Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Fungisisa Shoko raMwari Rouprofita Rezuva Redu

Fungisisa Shoko raMwari Rouprofita Rezuva Redu

Fungisisa Shoko raMwari Rouprofita Rezuva Redu

“Chinzwisisa, iwe mwanakomana womunhu, nokuti zvawakaratidzwa ndezvenguva yokupedzisira.”—DHANIERI 8:17.

1. Jehovha anoda kuti vanhu vose vazive chii nezvezuva redu?

JEHOVHA haavanzi zivo yezvichaitika munguva yemberi. Asi, iye Muzivisi wezvakavanzika. Chaizvoizvo, anoda kuti tose zvedu tizive kuti tava mukati-kati me“nguva yokupedzisira.” Iwayo mashoko anokosha zvakadini kuvanhu mabhiriyoni matanhatu vari kurarama pasi pano zvino!

2. Nei vanhu vane hanya nenguva yavo yemberi?

2 Zvinoshamisa here kuti nyika ino yave kuda kuguma? Munhu angafamba pamwedzi, asi munzvimbo dzakawanda haagoni kufamba mumigwagwa yepasi pano asingatyi. Angazadza musha nezvishandiso zvamazuva ano, asi haagoni kukunda kuwedzera kwedambudziko remhuri dzinoputsika. Uye angaunza nguva yemashoko akawanda, asi haagoni kudzidzisa vanhu kuti vagarisane murugare. Kukundikana uku kunotsigira uchapupu hwakawanda hwomuMagwaro hwokuti tiri kurarama munguva yokupedzisira.

3. Mashoko okuti “nguva yokupedzisira” akatanga kushandiswa rini pasi pano?

3 Mashoko iwayo anobaya mwoyo—“nguva yokupedzisira”—akatanga kushandiswa pasi pano makore anenge 2 600 apfuura nengirozi Gabrieri. Muprofita waMwari akanga avhunduka akanzwa Gabrieri achiti: “Chinzwisisa, iwe mwanakomana womunhu, nokuti zvawakaratidzwa ndezvenguva yokupedzisira.”—Dhanieri 8:17.

Iyi Ndiyo “Nguva Yokupedzisira”!

4. Bhaibheri rinotaura nezvenguva yokupedzisira nedzimwe nzira dzipi?

4 Mashoko okuti “nguva yokupedzisira” uye “nguva yakatarwa yokupedzisira” anowanikwa katanhatu mubhuku raDhanieri. (Dhanieri 8:17, 19; 11:35, 40; 12:4, 9) Ane chokuita ne“mazuva okupedzisira” akafanotaurwa naPauro. (2 Timoti 3:1-5) Jesu Kristu akataura nezvenguva iyi seyo“kuvapo” kwake saMambo akagadzwa pachigaro choUmambo mudenga.—Mateu 24:37-39.

5, 6. Ndivanaani ‘vakamhanya pose pose’ munguva yokupedzisira, uye nomugumisiroi?

5 Dhanieri 12:4 inoti: “Asi iwe Dhanieri, vanza mashoko, unamire bhuku nechisimbiso, kusvikira kunguva yokupedzisira; vazhinji vachamhanya pose pose, nezivo ichawanda.” Zvakawanda zvezvakanyorwa naDhanieri zvakavanzwa zvikanamirwa kuti vanhu vasazvinzwisisa kwemazana emakore. Asi zvakadini nanhasi?

6 Munguva ino yokupedzisira, vaKristu vakatendeka vakawanda ‘vakamhanya pose pose’ mumapeji eShoko raMwari, Bhaibheri. Mugumisiro wacho? Nechikomborero chaJehovha pane zvavaiedza kuita, zivo yechokwadi yazowanda. Somuenzaniso, Zvapupu zvaJehovha zvakazodzwa zvakakomborerwa nenzwisiso, ichiita kuti zvigone kunzwisisa kuti Jesu Kristu akava Mambo wokudenga mugore ra1914. Maererano nemashoko omuapostora akanyorwa pana 2 Petro 1:19-21, vakazodzwa vakadaro neshamwari dzavo dzakavimbika vari ‘kuteerera shoko rouprofita’ uye vane chokwadi chakakwana chokuti ino ndiyo nguva yokupedzisira.

