Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsigira Zvakasimba Kudzidzisa kwaMwari

Tsigira Zvakasimba Kudzidzisa kwaMwari

Tsigira Zvakasimba Kudzidzisa kwaMwari

“Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”—ZVIREVO 3:5, 6.

1. Tiri kutarisana sei nezivo yevanhu sezvisakamboitika nekare kose?

PANGUVA ino, kune anenge mapepanhau 9 000 ezuva nezuva anotengeswa munyika yose. Makore ose mabhuku matsva anenge 200 000 anobudiswa muUnited States moga. Maererano nokumwe kufungidzira, pakasvika March 1998, kwakanga kwava nemamiriyoni anenge 275 eMapeji Okubudisira Mashoko paGadziriro Yokuwana Mashoko Kumuzinda Wemakombiyuta. Nhamba iyi iri kunzi iri kuwedzera pamwero wemapeji mamiriyoni 20 pamwedzi. Sezvisina kumboitika kare, vanhu vava kugona kuwana mashoko enhau dzinenge dzipi nedzipi. Nepo mamiriro ezvinhu aya ane zvaakanakira, kuwanda zvikuru kwemashoko kwakadaro kwakakonzera zvinetso.

2. Zvinetsoi zvingamuka nokugona kuwana mashoko akawanda zvikuru?

2 Vamwe vanhu havachambogoni kugara vasina kunzwa mashoko, nguva dzose vachida kugutsa nhomba yavo isingaperi yokuda kuziva zvose zviri kuitika nepo vachiregeredza zvinhu zvinokosha zvikuru. Vamwe vanowana mashoko mashoma ezvikamu zvakaoma zvezivo vobva vazviona senyanzvi. Vachivakira panzwisiso shoma bedzi, vangaita zvisarudzo zvinokosha zvingakuvadza ivo kana kuti vamwe. Uye nguva dzose pane ngozi yokuwana mashoko enhema kana kuti asina kururama. Kakawanda hapana nzira yakavimbika yokuona nayo kuti mashoko akawanda zvikuru akarurama uye akawanda zvakaringana.

3. Inyeveroi dzinowanikwa muBhaibheri maererano nokutsvaka uchenjeri hwevanhu?

3 Vanhu vagara vane chido chokuziva. Njodzi dzokutambisa nguva yakawanda zvikuru mukutsvaka mashoko asingabatsiri kana kuti anotokuvadza dzakazivikanwa kare mumazuva aMambo Soromoni. Akati: “Unyeverwe; kuita bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri.” (Muparidzi 12:12) Mazana emakore pashure pacho muapostora Pauro akanyorera Timoti kuti: “Rinda zvawakaronzeswa, uchifuratira kutaura kusina maturo kunoshatisa zvinhu zvitsvene nokupokanidzana kweinonzi ‘zivo’ zvenhema. Nokuti vachishamisira nezivo yakadaro vamwe vakatsauka pakutenda.” (1 Timoti 6:20, 21) Hungu, nhasi vaKristu vanofanira kudzivisa kuwana pfungwa dzinokuvadza zvisina kufanira.

4. Ndeipi imwe nzira yatingaratidza nayo kuti tinovimba naJehovha nedzidziso dzake?

4 Vanhu vaJehovha vanoitawo zvakanaka kuteerera mashoko aZvirevo 3:5, 6 anoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” Kuvimba naJehovha kunosanganisira kuramba pfungwa chero ipi zvayo inorwisana neShoko raMwari, ingabva mukufunga kwedu pachedu kana kuti kune vamwe vanhu. Kuti tidzivirire kuva kwedu vomudzimu, zvinokosha kuti tirovedze masimba edu okunzwisisa kuitira kuti tigone kuziva mashoko anokuvadza ndokuadzivisa. (VaHebheru 5:14) Ngatikurukurei kumwe kunobva mashoko akadaro.

Nyika Inodzorwa naSatani

5. Ndokupi kumwe kunobva pfungwa dzinokuvadza, uye ndiani anotsigira?

5 Nyika inzvimbo inobudirira yepfungwa dzinokuvadza. (1 VaKorinde 3:19) Jesu Kristu akanyengetera kuna Mwari maererano nevadzidzi vake kuti: “Ndinokukumbirai, kwete kuti muvabvise munyika, asi kuti muvatarisire nemhaka yowakaipa.” (Johani 17:15) Chikumbiro chaJesu chokuti vadzidzi vake vadzivirirwe pane “wakaipa” chakabvuma simba rina Satani munyika. Kuva kwedu vaKristu hakuerekani kwatidzivirira pakupesvedzera kwakaipa kwenyika ino. Johani akanyora kuti: “Tinoziva kuti tinobva kuna Mwari, asi nyika yose iri musimba rewakaipa.” (1 Johani 5:19) Zvikurukuru muchikamu chino chokupedzisira chemazuva okupedzisira, zvinotarisirwa kuti Satani nemadhimoni ake vachazadza nyika nemashoko anokuvadza.

