Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kununura Pachitsuwa cheRobinson Crusoe

Kununura Pachitsuwa cheRobinson Crusoe

Kununura Pachitsuwa cheRobinson Crusoe

ROBINSON CRUSOE ndechimwe chezvitsuwa zvitatu zviri muNyanza yePacific zvinoumba boka rezvitsuwa zvakangomwararira rinonzi Juan Fernández, riri makiromita 640 kubva kumhenderekedzo yeChile. * Chitsuwa chacho chamakiromita 93 kumativi ose chakawana zita iroro mubhuku rine mukurumbira romuzana remakore rechi18 rinonzi Robinson Crusoe, rakanyorwa nomunyori wechiNgezi anonzi Daniel Defoe. Sezviri pachena bhuku racho rainyanyotaura nezvezvinhu zvaiitwa nomurume wokuScotland, Alexander Selkirk, akagara oga pachitsuwa chacho kwemakore mana.

Chikwangwani chemapuranga chiri pachitsuwa chacho muchikamu chinoti: “Panzvimbo ino, zuva nezuva kwemakore anopfuura mana, mufambi nechikepe wokuScotland anonzi Alexander Selkirk aitsvaka achinetseka chaizvo chikepe chokununura pajengachenga chaizomununura pakuva kwake oga.” Pakupedzisira, Selkirk akanunurwa ndokudzorerwazve kunyika yokumusha kwake, kunyika yakanga isingachamugutsi pashure pokunge ambogara muparadhiso duku yake oga. Anonzi pane imwe nguva akazoti: “Haiwa, chitsuwa changu chinodiwa! Ndinoshuva kuti dai ndisina kumbobva pauri!”

Nokufamba kwenguva, chitsuwa chacho chakashandiswa senzvimbo yokurangira vasungwa, yaigarwa nevamwe vainge vapara “mhosva dzezvokutenda” muChechi yeKaturike. Kuchinja kwakadini kubva pachitsuwa chairatidzika separadhiso chaimbozivikanwa naSelkirk! Zvisinei, vanogara pachitsuwa chacho mazuva ano, vane runyararo rwune rugare rusingawanzowanikwi munzvimbo dzakawanda dzenyika. Mararamiro asiri okumhanya-mhanya, anowanika mutsika dzakawanda dzomuzvitsuwa, anoita kuti zvive nyore kutanga kukurukurirana nomunhu chero upi zvake.

Nenzira inozivikanwa zvapamutemo, paRobinson Crusoe pane vagari vanenge 500, asi nguva huru yegore, vanhu 400 chete ndivo vanenge vari pachitsuwa chacho. Izvi zvinoti konzerwei nokuti vamwe vanaamai nevana vavo vanogara munyika yeChile panguva yechikoro, vachizodzoka kuchitsuwa chacho mumwedzi yezororo chete kuti vapedze nguva nemhuri yose.

Pasinei zvapo nokuti paRobinson Crusoe pane nzvimbo dzakaita sebindu rakanaka kwazvo, vamwe vagari vapachitsuwa chacho vanonzwa kuti havana zvinhu zvokumudzimu uye vari kutsvaka mhinduro. Vamwe vave vachinzwa sokuti vanoda kununurwa mumudzimu.

Kununura Mumudzimu

Basa rakadaro rokununura mumudzimu rakatanga munenge muna 1979. Mumwe mukadzi aidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha muSantiago, Chile, akatamira kuchitsuwa chacho ndokutanga kudzidzisa vamwe zvaakanga adzidza. Gare gare mumwe mukuru muungano akanga achishanyira chitsuwa chacho nezvikonzero zvakewo akashamiswa kuwana boka duku revadzidzi veBhaibheri richifambira mberi mumudzimu nokubatsira kwomukadzi iyeye. Panguva yakazoshanyira mukuru wacho chitsuwa chacho zvakare mwedzi mitatu gare gare, mudzidzisi weBhaibheri uyu akanga ari oga nevadzidzi vake vaviri vakanga vatogadzirira kubhabhatidzwa, saka mukuru wacho akatungamirira pakubhabhatidzwa kwavo. Gare gare, mumwe wevaKristu vatsva ava vakanga vabhabhatidzwa akaroorwa uye, pamwe chete nomurume wake, vakaramba vachitsvaka vamwe vaida kununurwa mumudzimu. Murume wake akatungamirira mukuvakwa kweHoro yoUmambo ine mwero, iyo iri kupfuurira kushandiswa neboka duku riri pachitsuwa ichocho. Nokufamba kwenguva, nezvikonzero zvemari, vakabva paRobinson Crusoe ndokutamira kuungano iri pakati peChile, kwavari kupfuurira kushumira Jehovha nokushingaira.

