete zvakaitwa zvakaita anenge maawa matatu. “Waiva muchato wandinogara ndichiyeuka,” anoyeuka kudaro Raymond, mumwe mukuru wechiKristu.

Panguva yomuchato wavo, Welsh naElthea vaiva vashandi vanozvidira pabazi reWatch Tower Bible and Tract Society muSouth Africa. Vakanga vasingakwanisi muchato wemaoresa. Vamwe vaKristu vakasarudza kusiya basa renguva yakazara kuti vawane mabasa okunyika anovapa mari yokuva nomuchato wemaoresa. Zvisinei, Welsh naElthea havazvidembi kuti vakasarudza kuva nomuchato une mwero wakavaita kuti vagone kupfuurira vachishumira Mwari sevashumiri venguva yakazara kusvika pakuzvarwa kwaZinzi.

Kunyange zvakadaro, zvakadini kana vaviri vari kuda kuroorana vakasarudza kuva nenziyo dzenyika nokutamba pamuchato wavo? Zvakadini kana vakasarudza kugovera waini kana zvimwe zvinwiwa zvinodhaka? Zvakadini kana vachigona kuita muchato mukuru uye wemaoresa? Vangava sei nechokwadi chokuti mutambo wacho uchava chiitiko chinofadza chakafanira vanamati vaMwari? Mibvunzo yakadaro inoda kunyatsofungwa, nokuti Bhaibheri rinorayira kuti: “Mungave muri kudya kana kunwa kana kuita chimwe chinhu, itai zvinhu zvose kuti Mwari apiwe mbiri.”—1 VaKorinde 10:31.

Kudzivisa Mitambo Yokuzvifadza

Zvakaoma kufungidzira muchato usingafadzi. Kupfuura mwero uye kuva nemitambo yakawanda kwazvo yokuzvifadza isingadzorwi kune njodzi huru. Pamichato yakawanda yevasiri Zvapupu, zvinhu zvisingakudzi Mwari zvinoitwa. Somuenzaniso, kushandiswa kwedoro kusvika pakudhakwa kwakajairika. Zvinosuruvarisa kuti izvi zvakatoitika pane mimwe michato yechiKristu.

Bhaibheri rinonyevera kuti “doro mupopoti.” (Zvirevo 20:1) Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “mupopoti” rinoreva “kuita ruzha rwakanyanya.” Kana doro richiita kuti mumwe munhu aite ruzha, fungidzira zvaringaita kuboka guru revanhu vakaungana ndokunwa zvakanyanya! Zviri pachena kuti zviitiko zvakadaro zvingachinja nyore nyore kuva “nguva dzokunwira kudhakwa, mitambo yokuzvifadza, nezvinhu zvakaita seizvi,” zvakarongwa muBhaibheri se“mabasa enyama.” Miitiro yakadaro inoita kuti vapi nevapi vasingapfidzi vasakodzere kugara nhaka youpenyu husingaperi pasi pokutonga kwoUmambo hwaMwari.—VaGaratiya 5:19-21.

Shoko rechiGiriki rokuti “mitambo yokuzvifadza” rakashandiswa kurondedzera mudungwe une ruzha womumugwagwa wepwere dzakadhakwa zvishoma dzaiimba, dzaitamba, uye dzairidza mimhanzi. Kana doro rikanwiwa zvikuru pamuchato, uye kana pane ruzha rwemimhanzi nokutamba kusingadzorwi, pane njodzi chaiyo yokuti chiitiko chacho chingachinja kuva chimwe chinhu chakafanana nemitambo yokuzvifadza. Mumamiriro ezvinhu akadaro, vaya vasina kusimba vangawira muchivi nyore nyore ndokuita mamwe mabasa enyama akadai so“ufeve, kusachena, unzenza, [kana kuti kufufutirwa] nokutsamwa.” Chii chingaitwa kudzivisa mabasa akadaro enyama kuti asakuvadza mufaro womuchato wechiKristu? Kupindura mubvunzo iwoyo, ngationei zvinotaura Bhaibheri nezvomumwe muchato.

Muchato Wakapindwa naJesu

Jesu nevadzidzi vake vakakokwa kuti vapinde muchato muKana yeGarireya. Vakabvuma kukoka kwacho, uye Jesu akatokonzera mufaro wechiitiko chacho. Pakaperevedza waini, akaita imwe yomuraudzo yorudzi rwakaisvonaka nenzira inoshamisa. Muchato wacho wapera, pasina mubvunzo yakasara yacho yakabetsera zvinodiwa zvomuroori aifara nemhuri yake kwenguva yakati.—Johani 2:3-11.