6. Nyika yevaraidzo ingakonzera sei kugomara mutsika?

6 Zvinofanira kutarisirwawo kuti mamwe emashoko aya anokuvadza angaita seasingakuvadzi. (2 VaKorinde 11:14) Somuenzaniso, funga nezvenyika yevaraidzo, nezvinoratidzwa zvayo neTV, mabhaisikopu, mimhanzi, uye mabhuku. Vakawanda vanobvuma kuti muzviitiko zvakawanda, mamwe marudzi evaraidzo anosimudzira miitiro yakaipa, yakadai sounzenza, chisimba, uye kushandiswa zvisina kunaka kwezvinodhaka. Pavanotanga kuratidzwa rudzi rwevaraidzo rwakashata, vateereri vangarohwa nehana. Asi kuratidzwa varatidzwazve kunogona kugomadza mumwe. Hatimbofaniri kuona varaidzo inosimudzira pfungwa dzinokuvadza seinogamuchirwa kana kuti isingakuvadzi.—Pisarema 119:37.

7. Rudzii rwouchenjeri hwevanhu rungaita kuti tisavimba neBhaibheri?

7 Funga nezvokumwe kunobva mashoko anogona kukuvadza—pfungwa dzakawanda zvikuru dzinobudiswa nevamwe vasayendisiti uye nyanzvi dzinoramba kuti Bhaibheri nderechokwadi. (Enzanisa naJakobho 3:15.) Zvinhu zvakadaro zvinowanikwa kakawanda mumagazini makuru uye mabhuku akakurumbira, uye zvingaita kuti tisavimba neBhaibheri. Vamwe vanhu vanodada nokuderedza simba reShoko raMwari nokufungidzira kusingaperi. Njodzi yakafanana yaivapo mumazuva evaapostora, sokujeka kwazvakaita mumashoko omuapostora Pauro anoti: “Chenjerai: zvichida pangava nomumwe munhu angaenda nemi semhuka yake yaabata nouzivi uye nounyengeri husina maturo maererano netsika dzevanhu, maererano nezvinhu zvepakutanga zvenyika uye kwete maererano naKristu.”—VaKorose 2:8.

Vanovenga Chokwadi

8, 9. Kuramba kutenda kuri kuzviratidza sei nhasi?

8 Vakaramba kutenda vangatityisidzirazve mune zvokunamata. Muapostora Pauro akafanotaura kuti kuramba kutenda kwaizomuka pane vaizviti vaKristu. (Mabasa 20:29, 30; 2 VaTesaronika 2:3) Mukuzadzika kwemashoko ake, vaapostora vafa, kuramba kutenda kukuru kwakaita kuti chiKristudhomu chitange. Nhasi, hakuna kuramba kutenda kukuru kuri kuitika muvanhu vaMwari. Zvisinei, vanhu vashoma vakatisiya, uye vamwe vavo vakatsunga kunyadzisa Zvapupu zvaJehovha nokuparadzira nhema uye mashoko asina kururama. Vashoma vanoshanda nemamwe mapoka mukuramba zvakarongwa kunamata kwakachena. Mukuita izvi, vanotsigira akatanga kuramba kutenda chaiye, Satani.

9 Vamwe vakaramba kutenda vari kuramba vachishandisa mitoo yokukurukurirana nevazhinji, kusanganisira Gadziriro Yokuwana Mashoko Kumuzinda Wemakombiyuta, kuti vaparadzire mashoko enhema pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Somugumisiro, vanhu vepachokwadi pavanoongorora zvatinotenda, vangasangana nemashoko anoparadzirwa nevakaramba kutenda. Kunyange zvimwe Zvapupu zvakarava mashoko aya anokuvadza zvisingazivi. Uyezve, vakaramba kutenda nguva nenguva vanoita chimwe chinhu pazvirongwa zvepaterevhizheni kana kuti zveparedhiyo. Ndeipi nzira yakanaka yokutevera nokuda kweizvi?

