Kuvaka Kutenda Nokufunda Bhaibheri muIndia
Tiri Vaya Vane Kutenda
Kuvaka Kutenda Nokufunda Bhaibheri muIndia
INDIA inyika yezvinhu zvakasiyana-siyana, mune zvenyika noupenyu hwayo uye zvechitendero. Inobva kuMakomo makuru eHimalaya akafukidzwa nechando ari kuchamhembe kusvika kumhenderekedzo dzeIndian Ocean dzinopfungaira dziri kumaodzanyemba. Pavagari vayo vanopfuura bhiriyoni, 83 muzana vaHindu, 11 muzana vaMuslim, uye vasara vanoumbwa zvikurukuru navaKristu vezita, vaSikh, vaBuddha, navaJain. Vose vane rusununguko rwokunamata. “Chitendero chinoita basa guru mumararamire evaIndia,” rinodaro The World Book Encyclopedia.
Zvinorarama maererano nokutenda kwazvo kwechiKristu ndizvo Zvapupu zvaJehovha, zvinopfuura 21 200 muIndia. Kufanana nevamwe vazvo vazvinonamata navo mudzimwe nyika, Zvapupu zviri muIndia zvinoiona iri ropafadzo kubatsira vavakidzani vazvo kuti vave nokutenda kwakasimba muShoko raMwari, Bhaibheri Dzvene. (2 Timoti 3:16, 17) Chimbofunga mawanire akaitwa zivo yechokwadi cheBhaibheri neimwe mhuri muChennai kumaodzanyemba kweIndia.
Isati yaonana neZvapupu zvaJehovha, mhuri iyi yakanga ichishingaira zvikuru muzviito zvesimba risinganzwisisiki zvechiKaturike, ichiti inoratidzwa zviratidzo, kutaura nendimi, uye kurapa vanorwara. Yakanga yakakurumbira muchechi uye munzanga, vanhu vaitodana dzimwe nhengo dzemhuri yacho kuti “swami,” zvichireva “ishe.” Zvino rimwe zuva Chapupu chakashanyira mhuri yacho ndokuiratidza kubva muBhaibheri kuti Jesu Mwanakomana waMwari, kwete Mwari Wemasimba Ose, sezvinotendwa nevakawanda. Chapupu chakairatidzawo kuti zita raMwari ndiJehovha uye kuti chinangwa chaJehovha nokuda kwapasi ndechokuriita paradhiso yakanaka.—Pisarema 83:18; Ruka 23:43; Johani 3:16.
Nokuti dzairemekedza Shoko raMwari uye dzakada zvadzakanzwa, nhengo dzemhuri iyi dzakabvuma kudzidza Bhaibheri nguva dzose neZvapupu zvaJehovha. Izvi zvakaita kuti dzisekwe nevadzinopinda navo chechi. Kunyange zvakadaro, mhuri yacho yakatsunga kuramba ichifunda Bhaibheri. Pakawedzera zivo yavo uye pakasimba kutenda kwavo, vakarega miitiro yavo yechitendero chenhema. Nhasi, nhengo nhatu dzemhuri iyi Zvapupu zvakabhabhatidzwa zvinoshingaira, uye amai vacho vanoshanda sapiyona webetsero pose pazvinenge zvichikwanisika.
Kutenda Kwokukurira Kuremara
Sunder Lal, jaya rinogara mumusha uri muPunjab, aida kutenda kwakakura uye ushingi kuti agovere mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kune vamwe. (Mateu 24:14) Chimwe chikonzero chakanga chiri chokuti akanga asiya kunamata vanamwari vakawanda kwemhuri nomusha wake kuti anamate Mwari wechokwadi, Jehovha. Chimwe ndechokuti, Sunder Lal haana makumbo.
Kutozosvika muna 1992, Sunder Lal aingoita zvakafanana muupenyu hwake. Aishanda somubatsiri wachiremba uye akabatana nemhuri yake mukunamata vanamwari vakawanda vachitungamirirwa nomukuru wavo wavakasarudza. Zvino humwe usiku, akadonha achiyambuka njanji. Chitima chakamutsika chikamudimbura makumbo ose nomuzvidya. Kunyange zvazvo akararama, upenyu hwake hwakakanganisika. Saka zvinonzwisisika kuti Sunder Lal akaodzwa mwoyo zvikuru uye kunyange kutofunga
kuzviuraya. Mhuri yake yaimubatsira, asi ramangwana rake raioneka risina tariro.Zvino mumwe weZvapupu zvaJehovha akashanyira Sunder Lal ndokumuratidza kubva muBhaibheri kuti Mwari akapikira kuita nyika paradhiso yakaisvonaka uye kupa utano hwakanaka kune vose vanomuda nokumutya. Sunder Lal akabvuma kudzidza Bhaibheri, uye kwegore rimwe akadzidza nokushingaira. Akakokwa kuti apinde misangano yechiKristu uye pakupedzisira akanga ave kuenda akatakurwa pabhasikoro neshamwari ari shure. Kunyange zvazvo rwakanga rwuri rwendo rwokutasva bhasikoro rwunorwadza, mubayiro wacho waive mukuru. Zvaakanga adzidza mukufunda kwake Bhaibheri pachake zvakasimbiswa paakasangana nevamwe vaitenda kwazvo zvipikirwa zveShoko raMwari uye vairarama maererano nezvinodzidziswa neBhaibheri.
Sunder Lal akatanga kuudza mashoko akanaka vavakidzani vake, uye muna 1995 akabhabhatidzwa. Pakutanga, aipinda muushumiri achizvikweva kubva pasuo nesuo mumusha waanogara, yaiva nzira yake yamazuva ose yokufamba. Asi zvino ane chipo kubva kuhama dzake dzaanonamata nadzo—bhasikoro ramavhiri matatu rakanyatsogadzirwa kuti ri“chovhwe” namaoko. Nemhaka yebhasikoro rake, zvino asununguka zvikuru uye ave kugona kufamba rwendo rwamakiromita 12 kunopinda misangano yeungano. Dzimwe nguva anochovha achipinda nomumvura ine mhepo huru; pane dzimwe nguva kupisa kunenge kuchipfuura 43°C.
Mukuwedzera pakupinda misangano, Sunder Lal anodzidza Bhaibheri nevamwe vanoda kubatsirwa kuti vavake kutenda kwakasimba muna Mwari wechokwadi, Jehovha. Kutaura zvazviri, vanhu vanomwe vaaimbodzidza navo Bhaibheri zvino vakabhabhatidzwa, sevamwe vatatu vaakashanyira asi vakazodzidza Bhaibheri nezvimwe Zvapupu.
“Kutenda” maererano neBhaibheri, “hakusi kwevanhu vose.” (2 VaTesaronika 3:2) Asi kune avo “va[no]da upenyu husingaperi,” kudzidza Shoko raMwari nguva nenguva kunogona kuvaka kutenda kwakasimba. (Mabasa 13:48) Kudzidza kwakadaro kunoitawo kuti maziso apenye netariro yenguva yemberi inoshamisa—chimwe chinhu icho vanhu vakawanda vari muIndia vari kutenda machiri.
[Mepu iri papeji 30]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
AFGHANISTAN
PAKISTAN
NEPAL
BHUTAN
CHINA
BANGLADESH
MYANMAR
LAOS
THAILAND
VIETNAM
CAMBODIA
SRI LANKA
INDIA
[Kwazvakatorwa]
Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.