Zvishoma nezvishoma, boka duku riri pachitsuwa chacho rakapfuurira kukura sezvo vamwe vainunurwa kubva muchitendero chenhema. Zvisinei, sezvo vadzidzi vachifanira kuenda kunyika huru kuti vadzidze kuchikoro chesekondari, boka racho rakaderera kusvika pasara hanzvadzi mbiri dzakabhabhatidzwa nomusikana muduku mumwe. Boka racho rinokura munguva yezororo panodzokera vamwe vanaamai kuchitsuwa chacho. Izvi zvinobatsira kusimbisazve vaKristu vatatu vanosara vari voga ipapo kwegore rose. Somugumisiro wokushanda zvakaoma kwehanzvadzi idzi, Zvapupu zvaJehovha zvinonyatsozivikanwa paRobinson Crusoe. Zvechokwadi, vamwe vagari vapachitsuwa chacho vave vachishora basa ravo uye vachiedza kumanikidza vamwe kuramba shoko roUmambo. Asi mbeu dzechokwadi cheBhaibheri dzakadyarwa mumwoyo yakatendeseka dziri kuramba dzichikura.

Kusimbisa Vaya Vakanunurwa

Kamwe pagore mutariri anofambira anoshanyira chitsuwa chacho. Zvakamboita sei kushanyira Zvapupu zvishomanana pachitsuwa chiri choga? Mumwe mutariri wedunhu anorondedzera kushanya kwake kwokutanga paRobinson Crusoe:

“Rwendo urwu rwaifadza kwazvo. Rwakatanga na7:00 mangwanani patakabva muValparaiso kuti tiende kuNhandare Yendege yeSantiago Cerrillos. Takakwira ndege duku yevanhu vanomwe. Tabhururuka kwamaawa maviri nemaminiti 45, takaona nechemberi nhongonya yegomo yaikwira kudarika makore. Sezvatakasvika pedyo, chitsuwa chacho chakatanga kuoneka—ruware rwunoorora rwuri pakati penyanza. Chaiita sechaiyangarara munzvimbo ine mvura, kufanana nengarava yarasika mugungwa.

“Tadzika, chimwe chikepe chakatiendesa kwaiva nemisha. Pano neapo, maruware anonyuka mugungwa anoumba tuzvitsuwa tuduku tunoshanda senzvimbo dzokuzororera dzeJuan Fernández fur seal. Mafur seal imhuka dzinodzivirirwa nemhaka yokuti nhamba dzawo dzave dzichiderera kwazvo. Pakarepo, chimwe chinhu chakabhururuka pedyo nechikepe ndokudzokerazve mugungwa. Yaiva hove inobhururuka, ine zvimbi zvine mamino zvakafanana nemapapiro. Yaiita seyaifarira kubuda mumvura kuti ibate twupukanana. Chokwadi, dzimwe nguva mubati anobatwawo; kusvetuka-svetuka kwake kunokwezva vamwe vavengi vanenge vakagadzirira kumumedza paanenge odzika mumvura.

“Pakupedzisira, takasvika mumusha weSan Juan Bautista (St. John muBhabhatidzi). Paiva navagari vapazvitsuwa vakati wandei vakanga vakamira pachiteshi, zvimwe vachimirira vashanyi vavo kana kungoda kuziva kuti achasvika nguva ino ndiani. Takaororwa nechitarisiko chakanaka—gomo guru rakaita jichi rinonzi El Yunque (Chipfuriro), rakashongedzwa sokunge kuti nejira rakasvibira, uye kumashure kwaro, kwaiva nedenga rakajeka, rebhuruu rakanga rine makore machena aiva kumucheto.

“Takakurumidza kuona rimwe boka rehanzvadzi dzedu dzechiKristu nevana varo rakatimirira pachiteshi. Yaiva nguva yezororo, saka boka racho rakanga rakakura kupfuura zvenguva dzose. Takwazisana, takaendeswa kune kamba kanoyevedza kataizodana kuti musha wedu kwevhiki.

