Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Uori Hwakawanda Kwazvo?

Nei Uori Hwakawanda Kwazvo?

Nei Uori Hwakawanda Kwazvo?

‘USAGAMUCHIRA CHIOKOMUHOMWE, NOKUTI CHIOKOMUHOMWE CHINOPOFUMADZA VANHU VANOONA UYE CHINOGONA KUVHIRINGIDZA MASHOKO EVAKARURAMA.’—Eksodho 23:8.

MAKORE ane zviuru zvitatu nemazana mashanu apfuura, Mutemo waMosesi wairambidza chiokomuhomwe. Kwemazana emakore kubva ipapo, mitemo yokudzivisa uori yakawedzera. Kunyange zvakadaro, mutemo hauna kubudirira kurwisa uori. Mamiriyoni ezviokomuhomwe anochinjanwa mazuva ose, uye mabhiriyoni evanhu anotambura migumisiro yacho.

Uori hwapararira kwazvo uye hwave kuitwa nounyanzvi zvokuti hungangoparadza gadziriro yenzanga. Mune dzimwe nyika chinenge chinhu chose hachiitwi kutoti paitwa tsvete. Chiokomuhomwe chikapiwa munhu akakodzera chingaita kuti mumwe akunde bvunzo, awane rezenesi rokutyaira, awane basa, kana kuti akunde mhosva mudare. “Uori hwakafanana nokushatswa zvikuru kunoremera nokuodza vanhu mwoyo,” anodaro Arnaud Montebourg, rimwe gweta rokuParis.

Chiokomuhomwe chakapararira kunyanya munhau dzebhizimisi. Mamwe makambani anopa zvikamu zvitatu zveprofiti yawo yose kuti angobhadhara vakuru vakuru vehurumende vane uori. Maererano nemagazini yokuBritain inonzi The Economist, zvikamu zvinenge 10 muzana zvemabhiriyoni 950 emadhora anoshandiswa gore negore mune zvokutengeserana zvombo kwemarudzi akawanda, zvinoshanda kupa chiokomuhomwe kune vangangozova vatengi. Sezvo mwero wouori uhwu wawedzera kwazvo, migumisiro yacho yava nhamo chaiyo. Mumakore gumi apfuura, “kudzorwa kwepfuma zvechizivano” nevakapfuma—kuitwa kwemabhizimisi kwouori kwokufarira vashoma vanozivikanwa—kunonzi kwaparadza upfumi hwose hwedzimwe nyika.

Nenzira isingadzivisiki, vanotambura zvakanyanya nouori uye kuparara kwoupfumi kwahunokonzera varombo—vasingambovi muchinzvimbo chokuitira mumwe munhu chiokomuhomwe. Sokupfupisa kwakaita The Economist, “uori inongova imwe nzira yokudzvinyirira nayo.” Kudzvinyirira kworudzi urwu kungakurirwa here, kana kuti uori hahutiziki? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, tinofanira kutanga kuziva zvimwe zvezvikonzero zvikuru zvouori.

Zvii Zvinokonzera Uori?

Nei vanhu vachisarudza kuita zvouori panzvimbo pokuva vakatendeseka? Kune vamwe, kuita chiokomuhomwe ingave nzira iri nyore zvikuru—kana kuti zvechokwadi ndiyo nzira bedzi—yokuwana zvavanoda. Dzimwe nguva, chiokomuhomwe chingagovera nzira iri nyore yokudzivisa kurangwa. Vakawanda avo vanocherechedza kuti vezvematongerwe enyika, mapurisa, uye vatongi vanoita sevanorega uori kana kuti kutohuita ivo pachavo vanongotevedzera muenzaniso wavo.

Sezvo uori hunowedzera nokukurumidza, hunova hunogamuchirika zvikuru kusvikira hwava mararamiro. Vanhu vanotambira mari yakaderera zvinosiririsa vanosvika pakufunga kuti havana zvavangaita. Vanofanira kukumbira chiokomuhomwe kana vachida kuva noupenyu hwakanaka. Uye vaya vanokumbira chiokomuhomwe kana kuti vanovabhadhara kuti vawane pundutso isina kururama pavasingarangwi, vashoma vakagadzirira kurega uori. Mambo Soromoni akacherechedza kuti: “Kutongwa zvakusingakurumidzi kuuya pamusoro pebasa rakaipa, mwoyo yavanakomana vavanhu inotsungirira kuita zvakaipa.”—Muparidzi 8:11.

Zvinhu zviviri zvine simba zviri kuramba zvichikurudzira uori: udyire nemakaro. Nemhaka youdyire, vanhu vane uori vanoita sevasingaoni kutambura kunoita vamwe kunokonzerwa nouori hwavo, uye vanopembedza chiokomuhomwe nemhaka yokungoti vanobetserwa nacho. Kuwana kwavanoita zvinhu zvokunyama zvakawanda, ndikowo kukara zvikuru kunoita ivo vaya vanoita zvouori. “Unoda sirivha, haangagutswi nesirivha,” akacherechedza kudaro Soromoni, “naiye unoda zvakawanda, haangagutswi nezvakawanda.” (Muparidzi 5:10) Chokwadi, makaro angave akanaka pakuita mari, asi anoita seasingaoni uori uye zvisiri zvepamutemo.

Chimwe chinhu chisingafaniri kukanganwika ibasa romutongi asingaoneki wenyika ino, anoziviswa neBhaibheri saSatani Dhiyabhorosi. (1 Johani 5:19; Zvakazarurwa 12:9) Satani nokushingaira anosimudzira uori. Chiokomuhomwe chikuru kupfuura zvose chakanyorwa chaiva chiya chaida kupiwa Kristu naSatani. ‘Ndichakupa umambo hwose hwenyika kana ukapfugama pasi wongondinamata chete.’—Mateu 4:8, 9.

Zvisinei, Jesu akanga asina uori, uye akadzidzisa vateveri vake kuti vave saizvozvowo. Dzidziso dzaKristu dzingava chishandiso chinobudirira here chokurwisa uori nhasi? Nyaya inotevera ichaongorora mubvunzo uyu.