7. Ndedzipi dzimwe nhoroondo dzinoita kuti bhuku raDhanieri rive rakasiyana nemamwe?

7 Bhuku raDhanieri rakasiyana nemamwe munzira dzakati. Mumapeji aro, mumwe mambo anotyisidzira kuuraya vanhu vake vakachenjera nokuti havagoni kuzivisa uye kududzira hope dzake dzinotemesa musoro, asi muprofita waMwari anodzidudzira. Majaya matatu ayo anoramba kunamata chifananidzo chirefu-refu anokandirwa muchoto chinopfuta zvikuru, asi anopukunyuka asina kupiswa. Pamabiko okupemberera, mazana anoona ruoko runonyora mashoko asinganzwisisiki pamadziro omuzinda wamambo. Vatengesi vakaipa vanoita kuti mumwe murume akwegura akandirwe mugomba reshumba, asi anobuda asina kana kumbonzi pferenyu zvake. Mhuka ina dzinoonekwa mune zvakaratidzwa, uye dzinonzi dzine zvadzinoreva zvechiprofita zvinosvika munguva yokupedzisira chaiyo.

8, 9. Bhuku raDhanieri ringatibatsira sei, kunyanya iye zvino, munguva yokupedzisira?

8 Zviri pachena kuti bhuku raDhanieri rine marudzi maviri enyaya dzakasiyana zvikuru. Imwe yacho inhoroondo, imwe yacho uprofita. Dzose dzinogona kuvaka kutenda kwedu. Nhoroondo dzinotiratidza kuti Jehovha Mwari anokomborera vanoramba vakatendeka kwaari. Uye zvikamu zvouprofita zvinovaka kutenda nokuratidza kuti Jehovha anoziva zvichaitika munhau mazana emakore—kunyange zviuru—zvichigere kuitika.

9 Uprofita hwakasiyana-siyana hwakanyorwa naDhanieri hunotiita kuti tifunge nezvoUmambo hwaMwari. Sezvatinocherechedza kuzadzika kwouprofita hwakadaro, kutenda kwedu kunosimbiswa uye ndozvinoitawo chivimbo chedu chokuti tiri kurarama munguva yokupedzisira. Asi vamwe vatsoropodzi vanodenha Dhanieri, vachiti uprofita huri mubhuku rine zita rake hwakanyatsonyorwa zviitiko zvaiita sezvaihuzadzika zvatoitika. Kana kutaura kwakadaro kuri kwechokwadi, izvozvo zvaizomutsa mibvunzo yakaoma pamusoro pezvakafanotaurwa nebhuku raDhanieri maererano nenguva yokupedzisira. Vatsoropodzi havanawo chokwadi nenhoroondo dzebhuku racho. Saka ngationgororei.

Riri Kutongwa!

10. Bhuku raDhanieri rinopomerwa mupfungwai?

10 Zvifungidzire uri mudare redzimhosva, wauyira kutongwa kweimwe mhaka. Mutongi anoramba achiti munhu ari kupomerwa ane mhaka yokubiridzira. Naizvozvo, bhuku raDhanieri rinozviti ibhuku rechokwadi rakanyorwa nomuprofita wechiHebheru akararama muzana remakore rechinomwe nerechitanhatu B.C.E. Zvisinei, vatsoropodzi vanoti bhuku racho manyepo. Saka ngatitangei kuona kana chikamu chenhoroondo yebhuku racho chichipindirana nenhau dzechokwadi dzakaitika.

11, 12. Chii chakaitika kukupomera kwokuti Bhershazari aingova zvake munhu wokunyepedzera?

11 Ngatitii tambofunga nezveinganzi nhau yamambo asipo. Dhanieri chitsauko 5 chinoratidza kuti Bhershazari akanga achitonga samambo muBhabhironi pakakundwa guta racho muna 539 B.C.E. Vatsoropodzi vakapokana nepfungwa iyi nokuti hapana kumwe kwaiwanikwa zita raBhershazari kunze kwomuBhaibheri. Asi, vanyori vekare venhau dzakaitika vakazivisa kuti Nabhonidhasi ndiye aiva mambo wokupedzisira weBhabhironi.

