Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Imi Mose Muri Hama”

“Imi Mose Muri Hama”

“Imi Mose Muri Hama”

“Musanzi Rabhi, nokuti mudzidzisi wenyu mumwe chete, asi imi mose muri hama.”—MATEU 23:8.

1. Inhau ipi yatinofanira kufunga nezvayo?

“NDIANI anofanira kukudzwa zvakanyanya, mufundisi kana kuti mushandi wepaBheteri?” mumwe mukadzi wechiKristu wokune imwe nyika yokuMabvazuva akabvunza nomwoyo wose mumwe mufundisi wokuAustralia. Aida kuziva anofanira kuremekedzwa zvakanyanya, mufundisi anobva kune imwe nyika kana kuti mushumiri womunharaunda anoshanda pahofisi yebazi reWatch Tower Society. Mubvunzo iwoyo womwoyo wose, unoratidza tsika yokungofunga nezvezvinzvimbo, wakashamisa mufundisi wacho. Zvisinei, mubvunzo wokuti ndiani mukuru unobva pakuda kuziva kuti vanhu vane zvinzvimbo zvipi zvesimba uye zvokupesvedzera.

2. Tinofanira kuona sei vatinonamata navo?

2 Nhau iyi haisi itsva. Kunyange vadzidzi vaJesu vaigara vachiitirana nharo dzokuti ndiani aiva mukuru kupfuura vamwe. (Mateu 20:20-24; Mako 9:33-37; Ruka 22:24-27) Ivowo vaibva kuvanhu vanongofunga nezvezvinzvimbo, vechiJudha chomuzana remakore rokutanga. Achifunga nezvevanhu ivavo, Jesu akapa zano vadzidzi vake achiti: “Musanzi Rabhi, nokuti mudzidzisi wenyu mumwe chete, asi imi mose muri hama.” (Mateu 23:8) Zita rechitendero rakaita serokuti “Rabhi,” rinoreva kuti “Mudzidzisi,” “rinowanzokonzera kudada uye pfungwa yokuzvikwidziridza kune vanoriwana, uye shanje nepfungwa yokuderedzwa kune vasingariwani; uye pfungwa yacho yose nomuitiro zvinopesana ‘nounyoro huna Kristu,’” yakadaro nyanzvi yeBhaibheri inonzi Albert Barnes. Zvechokwadi, vaKristu vanodzivisa kudana vatariri vari pakati pavo kuti “Mukuru Nhingi,” vachishandisa shoko rokuti “mukuru” soruremekedzo rwokubata kumeso. (Jobho 32:21, 22) Ukuwo, vakuru vanorarama maererano nepfungwa yezano raJesu vanokudza dzimwe nhengo dzeungano, sokukudza kunoita Jehovha vanamati vakavimbika uye kukudza kunoita Jesu Kristu vateveri vakavimbika.

Muenzaniso waJehovha newaJesu

3. Jehovha akakudza sei zvisikwa zvake zvomudzimu?

3 Kunyange zvazvo Jehovha ari “Wokumusoro-soro,” kubvira pakutanga chaipo akakudza zvisikwa zvake nokuzvibatanidza mumabasa ake. (Pisarema 83:18) Paakasika munhu wokutanga, Jehovha akabatanidza Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi mubasa racho se“mhizha.” (Zvirevo 8:27-30; Genesi 1:26) Jehovha akatokumbira ngirozi dzake dzokudenga kuti dzitaure zvadzinofunga pamusoro pokuti angapfuurira sei nokuparadza Mambo akaipa Ahabhi paAkanga asarudza kuita izvozvo.—1 Madzimambo 22:19-23.

4, 5. Jehovha anokudza sei vanhu vake vaakasika?

4 Jehovha anotonga saChangamire Mukuru wezvose zvakasikwa. (Dheuteronomio 3:24) Haafaniri hake kubvunza vanhu. Asi, zvinoita sokuti anozvideredza, kuti afungewo nezvavo. Mumwe munyori wepisarema akaimba achiti: “Ndianiko akafanana naJehovha Mwari wedu, iye anogara kumusoro, iye anozvidukupisa kuti aone zviri kudenga napasi? Anosimudza murombo abve muguruva.”—Pisarema 113:5-8.

