Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iva Nokutenda Mushoko raMwari Rouprofita!

Iva Nokutenda Mushoko raMwari Rouprofita!

Iva Nokutenda Mushoko raMwari Rouprofita!

“Tine shoko rouprofita rakaitwa kuti rive rechokwadi zvikuru.”—2 PETRO 1:19.

1, 2. Uprofitai hwokutanga hwati hwambonyorwa, uye ndoupi mumwe wemibvunzo yahwakamutsa?

JEHOVHA ndiye aiva Muvambi wouprofita hwokutanga hwati hwambonyorwa. Adhamu naEvha vatadza, Mwari akaudza nyoka kuti: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake; irwo ruchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.” (Genesi 3:1-7, 14, 15) Mazana emakore aizopfuura mashoko iwayo ouprofita asati anyatsonzwisiswa.

2 Uprofita hwokutanga ihwohwo hwaiva netariro chaiyoiyo yevanhu vanotadza. Magwaro gare gare akazivisa Satani Dhiyabhorosi se“nyoka yepakutanga.” (Zvakazarurwa 12:9) Asi ndiani aizova Mbeu yaMwari yakapikirwa?

Kutsvaka Mbeu

3. Abheri akatenda sei uprofita hwokutanga?

3 Kusiyana nababa vake, Abheri aida Mwari akatenda uprofita hwokutanga. Sezviri pachena Abheri akaziva kuti kuteurwa kweropa kwaizodiwa kufukidza chivi. Naizvozvo kutenda kwakamuita kuti ape chibayiro chemhuka icho chakagamuchirwa naMwari. (Genesi 4:2-4) Asi, kuzivikanwa kweMbeu yakapikirwa kwakaramba kwakavanzika.

4. Mwari akapa Abrahamu chipikirwai, uye chakaratidza chii maererano neMbeu yakapikirwa?

4 Makore 2 000 pashure pezuva raAbheri, Jehovha akapa tateguru Abrahamu chipikirwa ichi chouprofita chinoti: “Ndichakuropafadza kwazvo, ndichawanza vana vako kwazvo senyeredzi dzokudenga . . . ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako.” (Genesi 22:17, 18) Mashoko iwayo akabatanidza Abrahamu nokuzadzika kwouprofita hwokutanga. Akaratidza kuti Mbeu yaizoparadza mabasa aSatani yaizobuda mudzinza raAbrahamu. (1 Johani 3:8) “Nemhaka yechipikirwa chaMwari [Abrahamu] haana kuzununguka mukusava nokutenda” uye kunyange zvapupu zvaJehovha zvakatangira chiKristu, izvo zvisi“na kuwana kuzadzika kwechipikirwa.” (VaRoma 4:20, 21; VaHebheru 11:39) Asi, zvakaramba zvichitenda shoko raMwari rouprofita.

5. Chipikirwa chaMwari cheMbeu chakazadzika muna ani, uye nei uchipindura saizvozvo?

5 Muapostora Pauro akazivisa Mbeu yaMwari yakapikirwa paakanyora kuti: “Zvipikirwa zvakataurwa kuna Abrahamu nokumbeu yake. Hachiti: ‘Uye kumbeu dzako,’ sokune dzakawanda dzakadaro, asi sokune imwe chinoti: ‘Uye kumbeu yako,’ uyo ari Kristu.” (VaGaratiya 3:16) Mbeu iyo marudzi aizozvikomborera nayo haina kubatanidza vana vose vaAbrahamu. Vazukuru vomwanakomana wake Ishmaeri uye vevanakomana vake naKetura havana kushandiswa kukomborera vanhu. Mbeu yechikomborero yakauya nokumwanakomana wake Isaka uye muzukuru wake Jakobho. (Genesi 21:12; 25:23, 31-34; 27:18-29, 37; 28:14) Jakobho akaratidza kuti “vanhu” vaizoteerera Shiro wedzinza raJudha, asi Mbeu yacho gare gare yakaganhurirwa kudzinza raDhavhidhi. (Genesi 49:10; 2 Samueri 7:12-16) VaJudha vomuzana remakore rokutanga vaitarisira kuti munhu mumwe auye saMesiya, kana kuti Kristu. (Johani 7:41, 42) Uye uprofita hwaMwari hweMbeu hwakazadzika muMwanakomana wake, Jesu Kristu.

Mesiya Anoonekwa!

6. (a) Tinofanira kunzwisisa sei uprofita hwevhiki 70? (b) Jesu “akagumisa zvivi” rini uye sei?

