Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muorivhi Wakasvibira Muimba yaMwari

Muorivhi Wakasvibira Muimba yaMwari

Muorivhi Wakasvibira Muimba yaMwari

MUNYIKA yeIsraeri, munokura mumwe muti usingaparadziki chaizvoizvo. Kunyange kana watemwa, dzinde rawo rinokurumidza kutungirazve. Uye panokohwewa muchero wawo, unobhadhara muridzi wawo namafuta akawanda anogona kushandiswa pakubika, kuvheneka, utsanana, uye zvizoro.

Maererano nomufananidzo wekare wakanyorwa mubhuku reBhaibheri raVatongi, “imwe nguva miti yakandozvizodzera mambo wayo.” Muti upi womusango wavakatanga kusarudza? Hakuna mumwe kunze kwomuorivhi unorarama makaoma uye unopa zvakawanda.—Vatongi 9:8.

Anodarika makore 3 500 akapfuura, muprofita Mosesi akarondedzera Israeri se‘nyika yakanaka, nyika yemiorivhi.’ (Dheuteronomio 8:7, 8) Kunyange nhasi, minda yemiorivhi yakapararira munzvimbo yokubva panotangira Gomo reHermon kumaodzanyemba kusvika kumapeto kweBeersheba kuchamhembe. Nanhasi inoshongedza nyika yakati sandarara iri pedyo negungwa yeSharon, mativi amakomo ane maware eSamaria, uye mipata yakaorera yeGalilee.

Kakawanda vanyori veBhaibheri vaishandisa muorivhi mupfungwa yokufananidzira. Zvinoumba muti uyu zvakashanda pakuenzanisira ngoni dzaMwari, chipikirwa chorumuko, uye upenyu hwemhuri hunofadza. Kunyatsotarisisa muorivhi kuchatibatsira kunzwisisa magwaro anotaurwa aya, uye zvichawedzera kukoshesa kwedu muti uyu wakasiyana nemimwe unobatana nezvakasikwa zvose mukurumbidza Musiki wawo.—Pisarema 148:7, 9.

Muorivhi Usina Kutsetseka

Muorivhi haunyatsofadzi pakutanga kuuona. Haurebi kufanana nemisidhari yakareba kwazvo yeLebanon. Mapango awo haakosheswi somusipresi, uye maruva awo haafadzi meso kufanana neomuamanda. (Rwiyo rwaSoromoni 1:17; Amosi 2:9) Panokosha zvikuru pomuorivhi panogara pasingaoneki—pasi pevhu. Midzi yawo yakapararira, iyo ingadzika mamita matanhatu uye yotandavara kusvika kure, ndiyo inoita kuti muti wacho ubereke kwazvo uye kuti urarame.

Midzi yakadaro inoita kuti miorivhi iri pamaware ari pamativi amakomo irarame nguva refu yokusanaya kwemvura, apo miti inenge iri mumupata nechemuzasi inenge yatofa nenyota. Midzi yacho inougonesa kuramba uchibereka maorivhi kwemazana emakore, kunyange zvazvo hunde yacho ingaratidzika kuva yakafanira kuitwa huni chete. Zvinongodiwa nomuti usina kutsetseka uyu inzvimbo yokukurira uye ivhu rinopinda mhepo kuitira kuti ufeme, kugara usina masora kana zvimwe zvinomera zvinogona kuunza tupukanana tunokuvadza. Kana izvi zvaunoda zvidukuduku zvikaitwa, muti mumwe uchapa marita 57 amafuta pagore.

Pasina kupokana, muorivhi waidiwa navaIsraeri nokuda kwemafuta awo anokosha. Marambi akanga ane tambo dzaisveta mafuta omuorivhi aivhenekera dzimba dzavo. (Revhitiko 24:2) Mafuta omuorivhi aikosha pakubika. Aidzivirira ganda pazuva, uye aigovera vaIsraeri sipo yokugezesa. Zviyo, waini, uye maorivhi ndizvo zvakanga zviri zvirimwa zvikuru zvenyika yacho. Saka kutadza kukohwa maorivhi kwaizova kurasikirwa kumhuri yechiIsraeri.—Dheuteronomio 7:13; Habhakuki 3:17.

