Kirasi Yechi108 yeGilead Yakakurudzirwa Kuita Basa Dzvene
Kirasi Yechi108 yeGilead Yakakurudzirwa Kuita Basa Dzvene
MUBHAIBHERI, kunamata Mwari kunowanzotaurwa namashoko okuti “basa dzvene.” Anobva mushoko rechiGiriki rinoreva kuitira Mwari basa. (VaRoma 9:4) Vanokwana 5 562 vakateerera purogiramu yokupedza kudzidza kwekirasi yechi108 yeWatchtower Bible School of Gilead vakanzwa vakurukuri vachipa zano rinoshanda raizobatsira vaipedza kudzidza kuti vaite basa dzvene rinogamuchirika kuna Jehovha Mwari. *
Theodore Jaracz, nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, ndiye akanga ari sachigaro. Purogiramu yacho yakatanga norwiyo nhamba 52, rwunoti “Zita raBaba Vedu.” Mutsetse wechipiri worwiyo irworwo unoti: “Titsvake nzira dzokuti Tigotsvenesa zita.” Izvozvo zvakanyatsoratidza chido chinobva pamwoyo chavadzidzi vekirasi yaipedza kudzidza (vaibva kunyika gumi) chokushandisa kurovedzwa kwavakaitwa mumigove yavo youfundisi, yaizova munyika 17.
Mumashoko avo okutanga, Hama Jaracz vakataura nezvemwedzi mishanu yokudzidza Bhaibheri zvakasimba kwavadzidzi kwakavagadzirira kushanda mune dzimwe nyika. Izvi zvakavabatsira kuva “nechokwadi nezvinhu zvose,” kureva kuti, kuongorora muchiedza cheShoko raMwari zvavakanga vadzidza uye ‘kubatisisa zvinhu zvakanaka kwazvo.’ (1 VaTesaronika 5:21) Akavakurudzira kuomerera vakatendeka kuna Jehovha, Shoko rake, uye migove yavakanga varovedzerwa. Chii chichavabatsira pavanoita zvose izvi?
Zano Rinoshanda Rokuita Basa Dzvene
Lon Schilling, nhengo yeDare Rokushanda kweBheteri, akataura pamusoro waiti “Uchakunda Muedzo Wokunzwisisa Here?” Akasimbisa kukosha kwokunzwisisa, kunoratidza uchenjeri hwaMwari. (Jakobho 3:17) Kunzwisisa kunosanganisira kuva anochinjika, asingasaruri, ane mwero, anofunga, uye anoshivirira. “Vanhu vanonzwisisa vanobata navamwe zvakaenzana. Havawanzonyanyisi,” vakadaro Hama Schilling. Chii chingabatsira mufundisi kunzwisisa? Kuzviona zviri pakati nepakati, uye kushandisa mikana yokuteerera nokudzidza kune vamwe, uye kuda kufunga maonero anoita vamwe nepo usingaiti zvinopesana nenheyo dzaMwari.—1 VaKorinde 9:19-23.
“Usakanganwa Kudya!” ndiwo waiva musoro unofadza wechikamu chakatevera chepurogiramu yacho, wakakurukurwa naSamuel Herd, imwe nhengo yeDare Rinodzora. Akasimbisa kukosha kwokuva VaFiripi 4:13.
nezvokudya zvomudzimu zvakanaka kuti urambe wakagwinya kuti uite basa dzvene. “Basa rako romudzimu,” Hama Herd vakadaro, “richawedzerwa munguva pfupi iri kutevera sezvaunonyura mumugove wako wokuparidza nokudzidzisa. Naizvozvo, uchazofanira kuwedzera kudya kwaunoita zvokudya zvomudzimu kuti simba rako rive pakati nepakati uye rienzane.” Kana mufundisi akaramba achidya, zvokudya zvomudzimu zvingamubatsira kuti asaora mwoyo mumudzimu uye asafunga kumusha. Zvinobatsira kuti munhu agutsikane uye atsunge kurambira kumugove wake webasa dzvene.—Mumwe murayiridzi weGilead, Lawrence Bowen, akakurudzira vadzidzi vaipedza kudzidza kuti “Vadzoke Kumavambo.” Airevei? Akaita kuti vateereri vose vavhure Zvirevo 1:7, inoti, “Kutya Jehovha ndiko kuvamba kwezivo.” Mukurukuri wacho akatsanangura kuti: “Chipi nechipi chinozvidza chokwadi chikuru chokuvapo kwaJehovha hachingambokwanisi chaizvoizvo kuva zivo yechokwadi kana kuti kuguma chanzwisiswa zvakarurama.” Hama Bowen vakaenzanisa zvidimbu zvomutambo unonzi puzzle namashoko akawanda eShoko raMwari, Bhaibheri. Zvidimbu zvacho pazvinobatanidzwa, panobuda mufananidzo. Kuwanda kwezvidimbu ndiko kukura uye kujeka kunenge kuchiitawo mufananidzo wacho uye kunzwisisa zvikuru kunoita munhu. Izvi zvingabatsira vose kuitira Mwari basa dzvene.