“Yaiva vhiki inokosha kwazvo, uye takaziva kuti yaizopfuura nokukurumidza. Taida kushandisa nguva yedu zvakanaka. Zuva iroro chairo, tichangopedza kudya kwemasikati, takashanyira mudzidzi weBhaibheri uyo munguva pfupi yaizotevera aizova hanzvadzi yedu yomudzimu uye aizovawo muparadhiso yaMwari yomudzimu. Akanga achinyemwerera nomufaro asiwo aiti ityei. Vavariro yake yokuda kubhabhatidzwa yaakanga akamirira kwenguva refu yakanga ichiswedera pedyo. Takakurukura mashoko akafanira naye kuti akwanise kuva muparidzi wemashoko akanaka. Zuva rakatevera, akaitawo basa rokuparidza kwenguva yokutanga. Zuva rechitatu, takatanga kukurukura naye zvinodiwa zvokubhabhatidzwa. Vhiki isati yapera, akabhabhatidzwa.

“Misangano yakaitwa muvhiki yacho yakanyatsotsigirwa, nenhamba huru yevakapinda inosvika 14. Zuva roga roga paiva negadziriro dzebasa romumunda, dzokudzokerazve, dzezvidzidzo zveBhaibheri, uye dzokushanya kunofudza. Kukurudzira kwakadini kwakaitwa hanzvadzi dzedu dzinoita basa radzo dzoga gore rose!”

Zvave zvakaoma kwazvo kuti varume vari pachitsuwa chacho vagamuchire chokwadi, zvichida nemhaka yebasa ravo rinoda simba. Basa guru nderokubata malobster, anoda kuzvipira kukuru. Kufungira zvakaipa kunobatanidzwawo mukusagamuchira kwavakawanda. Asi, zvinotarisirwa kuti vagari vakawanda vapachitsuwa chacho, vose varume nevakadzi, munguva yemberi vachagamuchira.

Kusvikira zvino, vanhu gumi vakanunurwa pachitsuwa chacho nokusvika pakuziva chokwadi nezvinangwa zvaJehovha Mwari. Vamwe vavo vakabva pachitsuwa chacho nezvikonzero zvakasiyana-siyana. Asi zvisinei nokuti vacharamba varipo here kana kuti kwete, kununurwa kwavo kwomudzimu kwaratidza kuti kunokosha kwazvo kupfuura kununurwa kwaAlexander Selkirk. Iye zvino vane paradhiso yomudzimu chero kupi zvakwo kwavangagara. Hanzvadzi dzichiri kugara pachitsuwa chacho nevana vadzo dzinofadzwa nemamiriro ezvinhu anenge ebindu akavapoteredza, asi zvinotopfuura izvozvo, dzine tarisiro yokurarama pasi rose parichava paradhiso yechokwadi mupfungwa yose inoreva shoko racho.

Basa Rokununura Rinopfuurira

Nepariri, boka iri duku reZvapupu zvaJehovha riri paRobinson Crusoe rinogara kure kwazvo nehama nehanzvadzi dzaro dzose dzokumudzimu. Asi, harinzwi riri roga, sezvakaita murume wokuScotland anonzi Selkirk. Nemabhuku okutonga kunoitwa naMwari anoramba achisvika nguva dzose, mavhidhiyo emagungano uye ekokorodzano avanotumirwa katatu pagore kubva kubazi reWatch Tower Society riri muChile, uye kushanya kwomutariri wedunhu kwepagore, vanoramba vachikurukurirana nesangano raJehovha. Saka vanoramba vari rutivi rwunoshingaira rwe‘sangano rose rehama munyika yose.’—1 Petro 5:9.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Chitsuwa chacho chinozivikanwa nezita rokuti Más a Tierra.

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 9]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

CHILE

Santiago

CHITSUWA CHEROBINSON CRUSOE

San Juan Bautista

El Yunque

NYANZA YEPACIFIC

CHITSUWA CHESANTA CLARA

[Mufananidzo]

Chitsuwa chacho pachinotanga kuoneka, munhu anoona ruware rwunoorora rwuri pakati penyanza

[Kwazvakatorwa]

Map of Chile: Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Gomo guru rakaita jichi rinonzi El Yunque (Chipfuriro)

[Mufananidzo uri papeji 9]

Musha weSan Juan Bautista (St. John muBhabhatidzi)

[Mufananidzo uri papeji 9]

Tuzvitsuwa tuduku tunoshanda senzvimbo dzokuzororera dzema“fur seal” uye shumba dzomugungwa

[Mufananidzo uri papeji 10]

Takabhururuka tiri mundege duku kubva kuSantiago, Chile

[Mufananidzo uri papeji 10]

Mhenderekedzo isina kuenzana yeChitsuwa cheRobinson Crusoe

[Mufananidzo uri papeji 10]

Horo yoUmambo ine mwero iri pachitsuwa chacho