Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudza Vakapiwa Simba Pauri

Kudza Vakapiwa Simba Pauri

Kudza Vakapiwa Simba Pauri

“Kudzai vanhu vose, idai sangano rose rehama, ityai Mwari, kudzai mambo.”—1 PETRO 2:17.

1, 2. Vanhu vanoona sei vane simba nhasi? Nei?

“VANA vane kodzero dzose. Vabereki havasi kuremekedzwa,” vamwe amai vanochema-chema vachidaro. “Pokana Nevane Simba,” anodaro mamwe mashoko akanamirwa kumashure kwemotokari. Izvi zvinongova zviratidzo zviviri zvemamiriro ezvinhu akapararira nhasi, sezvaunofanira kuziva. Kusangoremekedzwa kwavabereki, vadzidzisi, vashandirwi, uye vakuru vakuru vehurumende kwapararira munyika yose.

2 Vamwe vangangosimudza mapendekete avo vachiramba kuti: ‘Vari munzvimbo dzine simba havakodzeri kuremekedzwa neni.’ Pane dzimwe nguva, izvozvo zvingava zvakaoma kuramba. Tinoramba tichinzwa nhau dzakawanda dzavakuru vakuru vehurumende vane uori, vashandirwi vanokara, vadzidzisi vasingaiti basa nemazvo, uye vabereki vanobata vana vavo zvisina kufanira. Zvinofadza kuti vaKristu vanoona vane simba vari muungano nepfungwa iyoyo havana kuwanda.—Mateu 24:45-47.

3, 4. Nei vaKristu vachifanira kuremekedza vari munzvimbo dzine simba?

3 SavaKristu, tine “chikonzero chinogombedzera” chokuremekedza vane simba venyika. Muapostora Pauro akarayira vaKristu kuti va“zviise pasi pevane simba zvikuru, nokuti hapana simba risina kubvumirwa naMwari; vane simba vose varipo vakaiswa munzvimbo yavo ine mwero naMwari.” (VaRoma 13:1, 2, 5; 1 Petro 2:13-15) Pauro akaratidzawo chikonzero chinokosha chokuteerera vane simba mumhuri achiti: “Imi vakadzi, zviisei pasi pevarume venyu, sezvazvakafanira munaShe. Imi vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza zvikuru munaShe.” (VaKorose 3:18, 20) Vakuru veungano vakafanirwa nokukudzwa nesu nokuti ‘vakagadzwa nomudzimu mutsvene kuti vave vatariri, kuti vafudze ungano yaMwari.’ (Mabasa 20:28) Tinokudza vanhu vane simba nokuti tinoremekedza Jehovha. Kukudza simba raJehovha kwakangogara kuri pakutanga muupenyu hwedu nguva dzose.—Mabasa 5:29.

4 Tichifunga nezvesimba guru kwazvo raJehovha, ngatifungei mienzaniso yavamwe vasina kuremekedza vari munzvimbo dzavane simba neyaavo vakaremekedza.

Kusaremekedza Kunoita Kuti Usatenderwa

5. Mikari akaratidza sei kusaremekedza Dhavhidhi, uye izvozvo zvakatungamirira kuchii?

5 Kubva munhoroondo yaMambo Dhavhidhi, tingaona semaonero anoita Jehovha vanotarisira pasi vaya vakapiwa simba naMwari. Apo Dhavhidhi akaita kuti areka yesungano iunzwe kuJerusarema, mudzimai wake Mikari “akaona mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba pamberi paJehovha, akamushora mumwoyo make.” Mikari aifanira kuva akaona Dhavhidhi kwete somusoro wemhuri chete asiwo samambo wenyika. Zvisinei, akataura manzwiro aaiita nokutsvinya achiti: “Haiwa, mambo waIsraeri wazvikudza sei nhasi, zvaazvifukura pamberi pavarandakadzi vavaranda vake, sokuzvifukura kwebenzi risinganyari!” Somugumisiro Mikari haana kuzomboita vana.—2 Samueri 6:14-23.

6. Jehovha akaona sei kusaremekedza vakazodzwa Vake kwakaita Kora?

6 Muenzaniso wakaipisisa wokuzvidza utungamiriri hwokutonga kwakagadzwa naMwari wakanga uri waKora. SomuKohati, aiva neropafadzo yakadini yokushumira Jehovha patabhenakeri! Kunyange zvakadaro, akawanira mhosva Mosesi naAroni, vatungamiriri vavaIsraeri vakanga vakazodzwa naMwari. Kora akabatana pamwe chete navamwe vakuru veungano vaIsraeri uye nehasha vakaudza Mosesi naAroni kuti: “Vanhu vose veungano vatsvene, mumwe nomumwe wavo; Jehovha uri pakati pavo; imi munozvikudzireiko pamakurukota aJehovha?” Jehovha akaona sei mafungiro aKora navatsigiri vake? Mwari akaona zvavakaita sokuzvidza Jehovha pachake. Pashure pokuona vose vaivatsigira vachimedzwa napasi, Kora navakuru veungano 250 vakaparadzwa nemoto wakabva kuna Jehovha.—Numeri 16:1-3, 28-35.

