Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Chengeta Mwoyo Wako”

“Chengeta Mwoyo Wako”

“Chengeta Mwoyo Wako”

JEHOVHA akaudza muprofita Samueri kuti: “Jehovha haaoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.” (1 Samueri 16:7) Uyewo achifunga nezvomwoyo wokufananidzira, munyori wepisarema Dhavhidhi akaimba kuti: “Makaedza mwoyo wangu [Jehovha]; makandishanyira usiku; makandiedza, mukasawana kufunga kwakaipa mandiri.”—Pisarema 17:3.

Hungu, Jehovha anotarira mumwoyo kuti azive zvatiri chaizvoizvo. (Zvirevo 17:3) Saka, nechikonzero chakanaka, Mambo Soromoni weIsraeri yekare anopa zano achiti: “Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.” (Zvirevo 4:23) Tingachengeta sei mwoyo wedu wokufananidzira? Zvirevo chitsauko 4 inotipa mhinduro yomubvunzo iwoyo.

Inzwai Kurayirira kwaBaba

Chitsauko 4 chaZvirevo chinotanga nemashoko anoti: “Imi vanakomana, inzwai kurayirira kwababa venyu; teererai, muzive [“kunzwisisa,” NW]. Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka; regai kurasa murayiro wangu.”Zvirevo 4:1, 2.

Zano kupwere nderokuti dziteerere kudzidzisa kwakanaka kwevabereki vadzo vanoita kuda kwaMwari, kunyanya kwababa. Vane basa rinotaurwa muMagwaro rokugovera zvinodiwa zvomuviri nezvomudzimu zvemhuri yavo. (Dheuteronomio 6:6, 7; 1 Timoti 5:8) Pasina nhungamiro yakadaro, zvingaomera zvikuru sei munhu muduku kuti asvike pakukura! Saka, mwana haafaniri here kubvuma noruremekedzo kurayirira kwababa vake?

Zvisinei, zvakadini nepwere isina baba vanoidzidzisa? Somuenzaniso, Jason ane makore gumi nerimwe, akafirwa nababa pazera remakore mana. * Paakabvunzwa nomukuru wechiKristu kuti chii chainyanya kumunetsa muupenyu hwake, Jason akakurumidza kupindura kuti: “Ndinonetseka nokusava nababa. Dzimwe nguva zvinondiodza mwoyo kwazvo.” Asi, zano rinonyaradza riripo nokuda kwepwere dzisina utungamiriri hwevabereki. Jason nevamwe vakafanana naye vangatsvaka uye vangagamuchira zano rababa kuvakuru nevamwe vanhu vakura vari muungano yechiKristu.—Jakobho 1:27.

Achiyeuka nezvokudzidziswa kwake pachake, Soromoni anopfuurira kuti: “Ini ndakanga ndiri mwanakomana kuna baba vangu, mwana wakadikanwa kwazvo, mumwe woga pamberi paamai vangu.” (Zvirevo 4:3) Zviri pachena kuti Mambo wacho akayeuka kurerwa kwake norudo. Se‘mwanakomana chaiyeiye’ aiisa zano rababa pamwoyo, Soromoni muduku anofanira kuva aiva noukama hwoushamwari uye hwepedyo nababa vake, Dhavhidhi. Uyezve, Soromoni aiva “mumwe woga,” kana kuti anodiwa kwazvo. Zvinokosha sei kuti mwana akurire mumusha une ushamwari uye mune mikana yokukurukurirana nevabereki!

Zviwanire Uchenjeri uye Kunzwisisa

Achiyeuka zano rababa vake rorudo, Soromoni anoti: “Ivo baba vakandidzidzisa, vakati kwandiri: Mwoyo wako ngaunyatsobata mashoko angu; chengeta mirayiro yangu, urarame. Zviwanire uchenjeri, zviwanire [“kunzwisisa,” NW]; rega kukanganwa kana kutsauka pamashoko omuromo wangu; usahurasa [uchenjeri], hugokuchengeta; uhude, hugokurinda. Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; uzviwanire [“kunzwisisa,” NW] nezvose zvaunazvo.”Zvirevo 4:4-7.

