Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Upenyu Hwemhuri Inofara Hunokwevera Vamwe Kuna Mwari

Upenyu Hwemhuri Inofara Hunokwevera Vamwe Kuna Mwari

Mushumo Wavazivisi Voumambo

Upenyu Hwemhuri Inofara Hunokwevera Vamwe Kuna Mwari

JEHOVHA akakomborera Josefa nouchenjeri hwakawanda nenzwisiso. (Mabasa 7:10) Somugumisiro, uchenjeri hwaJosefa ‘hwakanga hwakanaka kuna Farao nevaranda vake vose.’—Genesi 41:37.

Saizvozvowo nhasi, Jehovha anopa vanhu vake uchenjeri uye nzwisiso nokudzidza kwavanoita Bhaibheri. (2 Timoti 3:16, 17) Uchenjeri uhwu nenzwisiso zvinobudisa zvibereko zvakanaka panoshandiswa zano rinobva muBhaibheri. Mufambiro wavo wakanaka wakawanzova ‘wakanaka mumeso evaya vanoucherechedza,’ sezvinoratidzwa nezviitiko zvinotevera zvomuZimbabwe.

• Mumwe mukadzi aiva nevavakidzani vaiva Zvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo aisada Zvapupu zvacho, aiyemura mufambiro wazvo, kunyanya upenyu hwazvo hwepamusha. Akacherechedza kuti murume wacho nomudzimai wake vaiva noukama hwakanaka kwazvo uye kuti vana vavo vaiteerera. Akanyanya kucherechedza kuti murume wacho aida chaizvo mudzimai wake.

Chimwe chinhu chinodavirwa nevakawanda mune dzimwe tsika dzomuAfrica ndechokuti kana murume achida mudzimai wake, mudzimai wacho anofanira kuve akamudyisa “mupfuhwira.” Saka mukadzi wacho akaenda kune mudzimai ari Chapupu ndokumukumbira achiti: “Ndapota mungandipawo here mupfuhwira wamakapa murume wenyu kuitira kuti murume wangu andidewo semadirwe amunoitwa nowenyu?” Chapupu chacho chakapindura kuti: “Hungu, ndichakuunzirai mangwana masikati.”

Mangwana acho, hanzvadzi yacho yakashanyira muvakidzani wayo ine “mupfuhwira” wayo. Waiva chii? Waiva Bhaibheri, pamwe nebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Vakurukura mashoko omubhuku rinonzi Zivo pamusoro unoti “Kuvaka Mhuri Inokudza Mwari,” yakati kumukadzi wacho: “Uyu ndiwo ‘mupfuhwira’ watino‘dyisana’ nomurume wangu, ndicho chikonzero nei tichidanana kwazvo.” Fundo yeBhaibheri yakatangwa, uye mukadzi wacho akakurumidza kufambira mberi kusvikira pakuratidza kuzvitsaurira kwake kuna Jehovha nokunyudzwa mumvura.

• Mapiyona chaiwo maviri akagoverwa kushanda neungano duku iri pedyo nomuganhu wokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweZimbabwe neMozambique haana kuenda muushumiri hwepaimba neimba kwevhiki mbiri. Nei? Nokuti vanhu vaiuya kwaari kuzoteerera zvaaizotaura. Mumwe wemapiyona acho anorondedzera kuti izvi zvakadaro sei achiti: “Taifamba makiromita gumi nemashanu kunoitisa mumwe munhu anofarira fundo yeBhaibheri yepamusha yevhiki nevhiki. Zvakanga zvisiri nyore kwatiri kuti tisvike kunzvimbo iyi. Taifanira kufamba nomumatope, uye taifanira kuyambuka nzizi dzakazara dzaisvika mumitsipa yedu. Izvi zvaisanganisira kudengezera mbatya neshangu dzedu pamisoro yedu, tichiyambuka rwizi, uye kwava kuzopfekazve tava mhiri.

“Vavakidzani vomunhu anofarira wacho vakaororwa kwazvo nokushingaira kwedu. Pane vaya vakazvicherechedza paiva nomutungamiriri wesangano rechitendero romunharaunda. Kuvateveri vake akati: ‘Hamudi kushingaira here sezvinoita majaya aya maviri ari Zvapupu zvaJehovha?’ Mangwana acho, vakawanda vevateveri vake vakauya kumusha wedu kuti vaone kuti nei tairamba tichipfuurira. Uyezve, muvhiki mbiri dzakatevera, takava nevaenzi vakawanda kwazvo zvokuti hatina kuwana kunyange nenguva yokugadzira zvokudya zvedu!”

Mumwe wevanhu vakashanyira musha wemapiyona acho muvhiki mbiri idzi aiva mutungamiriri wechitendero uya. Fungidzira mufaro wemapiyona acho paakabvuma fundo yeBhaibheri yepamusha!