Zvisinei, kazhinji mafuta omuorivhi akanga akawanda. Mosesi akataura nezveNyika Yakapikirwa se‘nyika yemiorivhi’ zvichida nemhaka yokuti miorivhi ndoyaiva miti yaiwanzorimwa munzvimbo yacho. Nyanzvi yemiti nemhuka yezana remakore rechi19 H. B. Tristram akatsanangura muorivhi se“mumwe wemiti yakawanda munzvimbo yacho.” Nemhaka yokukosha nokuwanda kwawo, mafuta omuorivhi aishanda semari yenyika dzakawanda inokosha munharaunda yeMediterranean yose. Jesu Kristu pachake akataura nezvechikwereti chakaverengwa kuva “marita emafuta omuorivhi zviuru zviviri nemazana maviri.”—Ruka 16:5, 6.

Semiti Yemiorivhi”

Muorivhi unobatsira unoenzanisira zvakakodzera zvikomborero zvaMwari. Munhu anotya Mwari angapiwa mubayiro wei? “Mukadzi wako uchava somuzambiringa, unobereka zvakanaka, mukati meimba yako,” akaimba kudaro munyori wepisarema. “Vana vako vachava semiti yemiorivhi, vakakomberedza tafura yako.” (Pisarema 128:3) “Miti yemiorivhi,” iyi chii uye nei munyori wepisarema achiienzanisa nevanakomana?

Muorivhi unoita zvinhu zvisiri zvenguva dzose pakuti mapazu matsva anobuda nguva nenguva kubva padzinde romuti wacho. * Muti mukuru paunenge warega kubereka michero sezvawaimboita nemhaka yokuchembera, varimi vanobvumira tumiti tushoma, kana kuti mapazi matsva, kuti akure kusvika ava hunde hombe dzomuti wacho. Papera nguva yakati, muti wokutanga unenge wave nehunde duku dzakasimba nhatu kana ina, dzakaukomberedza, kufanana nevanakomana vakakomberedza tafura. Miti iyi inobva padzinde rimwe, uye inogoverana pakubereka maorivhi akanaka.

Zvinoita muorivhi izvi zvinoenzanisira zvakakodzera kusimba kungaita vanakomana nevanasikana mukutenda, nemhaka yemidzi yokumudzimu yevabereki vavo yakasimba. Sezvo vana vanokura, vanogoveranawo mukubereka michero vachitsigira vabereki vavo, avo vanofara kuona vana vavo vachishumira Jehovha pamwe navo.—Zvirevo 15:20.

“Muti . . . Une Tariro”

Baba vakura vanoshumira Jehovha vanofara nevana vavo vanoda Mwari. Asi vana ivava vanochema apo baba vavo pakupedzisira ‘vanoenda nenzira yenyika yose.’ (1 Madzimambo 2:2) Kutibatsira kuti tikunde nhamo yemhuri yakadaro, Bhaibheri rinotivimbisa kuti kuchava norumuko.—Johani 5:28, 29; 11:25.

Jobho, baba vevana vakawanda, ainyatsoziva kupfupika kwourefu hwoupenyu hwomunhu. Akahuenzanisa neruva rinokurumidza kusvava. (Jobho 1:2; 14:1, 2) Jobho akada kufa senzira yokutiza kurwadziwa kwake, achiona guva senzvimbo yokuvanda yaaizodzoka. “Kana munhu achinge afa, ungararamazve here?”akabvunza kudaro Jobho. Ipapo akabva apindura nechivimbo kuti: “Ndaimirira hangu mazuva ose okutambudzika kwangu, kusvikira kusunungurwa kwangu kuchisvika. [Jehovha] maizodana, ini ndikakupindurai; maishuva basa ramaoko enyu.”—Jobho 14:13-15.

Jobho akaenzanisira sei kubvuma kwake kuti Mwari aizomudana kubva kuguva? Akashandisa muti, tsananguro yacho inoita sokuti aitaura nezvomuorivhi. “Nokuti kana muti uchinge watemwa,” akadaro Jobho. “Kune tariro kuti uchabudazve.” (Jobho 14:7) Muorivhi ungatemwa, asi izvozvo hazviuparadzi. Muti wacho unofa chete kana watodzurwa. Midzi yacho ikaramba yakasimba, muti wacho unotungirazve nesimba rakawedzerwa.