Pane zvidzidzo zvinoverengeka zvatingadzidza pamuchato wakapindwa naJesu. Chokutanga, Jesu nevadzidzi vake havana kuenda vasina kukokwa kumabiko omuchato. Bhaibheri rinotaura zvakananga kuti vakanga vakokwa. (Johani 2:1, 2) Saizvozvowo, mumienzaniso miviri yemabiko omuchato, Jesu akataura ataurazve nezvevaenzi sevaivapo nemhaka yokuti vakanga vakokwa.—Mateu 22:2-4, 8, 9; Ruka 14:8-10.

Mune dzimwe nyika zvakajairika kuti munhu wose ari munzanga anzwe akasununguka kupinda mabiko omuchato kunyange akokwa kana kuti asina. Zvisinei, izvi zvingatungamirira kunhamo yemari. Vaviri vari kuda kuroorana vanobatanidzwa vasina kupfuma vangapinda muzvikwereti kuti vave nechokwadi chokuti pane zvokudya nezvokunwa zvakakwana nokuda kweboka risina parinogumira. Saka, kana vaviri vechiKristu vari kuda kuroorana vakasarudza kuva nemabiko ane mwero nenhamba yakati yevaenzi, izvi zvinofanira kunzwisiswa uye kuremekedzwa nevaKristu vavanonamata navo vasina kukokwa. Mumwe murume akaroora muCape Town, South Africa, anoyeuka achikoka vaenzi 200 kumuchato wake. Zvisinei, 600 vakauya, uye zvokudya zvakakurumidza kupera. Pakati pevakanga vasina kukokwa paiva nebhazi rakazara nevashanyi vaishanyira Cape Town pakupera kwevhiki yomuchato wacho. Kondakita webhazi iri revashanyi aiva hama yokure yomwenga uye akafunga kuti yaiva kodzero yake yokuunza boka rose asina kutombotaurirana nomwenga wacho kana kuti nomuroori!

Kunze kwokuti zvataurwa kuti mabiko acho ndeomunhu wose, muteveri wechokwadi waJesu angadzivisa kupinda mabiko omuchato asina kukokwa ndokudya zvokudya nezvokunwa zvakagadzirirwa vaenzi vakakokwa. Vaya vanoedzwa kuti vaende vasina kukokwa vanofanira kuzvibvunza kuti, ‘Kupinda kwandinoita mabiko omuchato uno hakuratidzi kushayikwa kworudo here nokuda kwevachangoroorana? Handingakonzeri zvinetso ndokubvisa mufaro wechiitiko chacho here?’ Pane kuti atsamwe kuti haana kukokwa, muKristu anonzwisisa norudo angatumira shoko rokukorokotedza vaviri vari kuroorana ndokuvashuvira chikomborero chaJehovha. Angatofunga nezvokubetsera vari kuroorana vacho nokuvatumira chipo kuwedzera kumufaro wezuva ravo romuchato.—Muparidzi 7:9; VaEfeso 4:28.

Ndiani Ane Mutoro?

Mune dzimwe nzvimbo dzeAfrica, zvakajairika kuti hama dzakura dzitungamirire zvirongwa zvomuchato. Vaviri vari kuroorana vanganzwa vachionga izvi, sezvo zvichivarerutsira mitoro yemari. Vangafunga kuti zvinovarerutsirawo pamitoro yezvipi nezvipi zvingaitika. Zvisinei, vasati vabvuma kubetserwa kworudzi rwupi norwupi kunobva kuhama dzine vavariro dzakanaka, vaviri vari kuroorana vanofanira kuva nechokwadi chokuti zvido zvavo pachavo zvicharemekedzwa.

Kunyange zvazvo Jesu akanga ari Mwanakomana waMwari “akaburuka [a]chibva kudenga,” hapana chinoratidza kuti akatungamirira ndokuita zvinhu zvizhinji pamuchato womuKana. (Johani 6:41) Asi, nhoroondo yeBhaibheri inotiudza kuti mumwe munhu akagadzwa kuti ashande so“mutungamiriri wemabiko.” (Johani 2:8) Munhu uyuwo, aiva nomutoro kumusoro wemhuri itsva, iye muroori wacho.—Johani 2:9, 10.