12 Zvisinei, mugore ra1854 tumwe tumagaba twevhu twakafukunurwa mumatongo eguta reUri reBhabhironi rekare muIraq yemazuva ano. Magwaro aya akanyorwa nechicuneiform aibatanidza munyengetero mauri Mambo Nabhonidhasi akataura nezva“Bel-sar-ussur, mwanakomana wangu mukuru.” Kunyange vatsoropodzi vaifanira kubvuma kuti: Uyu ndiye akanga ari Bhershazari womubhuku raDhanieri. Saka uyu mambo asipo hakusi kuti akanga asipo chaizvoizvo, akanga asati ava kungozivikanwa mumabhuku enyika. Uhwu hunongova humwe hwouchapupu hwakawanda hwokuti zvakanyorwa zvaDhanieri ndezvechokwadi chaizvoizvo. Uchapupu hwakadaro hunoratidza kuti bhuku raDhanieri zvechokwadi chikamu cheShoko raMwari rakafanira kunyatsofungisiswa nesu iye zvino, munguva yokupedzisira.

13, 14. Nebhukadhinezari aiva ani, uye akanga akanyanya kuzvipira kuna mwari upi wenhema?

13 Chinhu chinokosha zvikuru chebhuku raDhanieri ndihwo uprofita hunobatanidza kutevedzana kwemasimba enyika nezviito zvevamwe vevatongi vawo. Mumwe wevatongi vacho anganzi murwi akavaka umambo. Somugari wenhaka woumambo hweBhabhironi, iye neuto rake vakaparadza mauto aFarao Neko weIjipiti paKarkemishi. Asi shoko rakagombedzera muchinda anokunda weBhabhironi kusiyira zviito zvokupedzisira kuvatungamiriri vemauto ake. Ranzwa kuti baba varo, Nabopolassar, vakanga vafa, jaya iri rainzi Nebhukadhinezari rakagara pachigaro choumambo muna 624 B.C.E. Mukutonga kwaro kwemakore 43, rakavaka umambo hwaibatanidza nharaunda dzaichimbova dzeAsiria, uye rakakudza nzvimbo yaro kupinda muSiriya neParestina kuburukira kumuganhu weIjipiti.

14 Mune zvokunamata, Nebhukadhinezari akanga akanyanya kuzvipira kuna Marduk, mwari mukuru weBhabhironi. Mambo aiti Marduk ndiye aimukundisa pose paaikunda. MuBhabhironi, Nebhukadhinezari akavaka uye akashongedza temberi dzaMarduk nedzevamwe vamwari vakawanda vomuBhabhironi. Chifananidzo chendarama chakamiswa namambo uyu weBhabhironi pabani reDhura chingave chaiva chakatsaurirwa kuna Marduk. (Dhanieri 3:1, 2) Uye Nebhukadhinezari anoita seaivimba zvikuru nokushopera mukuronga kufamba kwaaizoita muhondo.

15, 16. Nebhukadhinezari akaitirei Bhabhironi, uye chii chakaitika paakaganza nezvoukuru hwake?

15 Nokupedzisa masvingo eBhabhironi akasimba aiva maviri ayo baba vake vakanga vatanga kuvaka, Nebhukadhinezari akaita kuti guta guru racho riite sokuti haringapindiki. Kuti afadze mambokadzi wake wechiMedhia, uyo aida zvikomo nemasango zvokumusha kwake, Nebhukadhinezari anonzi akavaka mapindu airembera—chimwe chezvishamiso zvinomwe zvenyika yekare. Akaita kuti Bhabhironi rive guta guru kupfuura mamwe ose aiva nemasvingo epanguva iyoyo. Uye aidada sei nechigaro ichocho chokunamata kwenhema!

