Ndakabatsirwa Kukunda Kunyara Kwangu
Nyaya Youpenyu
Ndakabatsirwa Kukunda Kunyara Kwangu
YAKATAURWA NARUTH L. ULRICH
Ndakatadza kuzvidzora ndokuchema ndiri pamusuo chaipo pomufundisi. Akanga achangobva kutaura mashoko akawanda okupomera zvenhema Charles T. Russell, akashumira sapurezidhendi wokutanga weWatch Tower Bible and Tract Society. Regai nditsanangure kuti ini, somusikana muduku zvake, ndaishanyira sei vanhu.
NDAKAZVARIRWA mumhuri yaishingaira kwazvo mune zvechitendero papurazi riri muNebraska, U.S.A., muna 1910. Mhuri yedu yairava Bhaibheri pamwe chete mangwanani uye manheru oga oga tapedza kudya. Baba vaiva mutarisiri weSandisikuru yeMethodist mutaundi duku reWinside, anenge makiromita matanhatu kubva papurazi redu. Taiva nengoro yaidhonzwa nemabhiza ine maketeni pamahwindo, zvokuti pasinei zvapo nemamiriro ezvinhu okunze, taigona kupinda chechi mumangwanani eSvondo.
Pandakanga ndava nemakore anenge masere, hanzvadzi yangu yaiva mucheche yakarwara neporiyo, uye Amai vakaenda nayo kuchipatara chaiva muIowa kuti irapwe. Pasinei zvapo nokutarisira kwavo kwokuzvipira, hanzvadzi yangu yakafa pavakanga vari ikoko. Zvisinei, panguva iyoyo, kuIowa ikoko, Amai vakasangana noMudzidzi weBhaibheri, sezvaidanwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Vakakurukurirana kakawanda, uye Amai vakatoenda nomukadzi wacho kune mimwe misangano yeVadzidzi veBhaibheri.
Pakadzoka Amai kumusha, vakauya nemavhoriyamu anoverengeka eStudies in the Scriptures, akanga abudiswa neWatch Tower Society. Nenguva isipi vakanga vagutsikana kuti Vadzidzi veBhaibheri vaidzidzisa chokwadi uye kuti dzidziso dzokusafa kwomweya womunhu nedzokutambudzwa kusingaperi kwevakaipa dzaisava dzechokwadi.—Genesi 2:7; Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4.
Zvisinei, Baba vakatsamwa kwazvo, uye vakashora kuedza kwaAmai kupinda misangano yeVadzidzi veBhaibheri. Vakapfuurira kuenda neni kuchechi nehanzvadzi yangu, Clarence. Asi Baba pavainge vasiri pamusha, Amai vaidzidza nesu Bhaibheri. Somugumisiro, isu vana taiva nomukana wakanaka wokuenzanisa dzidziso dzeVadzidzi veBhaibheri nedziya dzechechi yedu.
Ini naClarence taigaropinda Sandisikuru kuchechi, uye aibvunza mudzidzisi mibvunzo yaaisagona kupindura. Pataisvika kumusha, taiudza amai vedu, uye izvi zvaitungamirira kukukurukurirana kurefu panhau idzi. Pakupedzisira, ndakarega kuenda kuchechi kuya ndokutanga kupinda misangano yeVadzidzi veBhaibheri naAmai, uye isiri nguva refu zvadaro Clarence akaitawo saizvozvo.
Kukunda Kunyara
Muna September 1922, ini naAmai takapinda kokorodzano isingakanganwiki yeVadzidzi veBhaibheri muCedar Point, Ohio. Ndichiri kugona kuona mucheka mukuru uchipetenurwa sezvo Joseph F. Rutherford, aiva purezidhendi weWatch Tower Society panguva iyoyo, akakurudzira vanopfuura 18 000 vakapinda, nemashoko aiva pamucheka iwowo aiti: “Zivisa Mambo noUmambo.” Ndakakurudzirwa kwazvo ndokunzwa ndichida kukurumidza kuudza vamwe nezvemashoko akanaka oUmambo hwaMwari.—Mateu 6:9, 10; 24:14.
Pakokorodzano dzakaitwa kubvira muna 1922 kusvika 1928, zvisarudzo zvinoverengeka zvakagamuchirwa, uye mashoko acho akabatanidzwa mumaturakiti aiparadzirwa neVadzidzi veBhaibheri mumakumi emamiriyoni kuvanhu munyika yose. Ndaiva mutete uye ndakareba—vaindidana kuti greyhound—uye ndaiparadzira mashoko aya akadhindwa paimba neimba ndichikurumidza. Ndainakidzwa nebasa iri chaizvo. Asi, kutaura pamisuo, ndichiudza vamwe nezvoUmambo hwaMwari pachangu, yaiva imwe nyaya.