7. ‘Vaapostora vakanaka zvikuru’ vaiva nechikonzero chipi nechipi chokutsoropodza simba raPauro here?

7 Muungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga, maiva navaya vaizvidza simba rokutonga kunoitwa naMwari. “Vaapostora . . . vakanaka zvikuru” vaiva muungano yeKorinde havana kuremekedza Pauro. Vakatsoropodza matauriro aaiita, vachiti: “Kana avapo haana simba uye kutaura kwake kunozvidzika.” (2 VaKorinde 10:10; 11:5) Pauro aifanira kuremekedzwa somuapostora pasinei nokuti akanga ari mukurukuri anokurukura zvinonwisa mvura here kana kuti kwete. Asi kutaura kwaPauro kwaizvidzika chaizvoizvo here? Hurukuro dzake dzavose dzakanyorwa muBhaibheri dzinoratidza kuti akanga ari mukurukuri anokurukura zvinogutsa akadini. Chokwadi, somugumisiro wokukurukurirana kupfupi naHerodhi Agiripa II, aiva ‘nyanzvi panharo dzose dzaiva pakati pevaJudha,’ Pauro akaita kuti mambo ataure kuti: “Ungandinyengetedza kuva muKristu nenguva pfupi”! (Mabasa 13:15-43; 17:22-34; 26:1-28) Asi, vaapostora vakanaka zvikuru vomuKorinde vakamupomera kuti kutaura kwake kwaizvidzika! Jehovha akaona sei mafungiro avo? Mumashoko avatariri veungano yeEfeso, Jesu Kristu akataura zvakanaka nezvaavo vakaramba kutsauswa naavo ‘vaizviti vaapostora, asi vasiri.’—Zvakazarurwa 2:2.

Remekedza Pasinei Zvapo Nokusakwana

8. Dhavhidhi akaratidza sei kuti airemekedza simba iro Jehovha akanga apa Sauro?

8 Kune mienzaniso yakawanda iri muBhaibheri yaavo vakakudza vanhu vane simba, kunyange apo ivavo vaishandisa simba ravo zvisina kunaka kana kuti zvisina kufanira. Dhavhidhi akanga ari mumwe muenzaniso wakanaka wakadaro. Mambo Sauro, waaishanda ari pasi pake, akava neshanje nokubudirira kwakanga kuchiita Dhavhidhi uye akatsvaka kumuuraya. (1 Samueri 18:8-12; 19:9-11; 23:26) Asi, kunyange zvazvo aiva nemikana yokuuraya Sauro, Dhavhidhi akati: “Jehovha ngaandidzivise, ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodzwa waJehovha!” (1 Samueri 24:3-6; 26:7-13) Dhavhidhi aiziva kuti Sauro akanga achikanganisa, asi akasiyira Jehovha kuti amutonge. (1 Samueri 24:12, 15; 26:22-24) Haana kutaura zvakashata kuna Sauro kana kuti pamusoro pake.

9. (a) Dhavhidhi akanzwa sei paakanga achibatwa zvisina kunaka naSauro? (b) Tingataura sei kuti kuremekedzwa kwaiitwa Sauro naDhavhidhi kwakanga kuri kwechokwadi?

9 Dhavhidhi akarwadziwa paakanga achibatwa zvisina kunaka here? “Nokuti . . . vamanikidzi vakatsvaka mweya wangu,” Dhavhidhi akachema achidaro kuna Jehovha. (Pisarema 54:3) Akadurura mwoyo wake kuna Jehovha achiti: “Ndirwirei pavavengi vangu, Mwari wangu . . . Vane simba vakaungana kuzorwa neni. Hakuzi nokuda kwokudarika kwangu kana kwezvivi zvangu, Jehovha. Vanomhanya nokuzvigadzira, ini ndisine mhosva hangu. Mukai mundibatsire, muone.” (Pisarema 59:1-4) Wakambonzwa saizvozvo here—kuti hapana chawakanga wakanganisira munhu ane simba, asi akaramba achikuomesera? Dhavhidhi haana kuzvidza Sauro. Pakafa Sauro, panzvimbo pokuti asvetuke nokufara, Dhavhidhi akanyora rwiyo rwamariro rwokuti: “Sauro naJonatani vakanga vakadikanwa, vakanaka, paupenyu hwavo . . . Vaikurumidza kupfuura makondo, vaiva nesimba kupfuura shumba. Imi vakunda vaIsraeri, chemai Sauro.” (2 Samueri 1:23, 24) Muenzaniso wakanaka kwazvo wakadini wokuremekedza vakazodzwa vaJehovha zvechokwadi, kunyange zvazvo Dhavhidhi akanga akanganisirwa naSauro!