Kana kusanaya kwemvura kwenguva refu kukaomesa muorivhi wachembera, chigutsa chinenge chaoma chingararamazve. “Kunyange mudzi wawo ukakwegurira muvhu, nehunde yawo ikafa pasi; kunyange zvakadaro uchabukira kana wanzwa kunhuwira kwemvura, ndokubudisa matavi somuti muduku.” (Jobho 14:8, 9) Jobho aigara munyika yakaoma, ine guruva umo zvichida akanga acherechedza zvigutsa zvachembera zvemiorivhi zvairatidzika sezvakaoma uye sezvisina upenyu. Zvisinei, mvura payaiuya, muti “wakafa” wakadaro waitanga kurarama uye imwe hunde yaimera pamudzi wawo sokunge kuti waiva “muti muduku.” Uku kugona kuraramazve kunoshamisa kwakatungamirira mumwe murimi webindu wokuTunisia kutaura kuti: “Unogona kutaura kuti miorivhi haifi.”

Kungofanana nomurimi anoda kuona miorivhi yake yakasvava ichitungirazve, Jehovha anodawo kumutsa vashumiri vake vakavimbika. Anotarira mberi kunguva apo vanhu vakavimbika vakadai saAbrahamu naSara, Isaka naRibheka, uye vamwe vakawanda vachadzorerwa kuupenyu. (Mateu 22:31, 32) Zvichange zvichishamisa sei kutambira vakafa uye kuvaonazve vachirarama upenyu hwakazara uye hune zvibereko!

Muorivhi Wokufananidzira

Ngoni dzaMwari dzinoratidzwa mukusasarura kwake nomukuita gadziriro yorumuko. Muapostora Pauro akashandisa muorivhi kuenzanisira kuti ngoni dzaJehovha dzinopiwa kuvanhu vose sei pasinei norudzi rwavo kana kwavanobva. Kwemazana emakore vaJudha vaidada nokuva vanhu vakasarudzwa naMwari, ‘vana vaAbrahamu.’—Johani 8:33; Ruka 3:8.

Kuberekerwa murudzi rwechiJudha pachakwo kwakanga kusiri chinhu chinodiwa chokuwana nyasha dzaMwari. Zvisinei, vadzidzi vokutanga-tanga vaJesu vakanga vari vaJudha vose, uye vakanga vane ropafadzo yokuva vanhu vokutanga vakasarudzwa naMwari kuti vaumbe mbeu yakapikirwa yaAbrahamu. (Genesi 22:18; VaGaratiya 3:29) Pauro akafananidza vadzidzi ava vechiJudha nemapazi omuorivhi wokufananidzira.

Vakawanda vevaJudha chaivo vakaramba Jesu, vachizvibvisa voga senhengo dzomunguva yemberi dze“boka duku,” kana kuti “Israeri waMwari.” (Ruka 12:32; VaGaratiya 6:16) Saka, vakava samapazi omuorivhi okufananidzira akatemwa. Ndiani aizotora nzvimbo yavo? Mugore ra36 C.E., Vemamwe Marudzi vakasarudzwa kuti vave vamwe vembeu yaAbrahamu. Zvakaita sokuti Jehovha akanga abatanidza mapazi omuorivhi womusango pamuorivhi womubindu. Avo vaizoumba mbeu yakapikirwa yaAbrahamu vaizosanganisira vanhu vamarudzi. VaKristu vemamwe marudzi zvino vaizova ‘vagoverani pamudzi womuorivhi wemafuta.’—VaRoma 11:17.

Kumurimi, kubatanidza bazi romuorivhi womusango pamuorivhi womubindu chaizova chinhu chisina musoro uye cha“kasiyana nokusikwa.” (VaRoma 11:24) “Batanidza wakanaka pane womusango, uye, sokutaura kunoita vaArabhu, uchakurira womusango,” rinodaro bhuku rinonzi The Land and the Book, “asi haungazvichinji uchibudirira.” VaKristu vechiJudha vakashamiswawo apo Jehovha “kwenguva yokutanga akafunga nezvemamwe marudzi kuti atore maari vanhu vezita rake.” (Mabasa 10:44-48; 15:14) Zvisinei, ichi chakanga chiri chiratidzo chiri pachena chokuti kushanda zvakanaka kwechinangwa chaMwari hakwaitsamira parudzi rumwe. Kwete, nokuti “murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:35.

Pauro akaratidza kuti sezvo “mapazi” asina kuvimbika echiJudha omuorivhi akanga atemwa, izvozvo zvinogona kuitika kunaani zvake uyo nokudada nokusateerera anobva munyasha dzaJehovha. (VaRoma 11:19, 20) Zvechokwadi izvi zvinoenzanisira kuti mutsa usina kufanirwa waMwari haufaniri kurerutswa.—2 VaKorinde 6:1.

