Nziyo Dzinofadza Mwari
Nziyo Dzinofadza Mwari
Nziyo dzave dzichirondedzerwa se“unyanzvi hwekare-kare uye hwokuzvarwa nahwo kudarika humwe hwose hwakanaka kwazvo.” Somutauro, chipo chinoshamisa chinosiyanisa vanhu nemhuka. Nziyo dzinoita kuti pfungwa dzinzwe manyuku-nyuku. Dzinogona kunakidza munzeve, uye kuramba dzichirira mupfungwa. Kupfuura zvose, nziyo dzinogona kufadza Mwari.
SEZVINORATIDZA Bhaibheri, vaIsraeri vaiva vanhu vaifarira nziyo. Nziyo hwaiva “unyanzvi hune mukurumbira munguva yekare inotaurwa muBhaibheri,” rinodaro Unger’s Bible Dictionary. Sechinhu choupenyu hwezuva nezuva, nziyo dzemanzwi uye dzezviridzwa ndidzo dzaishandiswa mukunamata kwavo. Asi inzwi romunhu ndiro rainyanya kushandiswa kwazvo.
Mambo Dhavhidhi akagadza vamiririri pakati pevaRevhi “kuzofambisa basa rokuimba mumba maJehovha” patabhenekeri, temberi yakavakwa nomwanakomana wake Soromoni, isati yatsaurirwa. (1 Makoronike 6:31, 32) Areka yesungano, yaimirira kuvapo kwaJehovha, payakasvika muJerusarema, Dhavhidhi akaronga kuti vamwe vaRevhi ‘varumbidze, nokuonga, nokukudza Jehovha.’ Kurumbidza kwavo nemanzwi vaikuperekedza ‘nemitengeranwa nembira, . . . nemakandira airira kwazvo, . . . nehwamanda.’ Varume ava vakanga “varehwa mazita avo, kuti vaonge Jehovha; nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi.”—1 Makoronike 16:4-6, 41; 25:1.
Mashoko ekorasi okuti “Ngoni [dzaJehovha] dzinogara nokusingaperi” anoonekwa kakawanda muMapisarema, bhuku reBhaibheri rine chokuita kwazvo nenziyo. Somuenzaniso, anoumba chikamu chechipiri cheimwe neimwe yendima 26 dzePisarema 136. “Kupfupika kwawo kunoita kuti arerukire vanhu kuimba,” inodaro imwe nyanzvi yeBhaibheri. “Munhu wose, akamboanzwa, anogona kuayeuka.”
Mashoko anorondedzera mapisarema anoratidza kushandiswa kukuru kwezviridzwa zvenziyo. Pisarema 150 rinotaura nezvehwamanda, mbira, ngoma, nyere, makandira, kuwedzera pane udimbwa. Kunyange zvakadaro, chinonyanya kutaurwa nezvacho inzwi romunhu. Pis 150 Ndima 6 inorayira kuti: “Zvinhu zvose zvinofema, ngazvirumbidze Jehovha. Hareruya!”
Sezvo nziyo dzichibudisa manzwiro atinoita, pfungwa dzokuchema munguva inotaurwa muBhaibheri dzaikuchidzira nziyo dzemariro kana kuti dzokudetemba. Zvisinei, maimbiro aya, aingoitwa chete nezviridzwa zvaishandiswa munziyo dzevaIsraeri. “Munziyo yemariro kana kuti mukuchema chete ndimo maidiwa kudetemba pane nziyo yokuita zvokuimbwa kana kuti kukwidza nokudzika kwenzwi uye kusimbisa mashoko okutaura chaiko,” inodaro enisaikoropidhia yeBhaibheri inonzi Insight on the Scriptures. *
Jesu nevaapostora vake vakatendeka vakaimba rumbidzo kuna Jehovha pausiku hwakatangira kufa kwake, pasina mubvunzo vachidzokorora mashoko emaPisarema aHareruya. (Pisarema 113-118) Izvi zvinofanira kuva zvakasimbisa sei vadzidzi vaJesu kuti vatarisane nokufirwa naTenzi wavo! Zvinotopfuura izvozvo ndezvokuti, kutsunga kwavo kwokuramba vari vashumiri vakatendeka vaChangamire Mukuru wezvose zvakasikwa, Jehovha, kunofanira kuva kwakawedzera sezvo vakaimba kashanu korasi yokuti “ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.”—Pisarema 118:1-4, 29.