10. Ndokupi kuri kuita kwokuchenjera kumashoko anoparadzirwa nevakaramba kutenda?

10 Muapostora Johani akarayiridza vaKristu kuti vasagamuchira vakaramba kutenda mudzimba dzavo. Akanyora kuti: “Kana munhu akauya kwamuri akasaunza dzidziso iyi, musambomugamuchira mudzimba dzenyu kana kumukwazisa. Nokuti uyo anomukwazisa anogoverana mumabasa ake akaipa.” (2 Johani 10, 11) Kudzivisa kubatanidzwa kwose nevanoshora ava kuchatidzivirira pakufunga kwavo kwakaora. Kuzvibatanidza nedzidziso dzevakaramba kutenda tichishandisa mitoo yakasiyana-siyana yokukurukurirana kwemazuva ano kunongokuvadza sokugamuchira akaramba kutenda pachake mudzimba dzedu. Hatimbofanira kubvumira kuda kuziva kuchitikwevera mumararamiro ane ngozi akadaro!—Zvirevo 22:3.

Muungano

11, 12. (a) Muungano yomuzana remakore rokutanga pfungwa dzinokuvadza dzaibva kupi? (b) Vamwe vaKristu vakakundikana sei kuva vakasimba mukutsigira dzidziso dzaMwari?

11 Funga zvekare kumwezve kungangobva pfungwa dzinokuvadza. Nepo asingadi kudzidzisa nhema, muKristu akazvitsaurira angatanga muitiro wokutaura nokusafunga. (Zvirevo 12:18) Nemhaka yokuti hatina kukwana, tose zvedu dzimwe nguva tinotadza norurimi rwedu. (Zvirevo 10:19; Jakobho 3:8) Zviri pachena kuti muzuva romuapostora Pauro, kwaiva nevamwe vaiva muungano vakakundikana kudzora rurimi rwavo ndokubatanidzwa munharo dzemashoko. (1 Timoti 2:8) Kwaiva nevamwe vainyanya kufunga nezvepfungwa dzavo pachavo uye vakatosvika pakushora chiremera chaPauro. (2 VaKorinde 10:10-12) Kuita kwakadaro kwakagumisira nokurwisana kusingadiwi.

12 Dzimwe nguva kusabvumirana uku kwakawedzera kuva “nharo dzakasimba pamusoro pezvisingakoshi,” kuchidzongonyedza rugare rweungano. (1 Timoti 6:5; VaGaratiya 5:15) Nezvevaya vakakonzera nharo idzi, Pauro akanyora kuti: “Kana munhu upi noupi akadzidzisa imwe dzidziso uye asingabvumirani nemashoko anopa utano, aShe wedu Jesu Kristu, kana kudzidzisa kuri maererano nokuzvipira kuna Mwari, anozvitutumadza nemhaka yokudada, asina chaanonzwisisa, asi ane pfungwa dzinorwarira mibvunzo nenharo pamusoro pemashoko. Muzvinhu izvi munobva shanje, kukakavadzana, kutaura zvakaipa, kunyumwira kwakaipa.”—1 Timoti 6:3, 4.

13. VaKristu vakawanda vomuzana remakore rokutanga vaiva nomufambiro wakadini?

13 Zvinofadza kuti, munguva dzevaapostora vazhinji vevaKristu vaiva vakatendeka uye vairamba vachifunga nezvebasa rokuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Vaiva vakabatikana kutarisira “nherera nechirikadzi pakutambudzika kwadzo,” uye vaizvichengeta va“sina ruvara rwenyika,” vasingatambisi nguva yavo panharo dzisina maturo dzemashoko. (Jakobho 1:27) Vaidzivisa “songaniro dzakaipa” kunyange muungano yechiKristu chaimo kuti vadzivirire zvokunamata kwavo.—1 VaKorinde 15:33; 2 Timoti 2:20, 21.

14. Kana tisingangwariri, kuchinjana pfungwa kwenguva dzose kunogona sei kuguma kwava nharo dzinokuvadza?

14 Saizvozvowo, mamiriro ezvinhu atsanangurwa mundima 11 haanyanyi kuitika muungano dzeZvapupu zvaJehovha nhasi. Kunyange zvakadaro, tinoita zvakanaka kubvuma kuti nharo dzisina maturo dzakadaro dzingangoitika. Chokwadi, zvakajairika kukurukura nhoroondo dzeBhaibheri kana kuti kushamisika nezvezvinhu zvenyika itsva yakavimbiswa zvisati zvaziviswa. Uye hapana chakaipa nokuchinjana pfungwa pazvinhu zvomunhu oga, zvakadai somupfekero norutsvindo kana kuti chisarudzo chevaraidzo. Zvisinei, kana tikaomerera papfungwa dzedu ndokutsamwa vamwe pavanenge vasingabvumirani nesu, ungano ingagumisira yakamuka nemhaka yenhau duku. Kutaura kuduku kunotanga sokusingakuvadzi kungava kunokuvadza zvechokwadi.