Hama dzechiKristu dzinofanira kuremekedza musoro wemhuri itsva wakagadzwa naMwari. (VaKorose 3:18-20) Ndiye anofanira kuva nomutoro wezvinoitika pamuchato wake. Sezvingatarisirwa, muroori anofanira kuva anofunga uye, kana zvichibvira, kubvuma zvido zvomwenga wake, vabereki vake, uye vabereki vomukadzi wake. Zvisinei, kana hama dzikapfuurira kuronga zvinhu zvinopesana nezvido zvevaviri vari kuroorana, ipapo vaviri vacho vangafanira kuramba nomutsa kubetserwa ndokuita muchato wavo pachavo une mwero. Neiyi nzira hapana chinhu chingaitika chinosiya vari kuroorana vacho vane zvavanozoyeuka zvisingafadzi. Somuenzaniso, pane mumwe muchato wechiKristu muAfrica, imwe hama isingatendi yakashanda somukuru womutambo yakaita chimwe chinhu chokukudza madzitateguru akafa!

Dzimwe nguva vaviri varoorana vanoenda kuzororo revachangobva kuchata kupemberera muchato kusati kwapera. Muchiitiko chakadaro, muroori anofanira kuronga kuti vaya vane mutoro vave nechokwadi chokuti zvinodiwa neBhaibheri zvachengetwa uye kuti kupemberera kwacho kunopera paawa inonzwisisika.

Kunyatsoronga uye Kudzikama

Zviri pachena kuti paiva nezvokudya zvakanaka zvakawanda pamuchato wakapindwa naJesu, nokuti Bhaibheri rinoutsanangura semabiko omuchato. Sezvacherechedzwa, kwaivawo newaini yakawanda. Pasina mubvunzo, kwaiva nemimhanzi yakakodzera uye kutamba kunokudzwa nokuti ichi chaiva chinhu chinozivikanwa choupenyu hwenzanga yechiJudha. Jesu akaratidza izvi mumuenzaniso wake wakakurumbira wemwanakomana anopambadza. Baba akapfuma wenyaya iyoyo aifara zvikuru nokuda kwokudzoka kwemwanakomana wake anopfidza zvokuti akati: “Ngatidyei tifare.” Maererano naJesu, kupemberera kwacho kwaisanganisira “mimhanzi nokutamba.”—Ruka 15:23, 25.

Zvisinei, zvinofadza kuti Bhaibheri haritauri zvakananga nezvemimhanzi nokutamba pamuchato womuKana. Kutaura zvazviri, kutamba hakutaurwi nezvako munhoroondo dzipi nedzipi dzemichato dzomuBhaibheri. Zvingaita sokuti pakati pevashumiri vaMwari vakatendeka vomunguva inotaurwa muBhaibheri, kutamba kwaiitwa apo neapo uye kwakanga kusiri chinhu chikuru chemichato yavo. Tingadzidza chimwe chinhu here mune izvi?

Pane mimwe michato yechiKristu muAfrica, magudzanzwi emagetsi ane simba anoshandiswa. Mimhanzi yacho ingava noruzha rwakanyanya zvokuti vaenzi havagoni kukurukurirana zvakanaka. Dzimwe nguva zvokudya zvinoperevedza asi kutamba kunova kusingadzoreki nyore nyore hakumboperevedzi. Pane kuti zvive mabiko omuchato, zviitiko zvakadaro zvingangova chikonzero chomutambo wokutamba. Uyezve, mimhanzi ine ruzha kazhinji inokwezva vanokonzera matambudziko, vasingazivikanwi vanongouya vasina kukokwa.

Sezvo chinyorwa cheBhaibheri chemichato chisingasimbisi mimhanzi nokutamba, izvi hazvifaniri here kutungamirira vaviri vanoronga muchato uchakudza Jehovha? Asi, mukugadzirira michato ichangopfuura inoverengeka kumaodzanyemba kweAfrica, pwere dzechiKristu dzakanga dzasarudzwa kuti dziperekedze vachati dzakapedza maawa akawanda dzichidzidzira madhanzi akaoma kunzwisisa. Kwemwedzi yakawanda nguva yavo yakawandisa yakashandiswa vachiita izvi. Asi vaKristu vanofanira ‘kutenga nguva’ ye“zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe,” zvakadai sebasa rokuparidza, fundo yomunhu oga, uye kupinda misangano yechiKristu.—VaEfeso 5:16; VaFiripi 1:10.