Wallace Liverance, mabharani weChikoro cheGilead, akagumisa hurukuro dzaitevedzana. Musoro wake waiva wokuti “Ipa Kuonga Sechibayiro Chako Kuna Mwari.” Akataura nezvenhoroondo yaJesu yokuporesa vanhu gumi vakanga vane maperembudzi. (Ruka 17:11-19) Mumwe bedzi ndiye akadzoka kuzorumbidza Mwari nokuonga Jesu. “Pasina mubvunzo, vamwe vacho vakafara kuti vakanga vachena. Vakafadzwa nokuchena kwavo, asi zvinoita sokuti zvavaingoda kwaiva kunzi vakachena nomupristi,” vakadaro Hama Liverance. Kuchenesa kwomudzimu kunobva mukudzidza chokwadi, kukabatanidzwa nokuonga, kunofanira kuita kuti munhu aonge Mwari nokuda kwokunaka kwake. Vadzidzi vekirasi yechi108 yeGilead vakakurudzirwa kufungisisa nezvemabasa ose aMwari uye kunaka kwake kuti basa ravo nokurega kwavo zvimwe zvinhu zviratidze kuonga Mwari.—Pisarema 50:14, 23; 116:12, 17.
Zvakaitika Nokubvunzurudza Pamusoro Pamaitirwo Azvo
Mark Noumair, mumwe murayiridzi weGilead, akaitisa chimwe chikamu chaitevera chepurogiramu yacho. Chaibata nezvakaitika mubasa romumunda zvekirasi panguva yokurovedzwa kwayo. Vadzidzi vakanga vapedza makore anopfuura 12 paavhareji muushumiri hwenguva yakazara vasati vauya kuGilead. Pavaiva pachikoro, vakatanga zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda navanhu vane mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, zvichiratidza kuti vadzidzi vaiziva kuti vangava sei “zvinhu zvose kune vanhu vamarudzi ose.”—1 VaKorinde 9:22.
Zvakaitika zvavadzidzi zvapera, Charles Molohan naWilliam Samuelson vakabvunzurudza dzimwe nhengo dzemhuri yeBheteri navatariri vanofambira vakanga vapinda Gilead. Imwe yehama dzakabvunzurudzwa, Robert Pevy, akashanda muPhilippines apedza kudzidza mukirasi yechi51 yeGilead. Akayeuchidza kirasi yacho kuti: “Pose panoitika chinetso, munhu wose anopa mazano ake amapedzerwe echinetso chacho. Nguva dzose pane mumwe munhu akangwara kukupfuura, mumwe munhu achataura pfungwa iri nani. Asi kana ukatarira muBhaibheri ndokuedza kuwana maonero anoita Mwari zvinhu, hapana achaakunda. Izvo ndizvo zvauchafanira kuita nguva dzose.”
Kupedzisa purogiramu yomudzimu yakanaka kwazvo, John Barr, imwe nhengo yeDare Rinodzora, akataura pamusoro unoti “Itira Jehovha Basa Dzvene Rinogamuchirika.” Akaratidza maratidzirwe angaitwa basa dzvene muushumiri hwomumunda kubatsira vanhu vane mwoyo yakarurama kuti vanamate Mwari munzira inogamuchirika. Varava mashoko aJesu ari pana Mateu 4:10, Hama Barr vakati, “Kana tichizonamata Jehovha oga, tinofanira kudzivisa nzira dzose dzisingacherechedzeki dzokunamata zvidhori, dzakadai sokuchiva, kuda kupfuma, uye kuzvikwidziridza. Zvinotifadza sei kufunga kuti vafundisi vedu mumakore ose aya kubvira kumavambo okuma1940 vakatanga chinyorwa chakaisvonaka munhau iyi! Uye tine chokwadi chokuti imi vari kupedza kudzidza vekirasi yechi108 yeGilead muchatevera muenzaniso wavo wakanaka. Muchaitira Jehovha basa dzvene, iye oga akafanirwa nokurigamuchira.”
Wakanga uri mugumo wakanaka wepurogiramu inovaka. Paiva nenguva yokunzwa kwaziso dzaibva kuvaishuvira zvakanaka munyika yose, yokupa zvitupa, uye yokurava tsamba yekirasi yairatidza kuonga kurovedzwa kwayakaitwa. Kirasi yaipedza kudzidza yakakurudzirwa kuratidza unhu hwokuomerera kumigove yayo uye hwokushumira Jehovha. Vose vaivapo, kusanganisira vaenzi vakabva kunyika 25, vakabatana mukugumisa purogiramu yacho norwiyo nomunyengetero.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 2 Purogiramu yomusi waMarch 11, 2000, yakavamba paWatchtower Educational Center muPatterson, New York.
[Bhokisi riri papeji 23]
NEZVEKIRASI YACHO
Nhamba yenyika dzaimirirwa: 10
Nhamba yenyika dzavakatumirwa: 17
Nhamba yavadzidzi: 46
Avhareji yezera: 34
Avhareji yemakore muchokwadi: 16
Avhareji yemakore muushumiri hwenguva yakazara: 12
[Mufananidzo uri papeji 24]
Kirasi Yechi108 Inopedza Kudzidza yeWatchtower Bible School of Gilead
Pane zvakarongwa pasi apa, mitsetse yakarongwa ichibva mberi kudzoka shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse woga woga.
(1) Amadori, E.; Cook, O.; Byrne, M.; Lee, A. (2) Newsome, D.; Pederzolli, A.; Bigras, H.; Kato, T.; Gatewood, D. (3) Eade, D.; Eade, J.; Wells, S.; Jamison, J.; Gonzales, M.; Gonzales, J. (4) Kato, T.; Lohn, D.; Niklaus, Y.; Preiss, S.; Foster, P.; Ibarra, J. (5) Amadori, M.; Manning, M.; James, M.; Boström, A.; Gatewood, B.; Newsome, D. (6) Foster, B.; Jamison, R.; Hifinger, A.; Koffel, C.; Koffel, T.; Byrne, G. (7) Hifinger, K.; Manning, C.; Cook, J.; Boström, J.; Lohn, E.; Pederzolli, A. (8) James, A.; Wells, L.; Preiss, D.; Niklaus, E.; Lee, M.; Ibarra, P.; Bigras, Y.