VaKristu vepakuvamba vokuEfeso neKorose vakaimba “mapisarema nokurumbidza Mwari” (chaizvoizvo kureva kuti, “nziyo”). Kune idzi vakawedzera “nziyo dzomudzimu” dzaiimbwa mumwoyo yavo. (VaEfeso 5:19; VaKorose 3:16) Nenziyo uye mutauro, chaizvoizvo vakashandisa miromo yavo kurumbidza. Jesu akanga asina kuzivisa kuti “muromo unotaura zvinobva pazvakawanda zvemwoyo” here?—Mateu 12:34.
Nziyo Dzisingafadzi Mwari
Hadzisi nziyo dzose dzinotaurwa muBhaibheri dzaifadza Mwari. Funga nezvechiitiko chakaitika paGomo reSinai, paya Mosesi paaigamuchira Mutemo, kusanganisira Mirayiro Gumi. Mosesi paakaburuka mugomo, akanzwei? “Haasi manzwi avanhu vanodanidzira pakukunda kwavo,” “kana manzwi avanhu vanodanidzira pakukundwa kwavo,” asi “mhere-mhere yavanhu vanoimba.” Idzi dzakanga dziri nziyo dzaiva nechokuita nokunamata zvidhori, muitiro wakaita kuti Mwari asafare ndokuguma norufu rwevanenge 3 000 vevaiimba ivavo.—Eksodho 32:18, 25-28.
Kunyange zvazvo vanhu vachigona kunyora, kuridza, uye kunakidzwa nemarudzi ose enziyo, hazvirevi kuti dzose dzinofadza Mwari. Nei? Muapostora wechiKristu Pauro anotsanangura kuti: “Vanhu vose vakaita zvivi vakaperevedza pambiri yaMwari.” (VaRoma 3:23) Tsika dzechihedheni dzokuzvara, dzidziso yokusafa kwomweya womunhu, uye kunamata Mariya sa“amai vaMwari” dzinowanzoratidzwa semisoro yenziyo dzakanyorwa. Asi, zvinotendwa izvi nemiitiro iyoyi hazvikudzi Mwari wechokwadi, nokuti zvinopesana nezvinoratidzwa muShoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri.—Dheuteronomio 18:10-12; Ezekieri 18:4; Ruka 1:35, 38.
Kusarudza Nziyo Nokuchenjera
Kuwanda kwenziyo dziripo kunovhiringidza. Mabutiro emacompact disc akagadzirirwa kuita kuti vatengi vade kutenga nziyo dzemarudzi ose dzakarekodwa. Asi kana munamati waMwari achida kuMufadza, achangwarira osarudza nokuchenjera kuti adzivise nziyo dzemanzwi uye dzezviridzwa dzinotsigirwa nezvinotendwa muzvitendero zvenhema kana kuti dzinosimudzira unzenza uye zvemadhimoni.
Albert, akambova mufundisi wechiKristu muAfrica, anobvuma kuti aiva nomukana mushoma wokuridza piyano ikoko. Zvisinei, akateerera ateererazve marekodhi mashomanana aakanga aenda nawo. Zvaakadzokera munyika yokumusha kwake, Albert zvino anoshanyira ungano dzechiKristu somutariri anofambira. Nguva yake yokuteerera nziyo ishoma. “Munyori wenziyo wandinofarira ndiBeethoven,” anodaro. “Mumakore ose aya, ndakaunganidza marekodhi enziyo dzake, dzesymphonies, concertos, sonatas, uye quartets.” Kuteerera idzodzi kwakamuunzira mufaro mukuru. Zvechokwadi, munhu mumwe nomumwe ane nziyo dzaanofarira, asi sevaKristu tinoyeuka zano raPauro rokuti: “Mungave muri kudya kana kunwa kana kuita chimwe chinhu, itai 1 VaKorinde 10:31.
zvinhu zvose kuti Mwari apiwe mbiri.”—Nziyo Nokuzvitsaurira
Chinhu chokutanga chaidiwa naSusie inziyo. “Ndakatanga kuridza piyano ndine makore matanhatu, violin ndava nemakore 10, uye pakupedzisira harp ndava nemakore 12,” anotsanangura kudaro. Gare gare Susie akaenda kuRoyal College of Music iri muLondon, England, kunodzidzira harp. Akadzidzira kwemakore mana nomukwenyi weharp ane mukurumbira wokuSpain uye rimwezve gore kuParis Conservatoire, achiwana dhigirii rehonors mune zvenziyo nemadhipuroma okuridza harp nokudzidzisa piyano.