16 “Ko iri harizi Bhabhironi, guta guru, randakavaka ini . . . here?”, akaganza kudaro Nebhukadhinezari rimwe zuva. Zvisinei, maererano naDhanieri 4:30-36, apo “shoko iri rakanga richiri mumuromo wamambo,” akabva atanga kupenga. Asingachakodzeri kutonga kwemakore manomwe, akadya uswa, sezvakanga zvangofanotaurwa naDhanieri. Zvadaro, umambo hwake hwakadzorerwa. Unoziva here kuti uprofita hunoti zvose izvi zvinorevei? Ungatsanangura here kuti kuzadzika kwahwo kukuru kunotisvitsa sei kunguva yokupedzisira chaiyo?

Kuunganidza Nhau Dzouprofita

17. Ungarondedzera sei hope dzouprofita dzakatumirwa Nebhukadhinezari naMwari mugore rechipiri rokutonga kwake somutongi wenyika?

17 Zvino ngatiunganidzei dzimwe nhau dzouprofita dziri mubhuku raDhanieri. Mugore rechipiri rokutonga kwaNebhukadhinezari somutongi wenyika wouprofita hweBhaibheri (606/605 B.C.E.), Mwari akamutumira hope dzinotyisa. Maererano naDhanieri chitsauko 2, hope dzacho dzaisanganisira chifananidzo chihombe kwazvo chaiva nomusoro wendarama, chipfuva nemaoko zvesirivha, dumbu nezvidya zvendarira, makumbo edare, uye tsoka dzedare rakasangana nevhu. Mativi akasiyana-siyana echifananidzo chacho aimirirei?

18. Chii chaimirirwa nomusoro wendarama, chipfuva nemaoko zvesirivha, uye dumbu nezvidya zvendarira zvechifananidzo chomuhope?

18 Muprofita waMwari akaudza Nebhukadhinezari kuti: “Imi mambo, . . . imi ndimi musoro wendarama.” (Dhanieri 2:37, 38) Nebhukadhinezari akatungamirira imba youmambo yaitonga Umambo hweBhabhironi. Hwakakurirwa nevaMedhia nevaPersia, avo vaimirirwa nechipfuva nemaoko zvesirivha zvechifananidzo. Hwakatevera hwaiva Umambo hweGirisi, hwaimirirwa nedumbu nezvidya zvendarira. Simba renyika iroro rakatanga sei?

19, 20. Alexander Mukuru aiva ani, uye ibasai raakaita kuti Girisi ive simba renyika?

19 Muzana remakore rechina B.C.E., rimwe jaya rakaita zvinokosha mukuzadzika kwouprofita hwaDhanieri. Rakaberekwa muna 356 B.C.E., uye nyika yakazomudana kuti Alexander Mukuru. Baba vake, Philip, vaurayirwa chigaro muna 336 B.C.E., Alexander aive nemakore 20 akagara nhaka yechigaro choumambo hweMakedhoniya.

20 Kutanga kwaMay wa334 B.C.E., Alexander akatanga bishi rokukunda. Akanga ane uto duku asi rine unyanzvi revarwi vetsoka 30 000 uye nevarwi 5 000 vemabhiza. PaRwizi Granicus kumusoro kwakadziva kumadokero kweAsia Minor (zvino yava Turkey), Alexander akakunda hondo yake yokutanga nevaPersia muna 334 B.C.E. Pakazosvika 326 B.C.E., uyu mukundi asinganeti akanga avakunda uye akanga asvika kure kumabvazuva kuRwizi Indus, rwuri muPakistan yemazuva ano. Asi Alexander akakurirwa muhondo yake yokupedzisira ari kuBhabhironi. Musi waJune 13, 323 B.C.E., angorarama makore 32 nemwedzi misere, akabvuma kukundwa nomuvengi asingakundiki, rufu. (1 VaKorinde 15:55) Zvisinei, nemhaka yokukunda kwake, Girisi yakanga yava simba renyika, sezvakanga zvakafanotaurwa muuprofita hwaDhanieri.

