Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Evhangeri—Gakava Racho Rinoenderera Mberi

Evhangeri—Gakava Racho Rinoenderera Mberi

Evhangeri—Gakava Racho Rinoenderera Mberi

Nhoroondo dzeEvhangeri dzokuzvarwa kwaJesu Kristu ndedzechokwadi here?

Akapa Mharidzo yapaGomo here?

Jesu akamutswa chaizvoizvo here?

Akanyatsotaura here kuti: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu”?—JOHANI 14:6.

NHAU dzorudzi urwu dzakakurukurwa nenyanzvi dzinenge 80 paMusangano waJesu, wave uchiitwa kaviri pagore kubva muna 1985. Ichi chikwata chenyanzvi chakapindura mibvunzo yakadaro munzira isiri yenguva dzose. Vakapinda musangano vakakanda mavhoti pamashoko oga oga anonzi akataurwa naJesu muEvhangeri. Kapepa katsvuku kanoratidza pfungwa yokuti mashoko acho akataurwa naJesu zvechokwadi. Kapepa kepingi kanoreva kuti mashoko acho akafanana nechimwe chinhu chingangodaro chakataurwa naJesu. Kapepa kegireyi kanoratidza kuti pfungwa dzacho dzingada kufanana nedziya dzaJesu, asi mashoko acho haana kutaurwa naye. Kapepa katema kanoreva zvakasiyana zvachose, kachitaura kuti mashoko acho akatorwa mutsika dzakazotevera.

Vachitevera maitiro aya, vakapinda Musangano waJesu vakaramba zvinhu zvina zvamutswa semibvunzo pakutanga. Zvakaitika ndezvokuti, vakakanda kapepa katema pa82 muzana yemashoko anonzi akataurwa naJesu muEvhangeri. Maererano navo, 16 muzana chete dzezviitiko zvakataurwa pamusoro paJesu muEvhangeri nezvimwe zvakanyorwa zvinoita sezvechokwadi.

Kushorwa kwakadai kweEvhangeri hakusi kutsva. Kushorwa kweEvhangeri kwakabuda muna 1774 apo rimwe bhuku ramapeji 1 400 rakanyorwa naHermann Reimarus, mumwe purofesa wemitauro yokuMabvazuva muHamburg, Germany, rakabudiswa pashure pokufa kwake. Imomo Reimarus akanga asina chokwadi zvikuru nokururama munhau kweEvhangeri dzacho. Zvaakataura zvaibva pakuongorora mutauro uye zvairatidzika sokupokana zvakawanwa munhoroondo ina dzeEvhangeri dzoupenyu hwaJesu. Kubva ipapo, vashori kakawanda vakataura mashoko okusava nechokwadi nokuti Evhangeri ndedzechokwadi here, vachitoti kanganisei kuvimba kwaiita vanhu nezvakanyorwa izvi.

Zvinowanzoitwa nenyanzvi dzakadaro ndezvokuti dzinoona nhoroondo dzeEvhangeri senhema dzechitendero dzakaitwa nevanhu vakasiyana-siyana. Mibvunzo inowanzobvunzwa nenyanzvi dzisina chokwadi ndeiyi: Zvavaitenda zvingadaro zvakakonzera vanyori veEvhangeri ina kunatsiridza chokwadi chaicho here? Zvematongerwe enyika zvenzanga yechiKristu yapakuvamba zvakavaita kuti vagadzirise kana kuti kuwedzera nyaya yaJesu here? Zvikamu zvipi zvomuEvhangeri zvingangodaro zvichishumwa zvakananga panzvimbo pokuitwa ngano?

Vanhu vakarerwa munzanga isingatendi kuti kuna Mwari kana kuti yenyika vanotenda kuti Bhaibheri—Evhangeri dzichibatanidzwa—ibhuku rakazara nengano uye nyaya dzenhema. Asi vamwe vanoshamiswa nenhau yechiKristudhomu yokuteura ropa, kudzvinyirira, kusabatana, uye muitiro wokusada Mwari. Vanhu vakadaro havaoni chikonzero chokuteerera zvakanyorwa zvinonzi zvitsvene muchiKristudhomu. Vanofunga kuti simba rakabudisa chitendero chinoshora harigoni kuva chimwe chinhu kunze kwengano dzisingabatsiri.

Iwe unofungei? Unofanira kubvumira dzimwe nyanzvi dzisina chokwadi nokururama munhau kweEvhangeri kuti dziite kuti usavewo nechokwadi mupfungwa dzako here? Paunonzwa zvinotaurwa nezvokuti vanyori veEvhangeri vanonzi vaiita ngano, unofanira kubvumira izvi kuti zvikuite kuti usanyatsovimba nezvavakanyora here? Chinyorwa chechiKristudhomu chokuramba Mwari chinofanira kukuita kuti usave nechokwadi nezvokuvimbika kweEvhangeri here? Tinokukoka kuti uongorore chimwe chokwadi chacho.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Evhangeri dzine ngano here kana kuti chokwadi?

[Kwazvakatorwa]

Jesus walking on the Sea/The Doré Bible Illustrations/Dover Publications

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Background, pages 3-5 and 8: Courtesy of the Freer Gallery of Art, Smithsonian Institution, Washington, D.C.