Nei uchenjeri huri “chinhu chikuru kune zvose”? Uchenjeri hunoreva kushandisa zivo nenzwisiso munzira inounza magumisiro akanaka. Zivo—kuziva kana kuti kurovedzana nechokwadi kunowanikwa nokucherechedza uye kuona kana kuti nokurava uye kudzidza—inokosha kuti tiwane uchenjeri. Asi kana tisina mano okuishandisa, zivo yedu ichava inokosha zvishoma. Hatingofaniri kurava Bhaibheri nemabhuku eBhaibheri anogoverwa no“muranda akatendeka, akangwara” nguva dzose asiwo kuedza kushandisa zvatinodzidza kubva maari.—Mateu 24:45.

Kuwana kunzwisisa kunokoshawo. Kana tisinganzwisisi, tinganyatsoona here kubatana kunoita zvinhu ndokunyatsonzwisisa nhau iri kukurukurwa? Kana tisina kunzwisisa, tingaziva sei zvikonzero uye mashoko anotsanangura kuti nei zvinhu zvakadai, towana uchenjeri nenzwisiso? Hungu, kuti tigone kufunga maererano nezvinhu zvinotozivikanwa togumisa zvakarurama, tinoda kunzwisisa.—Dhanieri 9:22, 23.

Soromoni anopfuurira kurondedzera mashoko ababa vake, achiti: “Uhukudze [uchenjeri], hugokukwidziridza iwe; huchakuvigira kukudzwa, kana uchihumbundikira. Huchapa musoro wako chishongo chakanaka; huchakuisira korona inobwinya.” (Zvirevo 4:8, 9) Uchenjeri hwaMwari hunodzivirira anohumbundikira. Uyezve, hunomuvigira kukudzwa hwomunakisa. Saka, nepose patinogona napo, ngatiwane uchenjeri.

“Natsa Kubata Kurayirirwa”

Achidzokorora kudzidzisa kwababa vake, mambo weIsraeri anotizve: “Chinzwa iwe mwanakomana wangu, ugamuchire zvandinoreva; makore oupenyu hwako agova mazhinji. Ndakakudzidzisa panzira youchenjeri; ndakakufambisa pamakwara akarurama. Kana uchifamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi; kana uchimhanya, haungagumburwi. Natsa kubata kurayirirwa; usakuregedza; ukuchengete, nokuti ndihwo upenyu hwako.”Zvirevo 4:10-13.

Somwanakomana chaiyeiye kuna baba vake, Soromoni anofanira kuve akanzwisisa kukosha kwokurayirira kworudo kunodzidzisa uye kunoruramisa. Pasina kurayirirwa kuri pakati nepakati, tingatarisira sei kufambira mberi kusvikira pakukura mumudzimu kana kuti kutarisira kuvandudza kunaka kwoupenyu hwedu? Kana tisingadzidzi muzvikanganiso zvedu kana kuti tichitadza kururamisa pfungwa dzedu dzakaipa, kufambira mberi kwedu mumudzimu kuchava kwenhando zvechokwadi. Kurayirirwa kune mwero kunoita kuti tive nomufambiro unodiwa naMwari uye nokudaro kunotibatsira ku“famb[a] pamakwara akarurama.”

Rumwe rudzi rwokurayirirwa runogumawo nokuita kuti ‘makore oupenyu hwedu agova mazhinji.’ Sei? Hungu, Jesu Kristu akati: “Munhu akatendeka muzviduku pane zvose akatendekawo muzvikuru, uye munhu asina kururama muzviduku pane zvose haanawo kururama muzvikuru.” (Ruka 16:10) Kuzvirayirira muzvinhu zviduku hakungaiti kuti zvive nyore here kuti tidarowo muzvinhu zvikuru, apo upenyu hwedu chaihwo hungatsamira? Somuenzaniso, kurovedza ziso kuti risa‘ramba rakatarira mukadzi zvokuti tinomuchiva’ kwaizoita kuti tisaita unzenza. (Mateu 5:28) Zviri pachena kuti nheyo iyi inoshanda kuvose varume nevakadzi. Kana tikarayirira pfungwa dzedu ‘kuti dzitape kufunga kwose,’ pangasazova nengozi yokudarika zvakanyanya mushoko kana kuti muchiito.—2 VaKorinde 10:5.