10. Muenzaniso upi wakanaka kwazvo wakagadzwa naPauro mukukudza simba rakapiwa dare rinodzora naMwari, uye izvozvo zvakatungamirira kuchii?

10 Munguva yechiKristu, tinowanawo mienzaniso yakakurumbira yaavo vairemekedza vakapiwa simba naMwari. Somuenzaniso, funga nezvaPauro. Akaratidza kuremekedza zvakasarudzwa nedare rinodzora reungano yechiKristu romuzana remakore rokutanga. Mukushanya kwaPauro kwokupedzisira kuJerusarema, dare rinodzora rakamupa zano rokuti azvichenese kuti aratidze vamwe kuti akanga asingavengi Mutemo waMosesi. Pauro aigona kudai akafunga kuti: ‘Hama idzodzo dzakambondirayira kuti ndibve muJerusarema apo upenyu hwangu hwakanga hwava mungozi. Zvino dzinoda kuti ndiratidze pachena kuti ndinoremekedza Mutemo waMosesi. Ndakatonyorera vaGaratiya tsamba ndichivarayira kuti vasachengete Mutemo wacho. Kana ndikaenda kutemberi, vamwe vangasanzwisisa zvandiri kuita, vachifunga kuti ndiri kubvumirana nevaya veboka risina kudzingiswa.’ Zvisinei, zviri pachena kuti Pauro haana kufunga saizvozvo. Sezvo pakanga pasina nheyo dzechiKristu dzaityorwa, akaremekedza uye akaita maererano nezano redare rinodzora romuzana remakore rokutanga. Zvakabva zvaitika ndezvokuti Pauro aitofanira kununurwa pamhomho yechiJudha, uye zvadaro akapedza makore maviri ari mujeri. Pakupedzisira, kuda kwaMwari kwakaitwa. Pauro akapupura pamberi pavakuru vakuru vomuKesariya uye zvadaro akaendeswa kuRoma achibhadharirwa rwendo rwacho nehurumende kuti anopupura pamberi paKesari pachake.—Mabasa 9:26-30; 21:20-26; 23:11; 24:27; VaGaratiya 2:12; 4:9, 10.

Unoremekedza Here?

11. Tingaremekedza sei vane simba venyika?

11 Unoremekedza vane simba zvakavafanira here? VaKristu vanorayirwa ku‘pa vose zvakavafanira, kune anorayira kukudzwa, kukudzwa kwakadaro.’ Zvechokwadi, kuzviisa pasi kwedu kune “vane simba zvikuru” hakungogumiri pakubhadhara mitero yedu chete asiwo kunosanganisira kukudza vane simba nomufambiro wedu nokutaura kwedu. (VaRoma 13:1-7) Tatarisana navakuru vakuru vehurumende vangava vane utsinye, tinoita sei? MuChiapas State, muMexico, vane simba vomune imwe nharaunda vakanga vatora nzvimbo dzokurima dzakanga dziri dzemhuri 57 dzeZvapupu zvaJehovha nokuti vaKristu ava vakanga vasingauyi kumitambo yezvitendero yakati. Pamisangano yakaitwa yokugadzirisa dambudziko racho, Zvapupu zvacho, zvakachena uye zvakapfeka zvakanaka, zvaitaura zvine chiremera nokuremekedza nguva dzose. Papfuura gore gare gare, pakaitwa chisarudzo chaizvitsigira. Maitiro azvo akaita kuti vamwe vaicherechedza vazviremekedze kusvika pakuti naivo vakada kuva Zvapupu zvaJehovha!

