Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungaenda Kupi Nokuda Kwezano Rakanaka?

Ungaenda Kupi Nokuda Kwezano Rakanaka?

Ungaenda Kupi Nokuda Kwezano Rakanaka?

“Indasitiri yezano” zvino yazova bhizimisi rinopa mabhiriyoni emadhora akawanda gore roga roga. Vanhu vanoda kubatsirwa. Nyanzvi yezvoutano hwepfungwa Heinz Lehmann inoti: “[Munzanga yanhasi] mune kushaikwa kwedzidzo uye ushamwari. Tsika dzechitendero hadzisisina kuita sezvadzakanga dzakaita. Mhuri hadzisisina kunyatsogadzikana . . . , uye somugumisiro vanhu vanongoita zvokunetsekera.” Munyori anonzi Eric Maisel anoti: “Vaya vakamboenda kun’anga yedzinza ravo, kumufundisi kana kuti kwachiremba wemhuri kuti vabatsirwe pazvinetso zvepfungwa, zvokunamata uye zvomuviri zvino votarisira kuti mabhuku anopa mazano avape mhinduro.”

AMERICAN Psychological Association yakaumba chikwata chevashandi kuti chiongorore bhizimisi iri riri kukurumidza kukura. Rakati kunyange zvazvo pane “mukana mukuru wokubatsira vanhu kuti vazvinzwisise ivo pachavo uye vamwe . . . , kutaura kwokuzvisimudzira uye mazita zvinowanikwa mupurogiramu idzi zviri kuramba zvichiwedzeredzwa uye kuitwa kuti zvibate pfungwa dzevanhu.” Munyori weToronto Star anoti: “Chenjerera uwandu hwemashoko okunyengera okunamata echitendero. . . . Chenjerera zvakanyanya mabhuku ose okuzvibatsira, matepi kana misangano inotaura zvakanyanyisa kuwanda, munguva pfupi pfupi, pasina kunyanya kuzvinetsa kana kuzviranga.” Chokwadi, kune vakawanda kwazvo vari kutsvaka zvechokwadi kubatsira vaya vanoshaya. Zvisinei, chinhu chinosuruvarisa chaichoicho chiripo ndechokuti vanhu vanoverengeka vasina tsika vari kuita mari nemhaka yokutambura uye kusurukirwa kuri kuitwa nevanhu, vasingavapi rubatsiro chairwo kana kuti kupedza matambudziko acho.

Nemhaka yeizvi, chii chinonyatsobatsira chatingavimba? Ndokupi kwatingawana zano rinoshanda richaramba richishanda?

Kunobva Nhungamiro Isingakundikani

Muparidzi wokuAmerica womuzana remakore rechi19 Henry Ward Beecher akati: “Bhaibheri imapu yaMwari yokukutungamirira, yokukubatsira kuti urambe uchiyangarara, uye yokukuratidza kune chiteshi chengarava, uye kuti ungasvika sei usingaroveri pamatombo kana kumahombekombe.” Mumwe munyori akati nezveBhaibheri: “Hapana munhu anombofa akunda Rugwaro; bhuku racho rinotaura zvakawanda uye zvakadzama zvinoenderana nemakore edu.” Nei uchifanira kufungisisa nezvaro?

Richitaura iro pacharo, Bhaibheri rinoti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama, kuti munhu waMwari ave anokwanisa kwazvo, akashongedzerwa zvakakwana basa rose rakanaka.” (2 Timoti 3:16, 17) Zviri muBhaibheri zvinobva kune Muvambi chaiye woupenyu, Jehovha Mwari. (Pisarema 36:9) Nokudaro, anonyatsoziva maumbirwe atakaitwa, seizvo Pisarema 103:14 rinotiyeuchidza kuti: “Iye anoziva chatakaitwa nacho, anorangarira kuti tiri guruva.” Saka, tinogona kuva nechivimbo chakazara mukukosha kweBhaibheri.

Zvechokwadi, Bhaibheri rine nheyo uye nhungamiro dzakawanda dzinogona kushandiswa zvinobatsira chero mumamiriro api ezvinhu aungazviwana uri. Nomariri Mwari anoti kwatiri: “Heyi nzira, fambai nayo!” (Isaya 30:21) Chaizvoizvo Bhaibheri ringagovera zvinodiwa nevanhu nhasi here? Ngationei.

Bhaibheri Rinogovera Zvatinoda . . .

Mukubata Nokufunganya. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Munyengetero wakashanda here mukubata nokufunganya kwepfungwa kune chokuita nenhamo yemari, kushinhwa uye kutukwa zvisina kufanira, kana kuti kufirwa newaunoda? Funga nezvechakaitika chinotevera.

Jackie, aziva nezvokushinhwa kwemwanasikana wake, anobvuma kuti: “Kunzwa une mhosva yokusakwanisa kudzivirira mwana wako hakutauriki nemashoko. Ndaifanira kurwisa shungu, kutsamwa, uye hasha. Kunzwa uku kwakanga kwotanga kuparadza upenyu hwangu. Ndaida Jehovha kwazvo kuti arinde mwoyo wangu.” Arava uye aravazve VaFiripi 4:6, 7, akashanda zvakaoma kuti ashandise zano rayo. “Ndinonyengetera mazuva ose, ndichidzokorora kukumbira kuti ini ndisazvirega ndichiparadzwa nokunzwa kusina kunaka, uye Jehovha ave achindibatsira kuva nemwoyo wakanyarara uye unofara. Zvechokwadi ndinonzwa rugare mukati mangu,” anorondedzera kudaro Jackie.