5 Asati aparadza Sodhomu neGomora, Jehovha akateerera mibvunzo yaAbrahamu uye akagutsa manzwisisire aaiita kururamisira. (Genesi 18:23-33) Kunyange zvazvo Jehovha aitoziva kwaizogumira zvikumbiro zvaAbrahamu, akateerera Abrahamu nokushivirira uye akabvumirana nepfungwa yake.

6. Kuratidza kwaJehovha rukudzo pakabvunza Habhakuki mubvunzo kwakaguma nei?

6 Jehovha akateererawo Habhakuki, uyo akabvunza kuti: “Haiwa, Jehovha, ndichadana kusvikira riniko, imi musinganzwi?” Jehovha akaona mubvunzo wacho sokudenhwa kwesimba rake here? Kwete, akaona mibvunzo yaHabhakuki seyakakodzera, uye pakarepo akazivisa chinangwa chake chokumutsa vaKardhea kuti vazovaranga. Akavimbisa muprofita wacho kuti ‘kutonga uku kwakafanotaurwa kwaizouya zvechokwadi.’ (Habhakuki 1:1, 2, 5, 6, 13, 14; 2:2, 3) Nokunyatsonzwisisa kunetseka kwaHabhakuki uye kumupindura, Jehovha akakudza muprofita wacho. Izvi zvakaita kuti muprofita akanga anetseka ajekerwe ndokufara, achivimba zvakazara naMwari woruponeso rwake. Izvi zvinoratidzwa mubhuku raHabhakuki rakafuridzirwa rinosimbisa kuvimba kwedu naJehovha nhasi.—Habhakuki 3:18, 19.

7. Nei basa raPetro paPendekosti ya33 C.E. richikosha?

7 Jesu Kristu ndiye mumwe muenzaniso wakanaka kwazvo wokuremekedza vamwe. Jesu akanga audza vadzidzi vake kuti “munhu wose anondiramba pamberi pevanhu, ndichamurambawo pamberi paBaba vangu.” (Mateu 10:32, 33) Zvisinei, pausiku hwokutengeswa kwake, vadzidzi vake vose vakamusiya, uye muapostora Petro akamuramba katatu. (Mateu 26:34, 35, 69-75) Jesu akatarira kupfuura zvinooneka kunze uye akafungawo nezvemanzwiro omukati-kati aiita Petro, kupfidza kwake kukuru. (Ruka 22:61, 62) Mazuva 51 chete gare gare, Kristu akakudza muapostora akanga apfidza nokuita kuti amiririre vadzidzi vaJesu 120 pazuva rePendekosti ndokushandisa yokutanga ye“kiyi dzoumambo.” (Mateu 16:19; Mabasa 2:14-40) Petro akapiwa mukana woku‘dzokera ndokusimbisa hama dzake.’—Ruka 22:31-33.

Kukudza Nhengo Dzemhuri

8, 9. Mukukudza mukadzi wake, murume angatevedzera sei Jehovha naJesu?

8 Varume navabereki vanoita zvakanaka kutevedzera Jehovha naJesu Kristu mukushandisa simba rinopiwa naMwari. Petro akarayira kuti: “Imi varume, rambai muchigara na[vakadzi venyu] saizvozvowo nokuziva, muchivakudza sezvamunoita mudziyo usina simba, iye mukadzi.” (1 Petro 3:7) Fungidzira wakabata mudziyo wevhu unopwanyika, unotooneka kuti hauna kusimba pane womuti. Hausati uchizonyatsoungwarira here? Murume angaita izvozvo nokutevedzera Jehovha, achiteerera zvinofungwa nomukadzi wake pakusarudza nhau dzemhuri. Yeuka kuti Jehovha akawana nguva yokukurukura naAbrahamu. Zvaasina kukwana, murume angatadza kuona zvakaita nhau yacho yose. Saka hakungavi kuchenjera here kuti akudze mukadzi wake nokunyatsofungawo maonero ake?