6 Muprofita Dhanieri akanyora uprofita hwaMesiya hunokosha. Mugore rokutanga raDhariusi muMedhia, akaziva kuti kuitwa dongo kweJerusarema kwemakore 70 kwakanga kwava kuda kupera. (Jeremia 29:10; Dhanieri 9:1-4) Dhanieri paainyengetera, ngirozi Gabrieri yakauya ndokuzivisa kuti ‘vhiki dzine makumi manomwe dzakanga dzatemerwa kugumisa zvivi.’ Mesiya aizobviswa pakati pevhiki yechimakumi manomwe. “Vhiki dzine makumi manomwe dzemakore” dzakatanga muna 455 B.C.E. Mambo wePersia Artashasta I pa‘akatumira shoko rokuvakazve Jerusarema.’ (Dhanieri 9:20-27; Moffatt; Nehemia 2:1-8) Mesiya aizouya kwapera vhiki nomwe nevhiki 62. Aya makore 483 akatanga muna 455 B.C.E. kusvika muna 29 C.E., pakabhabhatidzwa Jesu uye paakazodzwa naMwari saMesiya, kana kuti Kristu. (Ruka 3:21, 22) Jesu ‘akagumisa zvivi’ nokupa upenyu hwake sorudzikinuro muna 33 C.E. (Mako 10:45) Chikonzero chakanaka zvakadini chokuva nokutenda mushoko raMwari rouprofita! *

7. Uchishandisa Magwaro, dudza kuti Jesu akazadzika sei uprofita hwaMesiya.

7 Kutenda mushoko raMwari rouprofita kunoita kuti zvitiitire nyore kuziva Mesiya. Pauprofita hwaMesiya hwakawanda hwakanyorwa muMagwaro echiHebheru, hwakawanda hwakashandisirwa kuna Jesu zvakananga nevanyori veMagwaro echiKristu echiGiriki. Kuenzanisira: Jesu akaberekwa nemhandara muBheterehema. (Isaya 7:14; Mika 5:2; Mateu 1:18-23; Ruka 2:4-11) Akadanwa kuti abude muIjipiti, uye vana vakaurayiwa pashure pokuberekwa kwake. (Jeremia 31:15; Hosea 11:1; Mateu 2:13-18) Jesu akatakura zvirwere zvedu. (Isaya 53:4; Mateu 8:16, 17) Sezvakafanotaurwa, akapinda muJerusarema akatasva mwana wembongoro. (Zekaria 9:9; Johani 12:12-15) Mashoko omunyori wepisarema akazadzika Jesu arovererwa, varwi pavakagovana nguo dzake pakati pavo uye vachikanda mijenya nokuda kwechipfeko chake chomukati. (Pisarema 22:18; Johani 19:23, 24) Chokwadi chokuti mapfupa aJesu haana kugurwa uye kuti akabayiwa chinozadzikawo uprofita. (Pisarema 34:20; Zekaria 12:10; Johani 19:33-37) Iyi inongova mienzaniso mishoma youprofita hwaMesiya hwakashandisirwa kuna Jesu nevanyori veBhaibheri vakafuridzirwa naMwari. *

Rumbidzai Mambo Ari Mesiya!

8. Akakwegura Pamazuva ndiani, uye uprofita hwakanyorwa pana Dhanieri 7:9-14 hwakazadzika sei?

8 Mugore rokutanga raMambo weBhabhironi Bhershazari, Jehovha akapa muprofita wake Dhanieri hope nezvakaratidzwa zvinoshamisa. Muprofita wacho akatanga kuona mhuka huru ina. Ngirozi yaMwari yakadzizivisa se“madzimambo mana,” nokudaro, achiratidza kuti dzaifananidzira masimba enyika anotevedzana. (Dhanieri 7:1-8, 17) Shure kweizvi Dhanieri anoona Jehovha, “Akakwegura Pamazuva,” akagara ane mbiri pachigaro choumambo. Achitonga mhuka dzacho zvakaomarara, akadzitorera simba rokutonga ndokuparadza mhuka yechina. Kutonga nokusingaperi “vanhu vose, namarudzi ose namarimi ose” zvakapiwa “mumwe akafanana nomwanakomana womunhu.” (Dhanieri 7:9-14) Uprofita hunoshamisa zvakadini hune chokuita nokugadzwa pachigaro choumambo kwo“Mwanakomana womunhu,” Jesu Kristu, mumatenga mugore ra1914!—Mateu 16:13.