21. Kuwedzera kuUmambo hweRoma, isimba renyika ripi raifananidzirwa nemakumbo edare echifananidzo chomuhope?

21 Chii chinofananidzirwa nemakumbo edare echifananidzo chihombe kwazvo? Yakanga iri Roma yakaita sedare yakapwanya ndokuparadza Umambo hweGirisi. Vasingaremekedzi Umambo hwaMwari hwakaziviswa naJesu Kristu, vaRoma vakamuurayira padanda rokutambudzikira muna 33 C.E. Ichiedza kuparadza chiKristu chechokwadi, Roma yakatambudza vadzidzi vaJesu. Zvisinei, makumbo edare echifananidzo chomuhope dzaNebhukadhinezari aisafananidzira Umambo hweRoma chete asiwo bukira rahwo rezvematongerwe enyika—Simba Renyika reEngland neAmerica.

22. Chifananidzo chomuhope chinotibatsira sei kuona kuti tava mukati-kati menguva yokupedzisira?

22 Kunyatsodzidza kunoratidza kuti tava mukati-kati menguva yokupedzisira, nokuti tasvika kutsoka dzechifananidzo chedare neivhu. Dzimwe hurumende dzemazuva ano dzakaita sedare kana kuti dzine chisimba, nepo dzimwe dzakaita seivhu. Pasinei zvapo nokusatana kuputsika kweivhu, iro “marudzi avanhu” akaumbwa naro, kutonga kwakaita sedare kwakamanikidzwa kuita kuti vanhuwo zvavo vave nezvavanotaura muhurumende dziri kuvatonga. (Dhanieri 2:43; Jobho 10:9) Chokwadi, kutonga kwechisimba nevanhuwo zvavo hazvimbonamatirani sezvinongoita dare neivhu. Asi Umambo hwaMwari huchakurumidza kugumisa nyika yakaita umwanda-mwanda mune zvematongerwe enyika.—Dhanieri 2:44.

23. Ungatsanangura sei hope dzaDhanieri uye zvaakaratidzwa mugore rokutanga rokutonga kwaBhershazari?

23 Chitsauko chechinomwe chouprofita hwaDhanieri hune simba chinotisvitsawo munguva yomugumo. Chinorondedzera chakaitika mugore rokutanga raBhershazari Mambo weBhabhironi. Panguva iyoyo ave nemakore 70, Dhanieri aka“rota, akaratidzwa zvimwe mumusoro make ari panhoo dzake.” Zvaakaratidzwa izvozvo zvakamuvhundutsa kwazvo! “Tarirai!” anodaro. “Mhepo ina dzokudenga dzakamutsa gungwa guru. Mhuka huru ina dzikakwira dzichibuda mugungwa, dzisina kufanana.” (Dhanieri 7:1-8, 15) Imhuka dzinoshamisa kwazvo! Yokutanga ishumba ine mapapiro, uye yechipiri yakafanana nebheya. Kwozouya ingwe ine mapapiro mana nemisoro mina! Mhuka yechina yakasimba kwazvo ine mazino makuru edare nenyanga gumi. Pakati penyanga dzayo gumi panobuda runyanga “ruduku” rune “meso omunhu, nomuromo wakanga uchitaura zvinhu zvikuru.” Zvisikwa zvokufananidzira!

24. Maererano naDhanieri 7:9-14, Dhanieri anoonei mudenga, uye zvakaratidzwa izvi zvinotaura nezvei?

24 Zvakaratidzwa zvaDhanieri zvinobva zvava zvokudenga. (Dhanieri 7:9-14) “Akakwegura pamazuva,” Jehovha Mwari, anoonekwa agere ane mbiri pachigaro choumambo soMutongi. ‘Zviuru zvezviuru zvinomushumira, uye zviuru zvine gumi zvakapetwa kane zviuru zvine gumi zvinoramba zvimire pamberi pake.’ Achitonga mhuka idzi zvakaomarara, Mwari anodzitorera ushe obva aparadza mhuka yechina. Ushe husingaperi pa“vanhu vose namarudzi ose namarimi ose” hunopiwa “mumwe akafanana nomwanakomana womunhu.” Izvi zvinotaura nezvenguva yokupedzisira uye kugadzwa pachigaro choumambo kwoMwanakomana womunhu, Jesu Kristu, mugore ra1914.