9 Munyika dzinosimbiswa simba ravarume zvakanyanya, murume anofanira kuramba achiyeuka kuti mukadzi wake angatofanira kukurira chibingamupinyi chakakura kwazvo kuti ataure manzwiro ake omukati-kati. Tevedzera nzira iyo Jesu Kristu akabata nayo navadzidzi vake, vamwe veboka romwenga wake womunguva yemberi, paakanga ari pasi pano. Aivakoshesa, achifunga nezvezvinhu zvavaisakwanisa kuita munyama nomumudzimu kunyange vasati vataura zvavaida. (Mako 6:31; Johani 16:12, 13; VaEfeso 5:28-30) Uyewo, wana nguva yokucherechedza zviri kuitwa nomukadzi wako zvaari kuitira iwe nemhuri yako, uye ratidza kuonga kwako namashoko nezviito. Jehovha naJesu vakaonga, vakarumbidza, uye vakakomborera vakafanirwa. (1 Madzimambo 3:10-14; Jobho 42:12-15; Mako 12:41-44; Johani 12:3-8) Murume wake paakanga ava mumwe weZvapupu zvaJehovha, mumwe mukadzi wechiKristu wokuMabvazuva akati: “Murume wangu aigarofamba ari pamberi pangu nenhanho nhatu kana ina, achindisiyira zvinhu zvose kuti nditakure. Zvino anotakura mabhegi uye anoratidza kuonga zvandiri kuita pamba!” Shoko rokuonga kwomwoyo wose rinobatsira zvikuru mukadzi wako kuti anzwe kuti anokosheswa.—Zvirevo 31:28.

10, 11. Vabereki vangadzidzei mumuenzaniso wakanaka kwazvo waJehovha mukubata norudzi rwaIsraeri runopandukira?

10 Mukubata navana vavo, kunyanya panenge pachidiwa kutsiura, vabereki vanofanira kutevedzera muenzaniso waMwari. “Jehovha [“akaramba achinyevera,” NW] Israeri naJudha” kuti vadzoke panzira dzavo dzakaipa, asi “vakaomesa mitsipa yavo.” (2 Madzimambo 17:13-15) VaIsraeri vakatoedza ku“mubata kumeso nomuromo wavo, vakamurevera nhema nendimi dzavo.” Vabereki vakawanda vangafunga kuti dzimwe nguva vana vavo vanoita saizvozvo. VaIsraeri “vakaidza Mwari” uye vakamurwadzisa, vachiita kuti anzwe akuvadzwa. Asi, Jehovha “akanga ane nyasha huru, akavakanganwira kuipa kwavo, akasavaparadza.”—Pisarema 78:36-41.

11 Jehovha akatoteterera vaIsraeri achiti: “Chiuyai zvino, titaurirane . . . Kunyange zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando.” (Isaya 1:18) Kunyange zvazvo Jehovha akanga asina kukanganisa, akakumbira rudzi rwaipandukira kuti rwuuye kuti vazotaurirana. Ipfungwa yakanaka kwazvo yakadini yokuti vabereki vatevedzere mukubata navana vavo! Kana mamiriro ezvinhu achitendera, varemekedzei nokuteererawo zvavanotaura panyaya yacho, ndokukurukura navo chikonzero nei vachifanira kuchinja.

12. (a) Nei tichifanira kudzivisa kukudza vana vedu kupfuura Jehovha? (b) Chii chinodiwa kana tichizoremekedza chiremera chevana vedu patinenge tichivaruramisa?

12 Chokwadi, dzimwe nguva vana vanoda zano rakasimba. Vabereki vangasada kuita saEri, uyo ‘akaramba achikudza vanakomana vake kupinda Jehovha.’ (1 Samueri 2:29) Kunyange zvakadaro, vechiduku vanoda kuona pfungwa yorudo pavanenge varuramiswa. Vanofanira kukwanisa kuziva kuti vabereki vavo vanovada. Pauro anorayira vanababa kuti: “Musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4) Nepo simba rababa richidiwa, pfungwa iri kutaurwa ndeyokuti baba varemekedze chiremera chevana vacho nokusavatsamwisa nemhaka yehasha dzavo dzakanyanyisa. Hungu, kufunga nezvechiremera chevana kunoda nguva nokuedza kune vabereki, asi mubayiro wokuzviita wakafanirwa nokuzvipira kwacho kwose.

13. Bhaibheri rinotii nezvavakura vari mumhuri?

13 Kukudza nhengo dzemhuri hakugumiri pakukudza mukadzi navana. “Kana wakura, teerera vana vako,” chinodaro chimwe chirevo chokuJapan. Pfungwa yechirevo ichocho ndeyokuti vabereki vakura havafaniri kupfuura simba ravo rokuva vabereki uye vanofanira kufunga zvinotaurwa navana vavo vakura. Nepo zviri muMagwaro kuti vabereki vakudze vana vavo nokuvapa nzeve inoteerera, vana havafaniri kuratidza kusaremekedza nhengo dzemhuri dzakura. “Usazvidza mai vako kana vachembera,” inodaro Zvirevo 23:22. Mambo Soromoni akaita zvinotaurwa nechirevo ichi ndokukudza amai vake pavakauya kwaari kuzokumbira. Soromoni akaita kuti chigaro choumambo chigadzirwe kurudyi rwake uye akateerera izvo amai vake vakanga vakura, Bhatishebha, vaifanira kumuudza.—1 Madzimambo 2:19, 20.