Susie akatanga kusonganirana neungano yeZvapupu zvaJehovha muLondon. Ikoko akawana kufarirana kwechokwadi norudo pakati peZvapupu. Zvishoma nezvishoma, kuda kwake Jehovha kwakawedzera, uye kushingairira kwaaiita basa rake kwakaita kuti atsvake nzira dzokumunamata nadzo. Izvi zvakaita kuti azvitsaurire ndokubhabhatidzwa. “Kutora nziyo sebasa inzira youpenyu yokuzvitsaurira, saka upenyu hwokuzvitsaurira ndaihuziva,” anodaro Susie. Nguva yake yaainoridza kumakonzati yakatanga kuita shoma sezvaakanga obatanidzwa muushumiri hwechiKristu hwokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari mukuteerera mirayiridzo yaJesu.—Mateu 24:14; Mako 13:10.
Zvino nemhaka yokuti anopedza nguva shoma achiita zvenziyo, anonzwa sei? “Dzimwe nguva ndinoora mwoyo zvishoma nokuti handina nguva yakawanda yokudzidzira,” anobvuma kudaro, “asi ndichiri kuridza zviridzwa zvangu uye ndinonakidzwa nenziyo. Nziyo chipo chinobva kuna Jehovha. Ndava kunakidzwa nadzo kwazvo zvino sezvo ndakaisa basa rake pakutanga muupenyu hwangu.”—Mateu 6:33.
Nziyo Dzinorumbidza Mwari
Albert naSusie nezvimwe Zvapupu zvaJehovha zvinoda kusvika mamiriyoni matanhatu vanorumbidza Jehovha Mwari nguva dzose nenziyo. Pamisangano yechiKristu inoitirwa muHoro dzoUmambo dziri munyika 234, vanotanga misangano yavo voigumisa, pazvinobvira, nokuimbira Jehovha nziyo. Pamwero mukuru nomuduku, nziyo dzakanaka dzine mashoko anobva muMagwaro mukurumbidza Jehovha Mwari.
Vose vanenge varipo vanosimudza manzwi avo vachiimba nomufaro kuti Jehovha ndiMwari ane hanya (Rwiyo 44). Vanoimba rwiyo rwokurumbidza Jehovha (Rwiyo 190). Nziyo dzavo dzinosimudzira mufaro uye mabasa oukama hwechiKristu, kurarama kwechiKristu, nounhu hwechiKristu. Chinowedzera mufaro wavo zvitaera zvenziyo zvakasiyana-siyana izvo Zvapupu zvokuAsia, Australia, Europe, uye North neSouth America zvakashandisa pakunyora nziyo dzacho. *
“Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; imbirai Jehovha, pasi pose. Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake,” ndiwo mashoko okutanga erwiyo rwukuru rwoumambo akanyorwa muzuva romunyori wepisarema. “Paridzai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe. Dudzirai kubwinya kwake pakati pavahedheni, mabasa ake, anoshamisa pakati pendudzi dzose.” (Pisarema 96:1-3) Izvi ndizvo zviri kuitwa neZvapupu zvaJehovha munharaunda yako, uye zvinokukoka kuti ubatanidzwe mukuimba rumbidzo iyi. Uchagamuchirwa paHoro dzazvo dzoUmambo, kwaunogona kudzidza kurumbidza Jehovha nenziyo dzinomufadza.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 7 Yakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
^ ndima 22 Nziyo idzi dzinowanikwa mubhuku rinonzi Imbirai Jehovha Rumbidzo, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 28]
Kuimbira Jehovha Rumbidzo