Kurinda Chipiwa Chedu

15. “Dzidziso dzemadhimoni” dzingatikuvadza mumudzimu zvakadini, uye izanoi rinopiwa muMagwaro?

15 Muapostora Pauro anonyevera kuti: “Kutaura kwakafuridzirwa kunotaura pachena kuti munguva dzinouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera kutaura kwakafuridzirwa kunotsausa nedzidziso dzemadhimoni.” (1 Timoti 4:1) Hungu, pfungwa dzinokuvadza dzinotyisidzira chaizvoizvo. Zvinonzwisisika kuti Pauro akateterera shamwari yake yaaida Timoti achiti: “Haiwa Timoti, rinda zvawakaronzeswa, uchifuratira kutaura kusina maturo kunoshatisa zvinhu zvitsvene nokupokanidzana kweinonzi ‘zivo’ zvenhema. Nokuti vachishamisira nezivo yakadaro vamwe vakatsauka pakutenda.”—1 Timoti 6:20, 21.

16, 17. Mwari akatironzesa chii, uye tinofanira kuchirinda sei?

16 Isu nhasi tingabatsirwa sei nenyevero iyi yorudo? Timoti akapiwa chipiwa—chimwe chinhu chinokosha chokuti atarisire uye adzivirire. Chaiva chii? Pauro anotsanangura kuti: “Ramba wakabata muenzaniso wemashoko anopa utano awakanzwa kwandiri nokutenda norudo zviri muna Kristu Jesu. Rinda chipiwa ichi chakanaka kwazvo nomudzimu mutsvene ugere matiri.” (2 Timoti 1:13, 14) Hungu, chipiwa chaTimoti chaisanganisira “mashoko anopa utano,” “kudzidzisa kuri maererano nokuzvipira kuna Mwari.” (1 Timoti 6:3) Maererano nemashoko aya, vaKristu nhasi vakatsunga kudzivirira kutenda kwavo uye chokwadi chavakaronzeswa.

17 Kurinda chipiwa ichocho kunosanganisira kukudziridza zvinhu zvakadai semiitiro yakanaka yokudzidza Bhaibheri uye kupfuurira mumunyengetero, tichiitira “vose zvakanaka, asi zvikurukuru vaya vane ukama nesu mukutenda.” (VaGaratiya 6:10; VaRoma 12:11-17) Pauro anorayirazve kuti: “Tevera kururama, kuzvipira kuna Mwari, kutenda, rudo, kutsungirira, unyoro. Irwa kurwa kwakanaka kwazvo kwokutenda, batisisa upenyu husingaperi hwawakadanirwa uye hwawakazivisa zvakanaka kwazvo pamberi pezvapupu zvakawanda.” (1 Timoti 6:11, 12) Kushandisa kwaiita Pauro mashoko akadai seokuti “irwa kurwa kwakanaka kwazvo” uye “batisisa” kunojekesa kuti tinofanira kushingaira uye kutsunga kudzivisa pesvedzero dzinokuvadza mumudzimu.

Kudiwa Kwokunzwisisa

18. Tingaratidza sei kuva pakati nepakati kwechiKristu mukuona kwatinoita mashoko enyika?

18 Chokwadi, mukurwa kurwa kwakanaka kwazvo, kunzwisisa kunodiwa. (Zvirevo 2:11; VaFiripi 1:9) Somuenzaniso, kwaizova kusafunga kusavimba mashoko ose enyika. (VaFiripi 4:5; Jakobho 3:17) Hadzisi pfungwa dzose dzevanhu dzinorwisana neShoko raMwari. Jesu akataura zvisina kunanga kuti vanhu vanorwara vanofanira kuona chiremba anokwanisa—basa rounyanzvi romunyika. (Ruka 5:31) Pasinei zvapo nemarapiro omuzuva raJesu anenge akanga ari apakuvamba, akabvuma kuti kwaiva nezvinobetsera zvaifanira kubva mukubetsera kwachiremba. Nhasi vaKristu vanoratidza kuva pakati nepakati munhau yemashoko enyika, asi vanoramba api neapi angavakuvadza mumudzimu.