14. Tingakudza sei nhengo dzeungano dzakura?

14 Mumhuri yedu huru yomudzimu, tine mukana wakanaka woku“tungamirira” mukukudza nhengo dzakura dzeungano. (VaRoma 12:10) Dzingasakwanisa kuita zvakawanda sezvadzaiita mumazuva akare, uye izvozvo zvingadzivhiringidza. (Muparidzi 12:1-7) Chimwe Chapupu chakazodzwa chakura chaigara chakarara pamubhedha munzvimbo inotarisirwa varwere chakambotaura kuvhiringidzika kwakadaro chichiti: “Handichagoni kumirira kusvikira ndafa kuti ndinotangazve basa ndava kudenga.” Nokuda kwavakura vakadaro, kunyatsova nehanya navo kwedu nokuvakudza kungabatsira. VaIsraeri vakarayirwa kuti: “Unofanira kusimukira wachena bvudzi, nokukudza mutana.” (Revhitiko 19:32) Ratidza kuva nehanya navanhu vakura nokuvaita kuti vanzwe kuti vanodiwa uye vanoongwa. ‘Kusimuka’ kungabatanidza kugara pasi ndokuvateerera vachitsanangura zvavakaita makore akapfuura. Izvozvo zvichakudza vakura nokupfumisa upenyu hwedu pachedu hwomudzimu.

‘Pakukudza Tungamirira’

15. Vakuru vangaitei kuti vakudze nhengo dzeungano?

15 Nhengo dzeungano dzinofara apo vakuru vanodzigadzira muenzaniso wakanaka kwazvo. (1 Petro 5:2, 3) Pasinei zvapo nepurogiramu yavo ine zvakawanda zvokuita, vakuru vane hanya vanotanga kutaura navaduku, misoro yemhuri, vanaamai vasina varume, vakadzi vapamba, uye vakura, kunyange vakadaro vachitarisana nezvinetso kana kuti kwete. Vakuru vanoteerera zvinotaurwa nenhengo dzeungano vodzirumbidza nokuda kwezvadzinokwanisa kuita. Mukuru anocherechedza anotaura mashoko okuonga zvinoitwa nehama kana kuti hanzvadzi ari kutevedzera Jehovha, uyo anoonga zvisikwa zvake zvapasi.

16. Nei tichifanira kuona vakuru savakakodzerwa nokukudzwa pamwe navamwe vari muungano?

16 Nokutevedzera Jehovha, vakuru vanogadza muenzaniso wakanaka kwazvo mukushandisa zano raPauro rokuti: “Pakudanana sehama dananai zvikuru kwazvo. Pakukudzana tungamiriranai.” (VaRoma 12:10) Izvi zvingaomera vakuru vanogara munyika dzine vanhu vanogara vachingofunga nezvezvinzvimbo. Somuenzaniso, mune imwe nyika yokuMabvazuva, mune mashoko maviri okuti “hama,” rimwe rinoratidza kukudza nerimwe rinoshandiswa nguva dzose. Kusvika munguva pfupi yapfuura, nhengo dzeungano dzaidana vakuru nevaya vakura nezita rinoratidza kukudza, dzichishandisa shoko renguva dzose kune vamwe. Zvisinei, dzakakurudzirwa kuti dzirambe dzichishandisa zita rinoshandiswa nguva dzose nokuti, sokuudza kwakaita Jesu vateveri vake, “imi mose muri hama.” (Mateu 23:8) Kunyange zvazvo kusiyana kwacho kungasanyatsooneka seizvi mune dzimwe nyika, tose tinoda kungwarira pfungwa yavanhu yokusarurana.—Jakobho 2:4.

17. (a) Nei vakuru vachifanira kuva vanhu vakasununguka kutaura navo? (b) Vakuru vangatevedzera Jehovha mukubata nenhengo dzeungano munzira dzipi?