Munoonaka, ndainyara chaizvo zvokuti ndaitotya paikoka Amai mapoka makuru ehama gore roga roga. Ndaipinda mukamuri rangu rokurara ndogara imomo. Pane imwe nguva, Amai vaida kutora mufananidzo wemhuri yose, uye vakandiudza kuti ndibude. Ndisingadi kubatanidzwa navo, ndakazhamba sezvavaindikwekweredza chaizvoizvo kubva mukamuri rangu.
Zvisinei, zuva rakasvika, pandakatsunga kuisa
mabhuku eBhaibheri mubhegi. Ndakadzokorora ndadzokororazve kuti, “Handigoni kuzviita,” asi pashure mumwoyo mangu ndakati, “Ndinofanira kuzviita.” Pakupedzisira ndakaenda kunoparidza. Zvadaro, ndakafara chaizvo kuti ndakava noushingi hwokuenda. Mufaro wangu mukuru waiva wokuti ndakanga ndaita basa racho, asi ndakanga ndisingafari pandakanga ndichiriita. Yaiva nguva iyoyo chaiyo yandakasangana nomufundisi ambotaurwa ndikabvapo ndichichema. Nguva zvayakapfuurira, nokubatsira kwaJehovha ndakakwanisa kutaura nevanhu pamisuo yavo, uye mufaro wangu wakawedzera. Ipapo, muna 1925, ndakaratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura.Kutanga Ushumiri Hwenguva Yakazara
Pandakanga ndava nemakore 18, ndakatenga motokari nemari yamaiguru yandakapiwa senhaka ndokutanga kupayona, sokudanwa kunoitwa ushumiri hwenguva yakazara. Makore maviri gare gare, muna 1930, ini nomumwe wangu takabvuma mugove wokuparidza. Panguva iyoyo Clarence akanga atangawo kupayona. Munguva pfupi yakatevera akabvuma kukokwa kuti ashande paBheteri, dzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York.
Inenge nguva iyoyo vabereki vedu vakaparadzana, saka ini naAmai takagadzirisa turera inoshandiswa seimba ndokutanga kupayona tose. Ndipo pakatanga Kuderera Kwoupfumi Kukuru muUnited States. Kupfuurira mubasa rokupayona kwakatanga kunetsa zvikuru, asi takanga takatsunga kusarega. Mabhuku eBhaibheri taiachinjanisa nehuku, mazai, uye zvirimwa zvomubindu, uyewo zvinhu zvakadai semabhatiri ekare nemarata anenge asisina basa. Mabhatiri nemarata acho taiatengesa kuti tiwane mari yokutenga peturu yemotokari nokubhadhara zvimwe zvaida kubhadharwa. Ndakadzidzirawo kuisa motokari girisi nokuchinja mafuta kuti ndichengetedze mari. Takaona Jehovha achizarura nzira yokutibatsira nayo kukunda zvibingamupinyi, maererano nechipikirwa chake.—Mateu 6:33.
Kuenda Kumigove Youfundisi
Muna 1946, ndakakokwa kupinda kirasi yechinomwe yeWatchtower Bible School of Gilead, yaiva pedyo neSouth Lansing, New York. Panguva iyoyo ini naAmai takanga tapayona tose kwemakore anopfuura 15, asi havana kuda kuvhiringidza mukana wangu wokuti ndirovedzwe basa roufundisi. Saka vakandikurudzira kugamuchira ropafadzo iyoyo yokupinda Chikoro cheGilead. Ndapedza kufunda, ini naMartha Hess wokuPeoria, Illinois, takashanda tose. Isu, nevamwe vaviri, takagoverwa kunoshanda kuCleveland, Ohio, kwegore tichimirira mumwe mugove wemhiri kwemakungwa.
Mugove iwoyo wakavapo muna 1947. Ini naMartha takagoverwa kunoshanda kuHawaii. Sezvo zvaiva nyore kutamira muzvitsuwa izvi, Amai vakauya ndokugara pedyo nesu muguta reHonolulu. Utano hwavo hwakanga husisina kutsarukana, saka uku ndichitarisirawo mabasa angu oufundisi, ndaibatsira Amai. Ndakagona kuvatarisira kutozosvikira vafa muHawaii muna 1956, pazera remakore 77. Patakasvika, muHawaii maiva neZvapupu zvinenge 130, asi nenguva yakazofa Amai, zvakanga zvopfuura chiuru, uye vafundisi vakanga vasingachadiwi.