Iwewo ungazviwana uri mumamiriro ezvinhu ausingagoni kudzora kana kugadzirisa uye anounza kufunganya kwepfungwa. Nokutevera zano reBhaibheri rokunyengetera, unogona kukunda nokubudirira. Munyori wepisarema anotikurudzira nemashoko aya anoti: “Isa nzira yako kuna Jehovha; vimbawo naye, iye uchazviita.”—Pisarema 37:5.

Nokuda Kwokukurudzira. Munyori wepisarema akataura mashoko aya okuonga anoti: “Jehovha, ndinoda ugaro hweimba yenyu, nenzvimbo panogara kubwinya kwenyu. Rutsoka rwangu rumire pakati chechetere; ndicharumbidza Jehovha paungano.” (Pisarema 26:8, 12) Tinokurudzirwa muBhaibheri kuungana pamwe nguva dzose kuti tinamate Jehovha. Kusonganirana uku kungagutsa sei zvaunoda? Vamwe vakawanei?

Becky anorondedzera kuti: “Vabereki vangu havashumiri Jehovha, saka vanondipa nguva yakaoma pandinoedza kuita chinhu chiri chose chine chokuita nokushumira Mwari. Zvinoda basa guru kuti ini ndipinde misangano.” Becky anofunga kuti zvikomborero zvakawanda zvakauya kwaari nokuti ave achizvishandisa nesimba kuti apinde misangano yechiKristu nguva dzose. “Misangano inosimbisa kutenda kwangu, zvokuti ndinogona kukunda zvinodzvinyirira zvezuva nezuva somudzidzi, mwanasikana, uye mushumiri waJehovha. Vanhu vokuHoro yoUmambo vakasiyana kwazvo nevadzidzi vokuchikoro! Vane hanya uye vanobatsira, uye zvatinokurukurirana nguva dzose zvinokurudzira. Ishamwari chaidzoidzo.”

Hungu, nokutevera nhungamiro yeBhaibheri yokuungana pamwe nguva dzose, tingaita kuti Jehovha agutse kuda kwatinoita kukurudzirwa. Uku ndiko kwatinowana kuti mashoko omunyori wepisarema ndeechokwadi anoti: “Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri uri pedyo pedyo panguva dzokumanikidzwa.”—Pisarema 46:1.

Nokuda Kwebasa Rinogutsa uye Rinokosha. “Ivai vakasimba, musingazununguki, muchigarova nezvakawanda zvokuita mubasa raShe, muchiziva kuti basa renyu harisi pasina munaShe,” rinopa zano kudaro Bhaibheri. (1 VaKorinde 15:58) “Basa raShe” rinogutsa zvechokwadi here? Ushumiri hwechiKristu hunopedza chimwe chinhu chinokosha here?

Amelia anotaura manzwiro ake achiti: “Ndakadzidza Bhaibheri nevaroorani vaviri vakanga voda kurambana. Ndakabatsirawo mumwe mukadzi akanga ane mwanasikana akaurawa nechisimba. Mukadzi wacho akanga achitambudzwa nokusava nechokwadi nemamiriro akaita zvinhu kuvakafa. Muzviitiko zvose izvi, kushandisa Bhaibheri kwakaunza rugare netariro muupenyu hwavo. Ndinonzwa ndichifara kwazvo uye ndinogutsikana nokuti ndakabatanidzwawo mukuvabatsira.” Scott anoti: “Kana une ruzivo rwakanaka muushumiri hwomumunda, tanga fundo itsva yeBhaibheri, kana kuti nakidzwa nokubudirira mukupupura zvisina kurongwa, uchataura nezvazvo mumakore achauya. Manzwiro iwayo nokufara ikoko zvinovapozve nokurondedzera kumwe nokumwe! Muushumiri ndimo munobva mufaro wedu mukuru kwazvo uye unogara narini.”

Nenzira yakajeka, kushandisa nhungamiro yeBhaibheri yokuva vashumiri vanoshingaira kwakagovera zvinodiwa nevanhu ava nokuda kwebasa rinogutsa uye rinokosha. Iwewo unokokwa kuti ushande nevamwe mubasa iri rokudzidzisa vamwe nezvenzira dzaMwari uye nheyo, panguva iyoyowo uchizvibatsira iwe pachako.—Isaya 48:17; Mateu 28:19, 20.

Kubatsirwa Neshoko raMwari

Hapana mubvunzo kuti Bhaibheri ndiro rine nhungamiro yakavimbika inoshanda munyika yanhasi. Kuti tibatsirwe naro, tinoda kuramba tichiedza. Tinofanira kurirava nguva dzose, kuridzidza, uye kurifungisisa. Pauro akapa zano kuti: “Fungisisa pamusoro pezvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose.” (1 Timoti 4:15; Dheuteronomio 11:18-21) Mwari anovimbisa kuti ukashandira kushandisa zano rake rinowanwa muBhaibheri, uchabudirira. Anopikira kuti: “Vimba naJehovha . . . Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”—Zvirevo 3:5, 6.

[Mifananidzo iri papeji 31]

Kutevera zano reBhaibheri kunoita kuti upenyu hugutse uye huve nechinangwa