17 Chokwadi, Pauro akatikurudzira kubata vamwe vakuru savakafanirwa no“kukudzwa nekaviri,” asi vachiri hama. (1 Timoti 5:17) Kana tichikwanisa “kuswedera norusununguko rwokutaura kuchigaro choumambo chomutsa usina kufanirwa” chaChangamire Wezvose Zvakasikwa, hatifaniri kuswedera kuvakuru here, avo vanofanira kutevedzera Jehovha? (VaHebheru 4:16; VaEfeso 5:1) Vatariri vangayera kusununguka kwavakaita kunoita kuti vamwe vaswedere kwavari nokufunga kuti vamwe vanouya kwavari kuzotsvaka zano kana kuti kuzotaura zvavanofunga kakawanda zvakadini. Dzidza chidzidzo munzira iyo Jehovha anobatanidza vamwe muzvirongwa zvake. Anokudza vamwe nokuvapa mabasa. Kunyange dzimwe pfungwa dzinotaurwa nechimwe Chapupu dzingaita sedzisingashandi, vakuru vanofanira kukoshesa kuva nehanya kwaratidzwa. Yeuka mabatire akaita Jehovha mibvunzo inoda kufunga yaAbrahamu uye kuchema kwokurwadziwa kwaHabhakuki.

18. Vakuru vangatevedzera sei Jehovha mukururamisa vanoda kubatsirwa?

18 Vamwe vaKristu sesu vanoda kururamiswa. (VaGaratiya 6:1) Kunyange zvakadaro, vanokosha mumaziso aJehovha, vakafanirwa nokubatwa zvine chiremera. “Pandinobatwa nokuremekedza nomumwe munhu ari kupa zano, ndinonzwa ndakasununguka kuswedera kwaari,” chakadaro chimwe Chapupu. Vanhu vakawanda vanobvuma zano pavanobatwa zvine chiremera. Zvingatora nguva huru, asi kuteerera vaya vakakanganisa kunoita kuti zvivaitire nyore kubvuma zano ripi neripi rinodiwa. Yeuka kuti Jehovha akakurukura akurukurazve sei navaIsraeri nemhaka yokuvanzwira tsitsi. (2 Makoronike 36:15; Tito 3:2) Zano rinopiwa nokunzwira urombo uye tsitsi richabaya mwoyo yevaya vanoda kubatsirwa.—Zvirevo 17:17; VaFiripi 2:2, 3; 1 Petro 3:8.

19. Tinofanira kuona sei vanhu vasingatendi sezvinoita vaKristu?

19 Kukudza kwedu vamwe kunosvika kune vaya vangangozova hama dzedu dzomudzimu munguva yemberi. Vanhu vakadaro vangasakurumidza kubvuma shoko redu zvino, asi tinofanira kuramba tichivashivirira uye tichiziva chiremera chavo savanhu. Jehovha haana “waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:9) Hatifaniri kuva nemaonero anoita Jehovha here? Tichingofunga nezvavanhu, tinogona kugadzira nzira yokupupurira kana tichigaroedza kuva noushamwari. Chokwadi, tinodzivisa rudzi rwoushamwari rwungaita kuti pave nengozi dzomudzimu. (1 VaKorinde 15:33) Asi, tinoratidza “mutsa zvikuru,” tisingazvidzi vanhu vasingatendi zvatinotenda.—Mabasa 27:3.

20. Muenzaniso waJehovha naJesu Kristu unofanira kuita kuti tiitei?

20 Hungu, Jehovha naJesu Kristu vanoona mumwe nomumwe wedu saakafanirwa nokuremekedzwa. Ngatiyeukei nguva dzose maitire avanoita nokutungamirira saizvozvo mukukudzana. Uye ngatiyeukei nguva dzose mashoko aIshe wedu Jesu Kristu anoti: “Imi mose muri hama.”—Mateu 23:8.

Ungapindura Sei?

• Unofanira kuona sei vaunonamata navo?

• Muenzaniso waJehovha newaJesu unoita sei kuti ukudze vamwe?

• Varume navabereki vangakudza vamwe sei?

• Kuona vamwe vaKristu sehama dzavo kunofanira kuita kuti vakuru vaite zvinhu nenzira dzipi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kudza mukadzi wako namashoko okuonga

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kudza vana vako nokuvateerera

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kubata nhengo dzeungano norukudzo