Kubva pauwandu hwewaini yakagoverwa naJesu, zvinoita sokuti muchato womuKana waiva mukuru, wemaoresa. Zvisinei, tinogona kuva nechokwadi chokuti chiitiko chacho chakanga chisina bopoto uye kuti vaenzi havana kushandisa waini zvakashata sokushandiswa kwayakaitwa pane mimwe michato yechiJudha. (Johani 2:10) Tinogona sei kuva nechokwadi nezveizvi? Nokuti Ishe Jesu Kristu aivapo. Pavarume vose, Jesu ndiye angave akanyatsoteerera murayiro waMwari kwazvo maererano nesonganiro yakaipa unoti: “Usava pakati pavanokarira waini.”—Zvirevo 23:20.

Saka, kana vaviri vari kuroorana vakasarudza kuva newaini kana kuti zvimwe zvinwiwa zvinodhaka pamuchato wavo, vanofanira kuzvirongera kuti zvidzorwe zvakasimba nevanhu vane mutoro. Uye kana vakasarudza kuva nemimhanzi, vanofanira kusarudza nziyo dzakakodzera uye vanofanira kuva nomunhu akavimbika anoongorora ruzha rwacho. Vaenzi havafaniri kubvumirwa kutungamirira ndokuisa mimhanzi inomutsa mibvunzo kana kuti kukwidza ruzha rwacho kusvika kumwero wakanyanya. Kana pachizotambwa, kungatangwa munzira inokudzwa uye inodzorwa. Kana hama dzisingatendi kana kuti vaKristu vasina kukura mumudzimu vakatamba zvakashata kana kuti zvounzenza, muroori angafanira kuchinja rudzi rwemimhanzi kana kuti nokungwarira kukumbira kuti kutamba kwacho kumire. Dzimwe nguva muchato wacho ungasvika pakuva chiitiko chemafaro akanyanyisa ndokukonzera kugumbuka.—VaRoma 14:21.

Nemhaka yenjodzi dziri mune kumwe kutamba kwemazuva ano, mimhanzi ine ruzha, uye kunwa doro kusingadzorwi, nhamba yakati yevaroori vechiKristu yakasarudza kusaita zvinhu izvi mumuchato wavo. Vamwe vakashorwa nokuda kweizvi, asi vanofanira kurumbidzwa nokuda kwechido chavo chokudzivisa chinhu chipi nechipi chingazvidzisa zita raMwari dzvene. Ukuwo, vamwe varoori vanoronga nokuda kwemimhanzi yakakodzera, nguva yokutamba, uye doro rinonwiwa zvine mwero. Muzviitiko zvose muroori ane mutoro wezvaanobvumira kuti zviitwe pamuchato wake.

MuAfrica vamwe vasina kukura mumudzimu vanoshora michato yechiKristu inokudzwa uye vanoti inoita sokuti vari pamariro. Zvisinei, izvozvo hazvisi maonere akadzikama. Mabasa enyama inotadza angaunza mufaro wenguva duku, asi anosiya vaKristu vane hana dzinotambura uye anozvidzisa zita raMwari. (VaRoma 2:24) Ukuwo, mudzimu mutsvene waMwari unokonzera mufaro wechokwadi. (VaGaratiya 5:22) Varoorani vechiKristu vakawanda vanotarira shure nomufaro pazuva ravo romuchato, vachiziva kuti chaiva chiitiko chinofadza uye kwete “chisakiso chokugumbuka.”—2 VaKorinde 6:3.

Welsh naElthea nazvino vanoyeuka mashoko akanaka akawanda ehama dzisingatendi dzakapinda muchato wavo. Mumwe akati: “Taneta nemichato ine ruzha inoitika mazuva ano. Zvakanga zvakaisvonaka kupinda muchato wakadzikama wakasiyana nemimwe.”

Zvinokosha zvikuru ndezvokuti, michato yechiKristu inofadza uye inokudzwa inokudza Muvambi womuchato, Jehovha Mwari.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 22]

ZVOKUONGORORA PAMABIKO OMUCHATO

• Kana ukakoka hama isingatendi kuti itaure, une chokwadi here chokuti haizoiti dzimwe tsika dzisiri dzechiKristu?

• Kana mimhanzi ichizoridzwa, wakasarudza here nziyo dzakakodzera chete?

• Mimhanzi yako ichafanira kuridzwa noruzha rwune mwero here?

• Kana kutamba kuchibvumirwa, kuchaitwa munzira inokudzwa here?

• Doro richanwiwa munzira ine mwero bedzi here?

• Vane mutoro vachadzora kuparadzirwa kwaro here?

• Wakaronga here nguva yakanaka yokugumisa mabiko omuchato?

• Vanhu vane mutoro vachavapo here kuti vave nechokwadi chokuti rugare rwuripo kusvikira zvapera?