Ipapo ini naMartha takagamuchira tsamba yaibva kuWatch Tower Society ichitipa mugove kuJapan. Chatakatanga kunetseka nacho ndechokuti hameno kana taigona kudzidza mutauro wechiJapan nemhaka yezera redu. Panguva iyoyo ndakanga ndava nemakore 48, uye Martha akanga ari muduku nemakore mana chete. Asi takasiyira nhau yacho mumaoko aJehovha ndokugamuchira mugove wacho.
Pakangopera kokorodzano yemarudzi akawanda ya1958 yakaitirwa muYankee Stadium nePolo Grounds dzomuNew York City, takaenda kuTokyo
nengarava. Takavhiringidzwa nedutu sezvatakanga tosvika pachiteshi chokuYokohama, patakagamuchirwa naDon uye Mabel Haslett, Lloyd naMelba Barry, nevamwe vafundisi. Panguva iyoyo, muJapan maiva neZvapupu 1 124 chete.Nokukurumidza takatanga kudzidzira mutauro wechiJapan uye kuita ushumiri hwepasuo nesuo. Tichishandisa arufabheti yechiNgezi, tainyora mharidzo dzedu dzechiJapan, dzataizorava. Mukupindura saimba aiti, “Yoroshii desu” kana kuti, “Kekko desu,” zvataiziva kuti zvaireva kuti, “Zvakanaka kwazvo” kana kuti, “Zvakanaka.” Asi hataiziva nguva dzose kana saimba aifarira kana kwete, sezvo mashoko iwayo aishandiswawo kuratidza kuramba. Zvaaireva zvacho zvaitsamira painzwi raishandiswa kana kuti pachitarisiko chechiso chomunhu wacho. Zvakatitorera nguva kudzidza kusiyanisa izvozvi.
Zviitiko Zvakanyevenutsa Mwoyo Wangu
Ndichiri kunetseka nomutauro wacho, rimwe zuva ndakaenda paimba yokurara yeKambani yeMitsubishi ndokuonana nomumwe mukadzi aiva nemakore 20. Akafambira mberi zvakanaka muzivo yeBhaibheri ndokubhabhatidzwa muna 1966. Gore rakatevera racho akatanga kupayona uye nenguva isipi akabva agadzwa sapiyona chaiye. Ave achishumira saizvozvo kubvira ipapo. Zvave zvichindikurudzira nguva dzose kuona kushandisa kwaakaita nguva yake nesimba rake kubvira muuduku muushumiri hwenguva yakazara.
Kutsigira chokwadi cheBhaibheri chinetso chakakura zvakanyanya kuvanhu vaya vanogara munzanga isiri yechiKristu. Asi, zviuru zvakakunda chinetso ichi, kusanganisira vandakadzidza navo Bhaibheri vanoverengeka. Vakaparadza atari dzechiBuddha dzinodhura uye masherefu echiShinto anowanikwa mumisha yevaJapan maererano netsika. Sezvo hama dzokunyama pane dzimwe Mabasa 19:18-20.
nguva dzichidudzira nenzira isiriyo kuti zviito zvakadaro kusaremekedza madzitateguru akafa, zvinoda ushingi kune vatsva kuti vazviite. Zviito zvavo zvoushingi zvinotiyeuchidza nezvevaKristu vaya vepakuvamba vakaparadza pachavo zvinhu zvaiva nechokuita nokunamata kwenhema.—Ndinoyeuka mumwe mudzidzi weBhaibheri, amai vemba, akanga achironga kubva muTokyo nemhuri yake. Aida kutamira muimba itsva yakanga isina zvinhu zvine chokuita nokunamata kwechihedheni. Saka akaudza murume wake zvishuvo zvake, uye akabvuma nomwoyo wose. Nomufaro akandiudza nezvazvo asi akabva ayeuka kuti akanga arongedza vhasi guru remabhuru, rinodhura raakanga atenga nokuti zvainzi rinoita kuti mumusha muve nomufaro. Sezvo aiunyumwira nezvokubatana kwaro nokunamata kwenhema, akapwanya vhasi racho nesando ndokurirasa.
Kuona mukadzi uyu nevamwe vachirasa nomwoyo wose zvinhu zvinodhura zvine chokuita nokunamata kwenhema uye vachitanga noushingi upenyu hutsva hwokushumira Jehovha kwave kuri zviitiko zvinopa mubayiro kwazvo, zvinondigutsa. Ndinogaroonga Jehovha kuti ndave ndichikwanisa kushanda makore anopfuura 40 ebasa roufundisi muJapan.