Zvechokwadi, kurayirirwa kwakaoma kugamuchira uye kungaita sokunodzvinyirira. (VaHebheru 12:11) Asi, mambo akachenjera anotivimbisa kuti kana tikanatsa kubata kurayirirwa, gwara redu richatibatsira kuti tifambire mberi. Kurovedza kwakanaka sezvakunobvumira mumhanyi kumhanya zvikuru asingawi kana kuzvikuvadza, kunatsa kubata kurayirirwa kunotibvumira kupfuurira munzira inoenda kuupenyu tichimhanya zvakanaka tisingagumburwi. Ichokwadi kuti tinofanira kuchenjerera gwara ratinosarudza.

Nzvenga “Gwara Ravakaipa”

Nepfungwa yokukurumidzira, Soromoni anonyevera kuti: “Usapinda pagwara ravakaipa, usafamba nenzira yavakashata. Uinzvenge, usapinda pairi; tsauka pairi, upfuure hako. Nokuti havavati, kana vasingaiti zvakashata; vanotorerwa hope dzavo, kana vasingagumbusi vamwe. Nokuti vanodya zvokudya zvezvakaipa, nokunwa waini yokumanikidza.”Zvirevo 4:14-17.

Vakaipa, vane nzira idzo Soromoni anoda kuti tinzvenge, vanozviriritira nemabasa avo akaipa. Kuita zvakaipa kwakafanana nezvokudya uye zvokunwa kwavari. Havakwanisi kurara kutoti vabatanidzwa muzviito zvechisimba. Unhu hwavo chaihwo hwakaipa! Tingachengeta mwoyo yedu chaizvoizvo here, asi tichishamwaridzana navo? Ufuza hwakadini ku“famba nenzira yavakashata” nokuona chisimba chinoratidzwa muvaraidzo yakawanda iri munyika yanhasi! Kuedza kunzwa tsitsi zvikuru hakupindirani nokuona mifananidzo yezvakaipa inoita kuti tisanzwe tsitsi paterevhizheni kana kuti mumifananidzo inofamba.

Rambira Muchiedza

Achiri kushandisa muenzaniso wegwara zvakare, Soromoni anozivisa kuti: “Asi gwara ravakarurama rakaita sechiedza chemambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.” (Zvirevo 4:18) Kudzidza Bhaibheri uye kuedza kushandisa zvarinotaura muupenyu kungafananidzwa nokutanga rwendo mumangwanani-ngwanani kuchine rima. Kusviba kwedenga rousiku zvakunochinja kuva bhuruu yakasvibira, tingasaona chero chii zvacho. Pakupedzisira mambakwedza zvaanosvika, tinosiyanisa zvishoma nezvishoma zvakawanda pane zvakatipoteredza. Pakupedzisira, zuva rinovheneka zvakajeka, uye tinonyatsoona chinhu chose zvakanaka. Hungu, chokwadi chinojeka kwatiri zvishoma nezvishoma sezvatinoomerera kudzidza Magwaro nokushivirira uye kushingaira. Kupa mwoyo zvokudya zvomudzimu kunokosha kana tichizouchengeta kubva papfungwa dzenhema.

Zvinoreva uprofita hweBhaibheri kana kuti kukosha kwahunoita, zvinorambawo zvichibuda pachena zvishoma nezvishoma. Uprofita hunojeka kwatiri sezvahunojekeswa nomudzimu waJehovha uye sezvahunozadzikwa nezviitiko zvenyika kana kuti zvinoitika kuvanhu vaMwari. Panzvimbo pokutanga kufungidzira nezvokuzadzika kwahwo tisingashiviriri, tinoda kumirira ‘chiedza kuti chirambe chichiwedzera kubwinya.’

Zvakadini nevaya vanoramba nhungamiro yaMwari nokuramba kufamba muchiedza? “Nzira yavakaipa yakaita serima,” anodaro Soromoni. “Havazivi chingavagumbusa.” (Zvirevo 4:19) Vakaipa vakafanana nomurume anogumburwa murima asingazivi chamugumbura. Kunyange zvazvo vanhu vasingadi zvaMwari vangaita sevanobudirira nemhaka yokusarurama kwavo, kubudirira kwavo kunooneka hakusi kwechigarire. Nezvevakadaro, munyori wepisarema akaimba kuti: “Zvirokwazvo munovaisa panotedza; [Imi Jehovha] munovawisira pasi kuti vaparadzwe.”—Pisarema 73:18.