9, 10. (a) Mativi akasiyana-siyana echifananidzo chomuhope airevei? (b) Ungatsanangura sei kuzadzika kwaDhanieri 2:44?

9 Dhanieri aiziva kuti Mwari “anobvisa madzimambo, nokugadza madzimambo.” (Dhanieri 2:21) Nokutenda muna Jehovha, ‘Muzivisi wezvakavanzika,’ muprofita wacho akawadzanyura zvaireva chifananidzo chikuru zvikuru chomuhope dzaNebhukadhinezari Mambo weBhabhironi. Mativi acho akasiyana-siyana aireva kumuka nokuwa kwemasimba enyika akadai seBhabhironi, Medhia nePersia, Girisi, uye Roma. Mwari akashandisawo Dhanieri kuti arondedzere zviitiko zvenyika kusvika kunguva yedu uye kupfuura.—Dhanieri 2:24-30.

10 “Namazuva amadzimambo iwayo,” uprofita hwacho hunodaro, “Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.” (Dhanieri 2:44) Apo “nguva dzakatemwa dzemamwe marudzi” dzakaguma muna 1914, Mwari akagadza Umambo hwokudenga pasi paKristu. (Ruka 21:24; Zvakazarurwa 12:1-5) Nesimba raMwari Umambo hwaMesiya “ibwe” rakavezwa mu“gomo” rouchangamire hwaJehovha hwapose-pose. PaArmagedhoni ibwe iroro richarova chifananidzo ndokuchikuya kuva upfu. Segomo rehurumende rinodzora “pasi pose,” Umambo hwaMesiya huchamira nokusingaperi.—Dhanieri 2:35, 45; Zvakazarurwa 16:14, 16. *

11. Kushanduka chitarisiko kwaJesu kwaiva kufanoonwa kwechii, uye chakaratidzwa ichocho chakarevei kuna Petro?

11 Achifunga nezvokutonga kwoUmambo hwake, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Pane vamwe vevamire pano vasingazomboraviri rufu kusvikira vatanga vaona Mwanakomana womunhu achiuya muumambo hwake.” (Mateu 16:28) Mazuva matanhatu gare gare, Jesu akaenda naPetro, Jakobho, naJohani kugomo refu kwaakashanduka chitarisiko pamberi pavo. Sezvo gore raipenya rakafukidza vaapostora, Mwari akazivisa kuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera; muteererei.” (Mateu 17:1-9; Mako 9:1-9) Kufanoonwa kwembiri yoUmambo hwaKristu kwakadini! Hazvishamisi kuti Petro akataura nezvezvakaratidzwa izvozvo zvinoshamisa achibva ati: “Naizvozvo tine shoko rouprofita rakaitwa kuti rive rechokwadi zvikuru.”—2 Petro 1:16-19.  *

12. Nei iyi iri nguva zvikurukuru yokuratidza kutenda kwedu mushoko raMwari rouprofita?

12 “Shoko rouprofita” sezvinooneka haringobatanidzi uprofita hweMagwaro echiHebheru hunotaura nezvaMesiya chete asiwo mashoko aJesu okuti aizouya “nesimba nembiri huru.” (Mateu 24:30) Kushanduka chitarisiko kwakasimbisa shoko rouprofita rinotaura nezvokuuya kwaKristu kune mbiri musimba roUmambo. Munguva pfupi iri kutevera, kuziviswa kwake mumbiri kuchareva kuparadzwa kwevasina kutenda uye kukomborerwa kwevane kutenda. (2 VaTesaronika 1:6-10) Kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri kunoratidza kuti ano “mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1-5, 16, 17; Mateu 24:3-14) Somuurayi Mukuru waJehovha, Mikaeri, uyo ari Jesu Kristu, agadzirira kuparadza gadziriro ino yezvinhu yakaipa mu“kutambudzika kukuru.” (Mateu 24:21; Dhanieri 12:1) Saka, ino zvechokwadi ndiyo nguva yokuratidza kuti tine kutenda mushoko raMwari rouprofita.