19, 20. (a) Vakuru vanoita sei nokunzwisisa pavanenge vachibetsera vaya vanotaura nokusachenjera? (b) Ungano inobata sei nevaya vanoramba vachisimudzira dzidziso dzenhema?

19 Kunzwisisa kunokoshawo kudivi revakuru pavanonzi vabetsere vaya vanotaura nokusachenjera. (2 Timoti 2:7) Dzimwe nguva, nhengo dzeungano dzingabatanidzwa munharo pamusoro pezvisingakoshi uye nharo dzokufungidzira. Kuti vadzivirire kubatana kweungano, vakuru vanofanira kukurumidza kubata nezvinetso zvakadaro. Panguva imwe chete, vanodzivisa kutaura kuti hama dzavo dzine vavariro dzakaipa uye havanyanyi kukurumidza kuvaona sevakaramba kutenda.

20 Pauro akarondedzera kuti kubetsera kungaitwa sei. Akati: “Hama, kunyange mumwe munhu akadarika asati azviziva, imi mune zvinhu zvinodiwa zvomudzimu edzai kururamisa munhu akadaro nounyoro.” (VaGaratiya 6:1) Achitaura zvakananga nezvevaKristu vanotambura nokusava nechokwadi, Judha akanyora kuti: “Rambai muchinzwira ngoni vamwe vasina chokwadi; vaponesei nokuvabvuta mumoto.” (Judha 22, 23) Chokwadi, kana mumwe munhu pashure pokurayirwa arayirwazve akaramba achisimudzira dzidziso dzenhema, vakuru vanofanira kuita chiito chakasimba kuti vadzivirire ungano.—1 Timoti 1:20; Tito 3:10, 11.

Kuzadza Pfungwa Dzedu Nezvinhu Zvinorumbidzwa

21, 22. Tinofanira kuva vanosarudza chii, uye tinofanira kuzadza pfungwa dzedu nechii?

21 Ungano yechiKristu inodzivisa mashoko anokuvadza ano“pararira seronda rinonyenga.” (2 Timoti 2:16, 17; Tito 3:9) Izvi ndezvechokwadi kunyange mashoko akadaro achiratidza “uchenjeri” hwenyika hunotsausa, mashoko anoparadzirwa nevakaramba kutenda, kana kuti kutaura kwokusafunga muungano. Nepo chido chakanaka chokudzidza zvinhu zvitsva chingave chinobetsera, kuda kuziva kusingadzorwi kunogona kutiratidza pfungwa dzinokuvadza. Mazano aSatani tinoaziva. (2 VaKorinde 2:11) Tinoziva kuti ari kuedza zvikuru kutitsausa kuti atideredze mubasa redu kuna Mwari.

22 Sevashumiri vakanaka kwazvo, ngatitsigirei zvakasimba kudzidzisa kwaMwari. (1 Timoti 4:6) Ngatishandisei nguva yedu nokuchenjera nokuva vanosarudza mashoko atinosarudza kunzwa. Ipapo hatizozununguswi nyore nyore nemashoko anoparadzirwa naSatani. Hungu, ngatirambe tichifunga nezve“zvinhu zvose zvechokwadi, zvinhu zvose zvokuva nehanya nazvo zvikuru, zvinhu zvose zvakarurama, zvinhu zvose zvakachena, zvinhu zvose zvinodiwa, zvinhu zvose zvinotaurwa zvakanaka pamusoro pazvo, kunaka kwose kungavapo, zvinhu zvose zvinorumbidzwa zvingavapo.” Kana tikazadza pfungwa dzedu nomwoyo nezvinhu zvakadaro, Mwari worugare achava nesu.—VaFiripi 4:8, 9.

Tadzidzei?

• Uchenjeri hwenyika hungatityisidzira sei mune zvokunamata?

• Tingaita sei kuti tizvidzivirire pamashoko anokuvadza evakaramba kutenda?

• Kutaura kworudzii kunofanira kudziviswa muungano?

• Kuva pakati nepakati kwechiKristu kunoratidzwa sei pakubata nemashoko akawanda zvikuru anhasi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Magazini nemabhuku akakurumbira akawanda anorwisana nezvinokosha zvedu zvechiKristu

[Mufananidzo uri papeji 10]

VaKristu vanogona kuchinjana pfungwa vasingaomereri pane zvavanofunga