Ramba Wakangwarira

Mambo weIsraeri anoenderera mberi achiti: “Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; rerekera nzeve yako kune zvandinoreva. Urambe uchiatarira, uachengete mukati momwoyo mako. Nokuti ndihwo upenyu kuna vanoawana, noukukutu hwenyama yavo yose. Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.”Zvirevo 4:20-23.

Muenzaniso waSoromoni pachake unopupurira kukosha kwezano rokuchengeta mwoyo. Chokwadi, “akava mwanakomana” kuna baba vake muupwere hwake uye akaramba akatendeka kuna Jehovha kusvikira akura kwazvo. Asi, Bhaibheri rinoti: “Nokuti Soromoni wakati akwegura, vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake kuti atevere vamwe vamwari; mwoyo wake hauna kuzova wakarurama kwazvo kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita mwoyo waDhavhidhi baba vake.” (1 Madzimambo 11:4) Pasina kungwarira nguva dzose, kunyange mwoyo yakanakisisa inganyengedzwa kuita zvakaipa. (Jeremia 17:9) Tinofanira kuchengeta zviyeuchidzo zviri muShoko raMwari mumwoyo wedu—‘mukati mawo.’ Izvi zvinosanganisira nhungamiro inogoverwa muchitsauko 4 chaZvirevo.

Ongorora Zvakaita Mwoyo Wako

Tiri kubudirira here mukuchengeta mwoyo wedu wokufananidzira? Tingaziva sei zvakaita munhu womukati? “Muromo unotaura zvinobva pazvakawanda zvemwoyo,” akadaro Jesu Kristu. (Mateu 12:34) Akatiwo: “Mumwoyo munobuda kufunga kwakaipa, umhondi, upombwe, ufeve, umbavha, uchapupu hwenhema, kumhura.” (Mateu 15:19, 20) Hungu, mashoko uye zviito zvedu zvinotaura zvakawanda zvatiri pamwoyo.

Nenzira yakakodzera, Soromoni anotirayira kuti: “Bvisa kwauri nhema dzomuromo; kutsauka kwemiromo ngakuve kure newe. Meso ako ngaarurame pakutarira; mafungiro ameso ako ngaatarire mberi kwako. Gadzirira tsoka dzako gwara; nzira dzako dzose dzive dzakasimba. Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; rutsoka rwako urubvise pane zvakaipa.”Zvirevo 4:24-27.

Nemhaka yokurayira kwaSoromoni, tinoda kuongorora matauriro edu uye zviito zvedu. Kana tichizochengeta mwoyo wedu ndokufadza Mwari, mutauro wakamonyana uye wakatsauka unofanira kudziviswa. (Zvirevo 3:32) Naizvozvo, tinofanira kufunga kuti mashoko nemabasa edu zvinoratidzei nezvedu tichinyengetera. Saka ngatitsvake rubatsiro rwaJehovha kuitira kuti tiruramise pose patinoona tichiperevedza.—Pisarema 139:23, 24.

Kupfuura zvose, ‘meso edu ngaatarire mberi.’ Ngatiaite kuti arambe akatarisisa vavariro yokushumira Baba vedu vokudenga nomwoyo wose. (VaKorose 3:23) Sezvaunopfuurira kuronda nzira iyoyo yakarurama somunhu oga, Jehovha ngaaite kuti ubudirire mu“nzira dzako dzose,” uye ngaakukomborere zvikuru nemhaka yokuteerera zano rakafuridzirwa roku“chengeta mwoyo wako.”

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Harisi zita rake chairo.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]

Unodzivisa varaidzo inoratidza chisimba here?

[Mufananidzo uri papeji 21]

Batsirwa nezano revane ruzivo

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kurayirirwa hakukutadzisi kufambira mberi

[Mufananidzo uri papeji 24]

Pfuurira mukudzidza kwako Bhaibheri