12. Nei zvichikosha kuti mukadzi a‘remekedze zvikuru’ murume wake asingatendi?

12 Ungaremekedza sei vakapiwa simba naMwari mumhuri? Akurukura nezvomuenzaniso waJesu wokutambura zvakaipa, muapostora Petro akati: “Saizvozvowo, imi vakadzi, zviisei pasi pevarume venyu chaivo, kuitira kuti, kana pane vasingateereri shoko, vawanwe pasina shoko nomufambiro wevakadzi vavo, nemhaka yokuva zvapupu zvakaona mufambiro wenyu wakachena pamwe noruremekedzo rukuru.” (1 Petro 3:1, 2; VaEfeso 5:22-24) Pano Petro akasimbisa kukosha kwokuti mukadzi azviise pasi pomurume wake no“ruremekedzo rukuru,” kunyange zvazvo vamwe varume vangatadza kunyatsoita zvinokodzera kuremekedzwa ikoko. Kuremekedza kunoitwa nomukadzi kungachinja mwoyo womurume wake asingatendi.

13. Vakadzi vangakudza sei varume vavo?

13 Pane zviri mumagwaro aya, Petro anoita kuti tifunge nezvomuenzaniso waSara, aiva nomurume ane muenzaniso wokutenda, Abrahamu. (VaRoma 4:16, 17; VaGaratiya 3:6-9; 1 Petro 3:6) Vakadzi vane varume vanotenda vanofanira kuvakudza zvishoma pane zvinoitwa navakadzi vane varume vasingatendi here? Zvakadii kana usingabvumirani nomurume wako pane imwe nhau? Jesu akapa zano rinogona kushandiswawo pano rokuti: “Kana mumwe munhu ane simba akakumanikidzira kuti uite basa kweinenge kiromita imwe nehafu, enda naye kweanenge makiromita matatu.” (Mateu 5:41) Unokudza murume wako nokuita maererano nezvaanoda here? Kana izvi zvichiita sezvakanyanyooma, muudze zvaunofunga panhau yacho. Usafungidzira kuti anoziva zvauri kufunga. Asi paunomuudza zvaunoda, zviite nokuremekedza. Bhaibheri rinotirayira kuti: “Kutaura kwenyu ngakugarova nenyasha, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive nzira yamunofanira kupindurana nayo.”—VaKorose 4:6.

14. Kukudza vabereki kunosanganisirei?

14 Zvakadii nemi vana? Shoko raMwari rinorayira kuti: “Vana, teererai vabereki venyu munaShe, nokuti izvi zvakarurama: ‘Kudza baba vako naamai vako’; unova ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa.” (VaEfeso 6:1-3) Cherechedza kuti kuteerera vabereki vako kuri kunzi kwakafanana no‘kukudza baba vako naamai vako.’ Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kudza” rinoreva kuti “kukoshesa” kana kuti “kuisa ukoshi pana.” Saka, kuteerera kunorayira zvakawanda kupfuura kungotevedzera usingadi mitemo yavabereki ingaita seisina musoro kwauri. Mwari anoda kuti ukoshese vabereki vako kwazvo uye kuti ukoshese nhungamiro yavo.—Zvirevo 15:5.

15. Vana vangaramba sei vachiremekedza kunyange kana vachifunga kuti vabereki vavo vakakanganisa?

15 Kana vabereki vako vakaita chimwe chinhu chinoita kuti uderedze kuvaremekedza kwako, wodii ipapo? Edza kuona nhau yacho samaonero avanoita. Havana here kuita kuti ‘uberekwe’ uye kukuriritira? (Zvirevo 23:22) Hakusi kukuda here kwavanoita kuri kuita kuti vadaro? (VaHebheru 12:7-11) Taura navabereki vako nokuremekedza, uchitsanangura nounyoro zvaunofunga. Kunyange kana vakapindura nenzira yausingadi, usataura navo nokusaremekedza. (Zvirevo 24:29) Yeuka kuti Dhavhidhi akaramba achiremekedza sei Sauro kunyange apo mambo akatsauka pakutevera zano raMwari. Kumbira Jehovha kuti akubatsire kukunda mafungiro ako. “Dururai mwoyo yenyu pamberi pake,” akadaro Dhavhidhi. “Mwari ndiye utiziro hwedu.”—Pisarema 62:8; Mariro aJeremia 3:25-27.