Kuzora Mafuta

Magwaro anoshandisa zvose munzira chaiyo uye yokufananidzira kukushandiswa kwemafuta omuorivhi. Munguva dzekare, maronda nokukuzvuka zvai‘pfaviswa namafuta’ kuitira kuti zvipore nokukurumidza. (Isaya 1:6) Maererano nomumwe wemienzaniso yaJesu, muSamariya ane mutsa akadira mafuta omuorivhi newaini pamaronda omurume waakaona panzira yokuenda kuJeriko.—Ruka 10:34.

Kudira mafuta omuorivhi mumusoro womunhu kunozorodza uye kunonyaradza. (Pisarema 141:5) Uye mukubata nenyaya dzokurwara kumudzimu, vakuru vechiKristu vanga‘zora nhengo yeungano namafuta muzita raJehovha.’ (Jakobho 5:14) Zano ravakuru rorudo rinobva muMagwaro, uye minyengetero inoitirwa wavanotenda naye anorwara mumudzimu, zvinoenzaniswa namafuta omuorivhi anonyaradza. Zvinofadza kuti, mumutauro wokufananidzira wechiHebheru murume akanaka anorondedzerwa se“mafuta omuorivhi akachena.”

Muorivhi Munyoro Muimba yaMwari”

Tichitarisa zvinhu zvatanga kutaurwa, hazvishamisi kuti vashumiri vaMwari vanogona kufananidzwa namafuta omuorivhi. Dhavhidhi akada kuva so“muorivhi munyoro muimba yaMwari.” (Pisarema 52:8) Kungofanana nemhuri dzechiIsraeri kakawanda dzaiva nemiorivhi yakanga yakapoteredza dzimba dzavo, saka Dhavhidhi aida kuva pedyo naJehovha uye kubereka michero yokurumbidza Mwari.—Pisarema 52:9.

Apo hwakanga hwakatendeka kuna Jehovha, umambo hwamarudzi maviri hweJudha hwakanga hwakafanana no“muorivhi mutema, wakanaka nezvibereko zvakanaka.” (Jeremia 11:15, 16) Asi vanhu veJudha vakarasikirwa nenzvimbo iyoyo yakaropafadzwa pava‘karamba kunzwa mashoko aJehovha ndokutevera vamwe vamwari.’—Jeremia 11:10.

Kuti tive muorivhi wakasvibira muimba yaMwari, tinofanira kuteerera Jehovha tova vanoda kugamuchira chirango chaanoti“chekerera” nacho kuti tibereke zvibereko zvechiKristu zvakawanda. (VaHebheru 12:5, 6) Mukuwedzera, kungofanana nomuorivhi chaiwo unoda midzi yakareba kuti urarame panguva yokusanaya kwemvura, tinoda kusimbisa midzi yedu yokumudzimu kuti titsungirire miedzo nokutambudzwa.—Mateu 13:21; VaKorose 2:6, 7.

Muorivhi unofananidzira zvakanaka muKristu akatendeka, angadai asingazivikanwi kunyika asi anozivikanwa naMwari. Kana munhu akadaro akafa mugadziriro ino, achazoraramazve munyika itsva iri kuuya.—2 VaKorinde 6:9; 2 Petro 3:13.

Muorivhi usingaparadziki zvachose unoramba uchibereka michero gore negore unotiyeuchidza nezvechipikirwa chaMwari chokuti: “Samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.” (Isaya 65:22) Chipikirwa ichocho chouprofita chichazadzika munyika itsva yaMwari.—2 Petro 3:13.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Kakawanda mapazi matsva aya anochekererwa gore roga roga kuti asasveta simba kubva pahunde.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Hunde yekare yachembera ino wanikwa muJávea, Ruwa rweAlicante, Spain

[Mifananidzo iri papeji 26]

Minda yemiorivhi muRuwa rweGranada, Spain

[Mufananidzo uri papeji 26]

Muorivhi wekare kunze kwemasvingo eJerusarema

[Mufananidzo uri papeji 26]

Bhaibheri rinodudza nezvokubatanidza mapazi pamuorivhi

[Mufananidzo uri papeji 26]

Muorivhi wekare uyu wakapoteredzwa nemiti yamapazi maduku