“Zvishamiso” Zvamazuva Ano
Pandinotarira shure mumakore angu anopfuura 70 oushumiri hwenguva yakazara, ndinoshamisika nezvinoita sezvishamiso zvamazuva ano kwandiri. Somuduku aitambudzwa nokunyara, handina kumbofunga kuti ndaizopedza upenyu hwangu hwose ndichitanga kutaura nevanhu nezvoUmambo uhwo vakawanda vasingadi kunzwa chinhu chipi nechipi nezvahwo. Asi, handina kukwanisa kuita izvozvo chete asi ndaona mazana, kana zvisiri zviuru, zvevamwe zvichiita izvozvowo. Uye vave vachizviita zvinobudirira zvokuti Zvapupu zvaiti pfuurei zvishoma chiuru chimwe zvaiva muJapan pandakasvika muna 1958 zvawedzera kupfuura 222 000 nhasi!
Ini naMartha patakatanga kusvika muJapan, takagoverwa
kugara pahofisi yebazi muTokyo. Muna 1963 chivako chitsva, chine nhurikidzwa nhanhatu chakavakwa panzvimbo iyoyo, uye tave tichigara ipapo kubvira nguva iyoyo. Muna November 1963 taiva pakati pe163 vaivapo pahurukuro yokutsaurira yakakurukurwa nomutariri wedu webazi, Lloyd Barry. Nenguva iyoyo takanga tasvika Zvapupu 3 000 muJapan.Zvave zvichifadza kuona basa rokuparidza Umambo richikura zvinoshamisa, richisvika vaparidzi vanopfuura 14 000 muna 1972 pakapedzwa bazi idzva rakawedzerwa muguta reNumazu. Asi pakazosvika 1982 muJapan makanga mava nevazivisi voUmambo vanopfuura 68 000, uye chimwe chivako chebazi chikuru zvikuru chakavakwa muguta reEbina, makiromita 80 kubva kuTokyo.
Panguva iyoyo, chaimbova chivako chebazi pakati peTokyo chakagadziriswa. Nokufamba kwenguva, chakashanda somusha wevafundisi nokuda kwevafundisi vanopfuura 20 vakashumira muJapan kwemakore 40 kana 50 kana kuti anopfuura, kusanganisira ini nowandave ndichishanda naye kwenguva refu, Martha Hess. Mumwe chiremba nomudzimai wake, ari mukoti, vanogarawo mumusha wedu. Vanotitarisira, vachitarisirawo norudo zvinodiwa zvedu zvoutano. Nguva ichangopfuura iyi, mumwe mukoti akawedzerwa kumhuri, uye hanzvadzi dzechiKristu dzinouya kuzobatsira vanamukoti masikati. Nhengo mbiri dzemhuri yeBheteri muEbina dzinouya dzichichinjana kuzogadzira zvokudya nokuchenesa musha wedu. Zvechokwadi, Jehovha ave akanaka kwatiri.—Pisarema 34:8, 10.
Chinhu chikuru muupenyu hwangu hwoufundisi chakaitika muna November apfuura, makore 36 pashure pokutsaurirwa kwechivako icho isu vafundisi venguva refu vakawanda kwazvo zvino tinogara. Musi waNovember 13, 1999, ndaiva pakati pevanopfuura 4 486, kusanganisira mazana eZvapupu zvenguva refu zvakabva kunyika 37, zvaivapo pakutsaurirwa kwezvivako zvakawedzerwa pabazi rokuJapan reWatch Tower Bible and Tract Society riri muEbina. Iye zvino, pane vanenge 650 vari mumhuri yebazi iroro.
Mumakore anoda kusvika 80 kubva pandakatanga kuenda paimba neimba ndichitya, ndichipa mashoko eBhaibheri, Jehovha ave ari mubatsiri wangu anosimbisa. Akandibatsira kukunda kunyara kwangu. Ndinonyatsotenda kuti Jehovha anogona kushandisa chero ani zvake anovimba naye, kunyange vaya vanonyara chaizvo seni. Uye upenyu hunogutsa zvakadini hwandakava nahwo hwokutaura nevandisingazivi nezvaMwari wedu, Jehovha!
[Mufananidzo uri papeji 21]
Ndina Amai naClarence, akanga atishanyira achibva kuBheteri
[Mufananidzo uri papeji 23]
Nhengo dzekirasi yedu dzichidzidza dziri patsangadzi kuChikoro cheGilead pedyo neSouth Lansing, New York
[Mufananidzo uri papeji 23]
Kuruboshwe: Ini, Martha Hess, naamai, muHawaii
[Mufananidzo uri papeji 24]
Kurudyi: Nhengo dzemhuri yomusha wedu wevafundisi wokuTokyo
[Mufananidzo uri papeji 24]
Pasi: Nowandave ndichishanda naye kwenguva refu, Martha Hess
[Mufananidzo uri papeji 25]
Zvivako zvedu zvebazi zvakawedzerwa muEbina zvakatsaurirwa muna November wapfuura