Kudza Vari Kutungamirira

16. Tingadzidzei mumienzaniso yavadzidzisi venhema nengirozi?

16 Vakuru veungano vakagadzwa nomudzimu mutsvene, asi havasati vakwana uye vanokanganisa. (Pisarema 130:3; Muparidzi 7:20; Mabasa 20:28; Jakobho 3:2) Somugumisiro, vamwe vari muungano vanganzwa vasingagutsikani navakuru. Tinofanira kuita sei patinofunga kuti chimwe chinhu hachisi kuitwa zvakarurama muungano, kana kuti sezvachaifanira kuitwa? Cherechedza musiyano uri pakati pevadzidzisi venhema vomuzana remakore rokutanga nengirozi: “Vachitsunga, vachiva nenharo, [vadzidzisi venhema] havadederi vane mbiri asi vanotaura zvakaipa nezvavo, asi ngirozi, kunyange dzichivapfuura pamano nepasimba, hadzivapomeri dzichitaura mashoko akaipa, dzisingadaro nemhaka yokuremekedza Jehovha.” (2 Petro 2:10-13) Kunyange zvazvo vadzidzisi venhema vakataura zvakaipa nezve“vane mbiri”—vakuru vakanga vapiwa simba muungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga—ngirozi hadzina kutaura zvakashata nezvavadzidzisi vakanga vachikonzera kushaikwa kwechinzwano pakati pehama. Nemhaka yechinzvimbo chakakwirira zvikuru chadziri uye pfungwa dzinonyatsoruramisa kupfuura dzavanhu, ngirozi dzacho dzaiziva zvakanga zvichiitika muungano yacho. Asi, “nemhaka yokuremekedza Jehovha,” dzakasiyira Mwari kuti atonge.—VaHebheru 2:6, 7; Judha 9.

17. Kutenda kunobatanidzwa sei paunobata nezvinetso zvaunofunga kuti vakuru ndivo vakakanganisa?

17 Kunyange kana chimwe chinhu chisiri kuitwa sezvachinofanira kuitwa chaizvo, hatifaniri kuva nokutenda muna Jesu Kristu soMusoro mupenyu weungano yechiKristu here? Haasi kuziva zviri kuitika musangano rake romunyika yose here? Hatifaniri kuremekedza nzira yaanogadziridza nayo mamiriro ezvinhu uye kuziva mano ake okudzora zvinhu here? Zvechokwadi, ‘tiri vanaani kuti titonge muvakidzani wedu?’ (Jakobho 4:12; 1 VaKorinde 11:3; VaKorose 1:18) Wadii kuudza Jehovha zvinokunetsa muminyengetero yako?

18, 19. Ungaitei kana ukafunga kuti mukuru akanganisa?

18 Nemhaka yokusakwana kwavanhu, matambudziko kana kuti zvinetso zvichamuka. Pangatova nedzimwe nguva apo mukuru angakanganisa, zvichiita kuti vamwe vavhiringidzwe. Kuita kwedu nokukurumidza mumamiriro ezvinhu akadai hakuzochinji zvinhu. Kungangowedzera chinetso chacho chete. Avo vane kunzwisisa kwomudzimu vachamirira Jehovha kuti aruramise zvinhu uye kuti ape chirango chipi nechipi chingadiwa munguva yake pachake nenzira yaanoda.—2 Timoti 3:16; VaHebheru 12:7-11.

19 Zvakadii kana ukarwadziwa neimwe nhau? Panzvimbo pokuti uudze vamwe vari muungano, wadii kuenda kuvakuru nokuremekedza kuti vakubatsire? Usingatsoropodzi, tsanangura kurwadziwa kwawakaitwa. Nguva dzose va‘nzwire ngoni,’ uye ramba uchivaremekedza sezvaunotaura zvakavanzika zvako kwavari. (1 Petro 3:8) Rega kutsvinya, asi vimba nokukura kwavo mumudzimu. Onga kukurudzira kwomudzimu kupi nokupi kwavangaita nomutsa. Uye kana zvikaita sokuti mamwe matanho okururamisa anodiwa, vimba kuti Jehovha achatungamirira vakuru kuti vaite chakanaka nechakarurama.—VaGaratiya 6:10; 2 VaTesaronika 3:13.

20. Tichakurukura nezvei muchidzidzo chinotevera?

20 Zvisinei, pane zvimwe zvokufunga nezvazvo zviri maererano nokukudza uye kuremekedza vane simba. Vakaiswa munzvimbo dzavane simba havafaniri kuremekedza vavanotarisira here? Ngationgororei izvozvo munyaya inotevera.

Ungapindura Sei?

• Chikonzero chipi chakanaka chatinacho chokukudza vane simba?

• Jehovha naJesu vanoona sei avo vasingaremekedzi simba rakapiwa naMwari?

• Mienzaniso ipi yakanaka yatinayo yaavo vakakudza vakapiwa simba?

• Chii chatingaita kana ane simba patiri akaita saakanganisa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 12]

Sara akaremekedza zvikuru simba raAbrahamu uye akafara

[Mufananidzo uri papeji 13]

Mikari akakundikana kuremekedza simba raDhavhidhi somusoro wemhuri namambo

[Mufananidzo uri papeji 15]

“Jehova ngaandidzivise, ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodzwa waJehovha!”

[Mufananidzo uri papeji 16]

Wadii kuudza Jehovha zvinokunetsa muminyengetero yako?