Ramba Uchitenda Shoko raMwari Rouprofita

13. Chii chingatibatsira kuramba tichida Mwari ndokuchengeta kutenda kwatinoita shoko rake kuri kupenyu?

13 Chokwadi, takafara patakatanga kudzidza nezvokuzadzika kweshoko raMwari rouprofita. Asi kubva ipapo kutenda kwedu kwakaderera uye rudo rwedu rwakatonhora here? Ngatisamboita sevaKristu vaiva muEfeso avo ‘vakasiya rudo rwavaiva narwo pakutanga.’ (Zvakazarurwa 2:1-4) Pasinei nokuti takashumira Jehovha kwenguva yakareba sei, tinogona kurasikirwa zvakadaro kunze kwokuti tika‘ramba tichitanga kutsvaka umambo hwaMwari nokururama kwake’ kuti tigounganidza pfuma mudenga.’ (Mateu 6:19-21, 31-33) Kudzidza Bhaibheri kwokushingaira, kutsinhira nguva dzose pamisangano yechiKristu, uye kushingaira mubasa rokuparidza Umambo, zvichatibatsira kuramba tichida Jehovha, Mwanakomana wake, uye Magwaro. (Pisarema 119:105; Mako 13:10; VaHebheru 10:24, 25) Izvi zvichachengetawo kutenda kwatinoita shoko raMwari kuri kupenyu.—Pisarema 106:12.

14. VaKristu vakazodzwa vanopiwa sei mubayiro wavo wokutenda mushoko raJehovha rouprofita?

14 Sokungozadzika kwakaita shoko raMwari rouprofita munguva yakapfuura, saka tinogona kuva nokutenda mune zvarinofanotaura nokuda kwenguva yemberi. Somuenzaniso, kuvapo kwaKristu mumbiri yoUmambo zvino chinhu chaichoicho, uye vaKristu vakazodzwa vakanga vakatendeka kusvika pakufa vakaona kuzadzika kwechipikirwa chouprofita chokuti: “Anokunda ndichamubvumira kuti adye zvomuti woupenyu, uri muparadhiso yaMwari.” (Zvakazarurwa 2:7, 10; 1 VaTesaronika 4:14-17) Jesu anopa vanokunda ropafadzo yo“kudya zvomuti woupenyu” mu“paradhiso yaMwari” yokudenga. Mukumutswa kwavanoitwa uye nokuna Jesu Kristu, vanowana kusafa uye kusaora kunopiwa naJehovha, “Mambo asingagumi, asingaori, asingaoneki, Mwari bedzi.” (1 Timoti 1:17; 1 VaKorinde 15:50-54; 2 Timoti 1:10) Mubayiro wakaisvonaka zvakadini wokuda kwavanoita Mwari kusingaperi uye wokutenda kwavo kusingazununguki mushoko rake rouprofita!

15. Nheyo ye“pasi idzva” yakaiswa muna vanaani, uye ndivanaani vari shamwari dzavo?

15 Vakazodzwa vakafa vakatendeka vachangomutsirwa ku“paradhiso yaMwari” yokudenga, vakasara vaIsraeri womudzimu vari pasi pano vakasunungurwa mu“Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika hwechitendero chenhema. (Zvakazarurwa 14:8; VaGaratiya 6:16) Mavari nheyo ye“pasi idzva” yakaiswa. (Zvakazarurwa 21:1) “Nyika” yakaberekwa, uye yakavakwa kuva paradhiso yomudzimu yakapararira pasi rose nhasi. (Isaya 66:8) Shamwari dzakawanda dzaIsraeri womudzimu dzakaita semakwai dziri kudirana mairi iye zvino, mu“mazuva okupedzisira.”—Isaya 2:2-4; Zekaria 8:23; Johani 10:16; Zvakazarurwa 7:9.

Nguva Yemberi Yevanhu Yakafanotaurwa muShoko raMwari Rouprofita

16. Vatsigiri vakavimbika vevakazodzwa vanotarisira chii?

16 Vatsigiri vakavimbika vevakazodzwa vanotarisira chii? Ivowo vanotenda mushoko raMwari rouprofita, uye vane tariro yokupinda muParadhiso yepasi. (Ruka 23:39-43) Imomo vachanwa kubva mu“rwizi rwemvura youpenyu” rwunotsigira upenyu uye vacharapwa ne“mashizha emiti” akarimwa murutivi marwo. (Zvakazarurwa 22:1, 2) Kana une tariro inoshamisa zvakadaro, ungaramba uchiratidza kuda Jehovha zvikuru uye kutenda mushoko rake rouprofita. Iva pakati peavo vane mufaro mukuru kwazvo woupenyu husingaperi muParadhiso yepasi.