25, 26. Mibvunzoi ingamuka patinorava bhuku raDhanieri, uye ibhuku ripi ringabatsira kuipindura?

25 Varavi vebhuku raDhanieri havamboregi kuva nemibvunzo. Somuenzaniso, chii chinomirirwa nemhuka ina dzaDhanieri chitsauko 7? Ndeipi tsananguro youprofita hwe“vhiki dzine makumi manomwe” dzinodudzwa pana Dhanieri 9:24-27? Zvakadini naDhanieri chitsauko 11 uye kurwisana kwouprofita kwa“mambo wokumusoro” na“mambo wezasi”? Tingatarisira chii kumadzimambo aya munguva yokupedzisira?

26 Jehovha akaita kuti vashumiri vake vakazodzwa vari pasi pano, “vatsvene voWokumusoro-soro,” sokutaurwa kwavanoitwa pana Dhanieri 7:18 vanzwisise zvinhu zvakadaro. Uyezve, “muranda akatendeka, akangwara” akaita gadziriro yokuti tinzwisise zvimwe zvakawanda pane zvakanyorwa nomuprofita Dhanieri zvakafuridzirwa. (Mateu 24:45) Zvino izvi zviri kuwanikwa nokubudiswa kwebhuku rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri! kwakaitwa munguva pfupi ichangobva kupfuura. Iri bhuku rine mifananidzo yakaisvonaka remapeji 320 rinotaura chikamu chiri chose chiri mubhuku raDhanieri. Rinotaura nezvouprofita hwoga hwoga hunovaka kutenda uye nhoroondo dzose dzakanyorwa nomuprofita anodiwa Dhanieri.

Zvarinoreva Chaizvoizvo Nokuda Kwezuva Redu

27, 28. (a) Chii chiri chechokwadi nezvokuzadzika kwouprofita huri mubhuku raDhanieri? (b) Tiri kurarama munguva ipi, uye tinofanira kuitei?

27 Funga nezvepfungwa iyi inokosha: Uprofita hwose huri mubhuku raDhanieri hwakazadzika kunze kwemashoko mashoma. Somuenzaniso, zvino tava kuona mamiriro ezvinhu zvenyika anoratidzwa netsoka dzechifananidzo chomuhope chaDhanieri chitsauko 2. Chigutsa chomuti waDhanieri chitsauko 4 chakasunungurwa pakagadzwa Mambo ari Mesiya, Jesu Kristu, pachigaro choumambo mugore ra1914. Hungu, sezvakafanotaurwa muna Dhanieri chitsauko 7, panguva iyoyo Akakwegura Pamazuva akapa ushe kuMwanakomana womunhu.—Dhanieri 7:13, 14; Mateu 16:27–17:9.

28 Mazuva 2 300 omuna Dhanieri chitsauko 8 pamwe namazuva 1 290 uye mazuva 1 335 omuchitsauko 12 ose akapfuura—ari shure kwedu nokufamba kuri kuita nguva. Kudzidza Dhanieri chitsauko 11 kunoratidza kuti kurwisana kwa“mambo wokumusoro” na“mambo wezasi” kwasvika kumatanho okupedzisira. Zvose izvi zvinowedzera uchapupu hweMagwaro hwokuti zvino tava mukati-kati menguva yokupedzisira. Uchifunga nezvenzvimbo yedu yakasiyana neyevamwe mukufamba kuri kuita nguva, tinofanira kutsunga kuitei? Pasina mubvunzo, tinofanira kufungisisa shoko raJehovha Mwari rouprofita.

Ungapindura Sei?

• Mwari anoda kuti vanhu vose vazive chii nezvezuva redu?

• Bhuku raDhanieri ringavaka sei kutenda kwedu?

• Chifananidzo chomuhope dzaNebhukadhinezari chine mativi api, uye iwayo akafananidzira chii?

• Chii chinokosha pamusoro pokuzadzika kwouprofita huri mubhuku raDhanieri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]