17. Upenyu muParadhiso yepasi huchabatanidza zvikomboreroi?

17 Vanhu vasina kukwana havakwanisi kunyatsotsanangura upenyu muParadhiso yepasi iri kuuya, asi shoko raMwari rouprofita rinoita kuti tinzwisise zvikomborero zvinenge zvakachengeterwa vanhu vanoteerera. Apo Umambo hwaMwari hunotonga husingashorwi uye kuda kwake kunoitwa pasi pano sezvakunoitwa kudenga, panenge pasina vanhu vanotyisa—aiwa, kunyange mhuka—zvicha“kuvadz[a] kana kuparadza.” (Isaya 11:9; Mateu 6:9, 10) Vanyoro vachagara pasi pano, uye “vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:11) Hapazovi nemhomho yevanhu vanorumwa nenzara, nokuti “kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.” (Pisarema 72:16) Misodzi yokusuruvara haizobudiswi. Kurwara kuchapera, uye kunyange rufu haruzovipo. (Isaya 33:24; Zvakazarurwa 21:4) Ungafungidzira here—pasina vanachiremba, pasina mishonga, pasina zvipatara kana kuti pasina nzvimbo dzinotarisira vanhu vanorwara nepfungwa, pasina mariro. Itariro yakaisvonaka zvakadini!

18. (a) Dhanieri akavimbiswa chii? (b) “Mugove” waDhanieri uchava wei?

18 Kunyange guva ravose ravanhu richakuturwa sezvo rufu rwuchapa rumuko nzvimbo. Murume akarurama Jobho akanga ane tariro yakadaro. (Jobho 14:14, 15) Ndizvo zvakaita muprofita Dhanieri, nokuti ngirozi yaJehovha yakamupa vimbiso inonyaradza yokuti: “Asi iwe chienda hako kusvikira kuguma kwavapo; nokuti iwe uchazorora, ndokumukirazve mugove wako pakupera kwamazuva iwayo.” (Dhanieri 12:13) Dhanieri akashumira Mwari nokutendeka kusvikira kumugumo woupenyu hwake. Zvino akazorora murufu, asi acha‘muka’ “pakumuka kwevakarurama” muKutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaKristu. (Ruka 14:14) “Mugove” waDhanieri uchava wei? Mukuzadzika kwahwo kweParadhiso, uprofita hwaEzekieri hunoratidza kuti vanhu vaJehovha vose vachava nenzvimbo, kunyange nyika ichagoverwa zvisina rusaruro uye zvakarongeka. (Ezekieri 47:13–48:35) Saka Dhanieri achava nenzvimbo muParadhiso, asi mugove wake imomo uchabatanidza zvinopfuura nyika. Uchabatanidza nzvimbo yake muchinangwa chaJehovha.

19. Chii chinodiwa nokuda kwoupenyu muParadhiso yepasi?

19 Zvakadini newe nomugove wako? Kana uchitenda muShoko raMwari Bhaibheri, zviri pachena kuti unganzwa uchida upenyu muParadhiso yepasi. Ungatozvifungidzira urimo, uchinakidzwa nezvikomborero zvayo zvakawanda, uchitarisira pasi, uye uchigamuchira vakafa nomufaro. Pasinei nezvose izvi, Paradhiso ndiyo yakakodzera vanhu. Mwari akasika vanhu vaviri vokutanga kuti vagare munzvimbo yakadaro. (Genesi 2:7-9) Uye anoda kuti vanhu vanoteerera vararame nokusingaperi muParadhiso. Uchaita maererano neMagwaro here kuti ugova pakati pemabhiriyoni ayo pakupedzisira achararama paParadhiso yepasi? Unogona kuvamo kana uchida zvechokwadi Baba vedu vokudenga, Jehovha, uye uchitsungirira kutenda mushoko raMwari rouprofita.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Ona chitsauko 11 chebhuku rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri! uye “Seventy Weeks” mubhuku rinonzi Insight on the Scriptures, akabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

^ ndima 7 Ona bhuku rinonzi “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera,” mapeji 343-4, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

^ ndima 10 Ona zvitsauko 4 ne9 zvebhuku rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!

^ ndima 11 Ona nyaya inoti “Teerera Shoko raMwari Rouprofita,” iri muNharireyomurindi yaApril 1, 2000.

Ungapindura Sei?

• Ndohupi hwaiva uprofita hwokutanga, uye ndiani aiva Mbeu yakapikirwa?

• Ndohupi hwaiva humwe uprofita hwaMesiya hwakazadzika muna Jesu?

Dhanieri 2:44, 45 ichazadzika sei?

• Shoko raMwari rouprofita rinotaura nezvenguva ipi yemberi nokuda kwevanhu vanoteerera?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Unotarisira kurarama muParadhiso yepasi here?